Basa raJesu Zvino
NEPO chitarisiko chaJesu chingada kuzivikanwa, zvinotokosha zvikuru kuziva basa rake zvino nekwaari. Anoita basa rei muchinangwa chaMwari nokuda kwemhuri yevanhu?
Nhau isiri yechitendero haigoni kutipa mhinduro dzacho. Dzinogona kuwanwa chete mugwaro rakanyorwa naMwari kuti ribetsere vanotsvaka chokwadi. Uye iroro iBhaibheri Dzvene, kana kuti Magwaro Matsvene, vhoriyamu inoparadzirwa kwese kwese zvakanyanya kupfuura mamwe munhau yenyika.
Bhaibheri harisi rimwe bhukuwo zvaro rakanyorwa nevanhu. Nepo vanhu vakashandiswa sevanyori vake, Mwari ndiye aiva munyori waro chaiyeiye: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.
Muapostora Pauro akaziva zvaiva Magwaro, nokuti akanyora kuti: “Kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu asi seshoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.
Mwari ndiye Musiki ane simba gurusa wechisiko chose, nemabhiriyoni acho emapoka enyeredzi nemabhiriyoni enyeredzi muboka renyeredzi rimwe nerimwe. Isimba rinoshamisa zvakadini raanaro kuti akwanise kusika izvozvo zvose! Zvechokwadi Wamasimba Ose, uyo akaita chisiko chose chinoshamisa, aigona kunyora bhuku iro raizova nhungamiro yakavimbika yemunhu upi neupi ari kutsvaka chokwadi.
Zvinotaura Bhaibheri
Shoko raMwari rinofumura rondedzero nezvinhu zvekufungidzira zvisingagumi pamusoro paJesu. Cherekedza humwe udzame hwarinotipa pamusoro pake:
• Jesu aiva chisikwa chekutanga uye choga chakasikwa zvakananga naMwari mudenga makore asingaverengeki akapfuura, ngirozi nechisiko chose chinooneka zvisati zvavapo. Ndokusaka achinzi “mwanakomana [waMwari] wakaberekwa mumwe woga.” Zvimwe zvisikwa zvose zvakasikwa kupfurikidza neMwanakomana uyu, “mhizha” yaMwari, asati ava munhu wenyama.—Johane 3:16; 6:38; 8:58; Zvirevo 8:30; VaKorose 1:16.
• Anenge makore 2 000 apfuura, Mwari akatamisira upenyu hwaJesu mudumbu remhandara yechiJudha, kuti aberekwe semunhu. Kunyange zvino, kupfurikidza nekupa pamuviri nokuita zvekuisira urume mumukadzi zvisiri zvemuzvarirwo, vanhu vanogona kuita chimwe chinhu icho chakada kuti fananei.—Mateo 1:18; Johane 1:14.
• Jesu aisangova murume akanaka chete. Semunhu mukuru akaratidza zvakakwana unhu hune rudo, nengoni, hwakarurama hwaBaba vake vekudenga, Jehovha Mwari.—Johane 14:9, 10; VaHebheru 1:3; 1 Johane 4:7-11, 20, 21.
• Somumiriri waMwari pasi pano, Jesu akatarisira zvaidiwa nevarombo nevakadzvinyirirwa, asi haana kusarura vapfumi. Achitsigirwa nesimba guru raMwari remudzimu mutsvene, Jesu akaporesa vanorwara nechishamiso uye kunyange kumutsa vakafa. Kupfurikidza nekuita mabasa anoshamisa akadaro, akaratidza zvishomanene zvaaizoitira pasi rose pashure pekunge amutsirwa upenyu hwekudenga kubva kuvakafa ndokuva Mambo weUmambo hwaMwari hwekudenga.—Mateo 11:4-6; Ruka 7:11-17; Johane 11:5-45.
• Umambo hwaMwari hwekudenga ihwohwo ndihwo uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera ndokuhuisa panzvimbo yekutanga muupenyu hwavo. Kana hwanyatsosimbiswa, “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo nhasi], ihwo huchamira nokusingaperi.” Ipapo, Umambo hwacho huchava hurumende yoga yepasi pano. Ndihwo chete tariro yevanhu vanotambudzika.—Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10.
• Mwari akanga ari Baba vaJesu, uye Jesu akanga akatendeka kuna Mwari. Nokudaro, apo Jesu akauraiwa, akanga ari munhu akakwana. Akapa Mwari achida upenyu hwake hwakakwana sechibayiro cherudzikinuro kuti chakaraswa naAdhama paakapandukira Mwari chiwanwezve. Kupfurikidza nekuita kudaro, Jesu akazarura nzira yekuupenyu husingaperi nokuda kweavo vanotenda maari.—Johane 3:16; VaRoma 3:23, 24; 1 Johane 2:2.
• SaMambo wekudenga akagadzwa naMwari, Jesu achaita chinangwa chaMwari chekubvisa uipi pasi pano ndokusvitsa vanhu vanoteerera pakukwana kwendangariro nemuviri. Vanhu zvino vachararama murugare nemufaro muparadhiso yapasi, vaine dzimba dzakanaka nezvokudya zvakawanda zvavose. Zvichave zvabviswa zvachose zvirwere, kusuruvara, uye rufu. Kunyange vakafa vachamutswa ndokuva nemukana wekurarama nekusingaperi pasi pano.—Genesi 1:26-28; 2:8; Pisarema 37:10, 11, 29; Zvirevo 2:21, 22; Isaya 25:6; 65:21-23; Ruka 23:43; Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Nokudaro, Bhaibheri rinotiudza zvakajeka kuti Jesu ndiye munhu anokosha zvikuru muchinangwa chaMwari chekuunza nyika itsva yakarurama pasi pano. Nemhaka yebasa rinokosha raanoita, nenzira yakarurama Jesu aigona kuti: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri.”—Johane 14:6; 2 Petro 3:13.
Mutongi Ane Ngoni
Vanhu vanozvininipisa vanoda kuti Jesu ave mutongi wavo munyika itsva, uye achava rudzi rwemutongi akasiyana, anofadza zvakadini! Imwe nzira yaakaratidza nayo izvi yaiva kupfurikidza nemabasa anoshamisa ekuporesa aakaita achiri pasi pano. (Mateo 15:30, 31) Asi cherekedzawo, rudzi rwemutongi waachava.
Kutanga chimbofunga zvakaitwa nevatongi venyika ino. Nhau inoratidza kuti kwemazera ose emakore, kazhinji kazhinji vave vane utsinye uye vasina tsitsi, vachipinza vanhu vavo muhondo dzisingaverengeki, muutsinye, mukubvunzurudzwa, uye mukupondwa kwevanhu vakawanda. Muzana rino remakore rechi20 roga, vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakauraiwa muhondo.
Enzanisa mafungiro nezvakaitwa nevatongi venyika ino nemafungiro nezvakaitwa naJesu mukubata kwake nevarombo, vakadzvinyirirwa, vasina simba: “Asi wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” Nokudaro akati kwavari: “Uyai kwandiri, imi mose makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 9:36; 11:28-30.
Jesu ainzwira ngoni vanhu zvakadini! Mukuita izvi akatevedzera baba vake vekudenga. Jesu aiva rudo pacharwo, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuva nerudo rwechokwadi, runodzorwa nenheyo kune vamwe. Nokudaro vaisazobvumira rudzi, dzinza, mamiriro ezvemari, chitendero chekare, kana kuti chinhu chipi nechipi kudzongonyedza chinzwano chavo chenyika yose. (Johane 13:34, 35; Mabasa 10:34, 35) Zvirokwazvo, Jesu aida vanhu zvikuru kwazvo zvokuti akavafira. (VaEfeso 5:25) Ndiye rudzi rwemutongi anodiwa nenyika ino uye waichawana.
Jesu Zvino ndiMambo “Akanaka-naka”
Shoko reuporofita raMwari rinotibetsera kunzwisisa kuti Jesu zvino ndiMambo ane simba wekudenga. Munyori wePisarema akaporofita nezvake kuti: “Imi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; . . . Fambai noumambo hwenyu muchikunda, nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama; . . . Makada kururama, mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, wakakuzodzai namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.”—Pisarema 45:2, 4, 7.
SaMambo wekudenga akazodzwa naMwari, Jesu akarayirwa kuita chiito chekuratidza kuda kwake kururama nekuvenga kwake uipi. Nokudaro, anorondedzerwa nezvake muBhaibheri semukundi asingafi, “Mambo wamadzimambo,” uyo achakurumidza kuparadza vavengi vose vaMwari. Uyezve, achaita kuti pasi rivezve paradhiso ndokusvitsa vanhu vanodzikinurika pakukwana.—Zvakazarurwa 19:11-16.
Basa idzva raJesu harizovi ra‘Mesiya ari kutambura’ ari kuzvidzwa, kurohwa, uye kuuraiwa nevashori. Panzvimbo pezvo, basa rake idzva nderiya ra“Mwari une simba,” mutongi wenyika. (Isaya 9:6) Aya haasi mashoko anofadza kuvatongi vevanhu vakawanda, nokuti ushe hwavo huchaparadzwa nekukurumidza zvekusazovapozve, sezvinofanotaurwa naDhanieri 2:44. Achishandisa Kristu kuuraya, Mwari “uchaparadza madzimambo pazuva rokutsamwa kwake. Iye uchatonga pakati pavahedheni.”—Pisarema 110:5, 6.
Isaya akafanotaura kuti mukuita izvi, Kristu “uchavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achafumbira miromo yawo pamusoro pake.” Nemhaka yei? “Nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa [nezvitendero zvavo zvavanovimba nazvo]; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.”—Isaya 52:15.
‘Kukohwa Chamupupuri’
Isaya akanga achifanotaura kupera kwebasa revatungamiriri vezvitendero. Somuenzaniso, havadzidzisi chokwadi cheBhaibheri asi vanodzidzisa makwai avo dzidziso dzisiri mumagwaro dzekutambudzwa kusingaperi muhero yemoto, utatu hwavanamwari vatatu vari muna mwari mumwe, uye kusafa kwemweya—zvose zvakabva kuchihedheni. Uye vafundisi vakatsigira hondo dzose dzemarudzi avo, kunyange pazvaireva kuuraya vanhu vechitendero chavo pachavo. Izvi kuputswa kwakananga kwemitemo yaMwari.—1 Johane 2:3, 4; 3:10-12; 4:8, 20, 21.
Uyewo, vafundisi vanopa makwai zvinhu zvinofadza meso asi, mumeso aJehovha, mifananidzo yezvitendero isina zvainoreva, nguo dzevafundisi, macathedral anodhura, uye mifananidzo yakashongedzwa nemirangariro yechihedheni, kubatanidza derenderedzwa rinobwinya sezuva ramwari wezuva. Vanoita izvi pasinei zvapo nemurayiro waMwari kuvabatiri vake wekuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina . . . , zvinatsei imi munotakura nhumbi dzaJehovha.”—Isaya 52:11; 2 VaKorinte 6:14-18.
Avo vanotaura kuti vanomiririra Mwari asi vachiputsa mitemo yake nekudzidzisa vamwe kuita zvakafanana vachakohwa zvavakadyara. Vachatongwa zvisingafadzi uye vachabhadhara mutengo wacho pachaparadzwa gadziriro ino yezvinhu. Sezvakataurwa nemuporofita Hosea kuti, “vakadyara mhepo, uye vachakohwa chamupupuri.”—Hosea 8:7, King James Version; onawo Zvakazarurwa 17:1-3, 15, 16.
Vane Mwoyo Yakatendeseka Vanodzidza Chokwadi
Kuratidzwa zvisirizvo kwaMwari naJesu nevafundisi hakusi kuzotadzisa vanhu vane mwoyo yakatendeseka kudzidza chokwadi nezvaJesu. Muzana ramakore rekutanga, hakuna kudaro, nokuti sekunyora kunoita Paul Barnett muThe Two Faces of Jesus, “Kristu haasi munhu anofamba neparachuti akangodona kubva kudenga kuenda munhau, asina kuziviswa.” Hungu, kareko uporofita hweBhaibheri ‘hwakazivisa’ zvakarurama Mesiya, huchisimbisa vadzidzi vake vakavimbika kuti kuuya kwake kwakanga kwaitika. Nhasi kune humwe uchapupu hwakawanda hunozivisa idi rekuti Jesu akapiwa simba naMwari rekutonga sa“Mambo wamadzimambo” ane mbiri wekudenga.—Mateo 24:3-13; 2 Timotio 3:1-5, 13.
Zvirokwazvo, “evhangeri iyi youshe [hwaMwari naKristu semutongi] ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Izvozvo zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha, zvinosvika anopfuura mamiriyoni mashanu munyika yose. Nokudaro avo vanoda kuziva Jesu chaiyeiye zvechokwadi vanogona kuita kudaro. (Johane 10:14; 1 Johane 5:20) Uye zvose zviri zviviri kumuziva nokumuteerera zvinokosha nokuda kwekupukunyuka “dambudziko guru” richachenesa pasi nokukurumidza.—Zvakazarurwa 7:9-14; Johane 17:3; 2 VaTesaronika 1:6-10.
Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubetsera kunzvera mufananidzo unofadza weBhaibheri weMwanakomana waMwari.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Kristu ane simba roUmambo achabvisa uipi
[Mufananidzo uri papeji 28]
Pakutonga kune rudo kwaKristu, pasi rino richava paradhiso