‘Basa Rako Rinobetsera sei Nzanga?’
UYU waiva mubvunzo uyo Chandrakant Patel, mutori wenhau wekuIndia, akabvunza imwe yenhengo dzevashandi vepadzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha, muBrooklyn, New York. VaPatel vaiva vauya kuzoona zvivako uye vakafadzwa zvikuru nezvavakaona nezvavakanzwa zvokuti pavakadzokera kuIndia, vakanyora nyaya yacho mupepanhau remutauro wechiGujarati.
Vachisiyanisa zvimwe zvezvitendero zveZvapupu zvaJehovha neizvo zvemasangano emachechi muIndia, VaPatel vakanyora kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodavira muna Mwari wamasimba ose, Jehovha, kusiyana nedzidziso yeUtatu inowanzodzidziswa mumachechi uye kuti hazvishandisi zvifananidzo mukunamata kwazvo. Vakacherekedza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine tsika dzakakwirira nemhaka yokuti zvinobatisisa zvinokosha zvechiKristu zviri muBhaibheri zvine chokuita neupombwe, kubvisa pamuviri, uye kuvenga kana kuuraya vamwe vanhu. Vakatsanangura Zvapupu sezvine rugare, zvine rudo, zvine mwoyo murefu, uye zvinobatsira vamwe pamwe nokusatya nekushingaira mukuparadzira mashoko eBhaibheri kuna vamwe.
Imhinduroi iyo mutori wenhau wekuIndia akawana pamubvunzo wake waiti, ‘Basa renyu rinobetsera sei nzanga?’ Akanyora kuti: ‘Mhinduro yacho yaiva yokuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvinobetsera muupenyu hwedu hwose.’ VaPatel vaida kunyatsoziva mune zveutano nekugovera mabasa. Vachidudza zvimwe zvezvavakatsanangurirwa, vakati: ‘Kana munhu akatevedzera zano reMagwaro kuti adzivise zvinhu zvinokuvadza sefodya nezvinodhaka uye orarama upenyu hwakachena, anogona kudzivisa zvirwere zvakasiyana-siyana. Uye vanhu vanoshanda nesimba, vanorarama upenyu hwakachena, vakatendeseka ndivo vangangowana mabasa. Uyezve, kugadzirisa zvinetso munzira yemutsa neyerudo kunogumisira neukama hune rugare nevamwe. Saka kudzidzisa vanhu zvinotaurwa neBhaibheri kunoshanda nokuda kwekubetsera nzanga.’
Uyu mutori wenhau akaona zvinodzidziswa neBhaibheri zvichishandiswa padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha. Nyaya yake yakarumbidza kuchena nekufara kwevashandi vanozvidira vakazvipira vepamuzinda webasa remudzimu. Iwewo unogona kubetserwa nezvinodzidziswa neBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza kuti unoita sei.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Pepanhau riri kuseri kwemashoko: Courtesy Naya Padkar, Gujarati Daily published from Anand, India