RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 5/8 pp. 20-25
  • Ndakaendeswa Kuutapwa kuSiberia!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakaendeswa Kuutapwa kuSiberia!
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuendeswa Kuutapwa
  • Basa Muutapwa
  • Upenyu Hwedu Hwomudzimu
  • Kutsungirira Mamiriro Ezvinhu Sezvaaichinja
  • Kukura Kwangu Mumudzimu
  • Kubudirira Kwakaita Basa
  • Kufara Mukati Mokuwedzera Kukuru
  • Chitendero Chakanyanya Kurwiswa neSoviet
    Mukai!—2001
  • Ndakakurira Miedzo Yokushumira Mwari
    Mukai!—2005
  • Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika
    Mukai!—2000
  • Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 5/8 pp. 20-25

Ndakaendeswa Kuutapwa kuSiberia!

Yakataurwa naVasily Kalin

Kudai waiona mumwe murume achiverenga Bhaibheri akadzikama mukati meruzha rukuru rwenyere dzemabara hawaizoda kuziva kuti nei aigona kudzikama kudaro here? Baba vangu vakaona zvinhu zvakadaro chaizvo makore anodarika 56 apfuura.

MAIVA muna July 1942, apo Hondo Yenyika II yakanga ichipisa. Mudungwe wemauto eGermany sezvawaipfuura nomumusha waigara baba vangu unonzi Vilshanitsa, muUkraine, baba vangu vakamira pamusha wevamwe vakweguru. Nyere dzemabara dzaiputika pose pose, asi murume akanga akagara pedyo nechitofu achikanga chibage uye achiverenga Bhaibheri.

Ndakaberekwa makore mashanu gare gare, kusiri kure nekumavirira kweguta rakanaka reUkraine reIvano-Frankisv’k, raiva reSoviet Union. Baba vangu vakazondiudza nezvekusangana kwavo kusingakanganwiki nemurume iyeye, mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyewo nezvekutyisa kwemakore ehondo. Vanhu vakanga vaodzwa mwoyo uye vakangaidzika nazvo zvose, uye vazhinji vaishamisika kuti, ‘Nei kune kusaruramisira kwakawanda kwazvo? Nei zviuru zvevanhu zvisina mhaka zvichifa? Nei Mwari achizvibvumira? Nei? Nei? Nei?’

Baba vakabatanidzwa mukurukurirano refu, yemwoyo wose yemibvunzo yakadaro nemukweguru wacho. Achivhura Bhaibheri rake rugwaro rumwe pashure perumwe, murume wacho akaratidza Baba mhinduro dzemibvunzo yainge yavanetsa kwenguva refu. Akatsanangura kuti Mwari aive ane chinangwa chokugumisa hondo dzose munguva yake yakatarwa uye kuti pasi richava paradhiso inodiwa.— Pisarema 46:9; Isaya 2:4; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Baba vakamhanyira kumba ndokuti: “Unogona kuzvidavira here? Pashure pekurukurirano imwe chete neZvapupu zvaJehovha, meso angu avhurwa! Ndawana chokwadi!” Baba vakataura kuti kunyange zvazvo vaimbopinda Chechi yeKaturike nguva dzose, vapristi havana kumbogona kupindura mibvunzo yavo. Saka Baba vakatanga kudzidza Bhaibheri, uye amai vangu vakabatana navo. Ivowo vakatanga kudzidzisa vana vavo vatatu—hanzvadzi yangu, yaiva nemakore 2 chete, uye madzikoma angu mumwe aive nemakore 7 nemumwe 11. Nguva pfupi pashure pezvo, musha wavo wakasakadzwa zvakaipisisa nebhomba, richisiya kamuri rimwe rokuti vagare chete.

Amai vaibva mumhuri huru yevasikana vatanhatu nemukomana mumwe. Baba vavo vaiva mumwe wevanhu vakanga vakati pfumei kwazvo munzvimbo iyoyo, uye vaikoshesa chiremera chavo nenzvimbo. Saka, pakutanga, hama dzakatsoropodza kutenda kutsva kwemhuri yangu kwayakanga yawana. Zvisinei, nokufamba kwenguva vatsoropodzi ava vazhinji vakarega miitiro isiri yomuMagwaro yezvitendero, yakadai sokushandisa kwavo zvifananidzo, ndokubatana nevabereki vangu mukunamata kwechokwadi.

Vapristi vakakurudzira vanhu zviri pachena kuvenga Zvapupu. Somugumisiro, vagari vomunzvimbomo vaipwanya mahwindo avo nokuvatyisidzira. Pasinei zvapo neizvi, vabereki vangu vakapfuurira kudzidza Bhaibheri. Saka, pandakazoberekwa muna 1947, mhuri yedu yainamata Jehovha mumudzimu nechokwadi.—Johane 4:24.

Kuendeswa Kuutapwa

Ndangariro dzemaawa amangwanani-ngwanani a8 April 1951, dzakarovererwa zvakasimba mupfungwa dzangu, kunyange zvazvo ndaiva nemakore mana panguva iyi. Varume vechiuto vaiva nembwa vakapinda mumusha wedu. Vakaratidza tsamba yokubudisa munyika ndokutanga kuongorora. Varwi vaiva nepfuti nembwa vakamira pasuo redu, uye varume vaiva vakapfeka mbatya dzehondo vakagara patafura redu, vakatimirira sezvataikurumidza kurongedza kuti tiende mumaawa maviri ataiva tapiwa. Handina kukwanisa kunzwisisa chaiitika, uye ndakachema.

Vabereki vangu vakarayirwa kusaina gwaro raiti havasisiri Zvapupu zvaJehovha uye kuti vaisazopfuurira kuvazve nechokuita nazvo. Dai vakasaina, vaizosiiwa kuti vagare mumusha wavo uye munyika yokwavo. Asi Baba nesimba vakati: “Ndinovimba kuti chero kupi zvako kwamunotiendesa, Mwari wedu, Jehovha, achava nesu.”

“Funga nezvemhuri yako, nezvevana vako,” mukuru-mukuru wacho akateterera kudaro. “Pamusoro pazvo, hausi kuendeswa kunzvimbo yokusasana. Uri kuendeswa kure kuchamhembe, kune chando chisingaperi uye kune mapere anofamba mumigwagwa.”

Panguva iyoyo shoko rokuti “Siberia” raiva chimwe chinhu chinotyisa uye chisingazivikanwi nevanhu vose. Asi, kutenda uye kuda Jehovha kwakadzama kwakaratidza kuva kwakasimba kupfuura zvisingazivikanwi. Zvinhu zvedu zvakaiswa murori, uye takaendeswa muguta ndokuendeswa muchitima, pamwe chete nedzimwe mhuri 20 kusvika ku30. Saka nokudaro takatanga rwendo rwedu tichipinda mukati mesango, kana kuti renje, reSiberia.

Muzviteshi zvemunjanji tichifamba, taisangana nezvimwe zvitima zvaiva zvakatakura vanhu vaiendeswa kuutapwa, uye takaona zviratidzo zvaiva pamotokari dzinofamba nepanjanji: “Mukati mune Zvapupu zvaJehovha.” Uhu hwakanga huri uchapupu hwakasiyana nehumwe, sezvo nenzira iyi vakawanda vakasvika pakuziva kuti zviuru zveZvapupu nemhuri dzazvo zvakanga zvichiendeswa kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzekuchamhembe nekumabvazuva kure.

Kuunganidzwa uku nokutapwa kweZvapupu zvaJehovha muna April 1951 kwakanyatsonyorwa. Munyori wenhau dzakaitika Walter Kolarz akanyora nezvazvo mubhuku rake rinonzi Religion in the Soviet Union: “Aya akanga asiri magumo e‘Zvapupu’ muRussia, asi kutanga kwechitsauko chitsva chemabasa azvo okutendeutsa. Zvakatoedza kuparadzira kutenda kwazvo pazvaimira pazviteshi murwendo rwazvo zvichiendeswa kuutapwa. Nokuzvibudisa munyika Hurumende yeSoviet yakabetsera zvakanyanyisa kuparadzira kutenda kwazvo. Zvabuda mumisha yazvo yazvaigara rumwe rumwe ‘Zvapupu’ zvakaiswa munyika yakakura, kunyange zvazvo iyi yaiva nzvimbo yakaipisisa yemisasa yenhapwa neyevaranda.”

Mhuri yangu yakanga yakakomborerwa, sezvo takabvumirwa kutakura zvimwe zvokudya—furawa, chibage, nebhinzi. Sekuru vangu vakatobvumirwa kuuraya nguruve, uye isu nezvimwe Zvapupu ndiyo yatakadya. Tiri munzira nziyo dzaibaya mwoyo dzainzwika dzichibva mumotokari dzinofamba nepanjanji. Jehovha akatigovera simba rokutsungirira.—Zvirevo 18:10.

Takafamba nomuRussia kweanoda kusvika mavhiki matatu uye pakupedzisira takasvika munzvimbo inotonhora, iri yoga, iri kure kwazvo yeSiberia. Takasvitswa pachiteshi cheToreya mudunhu reChunsk ruwa rweIrkutsk. Kubva ipapo, takaendeswa mberi murenje kumusha mudiki, uyo zvinyorwa zvedu zvairondedzera se“nzvimbo yedu yokugara nokusingaperi.” Zvinhu zvemhuri 15 zvakakwana nyore mumotokari inofamba muchando, uye tirakita yakazvitakura ichipfuura nemumatope. Dzinenge mhuri 20 dzakagariswa mumabharaki, aiva nemikoto mirefu isina kukamurwa. Zviremera zvakafanonyevera vagari vomunzvimbomo kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vasina kunaka zvachose. Saka pakutanga, vanhu vaititya uye havana kuda kuedza kujairana nesu zviri nani.

Basa Muutapwa

Zvapupu zvaJehovha zvaishanda kutema miti, uye zvichidaro mumamiriro ezvinhu akaoma kwazvo. Basa rose raiitwa nemaoko—kucheka matanda, kuadimura, kuaisa mungoro dzinodhonzwa nemabhiza uye pashure pacho, kuaisa mumotokari dzinofamba nepanjanji. Mamiriro acho ezvinhu akaitwa kuti atonyanya kuoma nemapute eunyunyu hwaiva husingavandiki. Baba vangu vakatambura zvakaipisisa. Muviri wavo wose wakanga wazvimba, uye vakanyengetera kwazvo kuna Jehovha kuti avabatsire kutsungirira. Asi pasinei zvapo nezvose zvakaoma, kutenda kweZvapupu zvaJehovha zvizhinji kwakaramba kusingazununguki.

Nokukurumidza takaendeswa kuguta reIrkutsk, uko mhuri yedu yakagara muwaichimbova musasa wetorongo uye yakashanda mufekitari yezvidhina. Zvidhina zvaibudiswa mumahovheni mahombe, aipisa nemaoko, uye basa raigoverwa munhu rairamba richiwedzerwa, zvokuti vana vaifanira kutobatsira vabereki vavo kuti varipedze. Zvakatiyeuchidza nezvekushanda sevaranda kwevaIsraeri muEgipita yekare.—Eksodho 5:9-16.

Zvakava pachena kuti Zvapupu zvaishanda nesimba uye zvaiva zvakavimbika, “kwete vavengi vevanhu,” sezvaitaurwa. Zvakacherechedzwa kuti hapana kana Chapupu chimwe chakanyomba zviremera, uyewo Zvapupu hazvina kurwisana nezvisarudzo zveavo vaitonga. Kunyange kutenda kwazvo kwakayemurwa nevakawanda.

Upenyu Hwedu Hwomudzimu

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaiongororwa nguva nenguva—zvisati zvapinda muutapwa, zviri mumugwagwa, uye munzvimbo dzazvo dzoutapwa—zvakawanda zvakakwanisa kuviga magazini eNharireyomurindi uye nemaBhaibheriwo. Gare gare, iwaya akakopewa nemaoko uye nedzimwe nzira. Misangano yechiKristu yaiitwa nguva dzose mumabharaki. Paisvika mukuru-mukuru wemabharaki ndokuona boka redu richiimba nziyo, aitimisa. Taimira. Asi paaienda kubharaki rinotevera taitanga kuimba zvakare. Zvaiva zvisingabviri kutimisa.

Basa redu rokuparidza harinawo kumbosvika pakumira. Zvapupu zvaitaura kumunhu wese, kwese kwese. Mukoma wangu mukuru nevabereki vangu kazhinji vakandiudza magonere avakaita kugoverana chokwadi cheBhaibheri nevamwe. Chokwadi cheBhaibheri zvishoma nezvishoma chakatanga kupinda mumwoyo yevanhu vakatendeka nemhaka yeizvi. Saka, pakutanga kwema1950, Umambo hwaJehovha hwakaitwa kuti huzivikanwe mukati nekwakapoteredza Irkutsk.

Pakutanga Zvapupu zvaionekwa sevavengi vezvematongerwe enyika, asi gare gare zvakazozivikanwa zviri pamutemo kuti sangano redu ndere chitendero chaizvoizvo. Kunyange zvakadaro, zviremera zvakaedza kumisa basa redu. Saka takaungana nokuda kwezvidzidzo zveBhaibheri mumapoka madiki emhuri mbiri kana nhatu tichiedza kuti tisazivikanwa. Kunyatsoongorora kwakaitwa mamwe mangwanani-ngwanani aFebruary muna 1952. Pashure pacho, Zvapupu gumi zvakasungwa, uye isu vamwe tose takaendeswa kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Mhuri yedu yakaendeswa kumusha weIskra, waiva nevanhu vaigaramo vanenge zana uye waiva anenge makiromita 30 kubva muguta reIrkutsk.

Kutsungirira Mamiriro Ezvinhu Sezvaaichinja

Vatungamiriri vemusha wacho vakatigamuchira nemutsa usingatarisirwi. Vanhu vacho vaizvininipisa uye vaiva neushamwari—vakawanda vakatobuda mudzimba dzavo kuzotibatsira. Mhuri yedu yaiva yechitatu kuiswa mukamuri rimwe chetero diki remasikweya mita anenge 17. Marambi eparafini ndiwo chete aitipa chiedza.

Mangwanani akatevera paiva nokuvhota. Vabereki vangu vakati vakanga vavhotera Umambo hwaMwari kare, uhwo, zvechokwadi, vanhu vasina kunzwisisa. Saka vemhuri yangu vaiva vave vanhu vakuru vakaswera vakasungwa. Pashure pacho, vanhu vakawanda vakabvunza pamusoro pezvavaidavira, uye izvi zvakagovera mukana wakaisvonaka kumhuri yangu wokutaura nezveUmambo hwaMwari setariro chete yevanhu.

Mukati memakore iwayo mana atakagara mumusha weIskra, pakanga pasina zvimwe Zvapupu pedyo zvokusonganirana nazvo. Kuti tibve mumusha wacho, taifanira kuwana mvumo chaiyo kubva kune mukuru-mukuru, uye akanga asingawanzoipa, sezvo chikonzero chikuru chokubudiswa kwedu munyika chaiva chokutibvisa mune vamwe vanhu. Asi, Zvapupu nguva dzose zvaiedza kutaurirana kuti zvigoverane zvokudya zvomudzimu chero zvitsva zvipi kana zvipi zvazvainge zvawana.

Pashure perufu rwaStalin muna 1953, Zvapupu zvose zvaipomerwa zvakaderedzerwa mitongo yazvo kubva pamakore 25 kusvika ku10. Pakanga pasingachadikanwi gwaro rokufambisa pakufamba kuvaiva muSiberia. Zvisinei, zviremera nokukurumidza zvakatanga kuongorora uye ipapo ndokusunga Zvapupu kana zvaiwanikwa zvine maBhaibheri kana mabhuku eBhaibheri. Misasa yeZvapupu chete yakagadzirwa, uye dzimwe hama 400 nehanzvadzi 200 dzakaiswamo munzvimbo yakapoteredza Irkutsk.

Nhau yokutambudzwa kwedu muSoviet Union yakasvika Zvapupu zvaJehovha mupasi rose. Saka, pakati pa1956 naFebruary wa1957, takaitirwa chichemo pakokorodzano 199 dzakaitwa mumativi ose apasi. Vanhu vose vakapinda 462 936 vakatendera chichemo chacho chaienda kuaiva mutungamiriri wehurumende yeSoviet panguva iyoyo Nikolay A. Bulganin. Pakati pezvimwe zvinhu, chichemo chacho chaikumbira kuti tisunungurwe uye kuti ti“tenderwe kugamuchira nokubudisa magazini yeNharireyomurindi muchiRussia, chiUkraine nemimwe mitauro yakadaro sezvaizoonekwa zvichidikanwa, uyewo nemamwe mabhuku eBhaibheri anoshandiswa nezvapupu zvaJehovha mupasi rose.”

Munguva iyi, mhuri yedu yakanga yaendeswa kumusha uri kure weKhudyakovo, makiromita anenge 20 kubva kuIrkutsk. Takagara ikoko kwemakore manomwe. Muna 1960 mukoma wangu Fyodor akabva achienda kuIrkutsk, uye gore rakatevera mukoma wangu mukuru akaroora uye hanzvadzi yangu yakatama. Ipapo, muna 1962, Fyodor akasungwa ndokuiswa mutorongo nemhaka yokuparidza kwake.

Kukura Kwangu Mumudzimu

Kubva pamusha wedu weKhudyakovo, aiva makiromita anenge 20 kufamba netsoka kana nebhasikoro kuti tisangane nevamwe nokuda kwechidzidzo cheBhaibheri. Saka takaedza kutamira kuIrkutsk kuti tive pedyo nezvimwe Zvapupu. Zvisinei, mukuru wenzvimbo yacho yataigara aive asingadi kuti titame, uye aiita chose chaaigona kukudzivisa. Pashure penguva yakati, kunyange zvakadaro, murume uyu akatanga kutifarira, uye takagona kutamira kumusha wePivovarikha, unenge makiromita gumi kubva kuIrkutsk. Ungano yeZvapupu zvaJehovha yaiva ipapo, uye upenyu hutsva hwakatanga kwandiri. MuPivovarikha maiva nemapoka akarongwa eFundo yeBhuku yeUngano nehama dzaitarisira mabasa omudzimu. Ndakafara sei!

Panguva ino ndakanga ndasvika pakuda chokwadi cheBhaibheri kwazvo, uye ndaida kubhabhatidzwa. Muna August 1965 chido changu chakazadziswa pandakabhabhatidzwa muRwizi rwuduku Olkhe, umo Zvapupu zvitsva zvizhinji zvakabhabhatidzirwa munguva iyoyo. Kumunhuwo zvake aiona, zvairatidzika sekunge kuti tainakidzwa nepikiniki nokushambira murwizi. Nokukurumidza pashure pacho ndakagamuchira mugove wangu wokutanga somutariri weChikoro Choubati Ushe hwaMwari. Ipapo, muna November 1965, takava nechimwe chikonzero chokufara pakadzoka Fyodor kujere.

Kubudirira Kwakaita Basa

Muna 1965 nhapwa dzose dzakaunganidzwa, uye zvakaziviswa kuti takanga tava nekodzero yokuenda chero kwataida, nokudaro zvichigumisa “nzvimbo yedu yokugara nokusingaperi.” Unogona kufungidzira mufaro watakava nawo here? Kunyange vazhinji pakati pedu ipapo vakatamira kumamwe mativi enyika, vamwe vakafunga kusara uko Jehovha akanga atikomborera nokutitsigira mukukura kwedu mumudzimu nebasa. Vazhinji veivava vakarera vana, vazukuru, uye vazukuru chibvi muSiberia, iyo, nokufamba kwenguva, yakaratidzika kuva isingatyisi.

Muna 1967, ndakasangana naMaria, musikana ane mhuri yakanga yatapwawo muSiberia ichibva kuUkraine. Pataiva vadiki, tose takambogara mumusha weUkraine kuVilshanitsa. Takaroorana muna 1968, uye gare gare takakomborerwa nemwanakomana, Yaroslav uye gare gare nemwanasikana, Oksana.

Takapfuurira kushandisa mariro nemichato kusangana takawanda nokuda kwesonganirano yomudzimu. Taishandisawo nhambo idzi kutsanangura chokwadi cheBhaibheri kuhama dzokunyama dzisiri Zvapupu nekushamwari dzaiuya. Kazhinji vakuru vevarindi vaiuyawo pakuungana uku, pataiparidza pachena zvichibva muBhaibheri nezvetariro yorumuko kana kuti gadziriro yaJehovha yekuroorana uye zvikomborero zviri mberi munyika yake itsva.

Umwe musi, pandakanga ndava kupedza hurukuro pamariro, pakasvika motokari, madhoo akavhurwa kamwe kamwe, uye mumwe wevarume vaiva mukati akabuda ndokundirayira kuti ndipinde mumotokari. Handina kutya. Pashure pezvo, taisava matsotsi, asi vatendi muna Mwari. Zvisinei, muhomwe yangu ndaiva nemushumo webasa romumunda weavo vaiva muungano yedu. Nemhaka yeizvi ndingadai ndakasungwa. Saka ndakakumbira kana ndaigona kupa mudzimai wangu mari ndisati ndaenda navo. Naizvozvo, pamberi pavo chaipo, chinyararire ndakamutambidza chikwama changu nemushumo weungano.

Kutanga muna 1974, Maria neni takatanga kugadzira mabhuku eBhaibheri pachivande pamusha pedu. Sezvo taiva nemwanakomana mudiki, taiita izvi gare gare usiku kuitira kuti asaziva nezvazvo. Zvisinei, achida kuziva, ainyepedzera kurara uye aidongorera kuti aone zvataiita. Gare gare akati: “Zvino ndinoziva vanogadzira magazini ezvaMwari.” Takatya zvishoma, asi nguva dzose taikumbira Jehovha kudzivirira mhuri yedu mubasa iri rinokosha.

Gare gare, zviremera zvakafarira Zvapupu zvaJehovha, saka takaronga kuungana kukuru muhoro yemifananidzo neyekutandarira yeMir muguta reUsol’ye-Sibirskoye. Takavimbisa vakuru veguta kuti misangano yedu inoitwa nokuda kwekudzidza Bhaibheri uye songanirano yechiKristu chete. Vanopfuura 700 vakaungana muna January 1990, vachizadza horo uye zvichibata pfungwa dzevanhu vakawanda.

Pashure pemusangano wacho mutori wenhau akabvunza kuti, “Ndirini pamakagona kurovedza vaduku venyu?” Iye, nevamwe vashanyi, vakashamiswa kuti vakanga vakagara vachinyatsoteerera kwemaawa mana emusangano wepachena uyu wokutanga. Nokukurumidza nyaya yakanaka pamusoro peZvapupu zvaJehovha yakabuda mupepanhau remunzvimbomo. Yakati: “Munhu anogona zvechokwadi kudzidza chimwe chinhu kubva ku[Zvapupu zvaJehovha].”

Kufara Mukati Mokuwedzera Kukuru

Muna 1991 takava nekokorodzano nomwe muSoviet Union, dzakapindwa ne74 252. Gare gare, pashure pekusununguka kweaichimbova maripabhuriki eSoviet Union, ndakagamuchira mugove kubva kuDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha wokuenda kuMoscow. Ikoko ndakabvunzwa kana ndaikwanisa kuwedzera mugove wangu mubasa roUmambo. Panguva iyoyo Yaroslav akanga aroora uye ave nemwana wake uye Oksana akanga apfuura makore 12. Saka muna 1993, Maria neni takatanga ushumiri hwedu hwenguva yakazara muMoscow. Gore rimwe chete iroro, ndakagadzwa semutungamiriri weAdministrative Center of the Regional Religious Organization yeZvapupu zvaJehovha muRussia.

Maria neni zvino tinogara nokushanda pazvivako zvebazu redu idzva riri kunze kweSt. Petersburg. Ndinozviona sokuremekedzwa kugona kushanda pamwe chete nedzimwe hama dzakatendeka mukutarisira nhamba dziri kuwedzera nokukurumidza dzevazivisi voUmambo muRussia. Nhasi kune Zvapupu zvinopfuura 260 000 muyaichimbova Soviet Union, zvinopfuura 100 000 muRussia moga!

Kazhinji Maria neni tinofunga nezvehama dzedu dzokunyama dzinodiwa neshamwari dzinopfuurira dzakatendeka mubasa radzo roUmambo muSiberia, nzvimbo yakanga yazova musha wedu unodiwa. Nhasi kokorodzano huru dzinoitirwa ikoko kazhinji, uye Zvapupu zvinenge 2 000 zvinoshingaira mukati nekwakapoteredza Irkutsk. Zvechokwadi, uprofita huri pana Isaya 60:22 huri kuzadzikawo murutivi irworwo rwenyika hunoti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba.”

[Mufananidzo uri papeji 20]

Nababa vangu, mhuri yedu, nedzimwe nhapwa paIrkutsk muna 1959

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vana vari muutapwa paIskra

[Mufananidzo uri papeji 25]

Gore ratakaroorana

[Mufananidzo uri papeji 25]

NaMaria nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe