RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 7/8 pp. 26-27
  • Kudada Kwakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudada Kwakaipa Here?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudada Kunokuvadza
  • Kune Kudada Kwakarurama Here?
  • Mubayiro Wokudada—Wakakura Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Unogona Kurwisa Satani—Womukunda!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvakadini Norudado Rwerudzi?
    Mukai!—1998
  • Farao Anozvikudza Anozadzisa Chinangwa chaMwari Asingazivi
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 7/8 pp. 26-27

Zvinotaura Bhaibheri

Kudada Kwakaipa Here?

KUNE tsumo inoti kudada ndiko kwekutanga pazvivi zvinomwe zvinouraya. Asi vakawanda nhasi vanofunga kuti pfungwa yakadaro ndeyechinyakare chaizvo. Pamavambo pezana remakore rechi21, kudada kunofungwa sechinhu chinokosha, kwete sechivi.

Zvisinei, Bhaibheri parinotaura nezvokudada, zvinowanzoreva zvisina kunaka. Bhuku reBhaibheri raZvirevo rega rine kutaura kwakawanda kunoti kudada kwakaipa. Somuenzaniso, Zvirevo 8:13 inoti: “Kuzvikudza n[ekudada] nenzira yakaipa; nemuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.” Zvirevo 16:5 inoti: “Mumwe nomumwe, ane mwoyo uno[dada], unonyangadza Jehovha.” Uye Zvirevo 16 ndima 18 inoyambira kuti: “Ku[dada] kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.”

Kudada Kunokuvadza

Kudada kunonzi kwakaipa muBhaibheri kungarondedzerwa sekuzviremekedza kwakanyanya, kuzvikudziridza kusina musoro nemhaka younyanzvi hwako, runako, pfuma, dzidzo, chinzvimbo chinoremekedzwa, uye zvichingodaro. Kungazviratidzira nezviito zvokuzvidza, kuzvirumbidza, kuvirima, kana kuzvikudza. Kunyanya kuzvifunga kungakutadzisa kugamuchira kururamiswa kunodiwa; kuramba kubvuma zvikanganiso nekukumbira ruregerero, kuzvitsaura, uye kurasikirwa nemukurumbira; kana kushatirwa zvisina nebasa rose nezvinenge zvaitwa kana kutaurwa nomumwe.

Vanodada vangagarosimbirira kuti zvinhu zviitwe nenzira yavo kana kusaitwa zvachose. Hazvina kuoma kuona kuti kuita kwakadaro kunowanzogumisira nekurwisana kwakasiyana-siyana. Kudada kwedzinza kana kwerudzi kwakatungamirira kuhondo dzisingaverengeki uye kudeurwa kweropa. Maererano neBhaibheri, kudada kwaiva chinetso icho chakatungamirira mwanakomana waMwari wemudzimu kuti apandukire, achizviita Satani Dhiyabhorosi. Nezvezvinotarisirwa vakuru vechiKristu, Pauro akapa zano rokuti: “Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzozvikudza, [nokudada, NW] atongwe saDhiyabhorosi.” (1 Timotio 3:6; enzanisa naEzekieri 28:13-17.) Kana izvi zviri migumisiro yekudada, hazvishamisi kuti Mwari anoti kwakaipa. Zvisinei, ungabvunza kuti, ‘Hakuna mamiriro ezvinhu ayo kudada kungava kwakarurama here?’

Kune Kudada Kwakarurama Here?

Mumagwaro echiGiriki echiKristu, chiito chokuti kau·khaʹo·mai, chakashandurwa kuti “kudada, kufara, kuzvirumbidza,” chinoshandiswa mupfungwa yakanaka neyakaipa. Somuenzaniso, Pauro anoti, “tifare, netariro yokuona kubwinya kwaMwari.” Anorumbidzawo achiti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.” (VaRoma 5:2; 2 VaKorinte 10:17) Izvi zvinoreva kuti kudada naJehovha saMwari wedu, ipfungwa ingatitungamirira kufarira zita rake rakanaka nemukurumbira wake.

Kuenzanisira: Zvakaipa here kuda kudzivirira zita rakanaka apo rinenge richicherwa? Chokwadi hazvina. Kana vanhu vakataura zvisina kururama pamusoro penhengo dzemhuri yako kana kuti vamwe vaunoda nevaunokudza, haungatsamwi ndokunzwa uchida kuvadzivirira here? “Zita rakanaka rinofanira kusanangurwa kupfuura pfuma zhinji,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 22:1) Pane imwe nguva, Mwari Wamasimba Ose akati kuna Farao aidada weEgipita: “Ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.” (Eksodho 9:16) Saka Mwari anofarira zita rake pachake rakanaka nemukurumbira wake uye anozvishingairira. Nesuwo tingafarira kudzivirira zita redu pachedu rakanaka nemukurumbira wedu asi tisingazviiti nokuonererwa kana kuti nekudada kune udyire.—Zvirevo 16:18.

Kuremekedza kunokosha nokuda kweukama hupi nehupi hwakanaka. Upenyu hwedu hwomunzanga nemibato yedu yebhizimisi zvinokanganisika patinorasikirwa nechivimbo mune vasonganiri vedu. Nenzira yakafanana, basa rinoitirwa pamwe kana usahwira zvingaparadzwa kana mumwe wavatsigiri vazvo akangoita chimwe chinhu chinoita kuti iye kana kuti vamwe vake vazvidzwe nevoruzhinji. Kuti vasvitse zvavanovavarira, zvingava zvipi nezvipi, mukurumbira unofanira kuchengetedzwa. Ndicho chikonzero chimwe nei vatariri muungano dzechiKristu vachifanira “kupupurirwa zvakanaka” nevari kunze. (1 Timotio 3:7) Chido chavo chezita rakanaka chinoitwa, kwete nekuzvikudza kwokudada, asi nechinodikanwa chokumiririra Mwari munzira inokosha neine chiremera. Nokudaro, mushumiri anopupurirwa zvakaipa nevari kunze angavimbwa zvakadini?

Zvakadini nekudada nokuda kwekubudirira kwemunhu oga? Somuenzaniso, fungidzira kufara kungaita vabereki mwana wavo paanoita zvakanaka muchikoro. Kubudirira kwakadaro kunopa kugutsikana kwakakodzera. Paainyorera vaKristu vaainamata navo muTesaronika, Pauro akazivisa kuti iyewo aifara nokuda kwezvavaiita achiti: “Tinofanira kuonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe, kuna vamwe runowanda; nokudaro isu timene tino[dada] mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.” (2 VaTesaronika 1:3, 4) Hungu, ndezvemuzvarirwo kunzwa uchifara nokubudirira kwevadiwa vako. Saka, chii chinosiyanisa kudada kwakaipa nekudada kwakanaka?

Hazvina kuipa kuda kuchengetedza mukurumbira wedu wemunhu oga, kubudirira, uye kufarira kubudirira kwakadaro. Zvisinei, kuzvikudza, manyawi, uye kuzvirumbidza pachakwo kana kuti nokuda kwavamwe ndezvinhu zvinonzi zvakaipa naMwari. Chokwadi zvingasiririsa kana vamwe vakatanga “kuzvikudza” nokudada kana kuti ‘vakazvifunga zvikuru kupfuura zvakafanira.’ VaKristu havana chikonzero chokudada kana chokuzvirumbidza mune upi neupi kana kuti pane chipi nechipi kunze kwaJehovha Mwari nezvaakavaitira. (1 VaKorinte 4:6, 7; VaRoma 12:3) Muprofita Jeremia anotipa nheyo yakanaka yokutevedzera inoti: “Unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita unyoro nekururamisira, nokururama panyika.”—Jeremia 9:24.

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Papa Innocent X,” wakaitwa naDon Diego Rodríguez de Silva Velázquez

[Kwazvakatorwa]

Scala/Art Resource, NY

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe