RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 11/8 pp. 11-12
  • Kuda Muvakidzani Kwakaendepi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda Muvakidzani Kwakaendepi?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Njodzi Yemazuva Ano
  • Ndiani Ane Mhaka?
  • Chikonzero Nei Rudo Rwatonhora
  • Ngwavaira yomuRwanda—Ndiani Ane Mhaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ungavimba Nechitendero Chako Here Panyaya Dzehondo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kugoverana Nyaradzo Iyo Jehovha Anogovera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Vanhu Vose Vachazombogona Kudanana Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 11/8 pp. 11-12

Kuda Muvakidzani Kwakaendepi?

MAMIRIYONI anonzwa asina chivimbo, achitya, uye akasuruvara, asina kwekuenda. “Ndinodya ndega, ndinofamba ndega, ndinorara ndega nekutaura ndega,” mumwe munhu akachema kudaro. Vanhu vashomanene vanoda kutsvaga nokuitira vanhu vanoshaya mabasa orudo.

Mumwe mukadzi ane bhizimisi akarega basa akati: ‘Mamwe manheru imwe chirikadzi inogara pauriri humwe chete neni yakagogodza pasuo rangu ndokutaura kuti yakanga yakasurukirwa. Ndakaiudza nomutsa asi zvakajeka kuti ndaiva nebasa. Yakakumbira kuregererwa nokuda kwekundinetsa ndokuenda.’

Mukadzi wacho akapfuurira kuti: ‘Ndakanzwa ndichidada zvikuru kuti ndakanga ndisina kubatwa mumusungo unofinha zvakadaro. Manheru akatevera imwe shamwari yakaridza runhare ndokubvunza kana ndaiziva nezvemumwe mukadzi aigara muchivako mandaigara akanga azviuraya usiku hwakanga hwapfuura. Kana usati watofungidzira, aiva mukadzi akanga agogodza pasuo rangu.’ Pashure pacho, mukadzi ane bhizimisi akataura kuti akanga adzidza “chidzidzo chakaoma.”

Zvinonyatsozivikanwa kuti vana vasingadiwi vanogona kufa. Vakura vanogonawo kufa kana vakasadiwa. Mutsamba yekuzivisa kuti azviuraya, mumwe musikana akaisvonaka ane makore 15 akanyora kuti: “Rudo runoreva kusasurukirwazve.”

Njodzi Yemazuva Ano

Ichitsinhira pamusoro pekuvengana kweurudzi makore mashomanene apfuura, Newsweek yakashuma kuti: “‘Venga muvakidzani wako’ anga achiratidzika semashoko egore.” Pairwiwa muBosnia neHerzegovina, dzaichimbova rutivi rweYugoslavia, vanhu vanopfuura miriyoni vakamanikidzirwa kusiya dzimba dzavo, uye makumi ezviuru akauraiwa. Naani? “Vavakidzani vedu,” akachema kudaro mumwe musikana akanga adzingwa pamusha wake. “Taivaziva.”

“Taimbogara pamwe chete murugare,” akadaro mumwe mukadzi nezvevaHutu nevaTutsi vane 3 000 vaigara mumusha weRuganda. The New York Times yakati: “Zvakaitika mumusha uno zvinotsanangura zvakaitika kuRwanda: VaHutu nevaTutsi vaigara pamwe chete, vachiroodzana, vasina basa nazvo kana kuti vasingatomboziva kuti muHutu nemuTutsi ndeupi. Ipapo chimwe chinhu chakangoerekana chachinja,” uye “kuurayana kwakatanga.”

Nenzira yakafanana, vaJudha nevaArabhu vanogara pamwe chete muIsrael, asi vakawanda vanovengana. Muzana rino remakore rechi20 rose zvaro, mamiriro ezvinhu akafanana akavako kuChamhembe kweIreland, muIndia nePakistan, muMalaysia neIndonesia, uye pakati pemarudzi ari muUnited States—hungu, munyika yose zvayo matinogara.

Mumwe anogona kuramba achipa mienzaniso yakawanda yeruvengo runoratidzwa nemarudzi nezvitendero. Hazvisati zvamboitika munhau kuti nyika ishaye rudo zvakadaro.

Ndiani Ane Mhaka?

Ruvengo, kufanana nerudo, runodzidziswa. Rwiyo rwunonyanyozivikanwa rwunotaura kuti vana vano“dzidziswa kusati kwava kunyanyononoka/Usati wave nemakore matanhatu kana manomwe kana masere/Kuvenga vanhu vose vanovengwa nehama dzako.” Kunyanya nhasi ruvengo ruri kudzidziswa. Machechi zvikurukuru akatadza kudzidzisa mitezo yawo kudanana.

Pepanhau rekuFrance Le Monde rakabvunza kuti: “Mumwe munhu anogona sei kurega kufunga kuti vaTutsi nevaHutu vari kurwisana muBurundi neRwanda vakarovedzwa nevafundisi vechiKristu vamwe chetevo uye kuti vakapinda machechi mamwe chetewo?” Zvechokwadi, maererano neNational Catholic Reporter, Rwanda “inyika ine vaKaturike vane 70%.”

Pakuvamba kwezana rino ramakore, nyika dzekuMabvazuva kweEurope dzakatanga chiKomonizimu chisingadaviri kuti Mwari ariko. Nemhaka yeiko? Muna 1960 mukuru wevafundisi vechechi muPrague, Czechoslovakia, akati: “Ndisu, isu vaKristu tega, takakonzera chiKomonizimu. . . . Yeukai kuti vaKomonisiti vaimbove vaKristu. Kana vasingadaviri kuti kuna Mwari anoruramisira, imhaka yaani?”

Chimbofunga zvakaitwa nemachechi muHondo Yenyika I. Mutungamiriri wemauto eBritain Frank Crozier akataura pamusoro pehondo iyoyo kuti: “Machechi echiKristu ndiwo vatsigiri vokuuraya vakanakisisa vatinavo takaashandisa zvakazara.” Gare gare, Hondo Yenyika II yapera, The New York Times yakati: “Munguva yapfuura boka revafundisi vechechi yeKaturike vomunzvimbomo inenge nguva yose rakatsigira hondo dzamarudzi, richikomborera mauto nekunyengeterera kukunda, nepo rimwe boka remabhishopi kune rumwe rutivi rakanyengeterera kukundwa kwavo pachena.”

Asi, Jesu Kristu akaratidza rudo mune zvaaiita zvose, uye muapostora Pauro akanyora kuti: “Imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane.” (1 VaTesaronika 4:9) “VaKristu vechokwadi ihanzvadzi nehanzvadzi muna Jesu Kristu,” akataura kudaro mumwe munyori weSun yeVancouver. “Havatombofaniri kukuvadzana nemaune.”

Zviri pachena, kuti machechi ane mhaka huru nokuda kwokushaikwa kwerudo kwanhasi. Nyaya yakabudiswa mumagazini yeIndia Today yakati: “Mhosva dzakakomba zvikuru dzakaparwa muzita rechitendero.” Zvisinei, pane chikonzero chinokosha, nei chizvarwa chedu chave chichizivikanwa nokuzvidza vamwe kusina tsitsi kwakadaro.

Chikonzero Nei Rudo Rwatonhora

Musiki wedu anopa mhinduro. Shoko rake, Bhaibheri, rinodana nguva yatiri kurarama mairi kuti “mazuva okupedzisira.” Uporofita hweBhaibheri hunotaura kuti iyi inguva iyo vanhu vaizova “vasina rudo chairwo.” Nezveidzi “nguva dzokutambudzika,” dzinonziwo mumagwaro “kuguma kwegadziriro yezvinhu,” Jesu Kristu akafanotaura kuti “rudo rwevakawanda zvikuru ruchatonhora.”—2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3, 12, NW.

Naizvozvo, kushaikwa kwerudo kwanhasi, humwe uchapupu hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino. Nenzira inofadza, zvinorevawo kuti nyika ino yevanhu vasingadi Mwari ichakurumidza kutsiviwa nenyika yakarurama inodzorwa nerudo.—Mateo 24:3-14; 2 Petro 3:7, 13.

Asi chaizvoizvo tine chikonzero chekudavira kuti kuchinja kwakadaro kunoita—zvokuti tichakwanisa kugara munyika umo vanhu vose vachadanana nokugara pamwe chete here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe