Murangariro weBhaibheri
Njodzi Isingaparirwi Nemunhu Yechisiko Chose Ichaparadza Nyika Yedu Here?
MUSI wa12 March 1998, misoro mikuru yepepanhau, maTV, uye maInternet akaparadzira nhau inotyisa munyika yose yekuti: “Asteroid yakafara kiromita nehafu iri kumhanya zvokuti hamheno ikasabonderana nePasi.” Vasayendisiti nevanhuwo zvavo vakamhanya-mhanya kuti vayere kuti ngozi yacho chaiyoiyo yakakura sei. Nyanzvi dzemitumbi yemudenga dzakakurumidza kugumisa kuti pakanga pasina mukana wekubonderana.
Zvisinei, munyonganyonga yacho, makabuda ruzivo rutsva. “Chinhu chinonyanyoshamisa nezvenyevero yacho yenhema chingava chekuti, zvisinei nekutyisa kwazvaiita, vanhu vakawanda vakazvitora sezvisinganyanyoshamisa,” yakataura kudaro U.S.News & World Report. “Pfungwa yekuti isu tiri Pasi tinofanira kunge tichitarisa zvimwe zvinhu zvakadaro—uye tichironga kuita chimwe chinhu nezvazvo—yaizoshamisa makore gumi kana kuti akawanda apfuura, asi zvino vasayendisiti uye kunyange vamwe vezvematongerwe enyika vanofunga kuti ngozi yacho, nepo iri duku hayo, ndeyechokwadi.”
Vamwe vanonzvera mitumbi yemudenga vanodavira kuti mitumbi yemudenga inenge 2 000 yakakura zvakakwana zvokuparira njodzi yenyika yose iri kumhanya nemunzira idzo zvichida dzinosangana nemunotenderera namo nyika kana kuti dzinopfuura pedyo namo. Kunyange kana mudukusa wayo ukarovera panyika, vanonzvera vanoti, kuputika kwacho kwaizofanana nesimba rezvombo zvakawanda zvenyukireya zviri kuputika panguva imwe chete. Migumisiro yekubondera kwakadaro yaizova njodzi kunyika yedu nevagari vayo, vanhu nemhuka zvakafanana.
Mamwe maonere anowanzosiyiwa ekufungidzira kunotyisa nekuyera kwakadaro ndeoMusiki wechisiko chose, Jehovha Mwari. (Pisarema 8:3; Zvirevo 8:27) MuBhaibheri akaita kuti kuda kwake nechinangwa chake nokuda kwepasi nevanhu zvizivikanwe zvakajeka. Achabvumira njodzi isingaparirwi nemunhu yechisiko chose kuparadza nyika yedu here?
Chisiko Chose Chichidzorwa naMwari
Sezvo Jehovha ari Musiki wamasimba ose wechisiko chose, zvine mufungo kugumisa kuti ane simba rekudzora zvakakwana masimba anodzora mitumbi yemudenga. Mambo akachenjera Soromoni akataura kuti Jehovha aka“simbisa kudenga-denga nenjere.” (Zvirevo 3:19) Muporofita Jeremia akazivisa kuti Mwari “wakatatamura denga rose nenjere dzake.”—Jeremia 51:15.
Jehovha akaronga mitemo nemasimba zvinodzora kutenderera kwemitumbi yemudenga kubatanidza nyeredzi, nyika dzemudenga, uye macomet, uye maasteroid. (Isaya 40:26) Zvisinei, zvinoratidzika sokuti anobvumira zvinhu zvomusikirwo zvinofanira kuramba zvichiitika kunyeredzi nenyika dzemudenga zvingafananidzwa nokuberekwa, upenyu, uye rufu asingapindiri nguva dzose. Izvi zvinobatanidza kubonderana kunotyisa kwemitumbi yemudenga. Mumwe muenzaniso wenguva pfupi yapfuura kubonderana kwaitika muna July 1994 umo zvisarira zvecomet Shoemaker-Levy 9 zvakarovera panyika yemudenga Jupiter.
Kune uchapupu hwekunzverwa kwematombo hunoratidza kuti pane matombo makuru akabva muchadenga achiwira panyika munhu asati avapo. Asi chiitiko chakadaro chichazomboitika panyika yedu yakazadzwa nevanhu here? Somuenzaniso, chii chingaitika, kana nyeredzi yakafara kiromita nehafu ikabonderana nenyika? Nyanzvi yemitumbi yemudenga Jack Hills inofanotaura kuti kubondera kwayo kwaizoburitsa simba rinoda kupeta nekane mamiriyoni bhomba rakaparadza Hiroshima. Kudai raizodonhera mugungwa masaisai makuru aizofashamira mhenderekedzo dzacho. “Paiva nemaguta,” anodaro Hills, “paizova nematope akati sandara chete.” Chiono chakaipisisa chacho chinofanotaura kuparadzwa kwachose chose kwevanhu. Kufanotaurwa uku kwezuva rekuparadza kunowirirana sei nekuda kweMusiki wedu nokuda kwepasi? Bhaibheri rinoratidza kuti nyika iyi ine nzvimbo inokosha muchinangwa chaJehovha.
Pasi Redu—Rakaitirwa Chinangwa
Nezvenyika yedu, munyori wePisarema anoti: “Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” (Pisarema 115:16) Isaya anorondedzera Jehovha se“akaumba nyika . . . , wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Pasi ndiyo nhaka iyo Jehovha akapa vanhu. Uye sezvo Musiki wedu achifunga nezveramangwana risingagumi nokuda kwevanhu vanotya Mwari, pasi richagara nekusingaperi semusha wavo wokusingagumi. Pisarema 104:5 rinotivimbisa kuti: “[Jehovha] wakateya nheyo dzapasi; kuti parege kuzununguswa nokusingaperi.”
Chokwadi, Mwari akabvumira dzimwe njodzi huru panyika yedu, zvichiguma nekufa kwevanhu vakawanda. Dzimwe dzenjodzi idzi—dzakadai sehondo, nzara, uye nhenda—dzakaparirwa dzose kana kuti pamwe pacho nemakaro, upenzi, uye utsinye hwevanhu. (Muparidzi 8:9) Dzimwe—dzakadai sekudengenyeka kwepasi, kuputika kwemakomo, mafashamo, uye madutu—dzakaparirwa nezviitiko zvemusikirwo zvisinganzwisiswi zvakakwana nevanhu. Mukusiyana nechinangwa chaMwari chepakutanga, vanhu havasisina kukwana; vanotadza. Semugumisiro, semunhu oga oga, hatigoni panguva ino kuvimba kuti Mwari achatidzivirira padzinonzi njodzi dzomusikirwo.
Zvisinei, hapana Jehovha paakambobvumira upenyu hwemunhu pasi pano kuti huve pangozi zvakakomba. Kubvira pakasikwa munhu, munhau yechokwadi hamuna kumbova nechiitiko chenjodzi yemusikirwo inotyisidzira upenyu hwevanhu vose.a
Kupukunyuka Kwevanhu Kwakavimbiswa
Kubvira pamavambo enhau yemunhu, chinangwa cheMusiki wedu chave chiri chekuti munhu a“zadze nyika [a]bate ushe pairi.” (Genesi 1:28; 9:1) Akapikira kuti “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:9, 11, 22, 29) Nezvezvipikirwa zvake, Jehovha anosimbisa kuti: “Zvakandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda.”—Isaya 46:10; 55:11; Pisarema 135:6.
Bhaibheri hararimbi chose chose kuti njodzi duku yepasi inoparirwa nezvinhu zvomuchadenga ingangoitika. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha haazobvumiri njodzi yezvinhu zvomuchadenga kuvhiringidza chinangwa chake chakaziviswa nokuda kwepasi nevanhu. Tichivakira pazvipikirwa zveBhaibheri, tinogona kuva nechokwadi chekuti nyika yedu icharamba ichigarwa nekusingaperi—hungu, ichava musha wevanhu kusvikira kunguva isingazivikanwi!—Muparidzi 1:4; 2 Petro 3:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Mafashamo ezuva raNoa aiva nzira yekuparadza kwaMwari, asi Jehovha akava nechokwadi kuti vamwe vanhu nemhuka zvakapukunyuka.—Genesi 6:17-21.