RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 3/8 pp. 4-7
  • Chikonzero Nei Zvichifanira Kukurukurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Zvichifanira Kukurukurwa
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzivisa Kusanzwisisana
  • Chokwadi—Chinofarirwa Here Kana Kuti Hachifarirwi?
  • Mawanirwe Enzira Yakarurama
  • Panofanira Kuva Nevadzidzisi Here?
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Firipo Anobhapatidza Mumwe Mukuru Mukuru weEtiopia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 3/8 pp. 4-7

Chikonzero Nei Zvichifanira Kukurukurwa

“Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.”—Zvirevo 27:17, Bhaibheri.

MAPANGA haarodzwi nokurovaniswa. Kurodza muitiro unoitwa nounyoro. Nenzira yakafanana, pane nzira dzakanaka nedzakaipa dzokurodza nadzo ndangariro nokukurukura, kunyanya panhau dzinoda kungwarira sechitendero.

Kutanga, tinofanira kuremekedza chiremera chemumwe munhu nokuratidza kuremekedza ikoko mumashoko edu nemaitire. “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu,” rinodaro Bhaibheri. (VaKorose 4:6) Kutaura kwemutsa nekwakarungwa hakusi kutaura kwokuomesa musoro, kunyange zvazvo munhu ari kutaura achigutsikana kuti akarurama uye kuti munhu ari kutaurwa naye akarasika.

Mutsa unoratidzwawo munzira yatinoteerera nayo. Hatingavi tiri kunyatsoteerera kana tikavhiringidza mumwe achiri kutaura kana kuti kana pfungwa dzedu dziri kumwe nekuti tiri kugadzirira zvokuzotaura. Ari kutaura pamwe achatoona kusava nehanya kwedu nemaonere ake uye zvichida achagumisa kurukurirano yacho. Uyewo, hatifaniri kumanikidza kana kuti kuvhundutsira mumwe munhu kuti achinje maonere ake. Pamusoro pazvo, ndi‘Mwari anoita kuti mbeu yechokwadi ikure’ mumwoyo memunhu anoteerera.—1 VaKorinte 3:6.

Tine muenzaniso wakanaka kwazvo wemuapostora Pauro, uyo aka“taurirana” noku“nyengetedza” muushumiri hwake. (Mabasa 17:17; 28:23, 24, NW) Pauro akakurukura nezvechitendero nevanhu kwese kwese kwaaivawana, kwakadai sepamusika uye kudzimba dzavo. (Mabasa 17:2, 3; 20:20) Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera muenzaniso iwoyo nokuenda kwese kwese kungawanika vanhu nokutaurirana navo zviri muMagwaro.

Dzivisa Kusanzwisisana

Rudzi rwaIsraeri rwakanga ruchangobva kugara muNyika Yakapikirwa apo kusanzwisisana pamusoro peimwe atari kwakaita sekuchamutsa hondo yekurwisana pachavo. Vanhu vakanga vachigara kumabvazuva kweRwizi Joridhani vakavaka atari, nepo mamwe marudzi akafunga zvisirizvo kuti yaiva atari yekunamata kwenhema. Naizvozvo, vakagadzirira kurwa kuti varange hama dzavo. Asi kuongorora kwekungwarira kwakakunda. Avo vaizova varwisi vakatanga kutuma nhume kunobvunza chinangwa cheatari yacho. Zvichivanyevenutsa kwazvo, vakaziva kuti yaingova chiratidzo chete—“chapupu”—chokuyeuchidza marudzi ose nezvekubatana kwavo pamberi paJehovha Mwari. Kutaura kwakadzivisa kurwisana—nokufa kwevanhu vakawanda!—Joshua 22:9-34.

Nemutoo wakafanana, kusanzwisisana nhasi kunowanzoguma nekuvengana uye kunyange kufungirana zvisizvo. Somuenzaniso, vamwe vanhu vane chitsama vanoona Zvapupu zvaJehovha sevanhu vechitendero vanonyanyisa nemhaka yezvinotaurwa pamusoro pekuramba kwavo kuisirwa ropa. Asi avo vakabvunza pachavo Zvapupu nezvenhau iyi zvinofadza kuti kazhinji vave vachishamiswa kuziva kuti pane chikonzero chiri muBhaibheri chavanorambira uye kuti pane dzimwe nzira dzisina ngozi, dzinoshanda dzokurapa nadzo. (Revhitiko 17:13, 14; Mabasa 15:28, 29) Chokwadi ndechokuti, nemhaka yezvinetso neropa rinowanika, mumwe munyori wechikamu chepepanhau akanyora kuti: “Tinotenda Mwari kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviri mberi pakunzverwa kwezvinotsiva ropa.”

Nemutoo wakafanana, vamwe vakaramba kutaura neZvapupu nokuti vakaudzwa kuti Zvapupu zvaJehovha hazvidaviri Jesu Kristu. Idzodzo inhema dzakadini! Chokwadi ndechokuti, Zvapupu zvinosimbisa basa raJesu mukuponeswa kwedu, zvichitsanangura kuti Mwanakomana waMwari, akatumwa naMwari kuzodzikinura vanhu muchivi norufu. Nokutaura neZvapupu panhau iyi, vanhu vakabvisa kusanzwisisana.—Mateo 16:16; 20:28; Johane 3:16; 14:28; 1 Johane 4:15.

Chokwadi—Chinofarirwa Here Kana Kuti Hachifarirwi?

Zvichida zvinoshamisa vakawanda ndezvokuti panhau yechitendero, nzira inofarirwa kazhinji ndiyo nzira isiri iyo. Jesu Kristu pachake adzidzisa kuti: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”—Mateo 7:13, 14.

Muzuva raNoa, vanhu vasere bedzi ndivo vakataura chokwadi chomudzimu—Noa, mudzimai wake, vanakomana vake vatatu, uye vadzimai vevanakomana vake. Shoko ravo rekunyevera nebasa ravo rokuvaka areka pasina mubvunzo rakavasekesa, kunyange kubatwa zvisina kufanira. Asi Noa nemhuri yake havana kubvuma kutyisidzirwa; vakaramba vachiparidza nokuvaka. (Genesi 6:13, 14; 7:21-24; 2 Petro 2:5) Nemutoo wakafanana, vanhu vatatu bedzi ndivo vakateerera nhungamiro yaMwari ndokupukunyuka kuparadzwa kweSodhoma neGomora.—Genesi 19:12-29; Ruka 17:28-30.

Zvakadini nenguva yedu? “Kudai Kristu aizodzoka ari munhu wenyama nhasi, pamwe vanhu vaizomuuraya zvakare,” akadaro mumwe saimba kuchimwe Chapupu chaJehovha. Munhu uyu aifunga kuti dzidziso dzaJesu nemitemo yake yetsika yakakwirira yaisazofarirwa nhasi sezvayakaitwa makore 2 000 apfuura. Unobvumirana nazvo here?

Kana zvakadaro, uri kufunga zvakarurama, nokuti Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu”—kufanotaura kwaratidza kuva kwechokwadi. (Mateo 24:9) Vatungamiriri vechiJudha muRoma vakataura kumuapostora Pauro nezvechiKristu kuti: “Nokuti kana iri dzidziso iyi, . . . inorambwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Zvisinei, kusafarirwa kwechiKristu hakuna kuregedzesa vateveri vaKristu kuudza vamwe zvavaidavira. Uyewo hakuna kuregedzesa vanhu vaiva nemwoyo yakatendeseka kutaura nevaKristu.—Mabasa 13:43-49.

Shoko raJesu rinokosha nhasi kupfuura kare nakare. Nei? Nokuti mamirire ezvinhu zvenyika anoratidza kuti zvino tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu uye kuti mazuva aya achaguma nokucheneswa kweuipi pasi pano. Jesu akafananidza nguva yedu nemazuva aNoa. (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:37-39) Saka iyi haisi nguva yekungoti chero zvandinodavira ndizvozvo, nokuti upenyu husingaperi huchapiwa avo bedzi vanoziva Mwari uye vano“munamata mumweya nezvokwadi.”—Johane 4:24; 2 VaTesaronika 1:6-9.

Mawanirwe Enzira Yakarurama

Francis Bacon, muzivi wezana remakore rechi17 wekuEngland, munyori wenhoroondo, gweta, uye mumiririri wehurumende, akapa zano vanotsvaga chokwadi kuti va“yere nokufunga.” Uye mumwe purezidhendi wekare weUnited States, Thomas Jefferson, akataura kuti: “Kushandisawo pfungwa nokubvunza wakasununguka ndizvo zvinhu zvoga zvinoshanda kuti pasave nokukanganisa. . . . Ndivo vavengi vakagara varipo vekukanganisa.” Naizvozvo kana tiri kutsvaka chokwadi nomwoyo wose, ticha“yera nokufunga” uye ticharamba tichi“shandisawo pfungwa nekubvunza takasununguka.”

Achiratidza kuti nei mutoo wakadaro uchikosha, musayendisiti wekuBritain Sir Hermann Bondi akataura kuti: “Sezvo kutenda kumwe chete bedzi kuchigona kuva kwechokwadi, zvinoreva kuti zvinoita kuti vanhu vadavire zvakasimba uye nemwoyo wose chimwe chinhu chenhema panhau yezvitendero zviripo. Mumwe munhu aizotarisira kuti chokwadi ichi chiri pachena kuita kuti munhu azvininipise, kuti afunge kuti pasinei zvapo nokuti kutenda kwake kwakasimba zvakadini, mumwe munhu angangove akarasika.”

Saka, munhu angagona sei kuziva kana ari ‘munzira nhete inoenda kuupenyu’? Jesu akadzidzisa kuti Mwari anofanira kunamatwa ‘muchokwadi.’ Naizvozvo kushandisa pfungwa kunoratidza kuti kana dzidziso mbiri dzichipesana, hadzigoni dzose dziri mbiri kuva chokwadi. Somuenzaniso, vanhu vane mweya usingafi kana kuti havana. Mwari achapindira munhau dzevanhu kana kuti haazodaro. Mwari utatu kana kuti haasi. Vanotsvaka chokwadi vanoda mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo yakadaro inokosha. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Mwari akatipa mhinduro muShoko rake, Bhaibheri.a

Sezvo “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari,” nzira hurusa ndeyokuongorora dzidziso dzakasiyana-siyana kana dzichiwirirana neBhaibheri. (2 Timotio 3:16) Nokuita kudaro, muno“idza kuti muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Unogona ‘kuidza kuti uzive’ kuti dzidziso dzako dzinobva muBhaibheri here? Kukwanisa kuita kudaro kunokosha kwazvo nemhaka yokuti Mwari haadi kuti unyengerwe pamwe “nenyika yose.”—Zvakazarurwa 12:9.

Panofanira Kuva Nevadzidzisi Here?

Jesu haana kutambidza vadzidzi vake mipumburu mishomanana ndokuti: “Mhinduro dzemibvunzo yenyu yose dzirimo imomo. Chiendai kumba munozvitsvagira moga.” Panzvimbo pezvo, akavadzidzisa shoko raMwari nokushivirira nemutsa. Avo vakagamuchira dzidziso dzake vakashandisawo nzira dzake pavaidzidzisawo vamwe. Funga nezvemuenzaniso womudzidzi Firipo. Akataura nemumiririri weEtiopia uyo akanga agara achiziva Magwaro nokuonana kwaakanga aita nevaJudha. Asi murume wacho aida kubatsirwa. Naizvozvo Firipo—mumiririri weungano yechiKristu—akatungamirirwa kumubatsira. Kudai mumiririri uyu akanga asingadi kukurukura nezvechitendero, angadai asina kudzidza nezvebasa raJesu muchinangwa chaMwari. Murume wekuEtiopia uyu muenzaniso wakaisvonaka zvakadini kuvose vari kutsvaga chokwadi!—Mabasa 8:26-39.

Unoda kukurukura zvaunodavira nokubvunza mibvunzo sezvakaitwa nemuEtiopia uyu here? Chokwadi unowana zvakawanda nokuita kudaro. Zvapupu zvaJehovha zvinofara kukurukura Bhaibheri nevanhu vanoda kuziva nomwoyo wose zvarinotaura. Zvapupu hazvimanikidzi munhu kubvuma maonere azvinoita zvinhu. Panzvimbo pezvo, zvinoedza kuratidza vanhu zvinotaurwa neBhaibheri pacharo.

Mumiririri weEtiopia akadzidza zvinhu zvinoshamisa pamusoro paJesu Kristu, zvakadai sokushandiswa kwaaizoitwa naMwari kuti tiponeswe. Nhasi, kuitwa kwechinangwa chaMwari kwava pedyo zvikurusa nokupedzwa. Zvinhu zvinotyisa, zvinoshamisa zvava kuda kuzoitika pasi pano chaipo. Nyaya inotevera icharatidza kuti munhu wese ari pasi pano achabatanidzwa. Chokwadika, kuti tichabatanidzwa sei zvichaenderana nemafungire edu uye nezvatinoita.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kweuchapupu hwokuti Bhaibheri iShoko raMwari, tapota ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mumiririri weEtiopia akabvuma kurukurirano yeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe