Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndichishushikana Neuremu Hwangu?
“Pane hondo isingadzoreki iri kuitika mumusoro mangu. Imwe pfungwa inoda kuti ndidye, asi imwe inoramba kudya nokuti ndinotya kuti ndingazonyanya kuwedzera uremu.”—Jaimee.
CHII chaunotya kupfuura zvinhu zvose? Pasina kuzengurira, vasikana vakawanda vaizopindura kuti: kuwedzera uremu. Kutaura chokwadi, kumwe kuongorora kwakaratidzira kuti vakadzi vaduku vanhasi vanotya kuwedzera makirogiramu kupfuura matyire avanoita hondo yenyukireya, gomarara, kana kuti kunyange kufirwa nevabereki vavo!
Dzimwe nguva munhu anotanga kupishana nepfungwa pamusoro peuremu achiri muduku zvikuru. Dr. Catherine Steiner-Adair anoti, kunyange vasati vapfuura makore 12, vasikana vakawanda vanoungana pamwe chete kuti vakurukure “nhau yokufuta”—nhaurirano iyo vose vanoratidza kushora miviri yavo. Sezviri pachena, hazvigumiri munhau chete. Mune kumwe kuongorora kwakaitwa vasikana 2 379, 40 muzana vakanga vachiedza kuderedza uremu. Uye avo vakataurwa navo vaiva nemakore mapfumbamwe negumi chete!
Nokufamba kwenguva, vaduku ava vakawanda vangabatwa vakarivara nemambure ezvokudya zvemazuva ano. Zvakatoipisisa zvakare ndezvokuti, vamwe vangaguma vafanana naJenna ane makore 20. Akareba masendimita 160, mukadzi muduku uyu anorema makirogiramu 40 chete! “Handidi zvangu kudya,” anodaro Jenna. “Chandine hanya nacho kwazvo ndechokuti ndakapedza makore matatu ndichiedza kuderedza uremu hwangu, nokudya ndichasimba sezvandaiva nemwedzi mumwe.”
Zvichida unogona kunzwisisa manzwire aJenna. Zvingava kuti newewo unoda kuderedza uremu hwako kuitira kuti uratidzike zvakanaka. Chokwadika, hazvina kuipa kuti iwe pachako uve nehanya nechitarisiko chako. Zvisinei, kana ari Jenna, kuda kuti ave mutete kwakapotsa kwamuurayisa. Sei?
Kuziya Nenzara Kusvikira Wafa
Jenna anorwisana nehosha yakaipisisa yezvokudya inonzi anorexia nervosa. Ndizvo zvinongoitawo Jaimee, ane mashoko ataurwa pakutanga kwenyaya ino. Kwenguva refu, vasikana ava chaizvoizvo vakanga vachizviziyisa nenzara inourayisa, uye havasi voga. Zvinofungidzirwa kuti pavasikana 100 mumwe anotambura nehosha yeanorexia. Izvozvo zvinoreva kuti mamiriyoni evakadzi vaduku vanayo—zvichida kunyange mumwe waunotoziva!a
Anorexia inogona kutanga seisina njodzi. Musikana muduku angatanga nezvokudya zvinoratidzika sezvisina njodzi, zvichida kuti angoti deredzei uremu hwake zvishomanana. Zvisinei, paanosvika vavariro yake, haagutsikani. “Ndichiri akangofutisa!” anodaro sezvaanotarisa mugirazi asingafari. Saka anosarudza kurasikirwa nemamwe makirogiramu mashomanana chete. Ipapo mamwe mashoma. Uye mamwe mashoma zvakare. Tsika yacho yatangwa, uye mbeu dzeanorexia dzadyarwa.
Chokwadika, havasi vose vanorega zvimwe zvokudya vane hosha yeanorexia. Vamwe vane zvikonzero zvinonzwisisika zvokushushikana neuremu, uye kwavari, kurasikirwa nemakirogiramu mashomanana kungabatsira. Asi vasikana vakawanda havaoni miviri yavo zvakanaka. FDA Consumer inofananidza kusaona muviri zvakanaka nokuzvitarisa mugirazi reimba yenhandaro. “Unozviona pachako sewakafuta kupfuura zvauri,” inodaro magazini yacho.
Nokudaro, ane hosha yeanorexia anotya kuwedzera uremu—kunyange kana atove rutsanga nokuonda. Angarovedza muviri wake achizvimanikidza kuti aderedze makirogiramu ake uye achitarira pasikero kanoverengeka pazuva kuti abate chokwadi kuti haasiri “kubhuruvara.” Paanodya, anongodya zvishomanene. Kana kuti haambodyi zvachose. “Zuva roga roga ndaienda kuchikoro nembuva yemasikati yandainge ndagadzirirwa naamai vangu, uye anenge mazuva ose ndaizoirasa,” anodaro Heather. “Nokukurumidza ndakajaira kusadya zvokuti kunyange kana ndaida kudya, handaidya. Handainzwa nzara.”
Pakutanga, vane hosha yeanorexia kufanana naHeather vanofara kuona makirogiramu avo achiderera. Asi kushaikwa kwezvokudya zvakakwana pakupedzisira kunosvika pakukuvadza. Ane anorexia anobva ava mutsumwairi pose pose ndokuva dununu. Basa rake rechikoro rinotanga kuvhiringidzika. Kuenda kwake kumwedzi kungaguma.b Nokufamba kwenguva, kurova kwemwoyo nekupombwa kweropa rake zvingaderera zvine ngozi. Asi, ane anorexia haaoni ngozi chero ipi zvayo. Kutaura chokwadi, ngozi chete yaanonzwisisa ndeyokuwana zvakare uremu huya hwaakarasikirwa nahwo—kunyange nekirogiramu rimwe zvaro.
Zvisinei, anorexia haisiyo yoga hosha yekudya, kana kuti inonyanya kuzivikanwa kwazvo. Hosha yebulimia nervosa ndeimwe inotambudza vasikana vakawanda nekatatu kupfuura zvinoita anorexia. Tevere pane kuzvimanikidza kunyanyodyisa, kwakada kuti fananei chaizvo nebulimia. Ngatimbonyatsotarisisai hosha idzi.
Denda Rakavanzika
“Nguva pfupi yapfuura imwe shamwari yangu yakabvuma kuti inotora zvokudya pachivande yozvidya isingaonekwe. Yozozvirutsisa. Inotaura kuti yave ichizviita kwemakore maviri.” Neaya mashoko, mumwe muduku achinyorera magazini inopa mazano anorondedzera zviratidzo chaizvo zvehosha yezvokudya inozivikanwa sebulimia.
Munhu ane bulimia anodyisa, kana kuti anodya zvokudya zvakawandisa panguva pfupi pfupi. Obva aita kuti muviri wake ubudise zvokudya zviya zvaanenge adya, kunyanya achishandisa nzira dzokuzvirutsisa.c Zvechokwadi, pfungwa yokubudisa zvinhu mudumbu nenzira iyi ingaratidzika seinosemesa. Asi, mumwe mushandi wemunzanga anonzi Nancy J. Kolodny anonyora kuti: “Paunonyanya kudyisa nokurutsa, ndipo pazvinobva zvatonyanya kukuitira nyore. Kusema kwaunonzwa pakutanga kana kuti kunyange kutya kunokurumidza kutsiviwa nekunzwa uchizvimanikidza kudzokorora tsika idzi dzebulimia.”
Anorexia nebulimia zvave zvichinzi “zvinhu zviviri zvakasiyana asi zvichiparirwa nechinhu chimwe chete.” Kunyange zvazvo dzine zviratidzo zvakasiyana, hosha dzacho dzose dzinokonzerwa nokushushikana pamusoro pezvokudya.d Zvisinei, kusiyana neanorexia, bulimia iri nyore kuvanza. Pamusoro pezvo, kunyanyodyisa kunoita kuti anayo wacho asarasikirwa nouremu, uye kuzvirutsisa kunoita kuti asawedzera uremu. Nokudaro, ane bulimia angangosava akafuta kana kuti akaonda, uye pavazhinji madyire ake angaratidzika seenguva dzose. “Kwemakore mapfumbamwe,” anodaro mumwe mukadzi anonzi Lindsey, “ndaidyisa ndozvirutsisa kanoda kusvika kana nekashanu zuva roga roga. . . . Hapana aimboziva nezvehosha yangu yebulimia, nokuti ndayiichengeta yakavanzika nokugara ndichinyepera kuva nechiso chakachangamuka, chinofara, uye nomuviri unouremu huri pakati nepakati.”
Zvisinei, zvakangoti hazvo siyanei, nemunhu anorwara nokunyanyodyisa. Kufanana neane bulimia, munhu uyu anodya zvokudya zvakawanda panguva. The New Teenage Body Book rinotsinhira kuti: “Sezvo kunyanyodyisa uku kunoitwa pasina kurutsa, uremu hweanonyanyodyisa hungati pfuurei mwero zvishoma kana kuti zvakanyanya kana kutofutisa.”
Ngozi Dzoutano
Hosha idzi dzekudya dziri nhatu dzinogona kukonzera ngozi yakaipisisa pautano hwemumwe munhu. Hosha yeanorexia inogona kukonzera kuti muviri ushaiwe chaizvoizvo zvokudya zvinouvaka, uye muzvinoitika zvakawanda—vamwe vanofungidzira kuti vanosvika 15 muzana—vanogona kufa nayo. Kunyanyodyisa, kuchiteverwa nokuzvirutsisa kana kwete, kune ngozi kuutano. Nokufamba kwenguva, kufuta zvakanyanya kunogona kutungamirira kuhosha inogona kuuraya yemwoyo, yeshuga, kunyange mamwe marudzi egomarara. Kuzvirutsisa kunogona kutsemura gurokuro, uye kunyanya kushandisa zvisina kufanira mishonga inokurumidzisa kuburitsa tsvina mumuviri neweti kunogona kutungamirira kuhosha yemwoyo.
Zvisinei, pane rumwe rutivi rwehosha dzekudya runoda kukurukurwa. Avo vari kutambura nehosha yeanorexia, yebulimia, neavo vari kutambura nokunyanyodyisa havafari chaizvoizvo. Vanowanza kusazviremekedza zvakakwana uye kazhinji vanotambura kwazvo nokupishana nepfungwa nekuodzwa mwoyo. Sezviri pachena, vanoda rubatsiro. Asi avo vane zvirwere zvinokonzerwa nekudya vanogona sei kubatsirwa kusununguka pakushushikana kwavo nouremu? Mubvunzo uyu uchakurukurwa munyaya iri mberi munhevedzano yenyaya ino.
[Mashoko Omuzasi]
a Anorexia inotapura varumewo. Zvisinei, sezvo vakawanda vane anorexia vari vasikana, tichataura nezvavarwere vacho takarerekera kuvanhukadzi.
b Muchipatara, mukadzi anganzi ane anorexia kana uremu hwake hukadzika neinenge 15 muzana pasi pezviri zvenguva dzose uye kana asina kuenda kumwedzi kwemwedzi mitatu kana inopfuura.
c Mamwe mabudisirwe ezvokudya ndeekushandisa mishonga inokurumidzisa kuburitsa tsvina mumuviri kana kuti weti.
d Vakawanda vanotambura vanongova pakati pehosha yeanorexia nebulimia.
[Bhokisi riri papeji 14]
Kuona Muviri Nenzira Isiri Iyo
Vasikana vakawanda vanopishana nepfungwa nezveuremu hwavo havana chikonzero chokudaro. Mune kumwe kuongorora kwakaitwa, 58 muzana yevasikana vari pakati pemakore 5 ne17 vaifunga kuti vanorema zvinopfuura mwero, nyamba, chaizvoizvo, 17 muzana bedzi ndivo vakanga vakadaro. Mune kumwe kuongorora, 45 muzana yevakadzi avo vakanga vatori pasi pouremu hune mwero vaifunga kuti vakanga vachirema kwazvo! Kuongorora kwakaitwa muCanada kwakaratidza kuti 70 muzana yevakadzi munyika iyoyo vanonyanya kufunga nezveuremu hwavo, uye 40 muzana vanobatanidzwa nemuitiro wokudya weyo-yo—tsika yokurasikirwa nouremu wohuwedzera zvakare.
Sezviri pachena, kuona muviri nenzira isiri iyo kunogona kukonzera kuti vamwe vasikana vanyanyofunga kwazvo pamusoro pechimwe chinhu chisiri chinetso chaizvoizvo. “Ndine shamwari inonwa mapiritsi akawanda ezvokudya uye ndinoziva vasikana vashomanana vane hosha yeanorexia,” anodaro Kristin ane makore 16. Anowedzera kuti: “Mupfungwa ipi zvayo hapana nemumwe wavo akafuta.”
Nechikonzero chakanaka, magazini inonzi FDA Consumer inorumbidza kuti: “Pakuti uzvinyime zvokudya nemhaka yokuti ‘munhu wese’ ari kuzviita kana kuti nemhaka yokuti hauna kuonda sezvaunoda kuva, chokutanga bvunza chiremba kana mazvikokota wezvokudya kana une uremu hwakawandisa kana kuti mafuta omuviri akawandisa kupfuura zera rako nourefu hwako.”
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vakawanda vanoshushikana neuremu hwavo havana chikonzero chokudaro