RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 6/8 pp. 9-10
  • Apo Urema Hwose Hunenge Husisipo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Urema Hwose Hunenge Husisipo
  • Mukai!—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Maperero Achaita Kuremara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Upenyu Hwakanaka Usina Gumbo Kana Ruoko
    Mukai!—1999
  • Upenyu Huri Nani Hwakapikirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kufara Pasinei Noundonda
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 6/8 pp. 9-10

Apo Urema Hwose Hunenge Husisipo

MUMWE akaremara makumbo nemaoko akambotaura kuti vanhu vakawanda vanongova ne“miviri yakanaka kwechinguva.” Ichocho ichokwadi sei, nokuti pane imwe nguva, zvinetso zvomuviri zvinotiwira tose! Ndokusaka, pane kuwedzera kukuru kwokutengeswa kwemagirazi emaziso, macontact lenses, mazino okuisira, zvinobatsira kunzwa, zvemagetsi zvinobatsira kurova kwemwoyo, nemabvi okuisira. Sezvinotaura VaRoma 8:22 kuti, “zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”

Saka, tose zvedu, tinogona kunyaradzwa nevimbiso yaMwari yokudzorera vanhu vanoteera kuutano hwakakwana hwomuviri mu“nyika itsva” yakarurama. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Isaya 35:5, 6 inoti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. . . . Unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”

Bhaibheri rinofanotaura kuti “boka guru” richapukunyuka kuparadzwa kwegadziriro ino yakaipa yezvinhu. (Zvakazarurwa 7:9, 14; Pisarema 37:10, 11, 29) Hapana mubvunzo kuti nokukurumidza pashure pokuparadza ikoko, avo vane urema hukuru nezvinetso zveutano vachaporeswa pakarepo hosha dzavo! (Isaya 33:24) Somuenzaniso chete wokuporesa kuchaitika munyika itsva yaMwari, Jesu akamboporesa hosha dzakadaro paaiva pasi pano. (Enzanisa naMarko 5:25-29; 7:33-35.) Munhu haatombogoni kutanga kurondedzera mufaro uyo vanhu vachava nawo nemisodzi yomufaro ichavapo sezvo zvirema zvicharasa zvinotsiva nhengo dzemiviri yazvo, madondoro, nemawiricheya! Vakagwinya mumuviri, ipapo vachagona kuita basa ravo ravachapiwa naMwari rokubatsira kuchinja pasi kuva musha weparadhiso.—Ruka 23:43.

Pari zvino, vakaremara nhasi vanofanira kurwisana nezvavasingagoni kuita. Nelson, chimwe chirema muCanada, anoti: “Pandinotanga kuzvinzwira urombo, ndinofunga mashoko aJesu ari pana Mateo 24:13 anoti: ‘Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.’” Pasinei zvapo nezvavasingagoni, vanhu vakaremara vanogona kuva vakwana nokugwinya munzira inokosha zvikurusa—yomudzimu—nokutsungirira mukutenda kwechiKristu.—Jakobho 1:3, 4.

Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira mamiriyoni kugamuchira kutenda uku. Dell, murume akaremara ane mashoko ake ataurwa munyaya yatangira ino, anoti: “Handigoni kutaura manzwire andakaita pandakaziva kuti zvinetso zvemuviri zvakafanana nezvangu ndezvenguva diki chete.” Hungu, vasimbiswa netariro yakadaro, Dell—nevamwe vakawanda kufanana naye—havagoni chaizvozvo kunzi vakaremara.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vachapukunyuka kuparadza kuri kuuya vachafadzwa nokuporeswa kunoshamisa kweurema hwavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe