Tariro Inopiwa Nechitendero chechokwadi
SEVANHU tinoda kutaura pamusoro pezvinhu zvatinoitira hanya kana kuti zvinotinakidza. Ichi ndicho chimwe chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichifarira kuudza vamwe shoko rinoshamisa reBhaibheri. Shoko iroro, rinosimbisa Umambo hwaMwari, rine mhinduro dzemibvunzo yezvinhu zvinonyanyoitirwa hanya nevanhu nhasi, zvakadai seramangwana, kuchengeteka, utano, uye mufaro.—Ruka 4:43.
Asi kutanga, Umambo hwaMwari chii?
Tariro Inofadza
Umambo hwaMwari ihurumende yaMwari inotongwa neMwanakomana wake, ‘Muchinda Worugare.’ Bhaibheri rinotaura nezvake kuti: “Takazvarirwa mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi: . . . Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7.
Tichitarisa mberi mberi kune remangwana, hongu, munguva yedu chaiyo nevatongi vayo, humwe uporofita hweBhaibheri hwakafanotaura kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Umambo hwaMwari uhu, hunotongwa naKristu, Muchinda Worugare, huchazadzikisa munyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, uyo unoti: “Baba vedu vari kudenga, . . . Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Zvicharevei kupasi rino uye kwatiri apo Umambo hwaMwari hunouya? Funga nezvezvipikirwa zvakaitwa naJehovha Mwari pachake, sezvakanyorwa muBhaibheri. Zvimwe zvacho zviri kuratidzwa pamapeji aya.
Shoko Rakabva Kuna Mwari
Zvipikirwa zvinoshamisa zvinowanwa muShoko raMwari hazvifaniri kuvanzwa, uye izvi zvinotidzosera shure kunhau yekukurukura nezvechitendero. Jesu akafanotaura kuti kuguma kwegadziriro ino yezvinhu kusati kwaitika, vateveri vake ndivo vaizotanga kuparidza Umambo hwaMwari: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:14; 28:19, 20; Mabasa 1:8.
Ishoko iri reUmambo hwaMwari iro Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa munyika yose. Imwe yemagazini ino, Nharireyomurindi, iri kubudiswa mumitauro 130, uye pabutiro rekopi yoga yoga yemamiriyoni 22 anobudiswa pamagazini yoga yoga pane mashoko okuti “Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.”
Semunhu akachenjera, unoda kusarudza zvokuita neupenyu hwako uchiziva. (Zvirevo 18:13) Nokudaro, tinokukoka iwe pachako kuti udzidze zvakawanda nezveUmambo hwaMwari hune mbiri nezvahunogona kureva kwauri. Kuti zvidaro, usazvibvisa panokurukurwa Bhaibheri. Hapana kurukurirano inogona kudzidzisa, kunakidza, uye kukosha kupfuura iyoyo.—Johane 17:3.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8 and 9]
Zvipikirwa Zveparadhiso Yepasi
Rugare rwakakwana ruchatekeshera pasi pano. “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.”—Pisarema 72:7, 8.
Kunyange vakafa vachavazve vapenyu. “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15.
Utano hwakakwana huchavapo nokusingaperi. “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Vanhu vachavaka nokugara mudzimba dzavo. “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.”—Isaya 65:21, 22.
Zvokudya zvichange zvakawanda. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.