RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 4/8 pp. 8-11
  • Ndiani Achadzivirira Vana Vedu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Achadzivirira Vana Vedu?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki Vanogona Kuita Zvakawanda
  • Chiororo Bedzi Chechokwadi
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Njodzi Yacho Iri Munyika Yose
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 4/8 pp. 8-11

Ndiani Achadzivirira Vana Vedu?

ZVINOKURUDZIRA kuziva kuti kubatwa zvisina kufanira kwevana kwave kuzivikanwa sedambudziko renyika yose. Nhanho dzekutanga dzakadai seStockholm Congress Against Commercial Sexual Exploitation of Children, yakapindwa nevamiriri vaibva kunyika 130, dzakarangarira nezvedambudziko iri.

Uyewo, dzimwe nyika dzava kupa mutemo unorambidza kushanya kuzoita zveupfambi nezvinobudisa unzenza zvevana. Vamwe vari kutoita zvekunyora pasi vanoshinha nevana vanozivikanwa, vachiganhurira kuonana kwavo zviri nyore nevana.

Saka pane vaya vanotsvakira vana upenyu hwakanaka nekupa mitemo yekuvadzivirira. Uye dzimwe nyika shoma nevamwe vanhu vari kuramba kutenga zvinhu zvinogadzirwa nekushandisa vana vadiki.

Nepo tose tichirumbidza zvechokwadi kuedza kwose kwakadaro kupedza kubatwa zvisina kufanira kwevana munzanga, tinofanira kutaura chokwadi tobvuma kuti kubata vana zvisina kufanira kwanyatsodzika midzi munzanga yevanhu. Kungasava kuchenjera kufunga kuti chiororo chisinganetsi semutemo uchadzivirira vana vedu zvakakwana. Mitemo yakawanda yakatobudiswa nechakare, asi dambudziko racho richiri kungopfuurira. Zvechokwadi imhaka yekusindimara kwevanhu vakuru vari munyika kuri kuita kuti kodzero yevana yavanozvarwa nayo yeudiki inofanira kudzivirirwa nemitemo isingaperi.

Mitemo handiyo dziviriro yevana yokupedzisira. Tikangotarisa hedu migumisiro yemitemo yakasimba yakadaro seUN Convention on the Rights of the Child, uyo wakabvumwa nehurumende dzakawanda. Zviri kunyatsopupurirwa kuti kunyange dzakawanda dzehurumende idzi, dzapererwa nemazano nemhaka yenhamo yemari, hadzisi kuita zvakakwana kumisa kudzvinyirirwa kwevana vadzo. Kubatwa zvisina kufanira kwevana kunopfuurira kuva chinetso chakakomba chenyika yose.

Vabereki Vanogona Kuita Zvakawanda

Kurera vana zvinobudirira ibasa rakaoma. Rinoda kurega zvimwe zvinhu. Asi vabereki vane hanya vanofanira kuva nechokwadi chekuti havasi vana vavo vari kuregwa. Magazini inonzi Maclean’s inotaura kuti kakawanda “kurera vana kunorangarirwa sekunge kuti ibasa rekuzvifadza.” Chekutambisa chinogona kuraswa kana kuti basa rekuzvifadza rinogona kuregwa, asi kurera vana ibasa rokupiwa naMwari.

Kuva kwako mubereki akanaka chimwe chezvipo zvinokosha chaunogona kupa mwana wako, sezvo kuchamubetsera kuva neudiki hunofadza, hwakachengeteka. Kuchengeteka kwakadaro hakuenderani nemamiriro enzanga kana kuti mamiriro ezvemari muupenyu. Mwana wako anoda iwewe—rudo rwako nechidakadaka, kumuvimbisa kwako kuti unaye paanonzwa atyisidzirwa, uye nguva yako. Mwana wako anoda kukunzwa uchimutaurira nyaya, anoda kuti uve muenzaniso wekutevedzera, uye anoda chirango chako cherudo.

Panyaya yeunzenza—vabereki, tungamirirai ukama hwemhuri yenyu zvine mwero uye remekedzai pfungwa nemiviri zvevana venyu. Vana vanodzidza nekukurumidza zviito zvinopfuura miganhu yetsika izvo vabereki vanovadzidzisa. Vanoda kudzidziswa mabatire avanofanira kuzviita pamusha nokunze. Kana ukatadza kuita izvi, mumwe munhu achakuitira, uye ungasada mugumisiro wacho. Dzidzisa vana zvekuita kana vakaiswa mungozi yekuita unzenza. Ita kuti vazive kuti nhengo dzakavanzika dzemiviri yavo ndedzei, uye vadzidzise kuti idzi hadzifaniri kushandiswa zvisina kufanira. Vaudze zvekuita kana munhu upi neupi akauya kwavari achida kuvabata zvisina kufanira.

Nguva dzose ziva kune vana vako uye kuti vanaani. Shamwari dzemwana wako dzapedyo ndivanaani? Ndivanaani vanosara vachitarisira vana vako paunenge usipo? Vanogona kuvimbwa navo here? Chokwadi, izvozvo hazvirevi kuti mubereki anofanira kunyumwira munhu wese. Nyatsoongorora vanhu vakuru vanotamba nevana vako, uchitarisa zvinopfuura chitarisiko chekunze.

Funga nezvekuora mwoyo kwevabereki vakazoziva pava paya, kuti vana vavo vave vachibatwa zvisina kufanira nevafundisi, vadzidzisi, kana kuti kunyange nhengo dzapedyo dzemhuri dzinovimbwa. Zvaizova zvakanaka kuti iwe semubereki uzvibvunze kuti, ‘Chechi yangu inobvumira kana kuti kuregeredza kubatwa zvisina kufanira kwevana here? Chitendero changu chiri kunyatsochengetedza mitemo yakakwirira yetsika here?’ Mhinduro dzemibvunzo yakadaro dzinogona kukubetsera kuita zvisarudzo zvekuchenjera mukudzivirira vana vako.

Asi kupfuura zvose, edza kuvabetsera kusvika pakuziva uye kuda mitemo yeMusiki, iyo ichavabetsera kuvadzivirira pakukuvadzwa. Vana pavanoona kuremekedza kwevabereki vavo mitemo yakakwirira yetsika, vachada kutevedzera muenzaniso uyu wakanaka.

Chiororo Bedzi Chechokwadi

Chokwadi, hapana mitemo kana kuti zvirango zvakaomarara zvichadzivirira vana vedu. Musiki pachake kuburikidza neShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri, ndiye anogona kubudirira kuita kuti pave nemufambiro wakachena, nekuchinja kufunga kwevanhu vakafanana nemhuka kuti vave nhengo dzenzanga ipi neipi dzine rudo netsika.

Kuti izvi zvinoita kwakatoratidzwa kare. Kune vakawanda vakarega aichimbova mararamiro avo eupfambi. Zvino vari kupa uchapupu upenyu hwesimba reShoko raMwari. Asi nepo iri riri danho rekupinda munzira yakarurama, vakawanda vevaiti vezvakaipa vakashata havazochinji. Ndicho chikonzero nei Jehovha Mwari akavimbisa kuti vose vanodzvinyirira vana vedu nokukurumidza vachabviswa panyika—pamwe chete neuzivi hwavo, ruchiva rwavo, uye makaro avo.—1 Johane 2:15-17.

Saka, munyika itsva yaMwari, urombo pahuchava husisipo, vana vose vachafadzwa neudiki husiri hwechimbichimbi uye husina kunetswa, huri kodzero yavo yavakapihwa naMwari. Izvi hazvizorevi kuguma kwekubatwa zvisina kufanira kwevana chete asiwo kuguma kwekuyeuka zvinhu zvose zvinorwadza zvinokanganisa upenyu hwevanhu nhasi: “Zvinhu zvekare hazvingarangarirwi kana kufungwa mumwoyo.”—Isaya 65:17.

Saka, munyika itsva yaMwari, munzira huru mashoko aJesu Kristu achanyanya kushanda ekuti: “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwokudenga [hunotonga pasi, musha wevanhu weParadhiso] ndohwavakadai.”—Mateo 19:14.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Nekungwarira dzidzisa vana vako zvekuita kana vakaiswa mungozi yekuita unzenza

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kuva kwako mubereki akanaka chipo chinokosha chevana vako

[Mufananidzo uri papeji 9]

Betsera vana vako kudzidza zvinangwa zveMusiki nemitemo yake

[Mifananidzo iri papeji 10]

Munyika itsva yaMwari, vana vose vachanyatsonakidzwa neudiki hwavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe