RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 4/8 p. 18
  • Utano Nemhoteredzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utano Nemhoteredzo
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakatipoteredza—Zvazvinoita Pautano Hwako
    Mukai!—1999
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Nyika Isina Zvirwere
    Mukai!—2004
  • Vana Vari Munjodzi
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 4/8 p. 18

Utano Nemhoteredzo

Yakanyorwa Nemunyori weMukai! muNigeria

Gore rimwe nerimwe munyika yose, vanhu vane mamiriyoni 49 vanofa. Inenge 75 muzana yenzufu idzi dzinokurumidza kuitika, chinoparira chine chokuita nemhoteredzo yakashata nemuraramiro maererano nemushumo wakaitwa neWorld Health Organization (WHO). Rangarira mimwe mienzaniso:

▪ Kenza inouraya mamiriyoni mashanu gore rimwe nerimwe. Kuzhinji kwaikoku, WHO inoshuma kuti, “kunoparirwa zvakananga nokuwedzera kukuru kwokuputa midzanga mumakore 30 akapfuura.”

▪ Hosha dzemanyoka, dziri kuuraya vana vanopfuura mamiriyoni matatu gore negore, kazhinji kazhinji dzinoparirwa nezvokudya nemvura zvakasvibiswa, pamwe chete nokushayikwa kweutsanana hwakafanira.

▪ Tibhii, muurayi wemamiriyoni matatu gore negore, inopfuurira mumamiriro ezvinhu eurombo nokutsvikinyidzana, zvikurukuru panenge pasina utsanana.

▪ Hosha dzokufema, zvikurukuru mabayo, dzinouraya vaduku vane mamiriyoni matatu nehafu vari pasi pezera ramakore mashanu gore rimwe nerimwe. Vazhinji vagari vemumaguta vari mumwero yakakwirira yokusvibiswa kwemhepo.

Kunze kwengozi idzi, gore negore anenge mabhiriyoni maviri nehafu—inenge hafu yevagari vose venyika—anotambura nezvirwere zvinoparirwa nemvura isina kukwana kana kuti yakasvibiswa uye pasina utsanana. Mukuwedzera, zvinetso zvazvino uno zvakadai semvura ine acid, kupera kweozone layer, uye global warming zvinobatanidzwa neWHO nokuderera kweutano hwevazhinji. Uchirangarira zvose, mushumo weWHO wakati, vanhu vanopfuura mabhiriyoni maviri vanogara mumhoteredzo dzinotyisidzira upenyu kana kuti utano.

Dr. Hiroshi Nakajima, mutungamiriri weWHO, anonyevera, kuti: “Kana tikasaita chiito zvino, njodzi yePasi nevagari varo ichava yakakomba zvikuru, nemhoteredzo isingachatsigiriki.”

Bhaibheri rinopikira kuti kuchava nenguva apo kusi“na ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Ikoku kuchaitwa, kwete nenhamburiko dzomunhu, asi noUmambo hwaMwari, uhwo huchaparadza zvirwere nechinozviparira.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]

Godo-Foto

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe