Ramangwana Rakachengeteka Pakupedzisira!
“Nyika yose yozorora, yanyarara; [vanhu] vanofara nokuimba.”—ISAYA 14:7.
“NYIKA yedu ndeyehofori dzenyukireya nesvava dzetsika. Tinoziva zvakawanda nezvehondo kudarika zvatinoziva nezverugare, zvakawanda nezvekuuraya kudarika zvatinoziva nezvekurarama.” Mashoko iwayo, akataurwa neMukuru mukuru weMauto weUnited States muna 1948, anotiyeuchidza zvinotaurwa neBhaibheri, kuti: ‘Munhu ane simba pamusoro pomumwe anomuitira zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Kana vanhu vaine zvombo zvenyukireya, vanogona kuita zvakaipa kudarika kungokuvadza vamwe vanhu; vanogona kutovaparadza!
Vanhu vakawanda vanobvumirana kuti kuva nezvombo zvenyukireya uye kuzvishandisa kwakaipa kana toreva nezvetsika. Somuenzaniso, Lee Butler, aimbova mukuru mukuru weAir Force akarega basa akati: “Kungova nechombo chenyukireya mudura remumwe munhu kunoramba kuchitiudza kuti tinogona kufungidzira mamiriro ezvinhu apo . . . sezvineiwo tinogona kupa chikonzero chekushandisa chombo ichocho. Izvozvo zvakangoipa.”
Kunyange zvakadaro, munyori wepepanhau wekuBritain Martin Woollacott anoti: “Zvombo zvenyukireya zvinoramba zvichikwezva, pasinei nezvingataurwa nevanoti vanoziva uye nyanzvi dzetsika pamusoro pekusabatsira kwazvo uye kuparadza kwazvo. Hurumende dzinodavira kuti dzinozvida kuitira kuzvidzivirira kunonzwisisika; uyewo dzinoramba dzinazvo nokuti zvombo zvenyukireya pasina mubvunzo zvine kamushonga kakati ako vezvematongerwe enyika uye varwi vanoziva uye vanoda kuva nako.”
Ichokwadi kuti mumakumi mashanu emakore apfuura, munhu akwanisa kudzivisa hondo yenyukireya. Asi munguva imwe chete iyoyo, zvombo zvidiki zvakashandiswa kuuraya zviuru zvakawanda zvavanhu. Tichifunga nezvenhoroondo yevanhu, zvinonzwisisika kufungidzira kuti, pane imwe nguva, izvi zvombo zvinotyisa zvenyukireya zvingashandiswa.
Zvikonzero Zviri Seri
Kuda kurwa kwemunhu kunogona kuderedzwa here? Vamwe vanoti vanhu vanorwa hondo nemhaka youpenzi, udyire, uye kuda chisimba kusina kufanira. “Kana zvirizvo zvinokonzera hondo,” inodaro nyanzvi Kenneth Waltz, “saka kubviswa kwehondo kunofanira kuunzwa nekusimudzira uye kudzidzisa vanhu.”
Vamwe vanoti zvinokonzera hondo zviri mumamirire ematongerwe enyika pasi rose. Sezvo nyika yoga yoga ine chiremera ichitevera zvinodiwa nevanhu vayo pachayo, kurwisana kunotozovapo chete. Sezvo pasina nzira yenguva dzose, yokuvimba nayo yokupedza misiyano, hondo dzinomuka. William E. Burrows naRobert Windrem vakanyora mubhuku ravo rinonzi Critical Mass kuti: “Nyaya yezvematongerwe enyika inonetsa. Hapana hurumende inokwanisa kudzora zvinobudirira pasina chisarudzo chakahwanda chezvematongerwe enyika chekumisa kana kutoti kuderedza kuwanda kwezvombo zvikuru.”
Funga nezvehurukuro dziri kuramba dzichiitwa dzekuti Comprehensive Test Ban Treaty ishande. Guardian Weekly yakazvitsanangura se“musangano mukuru wokubvumirana pakati pemasimba enyukireya nehurumende dzinotova nezvombo zvenyukireya kana kuti dzinokwanisa kuzvigadzira nokukurumidza.” Nyaya imwe chete inobvuma kuti: “Hapana [boka] rakaronga kurega zvombo zvenyukireya kana kuti kukwanisa kwaro, kana kuti zvisarudzo zvose zvekuvandudza zvombo kana kuti kukwanisa.”
Sezviri pachena, kubatana kwenyika yose kunodiwa kana kutyisidzira kwose kwenyukireya kuchizobviswa. Rinodaro bhuku rinonzi Critical Mass: “Saka kuvimbana kunofanira kutsiva kunyatsoziva kuti vanogona kuurayana [mutual assured destruction] kwose kwose, . . . kana kuti ngwavaira ichauya pane imwe nguva.” Nenzira isingafadzi, kudyidzana munyika yose nekukurukurirana nhasi kakawanda zvinoratidza zvakarondedzerwa nomuprofita Dhanieri mazana 26 emakore akapfuura, kuti: ‘Vanoreva nhema vari patafura imwe.’—Dhanieri 11:27, Byington.
Kubatana Mupasi Rose Mukutonga kweHurumende Yenyika
Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotisimbisira kuti Mwari pachake ane chinangwa chokuti pasi rose ribatane zvechokwadi mukutonga kwehurumende yenyika inobudirira zvikuru. Mamiriyoni akanyengeterera hurumende iyi asingazivi paakataura Munyengetero waShe wokuti: “[Umambo] hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:10) Umambo ihurumende. Uye Musoro wehurumende yoUmambo ihwohwo ndiye Muchinda Worugare, Jesu Kristu. Shoko raMwari rinotisimbisira kuti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo . . . Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” (Isaya 9:6, 7) Bhaibheri rinopikira nezvehurumende iyoyo inotongwa naJesu kuti: “[I]chaputsanya nokuparadza [umambo] uhwo hwose,” kana kuti hurumende dzavanhu.—Dhanieri 2:44.
Iyi hurumende yenyika ichaunza rugare rwechokwadi nokuchengeteka—asi haizoshandisi kutyisidzira kwenyukireya kana kuti zvibvumirano zvisingavimbiki zvezvombo. Pisarema 46:9 inoprofita kuti Jehovha Mwari “unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.” Nzira dzokusiirira hadzizobvumidzwi. Umambo hwaMwari hunotongwa naKristu huchaita zvinopfuura kuderedza nhamba yezvombo zvenyukireya—ichazvibvisa zvachose uye zvimwe zvombo zvose zvehondo.
Hakuzovi nokutyisidzira kwenyukireya nokuti hakuzovi nenyika dzine simba guru, hakuzovi nemarudzi anonyengera, hakuzovi nemagandanga. Rugare rwechokwadi ruchavapo: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” Mashoko aya akafuridzirwa naMwari asingarevi nhema.—Mika 4:4; Tito 1:2.
Maererano naPisarema 4:8, rugare rwechokwadi nekuchengeteka zvinowanikwa bedzi mugadziriro yaJehovha Mwari, yokuti: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa paka[chengeteka].” Sezvaratidzirwa nenhoroondo yevanhu inorwadza, vimbiso dzose dzo“rugare noku[chengeteka]” kunze kwedzinoitwa neUmambo hwaJehovha dzinongova dzenhema bedzi.—Enzanisa na1 VaTesaronika 5:3.
‘Runyararo Nokuchengeteka’
Asi zvakadini nounhu hwomunhu hwokuda kurwa? “Vanhu vagere munyika va[cha]dzidza zvakarurama.” (Isaya 26:9) Murayiridzo wakadaro mukururama uchatapura zvikuru unhu hwevanhu uye mugariro wenyika: “Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara no[kuchengeteka] nokusingaperi.” (Isaya 32:17) Kuda hasha kwose kana kuti unhu hwechisimba hwokuberekwa nahwo zvichatsiviwa nokuda muvakidzani uye kuva nehanya kuti zvinhu zvinake. Vagari vepasi “vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
Mumutauro wouprofita Isaya akafanotaura kuti vanhu vanoita zvoumhuka vachachinjwa. Akataura nezvenguva apo “nyika ichazara nokuziva Jehovha.” Somugumisiro, “bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. . . . Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene.”—Isaya 11:6-9.
Kudavira izvi zvakapikirwa naMwari kwakaita kuti Zvapupu zvaJehovha zvive netariro muupenyu. Patinotarira remangwana, hationi pasi raparadzwa nenyukireya. Asi, tinoona kuzadzika kwezvakapikirwa neBhaibheri zvokuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Vamwe vangati kutenda kwakadaro hakuna musoro uye hakusi kwechokwadi. Asi chaizvoizvo ndiani asina musoro? Uyo anotenda zvakapikirwa naMwari kana kuti uyo anodavira vimbiso dzenhema dzevezvematongerwe enyika here? Kuvanoda rugare zvechokwadi, mhinduro iri pachena.a
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha zvabatsira mamiriyoni kuwana mashoko eBhaibheri etariro zvichishandisa fundo yeBhaibheri yepamusha yepachena. Unogona kuronga kuti zvikushanyire kana ukanyora tsamba kuvabudisi vemagazini ino kana kuti kushanyira Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo newe.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
“Rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4
[Mifananidzo iri papeji 9]
Munyika itsva yaMwari, mhuri dzicha‘gara mukuchengeteka,’ uye zvombo zvose zvichabviswa
[Mufananidzo uri papeji 10]
Unhu hwokuda kurwa huchabviswa sezvo vanhu vanodzidza ndokushandisa Shoko raMwari, Bhaibheri