Kuvhiya Pasina Ropa—Zvakwakanakira Zvava Kugamuchirwa
MUNA 1996 Royal College of Surgeons yeEngland yakabudisa kabhuku kainzi Code of Practice for the Surgical Management of Jehovah’s Witnesses. Mukabhuku ikako vanachiremba vanoti: “Ngozi dzekuisirwa ropa dzinoita kuti pade kurangarirwa zvimwe zvekuita pose pazvinenge zvichibvira.”
AHA NEWS, rakabudiswa neAmerican Hospital Association, rakataurawo nei zvakanakira kuvhiya pasina ropa zvava kugamuchirwa. “Zvakatanga zviri kudavira kwerudzidziso zvachinja kuva chinhu chinogona kusarudzwa mukurapa uye unyanzvi hwazvino uno,” chakadaro chinyorwa chacho chinobuda vhiki roga roga. “Kurapa nekuvhiya pasina ropa, kumwe kwacho kwakatangwa nedzidziso dzeZvapupu zvaJehovha, kwava kuitirwa vanopfuura nzanga yevanonamata munyika yose.”
Kuti nei vanachiremba vakawanda vari kukurudzira kuvhiya pasina ropa yaiva nhau yakabuda muchinyorwa chokupera kwa1997 chinoperekedza magazini yeTime. “Kutya AIDS chinongova chikonzero chimwe chete,” nyaya yacho yakataura kudaro. Nyaya yacho yakataura zvikurukuru nezvebasa raiitwa paChipatara cheEnglewood Chekufambisira Mberi Basa Rekurapa Nekuvhiya Pasina Ropa, muEnglewood, New Jersey.
Time yakataura kuti: “Chipatara chacho ndicho chikuru pakati pezvinopfuura 50 muUnited States zvava kuvhiya pasina ropa. Pasina kushandisa kana ropa revamwe, vanogona kushandisa mitoo yakawanda yakasiyana-siyana yekuvhiya nayo iyo inowanzoitwa neropa, pamwe chete nenzira dzinoderedza zvikuru, kana kutomisa chaiko, kurasikirwa neropa.”
Kunoshanda Uye Hakuna Ngozi
Pamavambo penyaya yeTime paiva nezvakaitika kuna Henry Jackson, uyo akabuda ropa zvinotyisa nechemukati izvo zvakapedza 90 muzana yeropa rake nokuderedza panosvika hemoglobin yake kusvika pa1,7 grams padeciliter panouraya. Jackson akaendeswa kuChipatara cheEnglewood kubva mune chimwe chokuNew Jersey, icho chaisagona kumurapa pasina kuisira ropa.
Kuchipatara cheEaglewood, achitarisirwa naDr. Aryeh Shander, Jackson akapiwa “mishonga ine simba zvikurusa ine iron nemavhitamini, nemurimo unogadzira ropa ‘une simba zvikurusa,’ erythropoietin yekugadzira, unoita kuti mwongo wemapfupa ugadzire masero matsvuku eropa. Pakupedzisira, akapiwa mvura inoisirwa nemutsinga kubatsira ropa shomanene raakanga asara naro.”
Time yakataura kuti mazuva mashomanene gare gare, “chipatara chekutanga chakafona kuti chibvunze kana Jackson akanga afa. Nokugutsikana kwaaisagona kuvanza, Shander akavaudza kuti, ‘Haasi mupenyu chete, asi anaya uye ava kutoda kubudiswa, uye nekukurumidza anenge ava kuita basa rake renguva dzose.’”
Achibvunzurudzwa paterevhizheni musi wa28 November, 1997, Dr. Edwin Deitch, mutungamiriri wezvekurapa wechirongwa chekurapa pasina ropa weChipatara cheUniversity, Newark, New Jersey, akatsanangura kuti kunzvera kuvhiya pasina ropa kwakatanga sei: “Zvapupu zvaJehovha . . . zvakaedza napose pazvaigona napo kuti zviwane vanhu vaizovhiya pasina ropa. Mimwe migumisiro yekunzvera ikoko yakawana kuti vaiita zviri nani, kupfuura zvaikarirwa [kupfuura] vanhu vaiwana ropa.”
Dr. Deitch vakawedzera kuti: “Ropa rinogona kuderedza kushanda kwegadziriro yemuviri yekudzivisa hosha richiparira zvimwe zvirwere zvinomuka pashure pekuvhiyiwa; rinogona kuwedzera ngozi yekudzokazve kwekenza, naizvozvo ropa, kunyange zvazvo rakanga rakanaka dzimwe nguva, rapedzisira rava kuparira zvinhu zvisingadiwi.” Pamusoro pekuvhiya pasina ropa, Dr. Deitch vakagumisa vachiti: “Nenzira yakajeka kunovandudza utano hwemurwere uye zvirwere zvinomuka zvishoma, uye hakunyanyodhuri. Nokudaro, kwakanaka nguva dzose.”
Nokudaro, sekutaura kwakaita Time, “varwere vakawanda vari kuomberera maoko nzira dzisina ngozi uye dzinoshanda pane kuisirwa ropa.” Magazini yacho yakataurawo kuti: “Maererano nekumwe kufungidzira, 25% yekuisira ropa kwemuUnited States hakufaniri kunge kuchiitwa. Panewo zvinhu zvinoratidza kuti varwere havagoni kushivirira hemoglobin yakawanda seyaifungidzirwa uye kuti kunyanya vaduku vane ropa rakachengetwa mavari. . . . [Shander] akapwiswa kuti kurega ropa chisarudzo chakavimbika uye chiri nani kuvarwere vakawanda.”
Kunyange zvazvo kubatwa nehosha kunoparirwa nekuisirwa ropa iriyo ngozi hurusa, kune dzimwe. “Ropa rakachengetwa, pashure pekunge ratonhodzwa nokuchengetwa, harikwanisi kutakura oxygen sezvinoita ropa riri mumuviri,” vakatsanangura kudaro Dr. Shander. “Tava kutanga kunzwisisa chaizvoizvo zvinoitika patinoisira ropa.”
“Kuyera Nemari”
“Pakupedzisira,” Time yakagumisa kuti, “pane mutengo: weinenge $8 500 nekuda kwekuisirwa ropa kumwe nekumwe, kusanganisa nemari inodiwa kuronga zvinhu, mutengo wacho pamwe chete unova pakati pemabhiriyoni gumi nemanomwe nemabhiriyoni makumi matatu nemana emadhora pagore, inopfuura yakawandisa kuti pafungwe dzimwe nzira.” Mutengo wakakurisa wekuisira ropa zvino unoratidzika sechikonzero chikurusa nei kuvhiya pasina ropa kwazova kwakakurumbira kwazvo.
Sharon Vernon, mutungamiriri weCenter for Bloodless Medicine and Surgery paChipatara cheSt. Vincent Charity, Cleveland, Ohio, akataura pamusoro pekurapwa kwevarwere pasina kushandisa ropa kuti: “Kuri kuwanda zvikuru nemhaka yekuti vanachiremba vava kuziva kuti kuvhiya pasina ropa ndiko kunochengetedza mari. Zvatakaona ndezvekuti kunyange makambani einishuwarenzi asingawanzokurukura nesu, anotitumira vanhu, nekuti zvinoachengetedzera mari.”
Nenzira yakajeka, kuvhiya pasina ropa kwava kugamuchirwa nekukurumidza nevezvekurapa, uye nemhaka yezvikonzero zvinoverengeka.
[Bhokisi riri papeji 29]
Zvisarudzo Zvedare Zvenguva Pfupi Yapfuura
Zvisarudzo zviviri zvakaitwa muruwa rweIllinois, U.S.A., muna November naDecember wa1997 zvaikosha. Mune chekutanga, Mary Jones, Chapupu chaJehovha, akabhadharwa $2 550 000 nemhaka yekuti akanga aisirwa zvikamu zviviri zveropa muna 1993 pasinei zvapo kuti akanga aramba zvakajeka kurapwa kwerudzi urwu. Ichi ndicho chitsama chemari chakakurisa chati chambogamuchirwa neChapupu nokuda kwekukuvadzwa mundangariro kwakaparirwa nekuisirwa ropa kusingadiwi.
Nhau yechipiri ndeyeChapupu chaive nepamuviri panguvayo Darlene Brown, akaisirwa ropa zvekumanikidzira kuitira mwana aiva mudumbu aiva nemavhiki 34. Musi wa31 December, 1997, Dare Repamusoro reIllinois rakatsanangura chisarudzo charo richitaura kuti “kuisira ropa inzira yekurapa nayo yekumanikidza munhu asingadi inovhiringidza chiremera chemuviri wemunhu mukuru.” Dare Repamusoro rakapfupikisa zvarakatonga kupfurikidza nekutaura kuti “maererano nemutemo weNyika ino, . . . hatigoni kumanikidza mukadzi ane pamuviri kubvuma mutoo wokurapa waasingadi.”
Musi wa9 February, 1998, Dare Repamusoro reTokyo rakachinja zvakanga zvatongwa nerimwe dare riri pasi paro, rakanga ratonga kuti chiremba aiva akarurama pakuisira Misae Takeda ropa pakuvhiya muna 1992. Dare Repamusoro racho rakataura kuti “kodzero yemurwere yokusarudza marapirwe inofanira kuremekedzwa. Kuisira ropa kwaiva kunze kwemutemo.” Misae Takeda akabhadharwa $71 400.