RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 7/8 p. 14
  • Kushushikana Pamusoro Peropa Rine Utachiona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushushikana Pamusoro Peropa Rine Utachiona
  • Mukai!—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Kuisirwa Ropa—Kwakanaka Zvakadini?
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ropa
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Ropa—Rinokosha Nokuda Kwoupenyu
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
Mukai!—1999
g99 7/8 p. 14

Kushushikana Pamusoro Peropa Rine Utachiona

DEMETRIO Pessoa, nyanzvi yezvinhu zvipenyu muBolivia, paakarwarazve pashure pokuvhiyiwa, akaendeswa kukiriniki. Ikoko akaisirwa ropa, uye mamiriro ake ezvinhu akava nani. Zvisinei, pasina nguva refu, nyanzvi yezvinhu zvipenyu iyi yakava nefivha. Pashure pokumuongorora vanachiremba vakamuudza mashoko asingafadzi okuti: VaPessoa vakanga vaisirwa ropa raiva neutachiona hune chisvetaropa chinonzi Trypanosoma cruzi. Saka, vakanga vatova nechirwere cheChagas.

Zvakaitika kuna VaPessoa hazvina kuitika kwavari chete muBolivia, rinodaro Panos, sangano remuLondon rinobudisa nhau. Kuongorora kwezvekurapa kwakaitwa kwenguva refu munyika 12 dzekuLatin America kunoratidzira kuti murutivi irworwo rwenyika, zvirwere zvinotapukira zvinokonzerwa neropa rine utachiona zvinoitika mazuva ose. Mune imwe nyika yekuLatin America, pavarwere 10 000 voga voga vakaisirwa ropa, 220 vakaguma vava nechirwere chinotapukira. Izvozvo zvinoreva kuti munhu mumwe pavanhu 45 voga voga vakaisirwa ropa akatapukirwa!

Kunyange zvakadaro, chirwere cheChagas, hachisi icho choga chinotyisa. Kuongorora kumwe chete ikoko kwakaitwa kunoratidza kuti nyika dzinoverengeka dzekuLatin America dzaisaongorora kana ropa raipiwa raiva nehepatitis C uye kuti mune dzimwe nyika kuongororwa kwesyphilis kwaiitwa apo neapo chete. Mukuwedzera, nyika dzakati kuti, dzaiva dzisina midziyo yakakwana yokuongorora kana ropa raive neHIV. Paaitaura nezveropa rine utachiona, Tonchi Marinkovic, gurukota rezveutano remuBolivia, akati: “Mwari tiponesei pangozi, nokuti tingaguma taparadzwa nezvirwere zvinonetsa kurapa zvesyphilis, hepatitis, Chagas kana kuti AIDS.”

Asingazivi, mukuru-mukuru wehurumende uyu akanga ari kuenda kwakarurama nokuda kwokumisa ngozi inotyisa iya yezvokurapa. Magazini inonzi Notícias Bolivianas yakambotaura makore akati apfuura munyaya yaitaura nezvengozi dzokuisira ropa kuti: “Kurega ropa kunorumbidzwa mutsinhirano nemutemo weBhaibheri.” Mutemo weBhaibheri wacho uyo magazini iyi yekuBolivia inoreva uri pana Mabasa 15:29. Unoti: “Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka.”—Onawo Genesi 9:4; Revhitiko 3:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe