RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 11/8 pp. 13-15
  • Vanhu Vose Vachazombogona Kudanana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vose Vachazombogona Kudanana Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chishamiso Chemuzana Rekutanga Remakore
  • Zvakadini Nhasi?
  • Rudo Runokurira Ruvengo
  • Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • VaKristu Vechokwadi neHondo
    Mukai!—1994
  • Rudo Rwako Rwakakura Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Ida Muvakidzani Wako Sezvaunozviita”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 11/8 pp. 13-15

Vanhu Vose Vachazombogona Kudanana Here?

RIMWE gweta rakanga richangobva kutaura kuti tinofanira kuda Mwari nemwoyo wedu wose nekuda muvakidzani wedu sezvatinozviita, kuti tiwane “upenyu husingaperi.” Jesu akarumbidza gweta racho ndokuriudza kuti: “Wapindura zvakanaka; ita izvozvo, ugorarama.” (Ruka 10:25-28; Revhitiko 19:18; Dheuteronomio 6:5) Asi murume wacho, achida kuzviita akarurama, akabvunza kuti: “Chaizvoizvo muvakidzani wangu ndiani?”

Pasina mubvunzo gweta racho raikarira Jesu kutaura kuti, “VaJudha sewe.” Asi Jesu akarondedzera nyaya yemuSamaria akanaka, iyo yakaratidza kuti vanhu vemamwe marudzi akasiyana nerwedu vavakidzani veduwo. (Ruka 10:29-37, NW; Johane 4:7-9) Muushumiri hwake Jesu akasimbisa kuti kuda Mwari nekuda muvakidzani wedu ndiyo mitemo inokosha zvikurusa yeMusiki wedu.—Mateo 22:34-40.

Asi, boka ripi neripi revanhu rati ramboda vavakidzani varo zvepachokwadi here? Zvinobvira chaizvoizvo kuti vanhu vose vadanane here?

Chishamiso Chemuzana Rekutanga Remakore

Jesu akaudza vateveri vake kuti vaizozivikanwa nerudo rusinei nemiganhu yedzinza, yerudzi, neyezvimwe zvese. Akati: “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo.” Ipapo akawedzera kuti: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”—Johane 13:34, 35; 15:12, 13.

Zvaidzidziswa naJesu nezverudo, zvichitsigirwa nemuenzaniso wake, zvakaita chishamiso chemuzana rekutanga remakore. Vateveri vake vakasvika pakutevedzera Tenzi wavo, vachidzidza kudanana nenzira yakakwezva nekuyemurwa kwese kwese. Munyori wezana remakore rechipiri nerechitatu C.E., Tertullian, akadzokorora zvakataurwa nevanhu vaisava vaKristu vairumbidza vateveri vaJesu kuti: ‘Onai kudanana kwavanoita uye kuda kwavanoita kufirana.’

Zvechokwadi, muapostora Johane akanyora kuti: “Nesuwo tinofanira kupa hama upenyu hwedu.” (1 Johane 3:16) Jesu akatodzidzisa vateveri vake kuda vavengi vavo. (Mateo 5:43-45) Chii chinozoitika apo vanhu vanoda vamwe zvechokwadi sezvavakadzidziswa naJesu kuita?

Sezviri pachena mumwe purofesa wesayenzi yezvamatongerwe enyika akafungisisa mubvunzo iwoyo. Nokudaro akabvunza, sezvakanyorwa muThe Christian Century kuti: “Pane munhu anogona kunyatsofungidzira Jesu achikandira vavengi vake magirinedhi nemaoko, achishandisa chigwagwagwa, achitekenya flamethrower, achidonhedza mabhomba enyukireya kana kuti achiteya ICBM yaizouraya kana kuremadza zviuru zvavanaamai nevana here?”

Mukupindura, purofesa wacho akati: “Mubvunzo wacho hauna musoro zvokuti haufaniri kupindurwa.” Nokudaro akabvunza kuti: “Kana Jesu aisagona kuita izvi maererano neunhu hwake, zvino tinogona sei kuzviita ndokuva vakavimbika kwaari?” Naizvozvo, hatifaniri kushamiswa, nekusapindira mune zvamatongerwe enyika kwakaitwa nevateveri vaJesu vepakuvamba uko kwakanyatsopupurirwa nemabhuku enhau akawanda. Chimbofunga mienzaniso miviri chete.

Our World Through the Ages, rakanyorwa naN. Platt naM. J. Drummond, rinoti: “Tsika dzevaKristu dzakanga dzakasiyana zvikuru nedzevaRoma. . . . Sezvo Kristu akanga aparidza rugare, vakaramba kuva varwi.” Uye The Decline and Fall of the Roman Empire, rakanyorwa naEdward Gibbon, rinoti: “[VaKristu vepakuvamba] vakaramba kushanda basa rokutarisira kana kuti remumauto ekudzivirira umambo hwacho. . . . Zvakanga zvisingabviri kuti vaKristu, vaite basa revarwi, pasina kuramba basa rinoyera, vaigona kutora basa ravarwi.”

Zvakadini Nhasi?

Rudo rwakafanana nerwaKristu ruchiri kuratidzwa nemunhu upi noupi nhasi here? Encyclopedia Canadiana inoti: “Basa reZvapupu zvaJehovha kumutsidzirwa nekuvambwazve kwechiKristu chepakuvamba chaJesu nevadzidzi vake . . . Zvose ihama.”

Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvibvumiri chinhu chipi nechipi—ringave dzinza, rudzi, kana kuti marererwe edzinza—kuvaita kuti vavenge vavakidzani vazvo. Uyewo hazvizourayi munhu, nemhaka yekuti nenzira yekufananidzira zvakapfura minondo yazvo zvichiiita mapadza uye mapfumo azvo zvichiaita mapanga ekuchekerera miti, sezvakafanotaurwa neBhaibheri kuti zvaizoitwa nevabatiri vechokwadi vaMwari.—Isaya 2:4.

Hazvishamisi kuti imwe nyaya yepepanhau reSacramento Union yeCalifornia yakataura kuti: “Zvakakwana kutaura kuti kudai nyika yose yairarama maererano nechitendero cheZvapupu zvaJehovha kudeurwa kweropa nekuvengana zvaizoguma, uye rudo rwaizotonga samambo”!

Nenzira yakafanana, mumwe munyori weRing yemuHungary akati: “Ndasvika pakugumisa kuti kudai Zvapupu zvaJehovha zvaiva izvo zvoga zvairarama pasi pano, hondo dzaizoguma, uye mabasa emapurisa aizova ekudzora motokari nevanhu mumigwagwa nekupa mapasipoti chete.”

Mumagazini yechechi yekuItaly inonzi Andare alle genti, mumwe nun weRoma Katurike akanyorawo achiyemura Zvapupu kuti: “Vanoramba masimba masimba orudzi rupi norupi uye vasingapandukire vanotsungirira miedzo yakawanda inoiswa pavari nemhaka yezvavanodavira . . . Nyika yose yaizova yakasiyana zvakadini kudai tose taizomuka mamwe mangwanani tatsunga zvakasimba kusabatazve zvombo, pasinei zvapo nechingaitika kana kuti chikonzero, sezvakangoita Zvapupu zvaJehovha!”

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwekuva izvo zvinotanga kubetsera vavakidzani vazvo. (VaGaratia 6:10) Mubhuku rake rinonzi Women in Soviet Prisons, mumwe wekuLatvia akataura kuti akarwara zvikuru paaishanda pakamba yekurangira yePotma pakati pama1960. “Pandairwara pose [Zvapupu] zvaiva vanamukoti vanoshingaira. Ndaisagona kushuva kutarisirwa zvakanaka kunopfuura uku, kunyanya nemararamire emukamba.” Akawedzera kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvinoona kubetsera munhu wose sebasa razvo, pasinei zvapo nerudzidziso kana kuti rudzi.”

Munguva pfupi yapfuura vanyori vepepanhau muCzech Republic vakacherekedza tsika dzakadaro dzeZvapupu mumisasa yechibharo. Vachitsinhira panyaya ye“The Lost Home,” yakaburitswa muBrno, pepanhau reSeveročeský deník vakati: “Zvinokosha kucherekedza kuti kunyange ava [vaJudha vechiCzech nechiSlovak vakapukunyuka] vaivawo mujeri panguva iyoyo vakavimbika vakapupurira nekuyemura kunonyatsooneka kutsigira kwavo vasungwa vaiva Zvapupu zvaJehovha. ‘Vaiva vanhu vakashinga zvikuru, vaitibetsera nguva dzose nepavaigona napo, kunyange zvazvo vaizviisa mungozi yekuuraiwa,’ vakawanda vakataura kudaro. ‘Vakatinyengeterera, sekunge kuti taiva vemhuri dzavo; vakatikurudzira kuramba takashinga.’”

Kunyange zvakadaro, zvakadini nekuda vanokuvenga? Izvozvo zvinobvira here?

Rudo Runokurira Ruvengo

Zvakadzidziswa naJesu nezvekuda vavengi zvinowirirana nechirevo cheBhaibheri chekuti: “Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; kana ane nyota, umupe mvura anwe.” (Zvirevo 25:21; Mateo 5:44) Nezvemugumisiro wakanaka wekutarisirwa nerudo nevaichimbonzi vavengi, mumwe mukadzi wechitema akanga achangobva kuva Chapupu chaJehovha akanyora kuti: “Panguva nenguva mwoyo wangu wakazadzwa nemufaro kusvika pakusakwanisa kudzora misodzi nemhaka yekucherekedza rudo rwechokwadi rweZvapupu zvechichena, vanhu vandingadai ndakauraya nguva pfupi yakanga yapfuura pasina kuzeza kuti ndibetsere kuchinja mune zvematongerwo enyika.”

Chimwe Chapupu chekuFrance chakatsanangura kutengeswa kwakaitwa amai vacho kuGestapo nemumwe muvakidzani muHondo Yenyika II. “Somugumisiro, amai vangu vakapedza makore maviri mumisasa yechibharo yeGermany, mavakasara padiki diki kufa,” mwanasikana wacho akatsanangura kudaro. “Pakapera hondo, mapurisa ekuFrance aida kuti amai vasaine pepa rekusungisa mukadzi uyu semutsigiri weGermany. Asi amai vangu vakaramba.” Gare gare, muvakidzani wacho akarwara nekenza inouraya. Mwanasikana wacho akati: “Amai vakapedza maawa akawanda vachiita kuti mwedzi yekupedzisira yeupenyu hwake ive yakanaka sezvinobvira. Handimbofa ndakakanganwa kukurirwa uku kweruvengo nerudo.”

Pasina mubvunzo, vanhu vanogona kudzidza kudanana. Vaichimbovengana—vaTutsi nevaHutu, vaJudha nevaArabhu, vaArmenia nevaTurkey, vaJapan nevaAmerica, vaGerman nevaRussia, vaPurotesitendi nevaKaturike—vose vakabatanidzwa nechokwadi cheBhaibheri!

Sezvo mamiriyoni evanhu vaimbochengeta ruvengo zvino vave kudanana, zvechokwadi nyika yose yevanhu inogona. Sezvinobvumwa, zvisinei, kuchinja kukuru kwenyika yose kuchadiwa kana vanhu vose vachizodanana. Kuchinja uku kuchaitika sei?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Vachena nevatema muSouth Africa

VaJudha nevaArabhu

VaHutu nevaTutsi

Nenzira yokufananidzira, Zvapupu zvakapfura minondo yazvo kuva mapadza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe