“Vana Vachiri Vaduku”
‘Vana vachiri vaduku; ini ndichanyatsozvisesedza, navana sezvavanogona kufamba.’—Jakobho, baba vevana vakawanda, vemuzana rechi18 B.C.E.
KUSABATWA zvakanaka kwevana hakusi kutsva. Nzanga dzekare—dzakadai sedzechiAztec, vaKanani, vaIncas, uye vaPhoenicia—dzine mukurumbira wakaisvoipa wemuitiro wokubayira vana. Zvakacherwa muguta rePhoenicia reCarthage (zvino rava taundi duku reTunis, Kuchamhembe kweAfrica) zvakaratidzira kuti pakati pezana ramakore rechishanu nerechitatu B.C.E., vana vakawanda vanosvika 20 000 vakapiwa sezvibayiro kuna mwari Bhaari uye mwarikadzi Taniti! Munhu paanorangarira kuti Carthage munguva yayainge yakabudirira, yainzi yaiva nevagari vanenge 250 000, nhamba iyi inotonyanya kutyisa.
Zvisinei, paiva neimwe nzanga yekare yaiva yakasiyana. Pasinei zvapo nokuti vaigara pakati pevavakidzani vaiitira vana utsinye, rudzi rwaIsraeri rwakanga rwakasiyana pane zvarwaiitira vanhu vaduku. Baba werudzi rwacho, tateguru Jakobho, akagadza muenzaniso. Maererano nebhuku reBhaibheri raGenesi, paaidzokera kunyika yokumusha kwake, Jakobho akadzora nhano dzevanhu vake vose kuitira kuti zvisaomera vana kwazvo. “Vana vachiri vaduku,” akadaro. Panguva iyoyo vana vake vaiva nemakore ari pakati pe5 ne14. (Genesi 33:13, 14) Vana vake, vaIsraeri, vakaratidzira ruremekedzo rwakafanana rweizvo vana vanoda uye rukudzo.
Zvechokwadi, vana munguva dzeBhaibheri vaiva nezvakawanda zvokuita. Sezvavaikura vakomana vaipiwa rovedzo nababa vavo inoshanda mune zvokurima, kana kuti kugadzira zvinhu, zvakadai sokuveza. (Genesi 37:2; 1 Samueri 16:11) Vari pamusha zvavo, vasikana vaidzidziswa navanamai vavo unyanzvi hwemabasa epamusha aizova akakosha muupenyu hwemunhu mukuru. Rakeri, mudzimai waJakobho, aiva mufudzi paaiva musikana muduku. (Genesi 29:6-9) Vadzimai vaduku vaishanda muminda munguva yokukohwa zviyo nemuminda yemizambiringa. (Rute 2:5-9; Rwiyo rwaSoromoni 1:6)a Basa rakadaro kazhinji kazhinji raiitwa pasi poutungamiriri hwevabereki hune rudo uye raibatanidzwa nedzidzo.
Panguva imwe cheteyo, vana vaduku muna Israeri vaiziva kunakidza kwekuzorora nevaraidzo. Muprofita Zekaria akataura nezve‘nzira dzomuguta sedzakanga dzazara navanakomana navanasikana vanotamba.’ (Zekaria 8:5) Uye Jesu Kristu akataura nezvavana vaduku vaive vakagara pamusika vairidza nyere nokutamba. (Mateo 11:16, 17) Chii chaiita kuti vabate vana norukudzo kudaro?
Nheyo Dzakakwirira
VaIsraeri pavaingochengeta mitemo yaMwari chete, havana kumbobata vana vavo zvisina kufanira kana kuvadzvinyirira. (Enzanisa Dheuteronomio 18:10 naJeremia 7:31.) Vaiona vana vavo se“nhaka inobva kuna Jehovha,” se“mubayiro.” (Pisarema 127:3-5) Mubereki aiona vana vake ‘semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yake’—uye miti yemiorivhi yaikosha kwazvo munzanga iyoyo yaiita zvokurimwa! (Pisarema 128:3-6) Munyori wenhau dzakaitika Alfred Edersheim anoti kunze kwemashoko anoreva mwanakomana nemwanasikana, chiHebheru chekare chaiva nemashoko mapfumbamwe anoreva vana, rimwe nerimwe padanho rokukura roupenyu rakasiyana. Anogumisa achiti: “Zvechokwadi, avo vaitarisa nechido upenyu hwevana zvokuti vakapa zita chidanho chimwe nechimwe chokuenderera mberi kweupenyu hwake, vanofanira kuva vaida kwazvo vana vavo.”
Munguva dzechiKristu, vabereki vairayirwa kubata vana vavo norukudzo neruremekedzo. Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonaka mukubata nevana vevamwe vanhu. Pane imwe nhambo ushumiri hwake hwepasi pano hwava kuda kunopera, vanhu vakatanga kuunza vana vavo kwaari. Sezviri pachena vachifunga kuti Jesu akanga akanyanya kubatikana zvokusada kunetswa, vadzidzi vakaedza kumisa vanhu. Asi Jesu akaruramisa vadzidzi vake achiti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa.” Jesu akato“vafungatira mumaoko.” Hapana mubvunzo asi kungoti aiona vana sevanokosha uye vanofanirwa kubatwa zvakanaka.—Marko 10:14, 16; Ruka 18:15-17.
Gare gare, muapostora Pauro akati kumadzibaba: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Vachiita maererano nenheyo iyi, vabereki vechiKristu, kareko uye nhasi, havambobvumiri kuti vana vavo vashande mumamiriro asina kunaka. Vanoziva kuti miviri yevana kuti ikure zvakanaka, mupfungwa, nemumudzimu, vanoda pavanoratidzwa rudo, kuitirwa hanya, uye pakachengeteka. Rudo rwavabereki rwechokwadi runofanira kunyatsooneka. Izvi zvaizobatanidza kudzivirira vana vavo kushanda mabasa anokuvadza muviri.
Zviripo Chaizvo Mazuvano
Chokwadika, tiri kurarama mu“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5) Nemhaka yekunetsa kuri kuita mari, munyika dzakawanda kunyange mhuri dzechiKristu dzingawana zvichitoda kuti dziite kuti vana vadzo vashandewo. Sezvambotaurwa kare, hapana chakaipa nebasa rakanaka uye rinodzidzisa vana. Basa rakadaro ringava rakanakira kana kuti rinonatsa kukura kwemuviri wemwana, pfungwa, umudzimu, tsika, kana kugara nevamwe pasina kuvhiringidza dzidzo yokuchikoro inokosha, nhandaro iri pakati nepakati, uye zororo rinodiwa.
Hapana mubvunzo kuti vabereki vechiKristu vaizoda havo kuti vana vavo vashande vachivatarisira ivo pachavo, kwete sevaranda chaivo vevashandirwi vane utsinye, vasina tsitsi, kana kuti vasingakendengi. Vabereki vakadaro vanoda kuva nechokwadi chokuti basa rose rinoitwa nevana vavo harivakuvadzi, hariitisi kuti vashinhwe, kana kuti harivavhiringidzi pfungwa. Vanodawo kuti vana vavo vave pedyo navo. Nenzira iyi vanogona kuzadzika basa ravo ravanopiwa muBhaibheri rokuva vadzidzisi vomudzimu: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa [mashoko aMwari] vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:6, 7.
Uyezve, muKristu anoudzwa kuti aratidze vamwe tsitsi, kuti ave nechidakadaka, uye kuva nengoni. (1 Petro 3:8) Anokurudzirwa ku“itir[a] vose zvakanaka.” (VaGaratia 6:10) Kana mavara aMwari akadaro achifanira kuratidzirwa kuvanhu vosewo zvavo, zvakadini nekuvana vako! Mukuchengeta Muitiro Wakanaka—“zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo”—vaKristu havazombozvibvumiri pachavo kudzvinyirira vana vevamwe, vaKristu vavanotenda navo kana kwete. (Mateo 7:12) Mukuwedzera, sezvo vaKristu vari vagari venyika vanoteerera mutemo, vanoda kuchenjerera kusaputsa mitemo yehurumende pamuganhu wezera revanhu vanozvishandira.—VaRoma 13:1.
Mhinduro Chaiyo
Zvakadini nezveremangwana? Nguva dzakanaka dziri mberi nokuda kwevana uye vanhu vakuruwo. VaKristu vechokwadi vanovimba kuti chinogadzirisa zvechigarire chinetso chokushandiswa kwevana ihurumende iri kuuya iyo Bhaibheri rinoti “umambo hwamatenga.” (Mateo 3:2) Vanhu vanotya Mwari vave vachinyengeterera ihwohwu kwemazana amakore pavaiti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Pakati pezvimwe zvinhu, Umambo uhu huchabvisa mamiriro ezvinhu anotungamirira kushandiswa kwevana. Huchabvisa urombo. “Pasi pa[cha]bereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, uchatiropafadza.” (Pisarema 67:6) Umambo hwaMwari huchanyatsoona kuti vanhu vose vawana dzidzo yakakodzera yemavara aMwari. “Nokuti kana kutonga kwenyu [Mwari] kuri panyika, vanhu vagere panyika vanodzidza zvakarurama.”—Isaya 26:9.
Hurumende yaMwari ichagumisa gadziriro dzezveupfumi dzinosimudzira kusaenzana. Urudzi, rusaruro munzanga, rusaruro rwezera, kana kuti rusaruro pakati pevarume nevakadzi zvinenge zvisisipo, sezvo mutemo unokunda yose wehurumende iyoyo uchange uri rudo, kubatanidza murayiro unoti: “Ida wokwako sezvaunozvida iwe.” (Mateo 22:39) Pakutonga kwehurumende iyoyo yakarurama mupasi, dambudziko rokushandiswa kwevana richabviswa zvachose!
[Mashoko Omuzasi]
a Izvi hazvina kuderedza vakadzi kuva nhengo dzemhuri dzakaderera dzakangokodzera mabasa emumba chete kana kuti omuminda. Rondedzero ye“mukadzi unoita zvakanaka” iri muna Zvirevo inoratidzira kuti mudzimai akaroorwa aisangogona mabasa omumba chete asiwo zvokutenga nezvokutengesa muzvibvumirano zvebhizimisi, kutsvaga munda unobereka zvibereko, uye kuita kabhizimisi kaduku.—Zvirevo 31:10, 16, 18, 24.
[Bhokisi riri papeji 30]
Muridzi Weboka Repfambi Anodzirega Kuti Dziende
KWEMAKORE 15, Ceciliab aiva neimba yemahure ake yaaitarisira mune chimwe chitsuwa cheCaribbean. Aitenga vasikana 12 kusvika ku15 panguva imwe, vakawanda vavo vari pasi pemakore 18. Vasikana vacho vaimanikidzwa kuita zvavaive vasingadi nemhaka yezvikwereti izvo mhuri dzavo dzainge dzapinda mazviri. Cecilia akabhadhara zvikwereti zvacho ndokutora vasikana vacho kuti vamushandire. Pane yavaiwana, aibhadhara zvokudya zvavo nemari yezvokuvachengeta uyewo nokuchengeta chikamu chidiki chemutengo chaiwo waakanga avatenga nawo. Zvakatora makore kuti vawanezve rusununguko rwavo. Vasikana vacho havaimbobvumirwa kubuda mumba vasina murindiri.
Cecilia anonyatsoyeuka zvimwe zvakamboitika. Amai vemumwe musikana pfambi vaiuya vhiki rega rega kuzotora mabhokisi ezvokudya—zvokudya zvainge zvawanwa ne“basa” remwanasikana wavo. Musikana iyeye airera mwanakomana. Haaikwanisa kupedza zvikwereti zvake uye akanga asisina tariro youpenyu hwakasununguka. Rimwe zuva akazviuraya, achisiya tsamba yaironzesa mukadzi waaishandira kuti arere mwanakoma wake. Cecilia akarera mukomana wacho pamwe chete nevana vake chaivo vana.
Mumwe wevanasikana vaCecilia akatanga kudzidza Bhaibheri nevafundisi veZvapupu zvaJehovha. Cecilia akakurudzirwa kugoverana muchidzidzo chacho, asi pakutanga akaramba nemhaka yokuti akanga asina kumbodzidza kuverenga kana kunyora. Zvisinei, zvishoma nezvishoma, nokungonzwawo zvaikurukurwa zvaibva muBhaibheri, akasvika pakunzwisisa rudo rwaMwari nokushivirira ndokuonga kukanganwira kwake. (Isaya 43:25) Nechido chokudzidza Bhaibheri pachake, nenguva isipi akatanga kudzidza kuverenga nokunyora. Sezvaaifambira mberi muzivo yeBhaibheri, akaona kudikanwa kwekuita zvinowirirana nemitemo yakakwirira yaMwari yetsika.
Rimwe zuva, zvakashamisa vasikana vaya, akavaudza kuti vakanga vasununguka kuenda! Akatsanangura kuti zvavakanga vachiita zvaisafadza Jehovha kwazvo. Hapana kana nemumwe wavo akabhadhara mungava wake kwaari. Zvisinei, vaviri vakasara vakatama kuti vagare naye. Gare gare mumwe wacho akava Chapupu chakabhabhatidzwa. Cecilia ave ari mudzidzisi weBhaibheri wenguva yakazara kwemakore 11 zvino, achibatsira vamwe vanhu kusununguka mumiitiro isingakudzi Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
b Harisi zita rake chairo.