RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 9/8 pp. 18-23
  • Kushandira Mwari Munzvimbo ine Ngozi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandira Mwari Munzvimbo ine Ngozi
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakakomborerwa Nokuwana Dzidzo Yakanaka
  • Sangano Idzva Rechitendero
  • Kusungwa Kwangu Kwekutanga
  • Musangano Wakanga Wakamirirwa Kwenguva Refu
  • Zviitiko Zvakatangira Kubhabhatidzwa
  • Chitambudzo Chitsva
  • Makore Mapfumbamwe Okutambura
  • Rusununguko, asi Kusungwa Zvakare
  • Kusunungurwa, asi Tichingotambudzwa
  • Rusununguko Rwekuparidza, Pakupedzisira!
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Ndaimboita Zvenyika asi Ndava muKristu Asina Kwaakarerekera
    Mukai!—2002
  • Mwari ave Achitibetsera
    Mukai!—1999
  • Kubva Muurombo Hwakanyanya Kwazvo Kuenda Kuupfumi Hunopfuura Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 9/8 pp. 18-23

Kushandira Mwari Munzvimbo ine Ngozi

Yakataurwa naJoão Mancoca

Musi wa25 June 1961, varwi vakavhiringidza musangano wedu wechiKristu muLuanda, Angola. Vane makumi matatu vedu takaendeswa kujeri ndokurohwa zvakaipisisa zvokuti varwi vacho vaidzoka hafu yeawa yega yega kuzoona kana paiva nomumwe ainge afa. Vamwe vavo vakanzwika vachitaura kuti Mwari wedu anofanira kuva wechokwadi, sezvo tose takararama.

TAROHWA kudaro ndakaramba ndiri mujeri remuSão Paulo kwemwedzi mishanu. Zvadaro, kwemakore mapfumbamwe akatevera, ndakachinjwa-chinjwa majeri ndokutambura kurohwa kuzhinji kwazvo, kunyimwa, uye kubvunzurudzwa. Nguva pfupi ndabudiswa mujeri muna 1970, ndakasungwazve, uye panguva iyi ndakaendeswa kumusasa werufu waiva nemukurumbira wakaipa kwazvo weSão Nicolau, zvino yava kunzi Bentiaba. Ndakachengetwa ipapo kwemakore maviri nehafu.

Ungashamisika kuti nei semugari wemunyika anoteerera mutemo ndaizosungirwa mhaka yokutaura nevamwe nezvezvandinotenda zvakavakirwa paBhaibheri nekwandakatangira kudzidza nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Ndakakomborerwa Nokuwana Dzidzo Yakanaka

Ndakaberekwa muna October 1925 pedyo neguta reMaquela do Zombo, kuchamhembe kweAngola. Pakafa Baba muna 1932, Amai vakandiendesa kuBelgian Congo (zvino yava Democratic Republic of Congo) kuti ndinogara nehanzvadzi yavo. Izvozvo hazvisirizvo zvavaida kuita chaizvoizvo, asi vakanga vasina machengetero avaindiita.

Sekuru vangu vaiva muBaptist, uye vakandikurudzira kurava Bhaibheri. Kunyange zvazvo ndakava nhengo yechechi yavo, nzara yangu yomudzimu haina kugutswa nezvandaidzidza, uye hazvina kumbondikurudzira kushandira Mwari. Zvisinei, sekuru vangu vakandiendesa kuchikoro ndokundibatsira kuwana dzidzo yakanaka. Pane zvimwe zvinhu, ndakadzidza kutaura chiFrench. Nokufamba kwenguva, ndakadzidzawo kutaura chiPutukezi. Ndapedza chikoro, ndakawana basa saradio telegraphist pachiteshi chikuru chenhepfenyuro muLéopoldville (zvino yava Kinshasa). Zvadaro, pandakanga ndava nemakore 20, ndakaroora Maria Pova.

Sangano Idzva Rechitendero

Gore iroro, 1946, ndakapesvedzerwa nemutungamiriri wekwaya akadzidza kwazvo wekuAngola aiva weChechi yeBaptist. Aida kwazvo kudzidzisa nokusimudzira vanhu vaitaura chiKikongo vaigara kuchamhembe kweAngola. Akanga awana shanduro yechiPutukezi yekabhuku kechiNgezi kainzi The Kingdom, the Hope of the World, kakanga kabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society uye kaparadzirwa neZvapupu zvaJehovha.

Mutungamiriri wekwaya wacho akashandurira kabhuku aka muchiKikongo ndokukashandisa pakutungamirira kukurukurirana Bhaibheri vhiki nevhiki neboka redu revanhu vekuAngola vaishanda muBelgian Congo. Nokufamba kwenguva, mutungamiriri wekwaya akanyorera dzimbahwe reWatch Tower Society muUnited States ndokugamuchira mamwe mabhuku. Zvisinei, mashoko aaitipa akanga akasangana nedzidziso dzemachechi. Saka, ndaisakwanisa kunyatsosiyanisa chiKristu chechokwadi nedzidziso dzisiri dzemagwaro dzechiKristudhomu.

Zvisinei, ndakacherekedza kuti, shoko reBhaibheri raiva mumabhuku eWatch Tower Society raiva rakasiyana nechinhu chipi nechipi chandakanga ndambonzwa muChechi yeBaptist. Somuenzaniso, ndakadzidza kuti Bhaibheri rinokoshesa kwazvo zita raMwari pachake, Jehovha, uye kuti nenzira yakakodzera vaKristu vechokwadi vanozviti Zvapupu zvaJehovha. (Pisarema 83:18; Isaya 43:10-12) Uyewo, mwoyo wangu wakafadzwa nechipikirwa cheBhaibheri cheupenyu husingaperi muparadhiso yepasi kune vaya vaizoshandira Jehovha vakatendeka.—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3-5.

Kunyange zvazvo ruzivo rwangu rwechokwadi cheBhaibheri rwaive rushoma, ndakanzwa sezvakaita muprofita Jeremia, uyo aisakwanisa kudzora chido chake chikuru chekuda kutaura nezvaMwari wake, Jehovha. (Jeremia 20:9) Nhengo dzeboka redu dzaidzidza Bhaibheri dzakabatana neni mukuparidza paimba neimba. Ndakatoitisa misangano yavose muchivanze chasekuru vangu, ndichishandisa mashoko ekukoka akataipwa kukoka vanhu. Pane imwe nguva vanhu vakawanda se78 vakapinda. Saka rimwe sangano idzva rechitendero rakatangwa richitungamirirwa nemutungamiriri wekwaya wekuAngola.

Kusungwa Kwangu Kwekutanga

Ndaisaziva kuti, sangano ripi neripi raiva rakabatana neWatch Tower Society rakanga rabhanwa muBelgian Congo. Saka, musi wa22 October 1949, vashomanana vedu vakasungwa. Tisati tatongwa, mutongi akataura neni pachivande uye akaedza kuronga kuti ndisunungurwe, sezvo aiziva kuti ndaiva mushandi wehurumende. Asi kuti ndisunungurwe, ndaizofanira kunge ndasiya sangano rakanga raumbwa nemhaka yekuparidza kwedu, uye ndakaramba kuita izvi.

Papfuura mwedzi miviri nehafu ndiri mujeri, zviremera zvakasarudza kudzosera isu vaiva vekuAngola kunyika yedu. Zvisinei, patakadzokera kuAngola, zviremera zvematongerwe enyika zvokuPortugal zvaitidzora zvakanyumwirawo zvataiita ndokuganhurira rusununguko rwedu. Nhengo dzesangano redu dzakawanda dzakasvika dzichibva kuBelgian Congo, uye gare gare pakange pave nevanopfuura 1 000 vedu vakanga vakapararira muAngola yose.

Nokufamba kwenguva, vateveri vemutungamiriri wechitendero aiva nemukurumbira Simon Kimbangu, vakabatanidzwa musangano redu. Vanhu ava vaisafarira kudzidza mabhuku eWatch Tower Society, sezvo vaidavira kuti Bhaibheri raigona kutsanangurwa nesvikiro chete. Vakawanda vemusangano redu vakatsigira pfungwa yakadaro, kubatanidza mutungamiriri wekwaya, uyo akanga achiri kuonekwa semutungamiriri wedu. Ndakanyengetera nemwoyo wose kuti Jehovha aite kuti tionane nemumiririri wechokwadi weWatch Tower Society. Ndaitarisira kuti izvi zvaizogutsa sangano redu rose kubvuma chokwadi cheBhaibheri ndokusiya maitiro asiri emumagwaro.

Dzimwe nhengo dzesangano racho dzakavenga kuparidza kwaiitwa nevamwe vedu vashomanana. Saka dzakatitengesa kuzviremera ndokutipomera kuva vatungamiriri vesangano rezvematongerwe enyika. Somugumisiro, muna February 1952 vanoverengeka vedu vakasungwa, kubatanidza Carlos Agostinho Cadi naSala Ramos Filemon. Takavharirwa muchitokisi chisina mahwindo. Zvisinei, mumwe muchengeti wejeri ane ushamwari akatiunzira zvokudya zvaibva kuvadzimai vedu pamwe chete netapureta kuitira kuti tigone kutaipa makopi akawanda etwumabhuku tweWatch Tower Society.

Mavhiki matatu apera takaendeswa kuBaia dos Tigres, nzvimbo iri gwenga kumaodzanyemba kweAngola. Vadzimai vedu vakatiperekedza ikoko. Takatongerwa kushanda zvakaoma kwemakore mana, tichishandira kambani yekubata hove. Baia dos Tigres yaiva isina zviteshi zvemagwa ekuraura, saka vadzimai vedu vaifanira kufamba vachienda nokudzoka vakatakura mitoro inorema yehove dzaibva mumagwa kubvira mangwanani kusvikira usiku.

Mumusasa wejeri iri, takawana dzimwe nhengo dzesangano redu ndokuedza kudzinyengetedza kuti dzipfuurire kudzidza Bhaibheri. Asi dzakasarudza kutevera Toco, mutungamiriri wekwaya. Nokufamba kwenguva, dzakasvika pakudanwa kunzi vaToco.

Musangano Wakanga Wakamirirwa Kwenguva Refu

Tiri muBaia dos Tigres, takawana kero yebazu reWatch Tower Society reNorthern Rhodesia (zvino yava Zambia) ndokunyorera tichikumbira rubatsiro. Tsamba yedu yakaendeswa kubazu reSouth Africa, iro rakazotinyorera tsamba, richibvunza matangire atakange taita kufarira chokwadi cheBhaibheri. Dzimbahwe reWatch Tower Society, muUnited States, rakaudzwa nezvedu, uye gadziriro dzakaitwa dzekutumira mumiririri chaiye kuti azoonana nesu. Aiva John Cooke, mufundisi ave achiita basa iri kwemakore akawanda munyika dzekumwe.

Hama Cooke pavakasvika muAngola, zvakavatorera mavhiki anoverengeka zviremera zvechiPutukezi zvisati zvavabvumira kutishanyira. Vakasvika paBaia dos Tigres musi wa21 March 1955, uye vakabvumirwa kugara nesu kwemazuva mashanu. Tsananguro dzavo dzeBhaibheri dzainyatsogutsa, uye ndakabvuma kuti vaimiririra sangano rechokwadi rimwe bedzi raJehovha Mwari. Pazuva rokupedzisira rekushanya kwavo, Hama Cooke vakapa hurukuro yavose yaiva nemusoro waiti “Aya Mashoko Akanaka oUmambo.” Vanhu vose vaivapo vaiva 82, kubatanidza mutarisiri mukuru weBaia dos Tigres. Mumwe nomumwe aivepo akapiwa kopi yakadhindwa yehurukuro yacho.

Munguva yavakagara muAngola kwemwedzi mishanu, Hama Cooke vakaonana nevaToco vakati wandei, kubatanidza mutungamiriri wavo. Zvisinei, vazhinji vavo vaisafarira kuva Zvapupu zvaJehovha. Saka, ini neshamwari dzangu takanzwa tichisungirwa kuita kuti zviremera zvijekerwe nezvatinotsigira. Takaita izvozvi netsamba, yaiva yakanyorwa musi wa6 June 1956, uye yakanyorerwa kuna “Anoremekedzwa Gavhuna weRuwa rweMoçâmedes.” Takataura kuti takange tisisina kubatana kupi nekupi nevateveri vaToco uye kuti taifanira kuonekwa se“nhengo dzeSosaiti yeZvapupu zvaJehovha.” Takakumbirawo kupiwa rusununguko rwekunamata. Asi, panzvimbo pokuti mutongo wedu uderedzwe, wakawedzerwa nemakore maviri.

Zviitiko Zvakatangira Kubhabhatidzwa

Pakupedzisira takasunungurwa muna August 1958, uye patakadzokera kuLuanda, takawana boka diki reZvapupu zvaJehovha. Rakanga ratangwa gore rakanga rapfuura racho naMervyn Passlow, mumwe mufundisi akanga atumirwa kuAngola kuzotsiva John Cooke uyo ainge atodzingwa munyika yacho panguva yatakazosvika. Uyezve, muna 1959, Harry Arnott, mumwe mufundisi weZvapupu zvaJehovha, akashanya. Zvisinei, akasungwa achangoburuka panhandare yendege, sezvakangoitwawo vatatu vedu vakanga vakamirira kusangana naye.

Vamwe vaviri vacho, Manuel Gonçalves naBerta Teixeira, Zvapupu zvechiPutukezi zvakanga zvichangobva kubhabhatidzwa, vakasunungurwa vanyeverwa kusaitazve misangano ipi neipi. Hama Arnott vakadzingwa munyika yacho, uye ini ndakanyeverwa kuti kutoti ndikasaina pepa rinozivisa kuti handisichirizve Chapupu, ndaizodzoswazve kuBaia dos Tigres. Ndabvunzurudzwa kwemaawa manomwe, ndakasunungurwa ndisina kumbosaina chinhu chipi nechipi. Vhiki rimwe gare gare ndakakwanisa kubhabhatidzwa pakupedzisira, sezvakaitwawo shamwari dzangu Carlos Cadi naSala Filemon. Takarenda kamuri muMuceque Sambizanga, sabhabhu remuLuanda, yakazova nzvimbo yeungano yekutanga yeZvapupu zvaJehovha muAngola.

Chitambudzo Chitsva

Vanhu vanofarira vakawanda vakatanga kupinda misangano. Vamwe vakauya kuzotisora, asi vakanakidzwa nemisangano uye gare gare vakava Zvapupu zvaJehovha! Zvematongerwe enyika zvakanga zvichichinja, uye mamiriro ezvinhu akatiomera kwazvo pakaitika kumukira kweurudzi musi wa4 February 1961. Pasinei zvapo nenhema dzaitaurwa nezvedu, musi wa30 March takabudirira kuchengeta Chirangaridzo cherufu rwaKristu, uye vanokwana 130 vakapinda.

Muna June, pandakange ndichiitisa Fundo yeNharireyomurindi, musangano wedu wakavhiringidzwa nemapurisa evarwi. Vakadzi nevana vakasiyiwa, asi varume 30 vakatakurwa, sezvataurwa pakutanga. Takarohwa kwemaawa maviri netsvimbo. Ndakarutsa ropa kwemwedzi mitatu yakazotevera. Ndaiva nechokwadi chokuti ndaizofa; chokwadi, uya akanga andirova akavimbisa kuti ndaizodaro. Vakawanda vevakarohwa vaiva vatsva, vadzidzi veBhaibheri vasina kubhabhatidzwa, saka ndakanyengetera nemwoyo wese ndichivamiririra: “Jehovha, chengetai makwai enyu.”

Nemhaka yaJehovha, hapana nemumwe wavo akafa, izvo zvakashamisa varwi. Zvakaita kuti mamwe emasoja aya arumbidze Mwari wedu, wavaiti akanga atigonesa kurarama! Vakawanda vevadzidzi veBhaibheri gare gare vakava Zvapupu zvakabhabhatidzwa, uye vamwe zvino vanobatira sevakuru vechiKristu. Mumwe wavo, Silvestre Simão, inhengo yeDare reBazu rekuAngola.

Makore Mapfumbamwe Okutambura

Sezvandataura pakutanga, ndakatambura munzira dzakawanda mumakore mapfumbamwe akatevera uye ndakachinjwa-chinjwa majeri kana kuti misasa yechibharo. Munzvimbo dzose idzi, ndaigona kupupura kuvasungwa vezvematongerwe enyika, vakawanda vavo nhasi vari Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Mudzimai wangu, Maria, nevana vedu vaibvumirwa kundiperekedza.

Pataiva kumusasa wechibharo weSerpa Pinto, vasungwa vana vezvematongerwe enyika vakabatwa vachiedza kutiza. Vakatambudzwa noutsinye kusvikira vafa pamberi pevasungwa vose kuvatyisidzira kuti vasambofa vafunga nezvekutiza. Mukuru mukuru wemusasa wacho gare gare akandityisidzira pamberi paMaria nevana achiti: “Kana ndikakubata uchiparidza zvakare, uchaurayiwa nenzira imwe chete yaitwa vaya vange vachiedza kutiza.”

Pakupedzisira, muna November 1966, takagumisira tava pane wakanga wava musasa werufu wakaipisisa weSão Nicolau. Patakasvika ikoko, ndakatya pandakaona kuti mutarisiri wemusasa aiva VaCid, murume akanga andirova zvokundiuraya kujeri rekuSão Paulo! Vakawanda vaipondwa nenzira yakarongwa mwedzi wega wega, uye mhuri yangu yaimanikidzwa kutarisa kuuraya kweutsinye. Somugumisiro, Maria akatambura kusashanda zvakanaka kwepfungwa uko kwaasati anyatsonaya. Gare gare, ndakagona kutenderwa kuti iye nevana vaendeswe kuLuanda, uko vanasikana vangu vaviri vakuru, Teresa naJoana, vakavatarisira.

Rusununguko, asi Kusungwa Zvakare

Ndakasunungurwa gore rakatevera racho, muna September 1970, uye ndakabatanidzwa zvakare nemhuri yangu nehama dzose muLuanda. Misodzi yakati mokoto pandakaona kufambira mberi kwakanga kwaita basa rokuparidza mukati memakore mapfumbamwe ndisipo. Pandakaendeswa kujeri muna 1961, ungano yaiva muLuanda yaiumbwa nemapoka madiki mana. Zvino makanga mava neungano huru ina, dzakanyatsorongeka uye dzaibatsirwa mwedzi mitanhatu yega yega nemumiririri anofambira wesangano raJehovha. Ndakafara kwazvo kusununguka, asi rusununguko rwangu rwakava rwenguva pfupi.

Rimwe zuva mukuru mukuru weyaimbova Police for Investigation and Defense of the State (PIDE) akandidana. Andirumbidza zvenhema mwanasikana wangu Joana aripo, akandigamuchidza gwaro kuti ndisaine. Raida kuti ndishande semusori wePIDE ndokundivimbisa zvinhu zvakawanda semubayiro webasa rangu. Pandakaramba kusaina, ndakatyisidzirwa nekunzi ndaizodzoswa kuSão Nicolau, kwandakaudzwa kuti, handaizosunungurwa zvakare.

Muna January 1971, mwedzi mina chete ndasunungurwa, zviye zvavaityisidzira kuita vakazozviita. Vose pamwe chete, vakuru vechiKristu 37 vemuLuanda vakasungwa ndokuendeswa kuSão Nicolau. Vakaramba vakapfigirwa mujeri kutozosvikira muna August 1973.

Kusunungurwa, asi Tichingotambudzwa

Muna 1974 rusununguko rwechitendero rwakaziviswa muPortugal, uye gare gare rusununguko urwu rwakasvika mumaruwa echiPutukezi aiva mhiri kwemakungwa. Musi wa11 November 1975, Angola yakawana rusununguko kubva kuPortugal. Zvakatifadza sei muna March wegore iroro kuva nemagungano edu edunhu ekutanga takasununguka! Ndakava neropafadzo yokupa hurukuro yavose pakuungana kwose uku kunofadza paSports Citadel muLuanda.

Zvisinei, hurumende itsva, haina kuwirirana nekusapindira kwedu mune zvematongerwe enyika, uye hondo yevagari vemo yakatanga muAngola yose. Mamiriro ezvinhu acho akaoma kwazvo zvokuti Zvapupu zvechichena zvakamanikidzirwa kutiza munyika yacho. Isu vatatu hama dzemunyika iyoyo takapiwa mutoro wokutarisira basa rokuparidza muAngola, tichitungamirirwa nebazu reZvapupu zvaJehovha rekuPortugal.

Nenguva isipi zita rangu rakatanga kubuda mumapepanhau uye rakatepfenyurwa munhepfenyuro. Ndakapomerwa semumiririri wehurumende inodzora vanhu vemarudzi ose uye mhosva yekuramba kurwa kweZvapupu zvekuAngola. Somugumisiro, ndakadanwa kuti ndinomira pamberi pagavhuna wokutanga weruwa rweLuanda. Noruremekedzo, ndakamutsanangurira kusapindira mune zvematongerwe enyika kweZvapupu zvaJehovha munyika yose, sezvakaitwa nevateveri vokutanga vaJesu Kristu. (Isaya 2:4; Mateo 26:52) Pandakataura kuti ndakange ndapedza makore anopfuura 17 ndiri mumajeri nemumisasa yezvibharo munguva yokutonga kwehurumende yaidzorwa nePortugal, akasarudza kusandisunga.

Mumazuva iwayo, zvaida kushinga kubatira seChapupu chaJehovha muAngola. Sezvo imba yangu yaiongororwa, taifanira kurega kuishandisa kuitira misangano. Asi sezvakataurwa nemuapostora Pauro, ‘taimanikidzwa munzira dzose, asi hatina kumanikidzika zvokusagona kufamba.’ (2 VaKorinte 4:8) Hatina kumborega kuita ushumiri hwedu. Ndakapfuurira mubasa rokuparidza, ndichibatira semushumiri anofambira nokusimbisa ungano mumaruwa eBenguela, Huíla, neHuambo. Panguva iyoyo ndaishandisa rimwe zita, rokuti Hama Filemon.

Muna March 1978 basa redu rokuparidza rakabhanwa zvakare, uye ndakarumwa nzeve nevamwe kuti vamwe vanonyanyisa vevarwiri verusununguko vakanga vari kuronga kundiuraya. Saka ndakatizira mumusha wechimwe Chapupu chokuNigeria chaishanda panomirirwa nyika yeNigeria muAngola. Mwedzi mumwe chete gare gare, mamiriro ezvinhu paakanga adzikama, ndakapfuurira kubatira hama semutariri wedunhu.

Pasinei zvapo nekubhanwa uye hondo yevagari vemo, zviuru zvevanhu vemuAngola zvakagamuchira kuparidza kwedu. Nemhaka yekuwedzera kwakanaka kwenhamba yevaiva Zvapupu, dare renyika rakagadzwa kuti ritarisire basa rokuparidza muAngola, richitungamirirwa nebazu rePortugal. Panguva iyi, ndakaita nzendo dzakawanda kuPortugal, kwandakawana kurovedzwa kunokosha kubva kuvashumiri vanokwanisa, nekutarisirwa kweutano kwaidiwa.

Rusununguko Rwekuparidza, Pakupedzisira!

Pandaiva mumisasa yezvibharo, vasungwa vezvematongerwe enyika vaindinyomba kakawanda uye vachitaura kuti handaizombofa ndasunungurwa kana ndikapfuurira kuparidza. Asi ndaipindura kuti: “Haisati yava nguva yaJehovha yokuvhura musiwo, asi kana adaro, hapana munhu anogona kuuvhara.” (1 VaKorinte 16:9; Zvakazarurwa 3:8) Musuo iwowo wemukana wokuparidza zvakasununguka wakazarurwa kwazvo Soviet Union yaparara muna 1991. Panguva iyoyo takatanga kuwana rusununguko rwekunamata rwakanyanya muAngola. Muna 1992 basa reZvapupu zvaJehovha rakatenderwa zvepamutemo. Pakupedzisira, muna 1996 bazu reZvapupu zvaJehovha rakavambwa muAngola, uye ndakagadzwa senhengo yeDare reBazu.

Mumakore angu akawanda ekuiswa mujeri, mhuri yangu yaitarisirwa nguva dzose munzira yakati. Taiva nevana vatanhatu, uye vashanu vavo vachiri vapenyu. Joana wedu anodiwa akafa nekenza gore rakapera. Pavana vedu vasara vana vavo Zvapupu zvakabhabhatidzwa, asi mumwe mwana wedu haasati atora nhanho yokubhabhatidzwa.

Hama Cooke pavakatishanyira muna 1955, vose pamwe chete vaizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari muAngola vaiva vana. Nhasi kune vazivisi voUmambo vanopfuura 38 000 munyika yacho, uye vari kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinopfuura 67 000 mwedzi wega wega. Pakati pevari kuparidza mashoko akanaka pane vakawanda vevaya vakambotitambudza. Izvi zvinofadza zvakadini, uye ndinoonga Jehovha zvakadini nokundichengeta ndokundibvumira kuzadzika chido changu chikuru chokuzivisa shoko rake!—Isaya 43:12; Mateo 24:14.

[Mepu iri papeji 20, 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Democratic Republic of Congo

Kinshasa

Angola

Maquela do Zombo

Luanda

São Nicolau (zvino yava Bentiaba)

Moçâmedes (zvino yava Namibe)

Baia dos Tigres

Serpa Pinto (zvino yava Menongue)

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Pasi: NaJohn Cooke muna 1955. Sala Filemon ari kuruboshwe

Kurudyi: Kubatanidzwa zvakare naJohn Cooke papfuura makore 42

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nemudzimai wangu, Maria

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe