Upenyu Hwakanaka Usina Gumbo Kana Ruoko
“MUKWIRI wemakomo avepozve pamusoro.” Rakazivisa kudaro rimwe pepanhau pakasvika Tom Whittaker pamusoro peMount Everest. Vakawanda vakambokwira kusvika panhongonya yegomo iroro yakakwirira, asi Tom Whittaker aiva wokutanga asina gumbo kuita izvozvo! Whittaker akadimburwa tsoka mutsaona yemotokari. Asi gumbo rake rokuisira, chigadzirwa chinotsiva nhengo yomuviri inenge yabva, chakamugonesa kutangisazve mutambo wake. Zvigadzirwa zvakafanana zviri kugonesa zviuru zvevamwe vakadimburwa maoko kana makumbo kuva noupenyu hwakanaka zvikuru. Zvechokwadi, hazvichashamisi kuona vakadimburwa makumbo kana maoko vachimhanya, vachitamba basketball, kana kuchovha mabhasikoro.
Makumbo nemaoko ekuisira okutanga aingova hoko dzemapuranga uye huka dzesimbi. Asi kufambira mberi kwakaitika sezvo hondo dzakasiya zviuru zvaremadzwa. Hazvishamisi kuti, akanga ari chiremba wokuvhiya wechiuto—wemuzana remakore rechi16 Ambroise Paré wekuFrance—anonzi ndiye akatanga zvigadzirwa zvinotsiva nhengo dzemuviri chaizvo zvokutanga. Zvigadzirwa zvanhasi zvinotsiva nhengo dzomuviri zvinoshandisa hydraulics, majoini emabvi akaoma kunzwisisa, tsoka dzinogona kubhenda dzecarbon-fiber, silicone, mapurasitiki, nezvimwe zvigadzirwa zvesayenzi zvemberi zvinogonesa vanhu vakawanda kufamba senguva dzose uye vakasununguka kupfuura zvati zvambofungidzirwa. Kubudirira mune zvemagetsi kunobvumira maoko nezvanza zvokuisira kuwedzera kushandiswa senguva dzose. Zvigadzirwa zvinotsiva nhengo dzemuviri zvakakwenenzverwawo. Makumbo kana maoko okuisira azvino zvino anobatanidza minwe nezvigunwe, uye zvimwe zvinotoratidzika sezvine tsinga. Zvechokwadi, mumwe mukadzi anopfeka zvokushambadza akanga adimburwa gumbo nemhaka yekenza akaisirwa gumbo rakaita serake chairo zvokuti akakwanisa kupfuurira nebasa rake rokushambadza zvipfeko.
Mafungire Anokosha
Kunyange zvakadaro, imwe nyanzvi yepfungwa Ellen Winchell inonyevera kuti: “Paunopinda mudambudziko rakadai sokudimburwa gumbo kana ruoko, unonetseka kwazvo pazvinhu zvose semunhu—munyama, mumwoyo, mupfungwa, nemumudzimu.” Chimbofunga nezvaWilliam, akadimbuka gumbo nemhaka yeronda rakaramba richinyenga. Anoti: “Chimwe chezvinokosha pakukunda chero dambudziko ripi zvaro muupenyu mafungire edu. Handina kumboona urema hwangu semhinganidzo. Panzvimbo pezvo, ndakaramba ndichitarisira kuti zvichanaka pamhinganidzo dzose dzandakasangana nadzo kubvira patsaona yangu.” Ellen Winchell, uyo akaremarawo, anotsigira achiti vanhu vane tariro vangangova nani nokukurumidza kana vadimburwa gumbo kana ruoko pane vanhu vasina tariro. Sezvinotaura Bhaibheri, “mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.”—Zvirevo 17:22.
VeMukai! vakataura nevaKristu vakawanda vakakwanisa kudzidza kurarama zvakanaka vasina gumbo kana ruoko. Vakawanda vavo vakakurudzira kuti vasina makumbo kana maoko vadzivise kunyanyozvifunga kana kuvanza urema hwavo. “Zvaitonyanya kundinetsa kana vamwe vainzwa sokuti iyi yaive imwe yenyaya dzaisatenderwa,” akadaro Dell akadimbuka gumbo rake reruboshwe nechepazasi pebvi. “Kwandiri, izvozvo zvinoita kuti munhu wese asanzwa zvakanaka.” Dzimwe nyanzvi dzinokurudzira kuti kana ruoko rwako rworudyi pasina wobva wasumwa kune mumwe munhu, unofanira kubva watanga kumukwazisa noruboshwe rwako. Uye kana mumwe munhu akakubvunza nezvechakatsiva nhengo yomuviri wako, muudze nezvazvo. Kusanyara kwako kunobatsira munhu wacho kugadzikana. Kazhinji, nyaya yacho inobva yachinjira kune dzimwe nokukurumidza.
Pane “nguva yokuseka.” (Muparidzi 3:4b) Mumwe mukadzi akadimburwa ruoko anoti: ‘Nguva yakawanda, ramba uchida zvinhu zvinosetsa! Tinofanira kuyeuka nguva dzose kuti maonere atinozviita ndiwo anonyanya kudzora maonerwe atinoitwa nenyika.’
“Nguva Yokuchema”
Pashure pokudimbuka gumbo rake, Dell pakutanga akafunga kuti, “Ndizvozvo. Upenyu hwangu hwapera.” Florindo naFloriano vose vakadimburwa makumbo nezvimbambaira muAngola. Florindo anotaura kuti akashungurudzika mumwoyo kwemazuva matatu neusiku hutatu. Floriano nenzira yakafanana akatambura zvikuru mumwoyo make. “Ndaiva nemakore 25 chete,” anonyora kudaro. “Rimwe zuva ndaigona kuita zvinhu zvose, uye rinotevera racho ndaisagona kunyange nokutomira chaiko. Ndakaora mwoyo uye hazvina kundikurudzira.”
Pane “nguva yokuchema.” (Muparidzi 3:4a) Uye ndozvazvinongoita kuti unombova nenguva yokushungurudzika mumwoyo kana warasikirwa nechimwe chinhu chikuru. (Enzanisa naVatongi 11:37; Muparidzi 7:1-3.) “Nzira yokupedza nayo kushungurudzika mumwoyo kutokuita,” anonyora kudaro Ellen Winchell. Kutaura manzwire ako kumuteereri anonzwira tsitsi kazhinji kunobatsira. (Zvirevo 12:25) Asi kushungurudzika hakupfuuriri nokusingaperi. Vamwe vanhu vangambova vasingatani kushatirwa, vanongoshora, vanofunganya, kana kuti vasingadi kutaura nemunhu pashure penjodzi yokudimbuka gumbo kana ruoko. Zvisinei, kazhinji kunzwa nenzira iyi kunozoderera. Kana zvikasadaro, kuora mwoyo kunotoda kurapwa kungave kwatanga—kazhinji hosha inoda kurapwa chaiko. Nhengo dzemhuri neshamwari dzinofanira kungwarira zviratidzo chero zvipi zvazvo zvokuti mudikanwi wavo anoda kubatsirwa kwakadaro.a
W. Mitchell, akaremara makumbo, anonyora kuti: “Tose tinoda vanhu vane hanya nesu. Zvinenge zvinhu zvose zvinogona kutsungirirwa kana munhu achinzwa akapoteredzwa neshamwari uye mhuri, nepo chinhu chidiki chinopinganidza chinogona kuvhiringidza munhu ari kurwisana nokurarama ari oga. Uye ushamwari hahungoerekani hwaitika, hunofanira kutotangwa nokutochengetedzwa, zvikasadaro hunoparara.”—Enzanisa naZvirevo 18:24.
Upenyu Hwakanaka, Usina Gumbo Kana Ruoko
Pasinei zvapo neurema hwavo, vakawanda vasina makumbo kana maoko vave vachigona kurarama upenyu hwakanaka. Somuenzaniso, Russell, akaberekwa ane chidya chete chegumbo rake roruboshwe. Pazera remakore 78, anopfuurira kurovedza muviri nguva dzose uye anorarama upenyu hwakanaka, kunyange zvazvo zvino ave kushandisa mudonzvo. Somunhu anongogara achifara, Russell akabvuma kuti zita rake ramadunhurirwa ragara kwenguva refu ndiMufaro.
Douglas, akadimburwa gumbo muHondo yeNyika II, anofamba nezvinogadzirwa zvazvino zvinotsiva nhengo yomuviri. Semumwe weZvapupu zvaJehovha, ave achifara nokushanda sapiyona wenguva dzose, muparidzi wenguva yakazara, kwemakore matanhatu. Uye unoyeuka Dell here, uyo akafunga kuti upenyu hwake hwakanga hwapera paakadimbuka gumbo rake? Iye zvakare anorarama upenyu hunogutsa sapiyona, uye anogona kuzvitarisira pachake.
Kunyange zvakadaro, vakadimbuka makumbo kana maoko munyika dzine urombo kana dzasakadzwa nehondo vari kurarama sei? Sangano rezveUtano reNyika Dzepasi Rose rinoti: “Chokwadi chaicho ndechokuti nhasi nhamba diki muzana yevanhu vane urema vanobatsirwa.” Vakawanda vanotovimba nemidonzvo nemadondoro enhando kuti vafambewo. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva rubatsiro runowanika. Floriano naFlorindo, vakadimburwa makumbo nezvimbambaira zvekuAngola, vose vakawana makumbo okuisira kuburikidza neInternational Red Cross nehurumende yeSwiss. Floriano anoshanda nomufaro semubatiri anoshumira muungano yemunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha, uye Florindo anobatira semukuru uye semuevhangeri wenguva yakazara.
Rimwe sangano rinotarisira vakaremara rinotaura zvakanaka parinoti: “Vanhu vakaremara chete ndevaya vakarasa mwoyo!” Zvinofadza kuti, Bhaibheri rakaita basa rinokosha kupa vakaremara chivimbo. “Kudzidza chokwadi cheBhaibheri pandaipora kwakandibatsira kwazvo,” anodaro Dell. Nenzira yakafanana, Russell anoti: “Tariro yangu yakavakirwa paBhaibheri nguva dzose yave ichindibatsira muzvinetso.” Ko Bhaibheri rine tariroi nokuda kwezvirema?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Nzira Yokubetsera Nayo Vakaora Mwoyo Kuwanazve Mufaro,” iri mumagazini yeNharireyomurindi, yaMarch 15, 1990.
[Bhokisi riri papeji 8]
Marwadzo Okudimburwa
Kunzwa souchine gumbo kana ruoko kunoreva zvinonzwiwa chaizvoizvo zvokuti gumbo kana ruoko rwakadimburwa ruchiripo. Manzwire enguva dzose evakadimburwa vavhiyiwa, izvi zvinonzwika sezvechokwadi kwazvo zvokuti kamwe kabhuku kevakadimburwa kanoti: “Ngwarira kunzwa sokuti gumbo kana ruoko riripo paunomuka pamubhedha kana paunosimuka pachigaro usina rokuisira. Nguva dzose tarisa pasi kuti uzviyeuchidze kuti tsoka yako haipo.” Mumwe murwere akanga adimburwa makumbo ose akada kuti asimuke kuti abate chiremba wake ruoko asi akawira pasi!
Chimwe chinonetsa marwadzo anonzwika pakadimburwa pacho. Aya marwadzo chaiwo anonzwiwa seari kubva pakadimburwa pacho. Marwadzire acho, rudzi, neurefu rwemarwadzo zvinosiyana pamunhu nemunhu. Zvinofadza kuti, marwadzo acho ari maviri ekunzwa kuti imwe nhengo yomuviri hapachina uye ekudimburwa kazhinji anoderera nokufamba kwenguva.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Zvigadzirwa zvazvino zvinotsiva nhengo dzomuviri zvinoita kuti upenyu hunakidze kune vanhu vakawanda vakaremara
[Kwazvakatorwa]
Photo courtesy of RGP Prosthetics
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kushungurudzika mumwoyo muitiro wenguva dzose kana warasikirwa zvikuru
[Mufananidzo uri papeji 8]
Vakaremara vakawanda vanonakidzwa noupenyu hwakanaka