Dovi—Kushandiswa Kwaro muAfrica
NEMUNYORI WEMUKAI! MUCENTRAL AFRICAN REPUBLIC
MUNYIKA dzekuMadokero dovi rinowanzoonekwa sechimwe chinhuwo zvacho chekuisa pachimedu chechingwa. Zvisinei, mune dzimwe nyika dzemuAfrica, chaizvoizvo rinoita basa guru muupenyu hwezuva nezuva. Zvakadaro sei?
MuCentral Africa, zvokudya zvakawanda zvinozivikanwa zvinoiswa dovi. Muno, kufanana nemudzimwe nyika dziri kubudirira, furawa noupfu hwakatsetseka—zvokubikisa zvinoita kuti muto ukorerere—zvinowanzonetsa kuwana. Saka kazhinji dovi rinoshandiswa kuzvitsiva.
Zvisinei, haisi nhau yekungotenga gaba redovi muchitoro chiri pedyo. Imomo rinotengeswa richiyerwa nechipunu, uye rinodhura zvikuru. Nokudaro madzimai akawanda emuAfrica anosarudza kugadzira rao ega. Maitirwo ebasa iri rakaoma anonakidza zvikuru. Mashoko anotevera akawanwa nokutaura nemadzimai anoverengeka emuAfrica.
Kurima Nzungu
Sezviri pachena, nzungu chirimwa chisinganetsi kutarisira. Basa rakaoma riri pakugadzirira munda. Izvi zvinoitwa panovamba mwaka wokunaya kwemvura apo pasi panenge pachakaoma. Muna April nzungu dzinodyarwa nemaoko, uye kana mvura ikanaya nokukurumidza, “nzungu” dzinogona kukohwewa pakupera kwaAugust kana kuti kutanga kwaSeptember.
Nzungu chaizvoizvo haisi goko asi imhodzi iri mukati megoko—iri muboka repizi. Nzungu hadzimeri mumiti, sezvaungafunga; asi kuti dzinomera patwudzinde twudiki-diki, twunokwanisa twega kugadzira michero yatwo muvhu. Saka dzinozivikanwa nevakawanda senzungu kana kuti matere.
MuCentral Africa munda unowanzorimwa nzungu unenge wakareba anenge mamita 90 uye kufara mamita 50. Vamwe vanhu vakadzirima mumunda mudiki pedyo nemba yavo. Kapadza kane mupini mudiki kana kuti chimwango chinowanzoshandiswa kugadzira munda wacho. Izvi zvinogona kubatanidza kutamburira kunotyora musana! Chirimwa ichi chinoda kutarisirwa zvikuru, kunyanya pakutanga. Munda unofanira kurindwa kuitira kuti mbeva dzisachera ndokudzidya. Uye ivhu rinoda kutimbirwa uye kubviswa masora.
Munda unoda kurindwa kunyanya kana nguva yokukohwa yosvika. Vana vanogona kunzi varinde kana kukohwa kwava pedyo. Mumwe mudzimai akati muvakidzani wake akawana madzinde enzungu ari mumiti yaiva pedyo. Tsoko dzainge dzaatakura uye dzamudyira munda!
Kakawanda kukohwa ibasa remhuri. Munhu wose anoenda kumunda kuzobatsira. Zvirimwa zvacho zvinodzurwa nemaoko uye zvinoregwa kuti zviome, uye nzungu dzinotanhaurwa dzoendeswa kumba dziri mutswanda huru, dzotakurwa pamusoro nevari kukohwa.
Zvadaro nzungu dzacho dzinoitwa sei? Pashure pokunge dzasukwa, dzinobikwa mumvura ine munyu. Dzimwe dzinodyiwa pakarepo nemhuri, asi zhinji dzacho dzinochengetwa kuti dzizoshandiswa gare gare pakubika. Dzinonanikwa pachivanze chakatsvairwa pedyo nemba ndokuregwa kuti dzinyatsooma. Mumwe munhu anofanira kudzirinda kudzivisa mbudzi dzinongombeya-mbeya kuti dzisadya.
Kana nzungu dzaoma, dzinochengeterwa mudura rakagadzirwa neuswa uye ivhu rakavakirwa pamusoro pemapango. Izvi zvinoita kuti nzungu dzirambe dzakaoma, uyewo dzinodzivirirwa pamakonzo nevana vangave vachitsvaka chokudya Amai pavanenge vachiri kushanda kumunda.
Kubva Pakuva Nzungu Kukuva Dovi
Nzungu dzinofanira kumenywa dzisati dzagadziriswa dovi. Dzinobva dzakangwa, kazhinji murwaenga rwakafara, rwakati se-e pamoto wehuni wakaderera unoveserwa pasi. Izvi zvinoita kuti dzinhuwirire uye dzisanetse kutsukuta. Nzungu dzacho dzinoregwa kuti dzitonhore, uye dzinotsukutwa. Muchina wekugaya unobva washandiswa kugaya nzungu dzakakangwa kuti dzive dovi. Kana muchina usingawaniki, mukadzi anodziisa paguyo guru ndokudzikuya nebhodhoro kana kuti huyo.
Dovi racho rinokurumidza kushandiswa kukodza muto, kazhinji muzvokudya zvinobikwa mupoto imwe chete uye zvinodyiwa pamwe chete nemufarinya, nemuriwo, kana kuti nemupunga. Kana uri kushamisika kuti zvokudya zvinoiswa dovi zvinonaka sei, wadii waedza kumbozvibika?
Unogona kutevedzera mabikiro anozivikanwa uye bika nyama ine hanyanisi, gariki, uye madomasi omubhodhoro. Bika kusvikira nyama yaibva, wobva waisa muriwo wakachekererwa kana uchida. Zviri pamoto, kurungira twumvura twushoma mudovi kuti ugadzire gwatakwata—inenge kapu imwe pakirogiramu yega yega yenyama—wokurungira munyama. Zvisiye pamoto unopisa kwemaminiti gumi kana kudarika kuitira kuti dovi riibve. Kana muto usina kunyatsokora kusvika paunoda, wedzera rimwe dovi. Runga kuti zvinake. Kana uchida kuti zvivavire, unogona kuisa tumhiripiri.
Vakawanda vanonakirwa zvikuru nezvokudya izvi kana zvikadyiwa nemupunga! Kunyange zvokudya zvako zvingasave chaizvoizvo, uchawana ruzivo rwakananga rwekushandiswa kwedovi—kushandiswa kwaro muAfrica!
[Mufananidzo uri papeji 16]
Nzungu dzinokohwewa, dzoendeswa kumba kuti dzimenywe nekukuyiwa