Haana Kurega
MUSI wa5 October 1995, Matt Tapio ane makore 14 akavhiyiwa bundu raiva muuropi hwake. Bundu racho rakaratidza kuti raigona kuuraya. Kuvhiyiwa kwacho kwaiva mavambo ekumwe kwakawanda kwaaizoitwa mumakore maviri nehafu aizotevera. Kurapa nemishonga uye nekupisa kwakatevera.
Matt aigara kuMichigan, U.S.A., kwaaipinda chikoro nemisangano yechiKristu. Akashandisa mikana yacho kutaura nevadzidzisi nevemukirasi make nezvezvitendero zvake pamwe chetewo nekushanyira vamwe muushumiri hwapachena. Mukugara kwake kwose muchipatara—akapedza mwedzi 18 yemakore maviri nehafu ekupedzisira oupenyu hwake muzvipatara—akagovera mazana emabhuku eBhaibheri kune avo vaaisangana navo ikoko.
Nguva zhinji zvairatidzika sokunge kuti Matt aisazorarama, asi nguva nenguva aiita nani. Pane imwe nguva, achienda kuchipatara, akabatwa nepfari ndokumira kufema. Kumutsidzirwa kwekushanda kwemwoyo nemapapu, (cardiopulmonary resuscitation) kwakatangwa, uye akamutsidzirwa. Paakapengenuka, akatanga kuchema ndokudanidzira kuti: “Ndiri murwi! Ndiri murwi! Handiregi!” Vanhu vakataura kuti kwaiva kutenda muna Mwari kwaMatt kwaimuita kuti arambe achirarama kwenguva refu yakadaro.
Matt akazadzika chishuvo chaaiva nacho pana 13 January 1996, paakabhabhatidzwa mukuratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha Mwari. Kubhabhatidzwa kwacho kwakaitirwa mudziva repamusha nemhaka yengozi yechirwere. Mazuva mashomanene gare gare, akadzokera kuchipatara kuti anorapwazve. Muna August 1997, Matt akaramba achirutsa kwemavhiki, asi akaita nani pashure pekunge arapwazve.
Munguva yose iyi, Matt akapfuurira kusetsa, nekuita majee navanachiremba navanamukoti. Vaisagona kunzwisisa chikonzero nei aisetsa zvinoshamisa kudaro. Mumwe wavanachiremba akamuudza kuti: “Matt, kudai ndanga ndiri iwe, ndaizovhara keteni, ndofukidza musoro wangu, uye ndaizoudza munhu wose kuti abve.”
Muna February 1998, Matt akadzokera kumba kekupedzisira achibva kuchipatara. Akafadzwa kuva mupenyu nokuva pamba zvekuti paakangopinda pasuo, akati: “Ndiri kuzofara! Ngatinyengeterei.” Ipapo akaudza Jehovha mufaro wake mumunyengetero. Mwedzi miviri gare gare, pakupedzisira akauraiwa nekenza pana 19 April.
Asati afa, mune mumwe wemisangano yeZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo yemo vanhu vakateerera mashoko aakabvunzurudzwa ndokurekodwa. Akabvunzwa kuti: “Chii chaungada kuudza vamwe vedu vane utano hwakanaka nezveushumiri hwedu nemisangano yechiKristu?”
Matt akapindura kuti: “Itai zvamunogona zvino. . . . Hamuzivi zvingangoitika. . . . Asi pasinei zvapo nezvingaitika, musazomborega kupupurira nezvaJehovha.”