Mbeu Dzakazobereka Zvibereko Makore Akawanda Gare Gare
Tsamba inotevera yakagamuchirwa somugumisiro wenyaya yaiti “Matambudziko Nezvikomborero Zvekurera Vanakomana Vanomwe,” mu“Mukai!” yaJanuary 8, 1999.
Vanodiwa Hama naHanzvadzi Dickman,
Ndichangopedza kurava nyaya yenyu, uye ndinofanira kukunyorerai tsamba. Ndaiziva mhuri yenyu makore akapfuura kuMississippi [1960-61]. Kutaura chokwadi, ndakaenda kuchikoro nevanakomana venyu, uye ndaisiuya kumba kwenyu kuzotamba navo kakawanda zvikuru. Asi izvi handizvo zvinhu izvo zvakanyanyisa kurovererwa papfungwa dzangu duku. Kunyange pazera rechiduku rakadaro, ndakafadzwa zvikuru nokuziva kuti vakomana ava vakanga vasingachayi sarupu kumureza kuchikoro nemhaka yehana dzavo dzechiKristu. Kunyange zvazvo ndaiva nhengo yeChechi yeGrandview Baptist, apo mumwe wevakomana venyu akanditsanangurira maonere ake akasimba, ndakaziva kuti zvakanga zvakanaka.
Mumwe wavo akandipa bhuku rinonzi Kubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso Ichawanikwazve,a kana kuti ndakariba. Handichayeuki kuti ndezvipi zvakaitika, asi ndakarirava rose. Panguva iyoyo, raingova bhuku rengano rakaisvonaka kwandiri. Handina kuziva kuti mbeu dzechokwadi dzakanga dzadyarwa dzaizogara dzakadaro kwemakore.
Mhuri yangu yakatamira kuChamhembe muna 1964, uye ndakarega kuenda kuchechi. Unyengeri muchitendero hwakandiodza mwoyo, saka kwemakore akawanda ndakanga ndisingadi kubatanidzwa nechitendero chakarongwa.
Makore akawanda gare gare, pandakatanga kufunga nenzira yakakomba nezvechinangwa cheupenyu, ndakaziva kuti ndaida ukama neMusiki. Ndaida ukama ihwohwo pasina unyengeri hwechitendero. Mbeu dziya dzechokwadi dzakanga dzadyarwa kwamakore aiva apfuura dzakanga dzava kutanga kumera; handina kunge ndazviziva ipapo.
Ndakaramba ndichifunga nezvekuti ndaisada kuenda kudenga; ndaida kugara pano pasi chaipo. Ndaiona kuti pasi rino rakanga riri chisiko chakatsvinda zvinoshamisa pacharo, saka Mwari aizoriparadzirei? Ndakanga ndisingafungiwo kuti Jesu aiva Mwari. Kana akanga ari, saka chibayiro chake chaive chokunyengera. Idzi pfungwa, nekunzwa, uye zvandaitenda, kana ndingadaro, zvaisagona kuyananiswa nezvandakanga ndadzidza kuChechi yeBaptist. Saka ndakatanga kunyengetera, kunyengetera chaizvoizvo, uye Jehovha akaita chiito nokukurumidza. Zvapupu zvakasvika pamusuo wangu pasina mazuva akawanda, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa nokukurumidza. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina kumboonana neZvapupu zvaJehovha kubva panguva yandakaziva mhuri yenyu kusvikira pandakatanga kufunda, handina kumborega kuremekedza vanakomana venyu neushingi hwavo hwokutsigira zvakarurama. Pandakangotanga kudzidza ndakatanga kupinza zivo, zvose zvaiva nepfungwa kwandiri. Zvakanditorera gore nehafu kuti ndiruramise upenyu hwangu. Ndakazobhabhatidzwa muna 1975.
Patinongofunga nezvemashoko pamusoro pekuti mufambiro wedu ungapa uchapupu sei tisingambozvizivi, ndinofunga nezvemhuri yenyu. Apo tinofunga nezvekukosha kwokudyara mbeu dzeUmambo dzakawanda nokuti hatigarozivi kuti ndekupi kana kuti ndiriini padzichamera, ndinoziva kubva muruzivo rwekuzviwanira kuti izvi ndezvechokwadi sei.
Ndinoda kukuongai nokuda kwekuva pakati pevanhu vaJehovha uye nokuda kwekuva makanga makavimbika kune zvamaitenda panguva iyeyo. Musingazivi makabetsera mumwe munhu kuwana chokwadi. Mufambiro wenyu nekutenda kwenyu kwakasimba, uye kwavana venyu, kunoita kuti chokwadi chipenye. Ndaifunga kuti handaimbofa ndakaziva zvechokwadi kuti makaenda nepi kana kuti ndikwanise kukutendai. Ndinoti, mazviita zvakare.
Nerudo rwechiKristu,
L. O.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., muna 1958; zvino harichadhindwi.