Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingakwanisa Kubata sei Nekutsvinyirwa?
PWERE dzinoita zvinhu kana kuti kupfeka zvakasiyana nevezera radzo dzingashorwa noutsinye. Izvi ndizvo zvinoitika kupwere dzechiKristu, dzine mufambiro unowanzosiyana zvachose newavamwe vechiduku. Kristu haana here kutaura nezvevateveri vake vechokwadi kuti: “Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo”?—Johane 15:20.
Izvi zvinoitei pane vechiduku vari Zvapupu zvaJehovha? Vamwe vavo vanosekwa nemhaka yekusapemberera mamwe mazororo; vamwe vanotsoropodzwa nemhaka yekusaita sarupu kumureza. Vakawanda vavo vanotonetswa nemhaka yekusashandisa mirimo zvisina kufanira, nemhaka yekuva vakatendeseka, uye nemhaka yekuomerera kune zvinodiwa neBhaibheri zvetsika.
Mamiriro ezvinhu aya haasi matsva. Zvechokwadi, muapostora Petro akaudza vaKristu vairarama muzana ramakore rekutanga kuti: “Nokuti hamurambi muchifambidzana [nevanhu vemamwe marudzi] . . . , vanoshamiswa uye vanoramba vachitaura zvakaipa nezvenyu.” (1 Petro 4:4, NW) Dzimwe shanduro dzinoti, vano“kupai mazita ekunyomba” (Knox) kana kuti, “Vanokutsvinyirai.”—Today’s English Version.
Wakambosekwa nemhaka yezvinodavirwa muchitendero chako here? Kana zvakadaro, shinga. Hausi wega! Uye uchafara kuziva kuti unokwanisa kudzidza kubata nekuodzwa mwoyo nemhaka yekushorerwa kutenda kwako.
Chinoita Kuti Vaseke
Nei vamwe vachiseka avo vane zvavanodavira nemufambiro zvakasiyana nezvavo? Padzimwe nguva vanoseka—kungofanana nevanodheerera vamwe—havanzwi vakachengeteka. Vangakunyomba kuitira kuti vawedzere mukurumbira wavo pamberi pevezera ravo. Zvimwe, pavanenge vava vega, vashomanene vevadzongonyedzi ava vanozoda—kana kuti kushinga—kukutsoropodza pachena.
Kune rumwe rutivi, vamwe vanoseka, sezvakanyorwa naPetro, “vanoshamiswa.” Hungu, vangashamiswa zvechokwadi nemufambiro wako. Somuenzaniso, kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, vangafunga zvapachokwadi kuti zvinoshamisa kuti hauitewo navo mabasa akabatana nemamwe mazororo. Vangave vakatowana mashoko asiriwo pamusoro peZvapupu kubva kuvashori vakatsunga.
Pasinei nokuti zvingave zvaparirwa nei, paunodenhwa nemashoko ekunyomba, ungabvumirana nechirevo cheBhaibheri chinoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo.” (Zvirevo 12:18) Asi yeuka kuti avo vanotaura zvakadaro zvimwe havasi kuita izvozvo nemhaka yekuti ndiwe wavasingafariri. Zvingangodaro kuti, vari kuita chaizvoizvo zvinotaurwa nechirevo cheBhaibheri—ku“taura nokusarangarira.”
Nyange zvakadaro, kusekwa kungakuvadza, kungofanana nekubaya kunoita munondo. Ungatonzwa uchiedzwa kubvuma kuita zvisina kufanira zvinopesana nekutenda kwako kuti umise mirwi yemashoko ekunyomba. Saka, ungabata sei nekushorerwa zvaunodavira?
Kuzvidzivirira
Muapostora Petro akarayira vaKristu kuti: Nguva dzose garai “makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita kudaro nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15, NW) Kudzivirira kutenda kwako zvakadaro kunoda kuti upinze zivo yakarurama uye kuti usvike pakunzwisisa zvikonzero zvezvaunodavira.
Zvisinei, unofanirawo kudzidza kutaura zvauri kune vamwe “noruremekedzo rukuru” kana kuti sezvinotaurwa neThe Bible in Basic English kuti, “musingadadi.” Ruzivo rwako rweBhaibheri nezvarinodzidzisa hazvifaniri kukuita kuti unzwe wakakwirira pane vamwe. Mukupesana, unofanira kuvavarira kusakurira pfungwa yemuapostora Pauro, uyo akanyora nezveushumiri hwake kuti: “Ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.”—1 VaKorinte 9:19.
Kana ukawana kuti uri kutya kudzivirira kutenda kwako, usaore mwoyo. Pwere dzakawanda dziri Zvapupu dzakanzwa zvakafanana. “Pandaiva kuchikoro chepuraimari,” anodaro Jamal, “Ndaisaziva kuti ndingatsanangurira sei vamwe chikonzero nei ndaisapemberera mazororo kana kuti kusaita sarupu kumureza kana kuti chikonzero nei ndaienda muushumiri hwapaimba neimba.” Akabetserwa nei? “Baba vangu vakaramba vachindibetsera kusvikira ndava kukwanisa kutsanangura zvinhu izvi, uye izvi zvakaita musiyano mukuru. Kana uchinetseka kutsanangurira vamwe zvaunodavira, zvimwe ungatsvaka kubetserwa nemubereki kana kuti nemumwe akakura mumudzimu ari muungano yechiKristu kuti ubetserwe kunyatsonzwisisa zivo yaMwari.—VaEfeso 3:17-19.
Imwe pwere iri Chapupu ine makore 16 yakataura kuti chirongwa chekudzidza Bhaibheri semunhu oga chakaibetsera kuwana ushingi hwekutaura nokusatya kuchikoro. “Pakutanga, apo vemukirasi yangu vainditsvinyira nemhaka yekuva kwangu Chapupu, ndaisaziva kuti ndotaurei,” anobvuma kudaro. “Zvino, semuevhangeri wenguva yakazara, ndinodzidza Bhaibheri zvakanyanya, uye ndinokwanisa kupindura. Kufambirana nenyaya itsva dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai! kunondibetsera kutaurira vekuchikoro changu pamusoro pezvandinodavira.”
Zvechokwadi, hakuna mamiriro ezvinhu maviri akafanana. Naizvozvo mamiriro ezvinhu akasiyana achada mhinduro dzakasiyana. Zvisinei, paunogumburwa nekutaura kwakaipa, hazvina kumbokodzera ku“dzorera chakaipa nechakaipa.” (VaRoma 12:17-21) Mhinduro yekunyomba, pasinei zvapo nekuti ingaratidzika seyekuchenjera sei, ichangova kudira moto wacho parafini uye ingatokurudzira kushorwazve. Saka, vamwe vakawana zviri nani kuita sevasiri kumbonzwa zvavo kunyomba kwacho.
Padzimwe nguva, dzakadai seapo mashoko acho anenge achingova zvawo ekuedza kusetsa vanhu, kungatova kuchenjera kusekawo zvataurwa pane kuzvitsamwira. (Muparidzi 7:9) Kana mushori akaona kuti mashoko ake haasi kunyatsorwadzisa kana kuti haasi kurwadzisa, angatorega kunetsa kwacho.—Enzanisa naZvirevo 24:29; 1 Petro 2:23.
Kutaura Noushingi
Kunyange zvakadaro, pane dzimwe nguva pazvinokwanisika kutsanangura zvaunodavira nokupfupikisa, neunyanzvi. Mumwe musikana ane makore 13 akaedza izvi, uye akava nemigumisiro inoshamisa. “Ndakanga ndiri munzira yokuenda kune chimwe chidzidzo,” akadaro, “pakatanga vadzidzi vanoverengeka kuseka Zvapupu zvaJehovha. Ndakanzwa shungu dzokuda kutaura, asi vakangobva ndokupfuurira kundiseka—kunze kwemumwe chete, asina kuita izvozvo. Mudzidzi wacho ari Chapupu akatsanangura kuti: “Mumwe musikana anonzi Jaimee akauya kwandiri ndokundiudza kuti aiva nebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano.a Akataura kuti akanga arava chikamu chikuru charo uye kuti akanga achida kuwana mamwe mashoko pamusoro pezvatinodavira. Ndakatanga kudzidza Bhaibheri naJaimee.” Yakurudzirwa nezvakaitika kwairi, pwere yacho iri Chapupu yakatanga kutaura kune vamwe vechiduku. “Nguva dzose ndinoshanyira vadzidzi vandinodzidza navo vana avo vakaratidza kufarira uye avo ndine chokwadi chekuti vachatanga kudzidza pasina nguva refu,” akadaro.
Zvakafanana zvakaitika makore apfuura kune mumwe mudzidzi munyika yeAfrica yeLiberia. Muchidzidzo chezvemagariro evanhu, akatsanangura nekuremekedza kuti sechimwe Chapupu chaJehovha, aidavira kusika panzvimbo pemhindumupindu. Pakutanga, vakawanda vemukirasi yake vakatsoropodza zvikuru. Asi mudzidzisi wacho akaita kuti atsanangurire kirasi yacho zvaaidavira, mushure maizvozvo mudzidzisi wacho akabvuma bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?b
Arava bhuku racho, mudzidzisi wacho akaudza kirasi yacho kuti: “Bhuku iri harienzaniswi. Rimwe remabhuku esayenzi rakanakisisa rinotaura nezvekusika randati ndamborava.” Zvadaro mudzidzisi wacho akatsanangura kuti aida kuzoshandisa bhuku rinonzi Creation pamwe chete nebhuku rinodzidzwa mukirasi yacho kwematemu maviri aitevera, uye akarayira kirasi yacho kuti iwane makopi kune mudzidzi ari Chapupu. Mabhuku akawanda akagoverwa, uye vadzidzi vakawanda vakachinja pfungwa yavo pamusoro peZvapupu zvaJehovha!
Kutenda Kwakaedzwa Kutenda Kwasimba
Zvinobvumwa kuti pane dzimwe nguva unganzwa uchivhiringidzwa nekuwanda kweavo vasina—kana kuti vasinganzwisisi—chimiro chako chakavakirwa paBhaibheri. (Enzanisa naPisarema 3:1, 2.) Nokudaro, kuchenjera kutsvaka shamwari dzinotenda zvaunotenda nekudavira zvaunodavira. (Zvirevo 27:17) Asi zvakadini kana pasina pwere dzine kutenda kwafanana nekwako kuchikoro chako kana kuti munharaunda yaunogara?
Kana zvakadaro, yeuka kuti Shamwari yako huru ndiJehovha Mwari, uye anokwanisa kukutsigira. Ave achitsungirira kushorwa naSatani Dhiyabhorosi kwezviuru zvamakore. Saka, tinokwanisa kuva nechokwadi chekuti zvinofadza mwoyo waJehovha paunomira wakasimba nokuda kwekutenda kwako. Nzira iyi inomupa mukana we‘kupindura Satani, uyo anomushora.’—Zvirevo 27:11.
Zvinofanira kungotarisirwa kuti panguva nenguva, kutenda kwako kuchaedzwa. (2 Timotio 3:12) Asi, muapostora Petro anotivimbisa kuti vara rekutenda kwedu rakaedzwa rino“kosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoidzwa nomwoto.” (1 Petro 1:7) Saka, paunoshorerwa kutenda kwako, uone semukana wekusimbisa kutenda kwako uye wekuratidza kutsungirira kwako. Muapostora Pauro akanyora kuti kutsungirira kunoita kuti “utenderw[e].” (VaRoma 5:3-5, NW) Hungu, chido chekutenderwa naJehovha chinokupa simba rekushinga kubudirira pakubata nokushorerwa kutenda kwako!
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Unokwanisa kudzivirira kutenda kwako here?