“Magazini Ine Ukoshi Hwepamusoro soro”
Wakamborava magazini yeMukai! here? Ungayera sei kopi yawakabata muruoko rwako? Unowana nyaya dzacho dzichirayiridza, dzakasanonzverwa, uye dzakanyatsojekeswa zvinofadza here?
Mumwe munyori akazvimirira anobva kuNigeria, yomuAfrica, akanyora kuti: “Ndiri muravi wenguva dzose weMukai!, kunyange zvazvo ndisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mukai! imagazini ine ukoshi hwapamusoro soro. Itsime rangu repfungwa itsva. Mabutiro ayo anokwezva uye anokurudzira zvikuru muravi asingafungiri zvakaipa kuvhura mapeji ayo. Chinyorwa chimwe nechimwe chinoratidza chinhu chitsva chinoshamisa; peji rimwe nerimwe, rakanyorwa nounyanzvi hwekuronga nhau hwakaisvonaka. Nenyaya dzakakodzera nguva nedzakanyorwa zvakanaka, chinyorwa chimwe nechimwe chinogovera mashoko anokosha nenzira inofadza.”
Tinokukurudzira kunzvera nyaya dziri muchinyorwa chino cheMukai! Kana uchida kuwana imwe kopi, tapota nyora tsamba uchikumbira izvozvo kuWatch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5. Tichafara kukutumira imwe kopi kana kuti, kuita kuti mumwe munhu auye pamusha wako kuzorangarira newe zvinoreva nguva yatiri kurarama kana wakumbira kudaro.