Mwari ave Achitibetsera
YAKATAURWA NAFRANCISCO COANA
“Kana ukaramba kuteerera zviremera, uchaurawa!” mukoma wangu akanyevera kudaro.
“Izvozvo zvingatova nani chaizvo pane kurarama mumamiriro ezvinhu akaipa kudai,” ndakapokana nazvo.
NDIKO kwaiva kukurukurirana kwandakaita nemukoma wangu muna September 1975. Akanga auya kuzondipa zvokudya pandaiva mujeri muMaputo (yainzi Lourenço Marques panguva yacho), iri kumaodzanyemba kweMozambique. Vanopfuura 180 vedu, vakawanda vacho vari Zvapupu zvaJehovha, takanga takatsvikinyidzana muchitokisi chimwe. Ndakagumbura mukoma wangu chaizvo zvokuti haana kuzombosiya zvokudya zvaakanga auya nazvo!
Kukubetsera kunzwisisa kukurukurirana uku kunoshungurudza, regai ndidzokere shure ndokutsanangura kuti ndakapinda sei mujeri.
Kurerwa Kwandakaitwa Mune Zvechitendero
Ndakaberekwa muna 1955 mumhuri yePresbyterian mumusha weCalanga uri muRuwa rweManica. Hausi kure neguta guru reMaputo. Chero zvazvo Baba vakanga vasingaendi kuchechi, Amai vaienda, uye vaienda nevana vavo vashanu kuchechi pamisi yeSvondo. Tichiri vaduku, vakatidzidzisa Munyengetero waShe, uye ndaiudzokorora nemusoro kakawanda. (Mateo 6:9-12) Semukomana muduku, ndakabvunza Amai mibvunzo yakadai sewekuti “Nei tichifa?” uye, “Vanhu vachafanira kuramba vachingofa here?”
Amai vakataura kuti kufa kwaiva chinangwa chaMwari—chekuti vanoita zvakaipa vazoenda kuhero uye avo vanoita zvakanaka vazoenda kudenga. Chero zvazvo pasina chandakapindura, mhinduro yavo yakandisuruvarisa. Chokwadi chinorwadza cherufu chakandivhiringidza, kunyanya pashure pekufa kwababa vedu vanodiwa pandaingova nemakore gumi. Mushure maizvozvo ndakava nechido chakasimba chekuziva pamusoro pezvinenge zvakaita vakafa uye kana paiva netarisiro ipi neipi nokuda kwavo.
Kudzidza Nekushandisa Chokwadi
Baba vachangofa, mumwe wevadzidzisi kuchikoro akashandisa bhuku rinonzi Kubva Kuparadhiso Yakarasika Kuparadhiso Ichawanikwazve kuti adzidzise kirasi yedu. Bhuku racho, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society, raiva muchiZulu, mutauro wekuSouth Africa. Mudzidzisi wacho akandibvumira kurikumbira, uye chero zvazvo ndaisanyatsoziva chiZulu, ndakafadzwa nezvandakadzidza kubva mumagwaro eBhaibheri akanongedzerwa.
Pandakanga ndava nemakore 16, mukoma wangu uyo aishanda mumhuri akadanwa kubasa rechiuto. Ndipo pandakatanga kushanda pakambani inogadzira pefiyumu muMaputo nekuenda kuchikoro chebasa remaoko usiku. Panguva dzekuzorora kwemasikati kubasa, ndakaona Teófilo Chiulele, chimwe Chapupu chaJehovha—chaingogara chichirava Bhaibheri. Teófilo paakaona kufarira kwangu, akatanga kutaura neni.
Pava paya, chimwe Chapupu, Luis Bila, chakatanga kundidzidzisa Bhaibheri. Ndakazorodzwa nekudzidza kuti vakafa havana chavanoziva zvachose uye kuti vanotarisirwa kudzorerwa kuupenyu kuburikidza nekumutswa. (Muparidzi 9:5, 10; Johane 5:28, 29) Pakarepo ndakanyorera Amai ndokuvapa mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yandakanga ndavabvunza. Vakafara nekuziva kuti ndakanga ndawana mhinduro dzechokwadi pakupedzisira.
Kunakidzwa zvikuru nezvandaidzidza, kwakaita kuti ndigadzirire kuudzawo vamwe zvinhu izvi. Ndakabvumirwa kukurukura hurukuro dzeBhaibheri kuchikoro asi kwete muchechi. Munguva pfupi ndakanga ndisingachadiwi muchechi. Kunyange nhengo dzemhuri yangu pachangu dzakatanga kunditambudza, pasinei zvapo nekuti Amai vakanga vachifadzwa nezvandakanga ndava kudavira zvitsva. Mukoma wangu mukuru akandirova zvakaomarara. Kushora kwakadaro pakwakashaya basa, nhengo dzemhuri dzakatanga kundinyomba, kunyanya pavaindiona ndichinyengetera panguva dzekudya. Saka ndainyengetera ndiri muchimbudzi ndisati ndaenda kutafura kunodya. Ndaiona kuti ‘Mwari ndiye aiva mubatsiri wangu.’—Pisarema 54:4.
Zvadaro Luis akarambidzwa kuuya kumba kwedu kuzodzidza neni Bhaibheri. Mushure maizvozvo, takadzidzira kumba kwake. Pandakatanga kupinda misangano yeungano nekuitawo basa rekuparidza, ndaisvikowana ndakiyirwa kunze kwemba pandaidzoka. Ndakagumisira ndava kurara kudzimba dzeZvapupu zvakasiyana-siyana.
Pakupedzisira, musi wa13 May 1973, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari nekubhabhatidzwa mumvura. Panguva yacho, Mozambique yaitongwa nenyika yePortugal, iyo yakanga yarambidza Zvapupu zvaJehovha muPortugal nemunyika dzose dzayaitonga. Musi wa1 October 1974, ndakava piyona, sekudanwa kunoitwa vaparidzi venguva yakazara neZvapupu zvaJehovha. Sezvo ndaivavarira kuzova mufundisi, ndakatanga kudzidza chiNgezi kuitira kuti ndikwanise kunopinda Watchtower Bible School of Gilead, kuUnited States, kunorovedzwa semufundisi.
Kushandisa Mazano Mukuparidza
Mumakore iwayo ekurambidza, mapurisa ePortugal, PIDE, akapfigira Zvapupu zvakawanda mujeri nemhaka yekuparidza. Saka kuti tisabatwa, takashandisa mazano. Somuenzaniso, taitaura paimba imwe tadaro toenda kune imwe iri munharaunda yakasiyana. Uyewo, isu tiri vaviri taienda kupaki yemuguta pakuzorora kwemasikati kana kuti manheru. Mumwe aigara pedyo nemunhu otanga kurava pepanhau. Munguva pfupi, mumwe wedu aigara pasi, otarisa pepanhau racho, otaura zvakadai sekuti: “Maiwe, ingoonaiwo henyu kuti vanhu vangani vakafa! Asi maizviziva here kuti mukutonga kwehurumende yaMwari izvi hazvizoitikizve?”
Kukurukurirana kwacho kwaipfuurira kusvikira ainge achirava pepanhau akumbira uchapupu hweBhaibheri hwezvataurwa nemumwe. Zvadaro taironga kuti tisangane zuva rinotevera kuzopfuurira nekukurukurirana kwacho. Nenzira iyi taiwanzokwanisa kubatanidza munhu akagara pedyo nesu mukukurukurirana kwedu nezveuprofita hweBhaibheri, uye takatanga kudzidza Bhaibheri nevakawanda. Taionga Mwari nokuda kwekutibetsera.
Nguva Yemuedzo Wakaomarara
Musi wa25 April 1974, kutonga kweudzvinyiriri muPortugal kwakaguma, uye kuchinja kwakawanda mune zvematongerwo enyika kwakaitika munyika dzaitongwa nePortugal. MuMozambique vasungwa vezvematongerwo enyika, pamwe chete neZvapupu zvaJehovha zvakanga zvapfigirwa mujeri nemhaka yekusava nekwazvakarerekera mune zvematongerwo enyika, vakasunungurwa nezviremera. Asi zvadaro, musi wa25 June 1975 mwedzi 14 chete pava paya, Mozambique yakazivisa kusununguka kwayo kubva kuPortugal. Mazuva mashomanene chete mushure maizvozvo, chitambudzo chitsva chekurwisa Zvapupu chakatanga. Mapoka emunharaunda akaudzwa kuti asunge Zvapupu zvese zvaikwanisa kuwanika. Takaonekwa se“tsori dzakasiyiwa nehurumende yevadzvinyiriri yePortugal.”
Muna September, ndakamanikidzwa kunopinda musangano weboka remunharaunda. Pandakasvika, ndakaona kuti vose vaiva muboka rangu rokufunda Bhaibheri vaivapo. Takarayirwa kuti tidaidzire masirogani ezvematongerwe enyika aikwidziridza bato rakanga richitonga. Patakaramba nekuremekedza, takaendeswa kujeri ndokuiswa muchitokisi chakanga chakatsvikinyidzana chandataura nezvacho pakutanga.
Chitokisi chacho chakanga chakatsvikinyidzana zvekuti taisakwanisa kufamba. Kuti vashomanene vawane nzvimbo yekurara pasi, vamwe vaitofanira kugara kana kuti kumira. Maingova nechimbudzi chimwe, uye kakawanda chaigara chakavhara, zvekuti chaizarisa, chichiburitsa kunhuwa kwakaipisisa. Zvokudya zvedu zvaiva spaghetti ine mafuta yaiva nemapfupa ehove zvakazara mazinhunzi ebhuruu, izvo zvataifanira kudya nemaoko asina kugezwa. Kwemazuva 19 vanopfuura 180 vedu vakatsungirira mamiriro aya ezvinhu akaipisisa. Zvadaro takachinjirwa kunzvimbo yaichengeterwa Zvapupu chete, kubatanidza varume, vakadzi, uye vana. Mumwedzi mishomanene yakatevera, vana vakawanda vakafa nemhaka yemamiriro emujere anotyisa.
Pakupedzisira, hurumende yakasarudza kuendesa Zvapupu zvacho kuCarico, nzvimbo iri kure kuchamhembe. Chinangwa chacho chaiva chekutiparadzanisa nevamwe. Panguva yacho paiva neZvapupu zvinenge 7 000 muMozambique, chikamu chikuru chacho chakanga chabhabhatidzwa muna 1974 na1975. Ndichiziva kuti taizoda mabhuku eBhaibheri patinenge takaparadzaniswa nevamwe, ndakakumbira mvumo yekudzokera kumba kuti ndinounganidza zvimwe zvokudya nezvinhu zvedu nokuda kwerwendo rwacho. Ndisingaonekwi nemupurisa akaenda neni, ndakaburitsa zvimwe zvinhu mune mamwe mabhokisi emabhisikiti ndokurongedza mabhuku eBhaibheri pasi pemabhokisi acho. Panguva dzakadai, taisatya. Taivimba naMwari kuti atibetsere.—VaHebheru 13:6.
Upenyu Hwemumisasa
Takasvika kuCarico muna January 1976 ndokuwana Zvapupu zvakawanda zvaibva kuMalawi yatakavakidzana nayo zvichigara mumisasa yazvakanga zvavaka. Kubva muna 1972 kusvikira muna 1975, vanhu vanopfuura 30 000, kubatanidza vana, vakanga vatiza kutambudzwa kwechitendero kweutsinye muMalawi. Vakapiwa mvumo yekupinda nechekumusoro kweMozambique sevapoteri, uye patakasvika, vakagara nesu mumisha yavo nekutipawo zvinhu zvavo zvishomanene.
Sezvo vakawanda vedu vakanga vasina ruzivo rwekuvaka, hama dzedu dzekuMalawi dzakatiratidza nzira yekuvaka nayo dzimba dzedu nekugadzira zvidhina ndokuzvishandisa pamwe chete neuswa nemiti yemusango. Vakatidzidzisawo kurima zvokudya nekuita zvimwe zvinhu kuti tizvitsigire pachedu. Saka ndakadzidza kuveza, kurima, uye kusona. Unyanzvi uhwu hwatakawana hwakaratidza kuva hunobetsera kune vakawanda vedu patakazodzokera kumaguta edu atakabva.
Chatainyanyonetsekera chaiva chekuchengetedza umudzimu hwedu, uye ndinofanira kutaura kuti hatina kumbofa tashaya zvokudya zvomudzimu. Izvi zvakakwanisika sei? Sezvataurwa pakutanga, patakaendeswa kuutapwa, vakawanda vedu takashandisa mano edu kuti tiunze mabhuku eBhaibheri pamwe chete nezvimwe zvinhu. Uyewo, makopi maduku-duku eNharireyomurindi aidhindwa neZvapupu zvaJehovha muSouth Africa. Izvi zvakaita kuti zviite nyore kuapinza mumisasa.
Pashure pekukumbira kakawanda, musi wa1 December 1978, muchato wekutanga wakabvumirwa mumusasa wacho. Zuva iroro ndakaroora Alita Chilaule, uyo baba vake vakanga vari pakati pevekutanga kubhabhatidzwa muMaputo kare muna 1958. Pakaberekwa vana vedu Dorcas naSamuel, takavadzidzisa kuda Jehovha, uye nguva dzose taienda pamwe chete navo kumisangano yedu yechiKristu. Pava paya, takava nemumwe mwana, anonzi Jaimito.
Kuparidza Kwataiita
Zvapupu zvakapiwa mvumo yekubuda mumisasa kuti zvinotengesa zvinhu, kubatanidza zvokudya zvazvakanga zvarima. Vakawanda vedu takashandisa mukana uyu kuparidza. Zvechokwadi, ndaidhurisa sauti nemaune kuitira kuti pasave neanoitenga. Zvisinei, vanhu vakati wandei vandakasangana navo, vakabvuma shoko roUmambo, uye ndakatanga kudzidza Bhaibheri nevakati kuti.
Mumwe wevandaidzidza navo Bhaibheri akataura nemukuru weimwe kambani yemuMilange iri pedyo uyo akaratidza kufarira Bhaibheri. Pandakaudzwa nezveizvi, ndakanyorerana nemukuru wacho. Akapindura pamwe chete nekundikoka kuzomushanyira. Saka ndakaviga mabhuku eBhaibheri pamuviri wangu ndokuenda, sekunge kuti ndiri kunomutengesera mudziyo wefenicha wandakanga ndagadzira.
Pandakasvika, ndakawana imba yacho yakachengetedzwa nemasoja; uye ndakatya. Zvisinei, murume wacho akabuda ndokuudza masoja acho kuti aisada kudzongonyedzwa. Takatanga kudzidza Bhaibheri na5 kiroko manheru, uye akaratidza kufarira kwakanyanya zvekuti hatina kupedza kusvikira na5 dzemangwanani akatevera! Pava paya, akazvipira kugamuchira mabhuku edu kubva kuPortugal, sezvo tsamba dzake dzakanga dzisingarambidzwi. Zvadaro aindipa mabhuku acho, uye ndaiapinza mumusasa.
Zvechokwadi, vamwe vedu vakabatwa vakasungwa kakati wandei nemhaka yebasa redu rekuparidza. Asi, vakawanda pavaibvuma shoko roUmambo, taiva nechivimbo kuti Mwari akanga achitibetsera, sekubatsira kwaakaita vaKristu vemuzana rekutanga ramakore.—Mabasa, zvitsauko 3-5.
Kusunungurwa, uye Kudzokera kuMaputo
Muna September 1985, pashure pekufungisisa mamiriro ezvinhu nekunyengetera zvakasarudzwa kuti tironge kubuda tose mumisasa yacho. Chero zvazvo vamwe vakagara mumisasa yeCarico ndokuramba vakaparadzaniswa neZvapupu zvaJehovha zvose kwemakore manomwe akatevera, vamwe vakatizira kuMalawi nekuZambia. Ini nemudzimai wangu takasarudza kuenda nevana vedu kutaundi riri pedyo reMilange. Ikoko ndakawana basa nenzvimbo yekugara, uye takapfuurira neushumiri hwedu. Gore rakatevera racho takazodzokera kuMaputo.
Pakutanga, taigara nehama dzokunyama. Basa rakanga rakaoma kuwana, asi mushure menguva yakati ndakakwanisa kuwana basa. Kuwedzera mari yedu shomanana, Alita aitengesa nzungu dzakakangwa. Sezvo mutauro wangu wechiNgezi wakanga wavandudzika, ndakanyorera vamiriri veBritain ndichikumbira basa. Ndakapasa bvunzo dzacho ndokuwana basa raitambirwa mari inopfuura yandanga ndichiwana pakutanga neka20! Zvechokwadi ndakaona kuti Jehovha akanga andibetsera, uye ndakamuonga mumunyengetero.
Kuita Kuti Mabasa Asarerekere Divi Rimwe Chete
Pakupedzisira, musi wa11 February 1991, hurumende yeMozambique yakaita kuti Zvapupu zvaJehovha zvizivikanwe zviri pamutemo. Izuva ratisingakanganwi zvakadini! Gore rakatevera racho ndakakokwa kuzoshanda senhengo yedare rinotarisira basa rekuparidza reZvapupu zvaJehovha muMozambique. Panguva yacho, vana vedu vaingova nemakore 12, 9, uye 6. Ndakapedza usiku hwose ndichinyengetera, ndichikumbira Jehovha uchenjeri hwekusarudza zvinoratidza kusarerekera divi rimwe chete zvakafanira mukuita mabasa emhuri neesangano.
Takakwanisa kuwana turera diki, yataishandisa mubhizimisi. Takapinza basa mapiyona akati wandei kuti agadzire nekutengesa masangweji, uye bhizimisi racho rakabudirira. Saka, ndaiva nenguva yekutarisira ropafadzo dzangu itsva dzesangano. Taidawo imba, sezvo zvakanga zvisiri kukwanisika kuti tirambe tichirenda imba yataigara. Saka ndakakumbira zviremera, ndichirondedzera mamiriro akaita mhuri yangu. Munguva pfupi takabvumirwa kuwana imba. Izvi zvakaparadzirwa zvikuru, sezvo ndakanga ndiri munhu wekuMozambique wekutanga kutenga imba kuhurumende.
Ini naAlita takakomborerwa nevana vakateerera purogiramu yedu yemurayiridzo womudzimu. (Dheuteronomio 6:6-9) Tsika yedu yave iri yekukurukurirana rugwaro rweBhaibheri rwezuva racho na5:40 mangwanani, tadaro torava Bhaibheri pamwe chete. Sezvo vana vedu vachifanira kusvika kuchikoro nekukurumidza, vakajaira purogiramu iyi yemangwanani-ngwanani. Musi weChishanu na6:00 manheru, tinova nefundo yedu yemhuri, apo vana vacho vanokurukura nesu misoro yeBhaibheri yavakaongorora muvhiki racho. Ndiyowo nguva yatinorovedza mharidzo dzekushandisa muushumiri.
Vana vedu vose vakabhabhatidzwa. Zvechokwadi, Dorcas naSamuel vave vachishanda semapiyona kubvira muna 1994, uye kubvira paakabhabhatidzwa, Jaimito ave ari piyona webetsero. Vana vacho vachiri kuenda kuchikoro, uye mumwe nemumwe ari kuvavarira kuwedzera ushumiri hwake kana apedza. Alita anogovanisa nguva yake kuti apayone nekutarisira musha wedu. Kwemakore akawanda, kubatanidza makore akapedzwa muusungwa mumisasa, ndakashanda sapiyona. Zvisinei, kubvira muna 1993, ndave ndichishanda pahofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha kwezuva rose.
Zvikomborero Zvinobva Kuna Mwari Zvinopfuurira
Muna 1997, ndakawana chikomborero chikuru zvikuru chekunopinda kosi yemwedzi miviri yenhengo dzeDare reBazu. Kosi yacho yakaitirwa muUnited States kuWatchtower Educational Center kuPatterson, New York. Saka, kuvavarira kwangu kudzidza chiNgezi kwakawana mubayiro zvakare. Pakudzoka kumusha, ndakakwanisa kushanyira vabatiri vaJehovha mune dzimwe nyika, uye izvi zvakaita kuti mwoyo wangu ufashukire nekuonga ukama hwedu hwenyika yose zvakadini!
Rudo urwu rwuri pakati pevaKristu vechokwadi rwave ruchibatsira kukwevera zviuru zvokuwedzera zvevanhu vepachokwadi kuzosonganirana neZvapupu zvaJehovha muMozambique. (Johane 13:35) Kubva pavanenge 7 000 vakanga vachiparidza patakaendeswa kuusungwa mumisasa, zvino tave nevanopfuura 29 000 vanoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari muMozambique yose. Ava vanosonganirana neungano dzinopfuura 665; muna 1958 maingova ne4 dzoga.
Muna 1993, mapurani ehofisi yebazu muMaputo yaizowanisa pokugara vashandi vepabazu vanopfuura 75 nekutarisira kuwedzera uku kunoshamisa kwekunamata kwakachena muMozambique akatenderwa. Kwapera nguva yekuvaka yeanenge makore mana, basa racho rakapedzwa. Zvadaro, musi wa19 December 1998, mufaro wedu wakafashukira apo vane 1 098 vanobva kunyika dzakawanda vakauya pakutsaurirwa kwezvivako izvi zvakaisvonaka. Papurogiramu, ndaiva neropafadzo yekubvunzurudza vanhu vakapedza makore vari muutapwa muCarico. Ndakakumbira avo vakanga vari kuutapwa kusimudza maoko avo, uye vateereri vakaororwa zvikuru apo mazana emaoko akasimuka.
Zuva rakatevera racho boka revanokwana 8 525 raivapo paHoro Yemagungano kuMatola nokuda kwekuhwirudzurwa kwepurogiramu yekutsaurira, mishumo inokurudzira inobva mune dzimwe nyika, nehurukuro dzinobva muBhaibheri dzakakurukurwa nevaenzi vanobva kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha, riri muBrooklyn, New York.
Zvechokwadi, kubvira pandakaziva chokwadi cheBhaibheri sewechiduku, ndakasangana nekushorwa mumhuri, kutyisidzirwa kuurawa, nechitambudzo chakaipisisa icho chaiita kuti pane dzimwe nguva ndifunge kuti kufa kwaiva nani pane kuramba uchirarama. Asi, ndinofara nemhaka yekuti semugumisiro wezvakaitika zvese izvi, ukama hwangu naJehovha hwakanatswa. Zvechokwadi, sezvakataura wezvemapisarema weBhaibheri kuti, “Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe uri pakati pavanotsigira mweya wangu.” (Pisarema 54:4) Yave iri ropafadzo isingaenzaniswi nokuda kwangu nemhuri yangu kubatira Jehovha pamwe chete nemhuri yenyika yose yevanamati vake.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Zvapupu zviri pamberi peHoro yoUmambo yakavakwa pazvakanga zvakaparadzaniswa nevamwe
[Mufananidzo uri papeji 24]
Tichinakidzwa nefundo yeBhaibheri yemhuri yedu
[Mufananidzo uri papeji 25]
Avo vakanga vari mumisasa yeCarico vakasimudza maoko avo