Kudimbuka Gumbo Kana Ruoko—Maderedzere Aungaita Njodzi Yacho
KUDIMBUKA gumbo kana ruoko kwakawanda kunogona kudziviswa! Uye zvinodarowo kunyange kuvanhu vane peripheral vascular disease (PVD). Sezvataurwa munyaya yapfuura, PVD kazhinji inokonzerwa nehosha yeshuga.a Zvinofadza kuti, hosha yeshuga kakawanda inogona kudzorwa.
“Kudya ndicho chinhu chikuru pakurapa hosha yeshuga zvisinei nokuti insulin yanzi nachiremba ishandiswe here kana kuti kwete,” rinodaro The Encyclopædia Britannica. Dr. Marcel Bayol, weChipatara cheKings County muNew York City, akaudza veMukai! kuti: “Kana vane hosha yeshuga vakanyatsokoshesa mamiriro avo ezvinhu, vachingwarira zvokudya zvavo, uye vachishandisa nzira dzokurapa dzavanoudzwa, vachaderedza njodzi yokudimburwa gumbo.” Vane hosha yeshuga yeRudzi II vanotevedzera zano iri vangatoona zviratidzo zvehosha yavo zvichiita nani nokufamba kwenguva.b
Kurovedza Muviri Kunokosha
Kurovedza muviri kunokoshawo. Kunobatsira muviri kuchengeta mwero weglucose, kana kuti shuga, uri munzvimbo yenguva dzose. PVD painotanga kuoneka, kurovedza muviri kunobatsira kuchengeta simba rinodiwa, kusununguka, uye kuyerera kweropa kunzvimbo dzakakuvadzwa. Kurovedza muviri kunobatsirawo kuderedza marwadzo etsapfu—marwadzo ayo vanorwara nehosha yePVD vanganzwa pavanofamba kana kuti pakurovedza muviri. Zvisinei, vakadaro vanofanira kudzivisa kurovedza kunokuvadza muviri nokunogwinha makumbo avo. Kurovedza muviri kwakatonyanya kunaka kunobatanidza kufamba, kuchovha bhasikoro, kukwasva igwa, kushambira, nemimwe mitambo yomumvura. Munhu anofanira kubvunza chiremba asati atanga zvokudya zvakarongwa kana kuti asati atanga purogiramu chaiyo yokurovedza muviri.
Chokwadika, kuputa, kunofanira kuregwa nemunhu wose anoda utano hwakanaka. PVD chinongova chimwe chezvinetso zvakawanda zvinokonzerwa kana kuwedzerwa nokuputa. “Kuputa chisakiso chikuru chokudimburwa maoko kana makumbo, kunyanya kana muputi wacho ane hosha yeshuga nePVD,” akadaro Dr. Bayol. Chisakiso chacho chakakura zvakadini? Bhuku rokudzidzisa vanodimburwa maoko kana makumbo rinoti “kudimburwa makumbo kana kuti maoko kwakakwirira neka10 pavaputi kupfuura vasingaputi.”
Kutarisira Varwere Vakadimbuka Makumbo Kana Maoko
PVD inogona kuderedza kufamba kweropa kumakumbo, zvinogona kusakisa hosha inonzi neuropathy—kuuraya, kana kuitisa tsinga chiveve. Makumbo ipapo anenge ave mungozi yokukuvara, kunyange munhu paanenge akangozorora pamubhedha. Somuenzaniso, nemhaka yokuti haanzwi chero marwadzo, ane hosha yacho anogona kutsva zvakaipisisa kana gumbezi rake remagetsi kana kuti jira rokutovesa rikapisisa! Nemhaka yechikonzero ichi, vagadziri vezvinhu zvacho vanoyambira vane hosha yeshuga kuti vachenjere pavanoshandisa zvigadzirwa izvi.
Varwere vakadimburwa makumbo kana maoko havatani kutapukirwa nehosha. Chironda chidiki chete chinogona kukonzera maronda emudumbu, kunyange ronda rinongonyenga. Saka kutarisira tsoka kunokosha, uye izvi zvinobatanidza kupfeka shangu dzakanaka, dzinonyatsokwana nekuchengeta makumbo netsoka zvakachena uye zvakaoma. Zvipatara zvakawanda zvine makiriniki anoona nezvetsoka anodzidzisa varwere kutarisira tsoka dzavo.
PVD painowedzera zvokuti kuvhiyiwa kungadikanwa, vavhiyi kazhinji vanoedza kudzivisa kudimbura gumbo kana ruoko. Imwe nzira ndeyokushandisa zvibharumu kufuridza pakavhara tsinga yacho. Muvhiyi wetsinga anoisa chubhu ine chibharumu mberi. Chibharumu chacho chinozadzwa nemhepo, inoita kuti tsinga dzanga dzakavhara dzitatamuke. Imwe nzira ndeyokurega kuvhiyiwa—kutsiva tsinga dzinofambisa ropa dzakanyanya kukuvara netsinga dzinenge dzatorwa paimwe nhengo yemuviri.
Barbara, ane makore 54, ave achishivirira hosha yeshuga Rudzi I kubva ane makore mana. Pashure pokunge abereka mwana wake wokutanga, tsoka dzake dzakabatwa nePVD. Vamwe vanachiremba vakamukurudzira kuti dzidimburwe. Zvisinei, Barbara akawana chiremba wokuvhiya tsinga ane mukurumbira wakanaka uyo akafuridza pakavhara tsinga yacho kuvandudza kutenderera kweropa mutsoka dzake. Nzira yokufuridza pakavhara tsinga yacho yakashanda kwenguva yakati, asi gare gare Barbara aida kuvhiyiwa, kwakabudirira. Barbara zvino anonyatsochengetedza tsoka dzake.
Dzivisa Kukuvara
Kukuvara ndiyo honzeri yechipiri yokudimburwa maoko kana makumbo kuzhinji. Kusingasarudzi nhengo dzomuviri, kukuvara kunogona kuguma nekukanganisika kwechero nhengo ipi zvayo yomuviri. Zvisinei, kuona upenyu sezvinoita Mwari kunogona kuderedza kwazvo njodzi yemunhu yokukuvara. Hazvinei kuti uri kushanda, uri kutyaira, kana kuti uri kunakidzwa nokuzorora, vaKristu vanofanira kubata miviri yavo sechipo chakabva kuna Mwari. Saka, vachada kuremekedza mirayiridzo yose yokudzivirira ngozi dzoupenzi.—VaRoma 12:1; 2 VaKorinte 7:1.
Chii chiri kuitwa kuderedza njodzi yokukuvara munyika dzine zvimbambaira? Purogiramu dzinotsigirwa nehurumende dzokuzivisa vanhu nezvezvimbambaira dziri kuitwa munyika dzakawanda. Maererano nemashoko emunyori mukuru weSangano Remubatanidzwa weNyika Dzapasi Rose, purogiramu dzacho dzinodzidzisa “vanhu vari munjodzi . . . kuti vangaderedza sei mikana yavo yokukuvadzwa nazvo pavanenge vachigara nokushanda munzvimbo dzine zvimbambaira.”
Zvinosuruvarisa kuti, “vanhu vanosvika pakujairana nokuvapo kwezvimbambaira uye vanosvika pakusava nebasa nazvo,” anodaro mashoko eUnited Nations. “Dzimwe nguva zvinosakisa zvezvitendero zvinokurudzira [vanhu] kuva nepfungwa yekutemerwa mugumo patsaona dzakadaro.” Zvisinei, pfungwa yokutemerwa mugumo, haitsigirwi neShoko raMwari. Mukupesana, Bhaibheri rinokurudzira kungwarira uye kudzivirira ngozi.—Dheuteronomio 22:8; Muparidzi 10:9.
Saka nokurovedza muviri kwokungwarira nokuita matanho ane musoro kuchengetedza utano hwako, unogona kuderedza kwazvo njodzi yako yokudimburwa ruoko kana gumbo. Asi zvakadini nevaya vakatodimburwa maoko kana makumbo? Vanogona zvakare kunakidzwa noupenyu hwakanaka hunofadza here?
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinetso zvetsinga dzemakumbo zvinogonawo kumutswa kana kuti kuwedzerwa kana munhu akapfeka mbatya dzinobata nechokumakumbo kana kuti shangu dzisingakwani kana kugara (kunyanya akapiringanisa makumbo) kana kumira nguva refu.
b Vanhu vane hosha yeshuga yeRudzi I vanonyorerwa majekiseni einsulin avanofanira kushandisa zuva roga roga. Kune vaya vane hosha yeshuga yeRudzi II (hosha yeshuga iya isingadi insulin) vanogona kazhinji kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu nokudya uye kurovedza muviri. MuUnited States, 95 muzana yevane hosha yeshuga vane hosha yeshuga yeRudzi II.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Kuputa kunowedzera kwazvo njodzi yokudimburwa ruoko kana gumbo, kunyanya vaya vane hosha dzetsinga
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kurovedza muviri kwakafanira nokudya kwakanaka zvinobetsera gadziriro yetsinga dzakanaka