Tsamba Inokosha Kuvabereki Vavo
Vasikana vaviri vechiduku muSpain nguva pfupi yapfuura vakanyora tsamba yekuonga kuvabereki vavo. Hezvi zvimwe zvikamu zvacho:
Kuvabereki vedu vanodiwa, Pepe naVicenta:
Totangira papi? Pane zvinhu zvakawanda zvatinoda kutaura, uye zvakaoma kuzviisa zvose namashoko mashomanana. Tinoda kukuongai nemakore edu 17 ne15 oupenyu, makore ave akazara nokutarisirwa zvakanaka nechidakadaka.
Nguva dzose tave tichiziva mazano enyu nemitemo yenyu. Dzimwe nguva taishamisika nei taifanira kusvika pamba nenguva yakatarwa, asi zvino, pashure pokucherekedza maitikire akaita zvinhu kuvamwe vadiki vaisava nenguva yakatarwa yokusvika pamba, tinoona kuti tave takadzivirirwa nemitemo iyoyo.
Muenzaniso wenyu mukusambopotsa musangano wechiKristu kuHoro yoUmambo, kunze kwezvikonzero zvakanaka, wakatibatsira kwazvo, sezvakangoitawo kuparidza nemi mumisi yeSvondo. Mangwanani oga oga eSvondo hatifaniri kubvunza kana tiri kubuda mubasa romumunda. Tinonyatsoziva kuti tiri kubuda!
Kurerwa kwedu kwakabatanidzawo kudzidza kugamuchira vaeni. Nokudaro vakawanda vakashanyira musha wedu, uye nguva dzose munovapa zvakanakisisa zvamunazvo. Takazviona izvozvi nemeso edu isu vanhu vadiki, uye tave tichionga kuti tine vabereki vanokosha.
Hapana mumwe anotiziva kana anotinzwisisa zvakanaka sezvamunoita imi. Ndimi shamwari dzedu dzepamwoyo, dzatinovimba nadzo zvakakwana.
Pakupedzisira, tinoda kutaura kuti tinokudai. Ndimi vabereki vedu, uye hataizokuchinjanisayi nomumwe munhu upi zvake. Kudai zvaizoitikawo hazvo kuti tisarudze vabereki vedu nenzira yemararamiro edu, pasina kupokana, taizosarudza imi, uye taizorarama upenyu ihwo huya zvakare.
Nokutsvoda kworudo, ndisu vanasikana venyu,
ESMERALDA NAYOLANDA