Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Miitiro Yechinguvana—Chii Chiri Kukwezva Kwayo?
AVERY muduku ndemumwe wezviuru—zvimwe mamiriyoni—epwere idzo dzakapesvedzerwa zvikuru nomuitiro wechinguvana wakakurumbira wokupfeka maT-shirt ane zviga. Chokwadika, maT-shirt ane zviga ave aripo kwenguva refu; vabereki vako vangave vakaapfeka kunyange sepwere. Maererano nemagazini yeNewsweek, zvisinei, pane rutivi rutsva pauyu muitiro wechinguvana. Dzimwe pwere dziri ku“ratidzira [zvino] maT shirt ayo anoratidzira mashoko anobva zvakananga mumwero wakashatisisa.”
Hembe itsva dzine zviga izvo, zvizhinji zvacho zviri, zvisina kutongokodzera kudhindwa. Zvinovambira pakushora kwourudzi kusvika kutsinhiro dzakashata pamusoro pavakadzi. Vateveri veuyu muitiro wechinguvana vanoratidzika kuva vane itiro hanya duku pamusoro pokuti vamwe—kubatanidza vabereki vavo—vanonzwa sei pamusoro pezviga zvakashata. Apo Andrea ane makore 18 okukura akabvunza imwe pwere chikonzero nei yaipfeka hembe inoshatirisa zvikuru, “haana kuziva chokutaura, achingova nepembedzo bedzi sedzokuti, ‘Ndokwazvino uno’ uye ‘Munhu ari wose anoipfeka.’”
Mumakumi amakore akapfuura, mazana emiitiro yechinguvana akabata ngwariro yepwere. Mumwe wemiitiro yechinguvana yakakurumbira zvikuru—uye ine porofiti—yenguva dzose wakanga uri muitiro weHula-Hoop uyo wakava wakakurumbira muUnited States shure muma 1950. Dzokera shure makore mashomanene pakuvamba-vamba, uye kumedza goldfish uye kuona kuti vanhu vangani vangagona kukwana munzvimbo yokuchaira runhare zvakanga zvakakurumbira. Mumakore achangobva kupfuura aya, break dancing, majini akapera ruvara, maskateboard, uye “streaking” (kumhanya-mhanya usina kupfeka munzvimbo dzavose) zvose zvakava nenhambo dzazvo dzokuva zvakakurumbira. Mumwe munyori weBhaibheri akacherekedza, kuti: “Chiono chenyika ino chiri kuchinja.” (1 VaKorinte 7:31, NW) Nhasi, miitiro yechinguvana mizhinji—mimwe inovambira pane youpenzi kusvika kune ine ngozi—iri pari zvino mufashoni pakati pepwere.
Pwere Nemiitiro Yadzo Yechinguvana Yezvipfeko
Rangarira zvipfeko, somuenzaniso. Maererano nemagazini yeTime, nziyo dzerap (dzinowanzonzi hip-hop) “dziri pari zvino zvichida chinoendeswa kunze kwenyika chikuru cheAmerica chibviro chemicrochip, chinoparadzirwa, chinodokudzora, tsika dzepwere munyika yose.” Asi, sezvaunosanoziva, rap inopfuura kungova nziyo chete. Time inowedzera, kuti: “Rap chinhuwo chefashoni chenyika yose. Misiyano yomunzvimbomo yokupfeka kukuru mumigwagwa yeAmerica—mabhurukwa mahombe, mazishangu anodhura, majuzi ane heti dzinovhara kumeso, zvishongo zvinopenya—zvinooneka kwose kwose.” Kusimudzirwa kukuru zvikuru namapoka akakurumbira—uye kupfurikidza namavhidhiyo enziyo—zvakakuchidzira kudikanwa kunokura kwemiitiro yehip-hop.
Kutarisika kwezvipfeko zvihombe hakudhuri—asi mazishangu anovhara zviziso zvegumbo anowanzodhura zvikuru! Asi pwere zhinji dzinorangarira kuti kwakafanirwa nomutengo wacho. Mukuwirirana neimwe pwere inonzi Marcus, “kana usingapfeki zvipfeko zvihombe, hausi hip hop.”
Zvakangonaka nepwere dzine zvido zvinorerekera kuchitarisiko che“grunge” chakakurumbira. Majini akabvarurwa nehembe dzine mitsetse mitsetse izvo zvinosiyanisa iyi fashoni yomupfekero zvakaitwa zvakakurumbira namamwe mabhendi erock apachivande eAmerica. Mumwe munyori akadana “grunge” yacho kuti yunifomu “inoedzesera urombo.” Kuedzesera, zvirokwazvo. Fashoni yacho youchapa inogona kuva chinhu chipi nechipi asi chakachipa. Ipapo kune “retro-chic.” Maererano nemagazini yeCanada inonzi Maclean’s, aya “mafashoni anomutsidzira miitiro yechinguvana yomukupera kwama 1960 namakuvamba ama 1970.” Vakuru vanotarira mukushamisika kunotsausa sezvo pwere dzinoripa mitengo yakakwirira nokuda kwezvinhu zvomunhu oga—zvakadai seshangu dzakakwirira namabhurukwa ebheribhotomu—izvo zvinoratidzika kuva zvechinyakare senziyo dzedhisiko.
Ruzivo Rwakakwirira Fashoni Yakakwirira
Twumichina twokushevedzesa twomuhomwe twamagetsi, mumwe muenzaniso wenzira iyo pwere dzinofungidzira zvikuru dzinogona kuchinja chinodokuva chinhu chipi nechipi kuva fashoni yakakwirira. Pakuvamba twaishandiswa navanachiremba nedzimwe nyanzvi avo vanoramba vachishevedzwa, twumichina twokushevedzesa nokukurumidza twakava twakarovedzeka navatengesi vemirimo vomumaguta. Twumichina twokushevedzesa twakakuita kuve nyore nokuda kwavatengesi vemirimo kuronga misangano navatengi vanobvira. Maererano neThe New York Times, “kwakanga kwakapararira zvikuru kwaiva kushandiswa kwatwo zvokuti [twumichina twokushevedzesa twomuhomwe] twakava chiratidzo chetsika yemirimo.” Hakushamisi, ipapoka, kuti mitumbi inotarisira zvikoro munyika yose yakavamba kurambidza twumichina twokushevedzesa!
Zvisinei, nebudiriro duku. Twumichina twokushevedzesa twave twakakurumbira zvikuru pakati pepwere dzomuguta. Dzimwe dzinotwushandisira chinangwa chadzo chakarongwa, sezvinhu zvekurukurirano, kugonesa vabereki vadzo kuziva kwadziri zviri nani kana kuti kudzizivisa mumamirire ezvinhu ekurumidziro. Asi nokuda kwedzimwe pwere, twunhu twacho twunongova fashoni yokuva nayo. Maererano neTimes, “vaduku vari kuisa twumichina twokukurukura natwo mutwumabhegi, homwe dzamabhachi namabhande. Pane wachi dzokushevedzesa, tai dzokushevedzesa, penzura dzokushevedzesa, twumichina twokushevedzesa twebhuruu, pingi netwutsvuku, uye twumichina twokushevedzesa tworuvara rutemawo zvarwo netwushava.” Nepo vamwe vakuru vachiri vanobatanidza kamwe kamwe twumichina twokushevedzesa nokushandiswa kwemirimo, mumwe mukuru mukuru wamapurisa weNew York City anoti: “Chinongova chinhu chinotengwa nokukurumidza. Vashomanene vavana vanatwo vanoshandisa mirimo, asi voruzhinji havadaro. Unongova muitiro wechinguvana bedzi.”
Miitiro Yechinguvana—Ndeyechienzi Neine Ngozi
Nepo miitiro yechinguvana yezvipfeko ingagona kushivirirwa pazvakanakisisa uye kugumbura pane zvakashatisisa, mimwe miitiro yechinguvana yakakurumbira inoratidzika kuva inoputsa mitemo yose yechisarudzo chakanaka. Kuti vagowana chitarisiko chokutetepa chemimwe mienzaniso yakakurumbira, vasikana vaduku vazhinji vanotanga miitiro yechinguvana yokudya—nokufunga kuduku pamusoro pemigumisiro kuutano hwavo negarikano. “Kudya kwakaganhurirwa chishuvo chisina mufungo chenyika yose,” anonyora kudaro Alvin Rosenbaum. “Nzvera ndaza ipi neipi yamabhuku 10 anotengwa zvikuru uye uchawanzowana bhuku rokudya kwakaganhurirwa rakarongwa.” Rosenbaum anoonesa kuti mazhinji eaya mabhuku akakurumbira anosimudzira kudya kwomuitiro kwesimba rokuparira tapuro dzinopokanidzwa. Nyanzvi zhinji dzinoshora fashoni yokuva mutete nokuda kwokuwedzera kunovhiringidza muvhiringidziko dzokudya—dzakadai seanorexia nervosa—pakati pavaduku.a
Dzimwe nzira dzemiitiro yechinguvana dzokutsvindisa chitarisiko chomunhu oga dzingava dzine ngozi zvakaenzana—nedzechienzi. Maererano nenyaya yaiva muNewsweek, “kutemwa nyora, unyanzvi hwavasina kudzidza navasiri vapamutemo, kwave kuchipinda nenzira yakadzikama mumuitiro mukuru wefashoni.” Dzanyandurwa nemienzaniso vavatambi vomumabhaisikopo navaimbi veheavy-metal rock, dzimwe pwere dzinoshuva mukana wokuva nenyora dzokungwarira dzakaiswa zvechigarire pamiviri yadzo dzimene. Nyevero dzakapiwa navanachiremba pamusoro pengozi dzokuzvimba chiropa nokuita kwokutapurika kuingi dzenyora hadziratidziki kudzityisidzira.
Kana kuti zvakadiniko nezvomuitiro wechinguvana wechienzi unonzi kuboora muviri? Nepo nzeve dzakaboorwa dzingava muitiro nokuda kwavakadzi mudzimwe tsika, vamwe vakapfuura kuva nomufungo kwose ndokuita kuti maburi aitwe mundimi dzavo namakuvhu umo vanorembedzera namo zvishongo zvinokosha zvokuratidzira. Nokuda kwepwere ipi neipi yakatsunga kutsamwisa vabereki vayo, kwakaoma kusarudza chipi nechipi chinokatyamadza kupfuura ringi huru yemhino.
Miitiro Yechinguvana—Chii Chiri Seri Kwayo?
Bhuku rinonzi Adolescents and Youth rinorondedzera muitiro wechinguvana se“fashoni yenguva pfupi yapanhambo nenhambo yakafanana nechitendero. Miitiro ndeyechinguvana mukuwirirana nerondedzero uye isingadeyi kuonwa, uye yakapararira zvikurukuru pakati pavaduku.” Asi chii chaizvo icho chinoita kuti mamiriyoni epwere apfeke kamwe kamwe majini mahombe kana kuti kutakura twumichina twokushevedzesa? Vagadziri navazivisi vaizofara kuva nemhinduro yesayenzi kumubvunzo iwoyo. Nyaya yaiva mumagazini yeBritain inonzi The Economist yakabvuma, kuti: “Miitiro yechinguvana nemafashoni zvinoratidzika kuva zvinoramba tsananguro ine mufungo.”
Bhuku rinonzi Adolescents and Youth, zvisinei, rinopa tsananguro, richiti: “Zvinhu zvakasiyana-siyana zvingatsanangura mukurumbira wemiitiro yechinguvana: chishuvo chokukwezva ngwariro; kurudziro yokuwirirana neicho mapoka avaenzani anokoshesa; dikanwo yokuva vakasiyana savanhu uye samapoka ezera; uye kufadzwa nezvechienzi.” Mumwe mukomana muduku anongokutaura, achiti: “Chikoro chapamusoro [chikoro chesekondari] inguva yakanaka yokuita noupengo ndokukubudisa mumuitiro wako.”
Bhaibheri harishurikidzi mufambiro woupwere. Kutaura idi, rinoti: “Vanhu vaduku, farikanyai upwere hwenyu. Ivai vanofara muchiri vaduku. Itai zvamunoda kuita, uye teverai chishuvo chemwoyo yenyu.” Zvisinei, Bhaibheri rinotevera zano iroro neiyi nyevero: “Asi rangarirai kuti Mwari achakutongerai chipi kana chipi chamunoita.” (Muparidzi 11:9, Today’s English Version) Nemhaka yeiri zano rakakomba, pwere yechiKristu inofanira kuita sei kumiitiro yechinguvana yazvino uno? Unofanira kuva wokutanga here kugamuchira muitiro wechinguvana? Nyaya yedu inotevera muiyi nhevedzano ichagovera zano rinobetsera muna ikoku.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko pamusoro pevhiringidziko dzokudya, ona Mukai! yaJanuary 8, 1991. Onawo nyaya dza“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzaMay 8, 1994 nokuda kwamashoko akadzikama pamusoro pokuva mutete.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
“Idzi hembe . . . Munhu ari wose ari kudzipfeka.”Avery ane makore 17 okukura
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kuboora muviri nokutemwa nyora zvava zvakakurumbira zvikuru