Musangano Wakatanhamara Pamusoro Pokuvhiya Pasina Ropa muMoscow
ZVINOTSIVA ROPA MUKUVHIYA ndiro rakanga riri zita romusangano wemarudzi ose wekurapa wakaitirwa muMoscow, Russia, pana 6 October 1998. Vanopfuura vanachiremba 800 vaivapo paVishnevskij Institute of Surgery pamusangano wakaitwa panguva imwe chete neMusangano weChitanhatu weVatindivadzi Vose vomuRussia navanaMazvikokota Vanotarisira Varwere Vanenge Varwarisa.
Purofesa Andrey Ivanovich Vorobiev, uyo anoshanda sachiremba weropa paChikoro chePamusoro cheSayenzi yeZvokurapa cheRussia, muMoscow, akachingamidza vanachiremba kune waakadana kuti “musangano uno wakagadzirirwa kuwana zvinotsiva pane kuisira ropa.”
Achirondedzera nei musangano wacho waikosha, Vorobiev akataura nezve“njodzi dzakaipisisa dzokuisira ropa.” Akataura kuti semugumisiro wokuisira ropa, vana vakawanda vane chinetso cheropa risingagwambi nokukurumidza munyika dzakadai seUnited States, Japan, neGermany vave vachitambudzwa neAIDS. Uye, pashure pokupa mashoko ezvekupararira kwehepatitis nemhaka yokuisira ropa, akachema-chema achiti: “Mashoko acho anoshamisa zvechokwadi. Chaizvoizvo varwere vose vane chinetso cheropa risingagwambi nokukurumidza vane utachiona hwehepatitis.”
Pfungwa yokurapa yakabudiswa naVorobiev, yakanga iri yokuti kana munhu “akarasikirwa nerita reropa, iro rinofanira kutsiviwa nerita reropa.” Asi “kukanganisa ikoko!” akadaro. Achipedzisa mashoko ake okuzarura, akati: “Taitsigira kuisira ropa, uye zvino pamwe chete tichafanira kubvisa pfungwa dzekare.”
Vanamazvikokota vakawanda vezvokurapa vakatevera mupurogiramu yacho vaiva vokuRussia, asi paivawo nevakurukuri vokuFrance, Sweden, Belgium, uye United States. Pane kungorondedzera kubudirira mukutarisira kurasika kweropa nezvinotsiva ropa mukuisira ropa, vanachiremba vakacherekedza ngozi dzokuisira ropa, kubatanidza ngozi ingangovapo nesimba rokuzvidzivirira romuviri.
Kuparadzira Kweterevhizheni
Terevhizheni yevanhu veRussia, inoonekwa nevanhu vanopfuura mamiriyoni 235, yakagovera mashoko akaisvonaka zvichitevera musangano wacho. Sachigaro, Elena Malysheva, akatsanangura kuti: ‘Vanachiremba vokuvhiya vanonyatsozivikanwa munyika yose, vokutindivadza, uye veropa vakaungana pamwe muMoscow kuzopindura mubvunzo mumwe unoti: Kuvhiya kungaitwa pasina kuisira ropa here?’
Elena akaudza vateereri vake vemuTV nezvechirwere chinogona kupfuudzwa neropa ndokutsanangura kuti: “Ndizvo zvakaita kuti vanachiremba vatsvage imwe nzira. Uye yakawanwa. Yakanzi kuvhiya pasina ropa. Munhu wose achavhiyiwa anogona kukurukura nzira dzokuvhiya pasina ropa nachiremba wake angave murume kana mukadzi.”
Mukuoneka kwaAndrey Vorobiev munhepfenyuro, akati: ‘Ropa rinopiwa rine maprotein asiri emumuviri macho uye anogona kukonzera chiito chisingatarisirwi nechine ngozi. Mukuwedzera, hazvinei nokuti tinoedza zvakadini, anopa ropa anogona kupfuudza utachiona hwaanenge anahwo uye hwatisingagoni kuona.’ Saka akagumisa kuti: ‘Tinofanira kuderedza kuisira ropa kuvarwere rinoita zvokupiwa.’
Akataurawo papurogiramu aiva Jean-François Baron, mukuru mukuru wekutindivadza newekutarisirwa kwevarwere vanenge varwarisa paChipatara cheBroussais, muParis, France. Akatsanangura kuti: “Pachipatara changu takagadzira mvura dzinogona kutakura oxygen. Dzose dzine zvinhu zvakafanana neropa zvinofambisa oxygen asi hadzina masero matsvuku [anogona kupfuudzira chirwere]. Munguva yemberi iri pedyo,” akafanotaura kudaro, “zvigadzirwa izvi zvichashandiswa mukurapa kwenguva dzose.”
Izvi zvakaita kuti sachigaro wepurogiramu ataure nezvapurofesa wekuRussia Felix F. Beloyartsev, akatanga kugadzira mvura inotakura oxygen sechinhu chokutsiva ropa makore anenge 20 apfuura. Akati panguva iyoyo, zvakanga zvawanwa naBeloyartsev zvakarambwa nenzanga yekurapa uye zvokuti aka“zviuraya nemhaka yokutambudzwa kusingaperi nemhaka yezvaakanga awana izvi.”
Zvakabudiswa muMagazini Ezvekurapa
Pepanhau rokurapa reMeditsinskaya Gazeta rakataurawo nezvemusangano uyu. “Shoko guru pakuguma kweMusangano uyu,” rakadaro, “rinogona kutaurwa sezvinotevera: Zvakafanira kushandisa zvinotsiva pane kuisira ropa mumamiriro ose ezvinhu pazvinobvira uye ndokufunga kushandisa ropa chete pashure pokunyatsoyera hukuru hwenjodzi pamunhu mumwe nomumwe ari murwere uye pamamiriro ezvinhu anotyisidzira upenyu chete.”
Pepanhau racho rakataurawo kusada kwevamwe vanachiremba kuteerera kuramba kwemurwere kuisirwa ropa. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha, hazvibvumi kuisirwa ropa nemhaka yomurayiro weBhaibheri wokuti ‘regai ropa.’ (Mabasa 15:28, 29) Zvisinei, nezvenhau iyi, Michel de Guillenchmidt, purofesa wemutemo wekuFrance, akanzi aiti:
‘Tinofanira kuonga Zvapupu zvaJehovha nokuti nokumutsa nhau iyi, havana kungotaura nezvekodzero dzavo chete asiwo vabatsira nzanga yose yokurapa kunzwisisa ngozi dzokuisira ropa mukurapa. Izvi, somugumisiro, zvinokurudzira vasayendisiti kutsvaka nzira dzakaoma kunzwisisa dzokuvhiya pasina ropa.’
Imwe yenyaya dzacho muMeditsinskaya Gazeta yakatanga nokuti: “Zvave zvichitaurwa kuti kuisira ropa kwakafanana nokuroora: Hapana anoziva chichatevera.” Saka, pashure pokutaura kuti ‘ropa romunhu rakafanana nemitsetse mitsetse iri paminwe yomunhu—hakuna mitsetse mitsetse miviri yakafanana,’ pepa racho rakabvunza kuti: “Zvinobvira kupa murwere vimbiso yakazara nhasi kuti haazobatwi nezvirwere semugumo wekuisira ropa here?” Rakapindura kuti: ‘Kunyange munyika dzakawana magumo anoshamisa mune zvokurapa, hapana kudzora kunoshanda pazvinogadzirwa neropa.’
‘Saka, ichitema nokuzarisa kwehoro uye nokufarira kwakajeka kwenhume muzvinetso zvakakurukurwa,’ nyaya yacho yakagumisa kuti, ‘vanachiremba vari kuchinja mupfungwa.’
Kugovera Rubatsiro
Panze pehoro yemusangano, Zvapupu zvaJehovha zvaiva nesitendi pazvaigovera vanachiremba pasuru yenyaya dzakabva mumagazini ezvokurapa pamusoro pedzimwe nzira dzokushandisa kurapa kurasikirwa neropa. Mazana avanachiremba akagamuchira idzodzi nomufaro.
Zvakajeka kuti, nyanzvi dzezvokurapa dzinoziva dziri kufambira mberi mukushandisa ropa zvishoma mukurapa.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Zvapupu zvaJehovha zvakagovera mazana avanachiremba nyaya dzekunzvera ropa kwazvino