RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 9/8 pp. 30-31
  • Tinofanira Kushora Satani Nokuda Kwezvivi Zvedu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kushora Satani Nokuda Kwezvivi Zvedu Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzivisa Dhiyabhorosi
  • Nzira Yo“kudzivisa [Nayo] Dhiyabhorosi”
  • Kurwa Kwedu Kwomukati
  • Bvuma Basa Rako
  • “Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Unonyatsodavira Kuti Dhiyabhorosi Munhu Chaiye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Dhiyabhorosi—Haasi Chinhu Chokufungidzirawo Zvacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 9/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Tinofanira Kushora Satani Nokuda Kwezvivi Zvedu Here?

CHIVI chokutanga chomunhu chakashoresa Satani. “Nyoka yandinyengera ndikadya,” akadaro Evha. (Genesi 3:13) Kubvira panguva iyoyo, “nyoka yakare inonzi Dhiyabhorosi naSatani” yave ichipfuurira kupenga kurwisana norudzi rwomunhu, ‘ichipofumadza ndangariro’ dzavanhu no“kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9; 2 VaKorinte 4:4) Hapana munhu anogona kunzvenga kumanikidzwa naye, asi izvi zvinoreva kuti hatigoni kudzivisa kukanganiswa naye here? Uye patinoita chivi, imhaka yake nguva dzose here?

Bhaibheri rinotsanangura kuti, kutaura idi, Satani akanyengera Evha. (1 Timotio 2:14) Akanyengedzwa kuti afunge kuti kupfurikidza nokuputsa mutemo waMwari, aigona kuwana nzwisiso yakafanana neyaMwari norusununguko. (Genesi 3:4, 5) Achifungidzira izvozvo, akatadza. Pasinei zvapo naizvozvo, Mwari akamuti yaive mhaka yake ndokumutongera rufu. Neiko? Nemhaka yokuti kunyange zvazvo Satani akanyepa, akaramba achiziva mutemo waMwari zvakazara. Haana kumbomanikidzwa kusateerera; panzvimbo pezvo, akanga achiri kukwanisa kudzora zviito zvake, achikwanisa zvakazara kudzivisa kukanganiswa naSatani.

Dzivisa Dhiyabhorosi

Zvinobvira kuti isu vanhu tidzivise Dhiyabhorosi. Pana VaEfeso 6:12, (NW) tinoudzwa kuti “tinorwa” ne“masimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” Saka sezviri pachena, Mwari anotikarira kuti tirwise kuti Satani asatikanganisa. Asi munhu anogona sei kurwisa simba rinopfuura romunhu raSatani namadhimoni ake? Tiri kukumbirwa kurwa newatisina zera naye here, patinonyatsoziva kuti tichakundwa? Aiwa, nemhaka yokuti Mwari haasi kutiudza kuti tirwise Dhiyabhorosi nesimba redu pachedu. Jehovha anotipa nzira dzakasiyana-siyana dzatinogona kudzivisa nadzo zvinhu zvinokwezva zvaDhiyabhorosi ndokukunda. Bhaibheri rinotiudza kuti Dhiyabhorosi ndiani, mashandiro aanoita, uye kuzvidzivirira kwatinogona kuita.—Johane 8:44; 2 VaKorinte 2:11; 11:14.

Nzira Yo“kudzivisa [Nayo] Dhiyabhorosi”

Magwaro anorumbidza nhanho mbiri dzokudzivisa nadzo Dhiyabhorosi. Tinorayirwa kuti: “Muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiyabhorosi, agokutizai.” (Jakobho 4:7) Nhanho yokutanga yokuzviisa pasi paMwari inobatanidza kuteerera mitemo yake. Kuramba kwedu tichiziva kuti Mwari ariko, kunaka kwake, simba rinotyisa nechiremera chake, uye nheyo dzake dzakakwirira kuchatipa simba rokudzivisa Satani. Kuramba tichinyengetera kuna Mwari kunokoshawo.—VaEfeso 6:18.

Funga nezvenguva apo Jesu akaedzwa naDhiyabhorosi. Kuyeuka nokunokora mashoko mirayiro yaMwari yakasiyana-siyana zvechokwadi zvakabetsera Jesu kuramba. Akundikana kunyengera Jesu kutadza, Satani akamusiya. Pashure pomuedzo wakakomba iwoyo, Jehovha akashandisa ngirozi dzake kusimbisazve Jesu. (Mateo 4:1-11) Nokudaro, Jesu aigona kukurudzira nechivimbo vadzidzi vake kukumbira Mwari ‘kuvarwira panowakaipa.’—Mateo 6:13.

Kutirwira kwaMwari hakurevi kuti anotikomberedza nenhoo yokudzivirira. Panzvimbo pezvo, anotiudza kuronda mavara aMwari akadai sechokwadi, kururama, rugare, uye kutenda. Mavara aya anoshanda se “nhumbi dzokurwa nadzo,” achiita kuti tikwanise “kumira [ti]chirwa namano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11, 13-18) Nokudaro nebetsero yaMwari zvinobvira kudzivisa miedzo yaDhiyabhorosi.

Nhanho yechipiri inorumbidzwa pana Jakobho 4:7 ndeyo‘kudzivisa Dhiyabhorosi.’ Izvi zvinobatanidza chiito chakasimba, kutiza kutikanganisa kwake kune ngozi. Munhu anofanira kudzivisa simba rake rinonyengera ndokuramba uzivi hwokudisa zvenyika nounzenza hwakatekeshera munyika nhasi. Kudzivisa Dhiyabhorosi kwakadaro pamwe chete noupenyu hwakatsaurirwa kufadza Mwari zvinokosha kwazvo mukurwisa kwedu Satani. Asi zvivi zvose mugumisiro wakananga wokukanganiswa naDhiyabhorosi here?

Kurwa Kwedu Kwomukati

Munyori weBhaibheri Jakobho anotsanangura kuti: “Munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Sezvineiwo, hatigoni kukurira chose chose utera nokusakwana zvatakazvarwa nazvo. (VaRoma 5:12) “Hapana munhu wakarurama panyika unoita zvakanaka, usingatadzi,” rinodaro Bhaibheri.—Muparidzi 7:20.

Izvi hazvirevi kuti chaizvoizvo hatigoni kudzora zvivi zvose. Mune zvimwe zviitiko, tinozviunzira miedzo nezvisarudzo zvedu zvakashata. Naizvozvo kunyange zvazvo chishuvo chakashata chingaparirwa nokusakwana kwedu pachedu kana kuti nepesvedzero yaSatani, zviri kwatiri chose chose kuchichengeta kana kuti kuchiramba. Nenzira yakafanira, muapostora Pauro akanyora kuti: “Izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.”—VaGaratia 6:7.

Bvuma Basa Rako

Kazhinji zvakaomera vanhu kubvuma utera hwavo, kukundikana, kukanganisa—hungu, zvivi. (Pisarema 36:2) Chimwe chinhu chinogona kutibatsira kubvuma kuti tisu tinozvitadzisa kuziva kuti Mwari haasi kuda kuti tive vakakwana zvino. “Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu,” akazivisa kudaro wezvamapisarema Dhavhidhi. (Pisarema 103:10) Kunyange zvazvo Mwari achikanganwira, achiri kutikarira kurwisa zvakasimba, kuzviranga, pazvinokwezva zvaDhiyabhorosi nepfungwa yedu pachedu yokutadza.—1 VaKorinte 9:27.

Tinofanira kunzwisisa kuti kunyange zvazvo Mwari achiziva kuti Dhiyabhorosi anogona kutsausa zviito zvedu uye kuti ndiye anonyanya kuita kuti rudzi rwomunhu rutadze, izvi hazvitisununguri pakuzvidavirira kwedu pachedu. Nokudaro, VaRoma 14:12 inoti: “Mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari.”

Zvisinei, kana tichi‘venga zvakaipa’ ndo‘kunamatira zvakanaka,’ tinogona kubudirira kukunda zvakaipa. (VaRoma 12:9, 21) Mukadzi wokutanga, Evha, akakundikana kuita izvozvo uye akarangwa nokuda kwokusateerera kwake; aigona kuva akadzivisa ndokuteerera Mwari. (Genesi 3:16) Zvisinei, Mwari haana kufuratira basa rakaitwa naDhiyabhorosi mukumunyengera. Dhiyabhorosi akatukwa ndokutongerwa kuparadzwa pakupedzisira. (Genesi 3:14, 15; VaRoma 16:20; VaHebheru 2:14) Nokukurumidza tichava tisingachafanirizve kurwisana nepesvedzero yake yakashata.—Zvakazarurwa 20:1-3, 10.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Erich Lessing/Art Resource, NY

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe