Vana Vari Munjodzi
“Kutoti basa rekuitira mangwana rikaitwa pavana, matambudziko ose makuru akawanda zvikurusa evanhu enguva refu acharamba ari matambudziko makuru enguva refu.”—United Nations Children’s Fund.
MUNYIKA yose vana vari munjodzi. Uchapupu hunogutsa hwekukura kwenjodzi iyi hwakapiwa kuWorld Congress Against Commercial Sexual Exploitation of Children yakaitirwa muStockholm, Sweden, muna 1996 uye yakapindwa nenyika 130. Somuenzaniso, zvakapupurirwa kuti mumativi akawanda enyika, mune mamiriyoni evasikana vadiki, vamwe vanotova vadiki sezera remakore gumi, vari kumanikidzwa kushanda sepfambi.
Melbourne University Law Review yekuAustralia yakataura kuti upfambi hwekumanikidzira hwakadai hwave huchinzi “humwe hweuranda hwakaipisisa hwenguva ino.” Kwapfuura makore ekukuvadzwa mumuviri, mupfungwa, nemumurangariro, vasikana ava vanova nemavanga eupenyu hwose. Muzviitiko zvakawanda vasikana vacho vanobvuma kuitirwa utsinye uhwu nemhaka chete yekuti vanoda kudya kuti vararame. Chimwe chavangasarudza kufa nenzara. Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vevana ava vasina pekugara, vakamanikidzwa kuita upfambi nevabereki vavo vari varombo zvikuru, vakavatengesa kuti vawane mari.
Chiri kuwedzera nhamo iyi iri pachena yevana inhau inoitiranwa nharo zvikuru yekushandisa vana. MuAsia, South America, uye kune dzimwe nzvimbo nemune dzimwe nzanga dziri muUnited States, vana kunyange vadiki sezera remakore mashanu vari kumanikidzwa kuita rinogona kunzi “basa remuranda.” Vanoshanda semarobhoti madiki mumamiriro ezvinhu anotyisa anokuvadza miviri yavo midiki nepfungwa. Vakawanda havana kudzidza, havawani rudo rwemubereki, havana misha yekuita kuti vanzwe vakachengeteka, havana zvekutambisa, havana mapaki ekunotambira. Vakawanda vari kubatwa zvisina kufanira noutsinye nevabereki vavo.
Varwi Vachiri Vana Uye Nherera
Kuwedzera njodzi yacho, kwave kune kuwedzera kwekushandiswa kwevarwi vachiri vana mumauto emagandanga. Vana vangabiwa kana kuti vangatengeswa mumisika yevaranda ndokubatwa neutsinye hwakarongwa, padzimwe nguva nekuitwa kuti vatarise kuurawa kwevanhu. Vamwe vakatorayirwa kuuraya vabereki vavo pachavo kana kuti kunwa mirimo kuti vawedzere chido chekuuraya.
Unotevera muenzaniso wemigumisiro yekuvhiringidzwa pfungwa kwave kuchiitwa zviuru zvevarwi vachiri vana muAfrica. Kukurukurirana uku kunotyisa kwakaitwa pakati pemumwe mushandi wemunzanga nemumwe mukomana murwi aiedza kuchengeta kusava kwake nemhaka:
“Wakauraya here? ‘Aiwa.’
Waiva nepfuti here? ‘Hungu.’
Wakatondeka pfuti yacho here? ‘Hungu.’
Wakairidza here? ‘Hungu.’
Chii chakaitika? ‘Vakangodonha pasi.’”
Vamwe vevechidiki ava vanongoti pfuurei vacheche zvishoma tichifunga nezvokuti vamwe varwi vane makore matanhatu zvichikwira. Zvakataurwa kuti kunyange kare muna 1988, varwi vachiri vana vaisvika 200 000 munyika yose.
Zvinotaurwa kuti pakati pemakore a1988 na1992, mumusha wenherera mune imwe nyika yeAsia, vana 550, kunyanya vasikana, vakanga vasarudzwa kuti vafe nenzara. Chiremba anoshuma kuti: “Nherera idzodzo dzakanga dzisina mapiritsi ekunyaradza marwadzo adzo. Kunyange padzakanga dzavakufa, dzakanga dzakasungirirwa pamibhedha yadzo.”
Zvakadini neEurope? Imwe nyika ikoko yakagumburwa nekuwanwa kwakaitwa chikwata chenhubu dzinoratidza vana zvinhu zveunzenza munyika yose uye chakaba vanasikana kuitira kuti chivamanikidze kurara navo. Vamwe vasikana vakaita rombo rakaipa vakaurawa kana kuti kunyimwa zvokudya kusvikira vafa.
Mashoko aya anoratidza zvechokwadi kuti nyika dzakawanda dzine dambudziko chairoiro rekubatwa zvisina kufanira nokudzvinyirirwa kwevana. Asi kuwedzera here kutaura kuti iri idambudziko renyika yose? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Murwi achiri mwana muLiberia
[Kwazvakatorwa]
John Gunston/Sipa Press
[Mufananidzo uri papeji 4]
Pafekitari inogadzira zvidhina muColombia, vana vanoita semabhara
[Kwazvakatorwa]
UN PHOTO 148000/Jean Pierre Laffont
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
FAO photo/F. Botts