KURARAMA KWECHIKRISTU
Unogona Kupawo Nguva Nesimba Rako Here?
Sezvakataurwa naIsaya, chikamu chepanyika chesangano raJehovha chiri kukura chaizvo. (Isa 54:2) Saka pari kudiwa Dzimba dzeUmambo, Dzimba Dzemagungano nezvivakwa zveBheteri. Zvivakwa izvi zvinoda kuramba zvichichengetedzwa kuti zvirambe zvichishanda zvakanaka uye nekufamba kwenguva zvinoda kugadziridzwa. Mikana ipi yatinayo yekupawo Jehovha nguva yedu nesimba?
Tinogona kubatsira kana boka redu rikanzi ndiro riri kuchenesa paImba yeUmambo
Tinogona kuzvipira kudzidziswa kuchengetedza Imba yedu yeUmambo
Tinogona kuzadza fomu reLocal Design/Construction Volunteer Application (DC-50) kuti tibatsire pabasa rekuvaka uye rekugadzirisa zvivakwa zviri pedyo nekwatinogara
Tinogona kuzadza fomu reApplication for Volunteer Program (A-19) tichizvipira kubatsira paBheteri kana pane zvimwe zvivakwa zvebazi kwevhiki kana kupfuura
ONA VHIDHIYO INONZI PANE BASA IDZVA RIRI KURONGWA REKUVAKA—CHIDIMBU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Mavhidhiyo atinobudisa awedzera zvakadini kubva muna 2014?
Kuti tikwanise kuramba tichibudisa mavhidhiyo akawanda, ibasa ripi riri kurongwa uye richatora nguva yakareba sei?
Vanhu vanoda kuzvipira vangabatsira sei pabasa iri?
Kana tichida kuzobatsira pabasa rekuvaka kuRamapo, nei tichifanira kuzadza fomu reDC-50 uye tobatsira LDC pazvirongwa zvekuvaka zviri pedyo nekwatinogara?
Chii chinoratidza kuti Jehovha ari kutungamirira basa iri?
Tingatsigira sei basa iri kana tisingakwanisi kuendako?