Kuteerera Nemaziso Ako
CHII chinokosha kuti ugone kukurukura zvinobudirira neMatsi? Kutarisana zvakajeka uye nenzira yakafanira. Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kana Matsi dzichitaura. Kutaura idi, kana vanhu vaviri vachikurukurirana nomutauro wamasaini, zvinorangarirwa sokuvirima kuti mumwe wavo atarise kudivi kana kuti arege kuramba akatarisa. Uye unoita sei kuti Matsi ikuteerere? Panzvimbo pokushandisa zita romunhu wacho, zvakafanira zvikuru kumukwenya zvinyoronyoro pafudzi kana kuti paruoko, kuninira pameso pake kana kuti, kana ari kure, kupa chiratidzo kune mumwe munhu kuti munhu wacho ateerere. Zvichienderana nemamiriro ezvinhu, unogona kurova pauriri zvinyoronyoro kana kuti kubatidza ndokudzima magetsi. Izvi nedzimwe nzira dzakafanira dzokuita kuti munhu akuteerere zvinobetsera Matsi nedzimwe tsika dzeMatsi.
Mutauro Chisungo Chinobatanidza
Pakusangana neMatsi, vamwe vakakanganisa kufunga kuti zviri nyore kuziva zviri kutaurwa nokuona miromo. Zvisinei, Matsi dzakawanda, dzinoiwana iri nzira yokukurukura inoganhurira zvikuru. Chokwadika, zvingashanda pane imwe nguva, sezvo vamwe vanhu vari nyanzvi chaizvo pakuziva zviri kutaurwa nokuona miromo, asi waizova mutsa kusawanzofungidzira kuti mumwe munhu anogona kuziva nenzira iri nyore zviri kutaurwa nokuona miromo. Zvichida kushandisa muturikiri kana kuti kunyora papepa zvaunoda kutaura zvingabvumira mwero wakati wokukurukurirana zvinonzwisisika.
Zvisinei, kana uchisangana neMatsi nguva dzose, zvaisazova kuratidza hanya kudzidza mutauro wamasaini wakati here? Zvaizotanga chisungo chinoshamisa zvakadini, zvikurukuru pakati paavo vanotenda zvakafanana! Zvakafanana nokudzidza mashoko makuru omumwe mutauro munzanga ine mitauro miviri. Zvapupu zvaJehovha kubva kare zvave zvichifarira nokuita kuti mashoko pamusoro paJehovha Mwari awanwe navose. Patinocherekedza kuti Matsi hadzigoni kudzidza kuti dzinzwe senguva dzose, zviri nani zvakadini kana tikachinjira kwavari kupfurikidza nokushandisa mutauro wamasaini!—1 VaKorinte 9:20-22.
Antonino anotaura kuti paakatanga kupinda misangano yechiKristu muItaly, pakutanga “pakanga pasina kukurudzirana chaikoiko kunooneka mukukurukurirana nehama dzaigona kunzwa. Nemhaka yokuti taisagona kunzwisisana, ndainzwa ndasiwa ndoga.” Yaona kudaro mitezo yakawanda yeungano yakadzidza Mutauro Wamasaini wechiTariyana (LIS). Vasinganzwi vanofarira vakatanga kudzidza Bhaibheri, uye misangano yakaitiswa muLIS. Antonino akakurudzirwa uye zvino anoshuva “kutaura neshamwari dzangu dzose Matsi pamusoro pemisangano yedu norudo rwoushamwari rwuri pakati pavanhu vaJehovha.”
Munyika yose Zvapupu zvaJehovha zviri kuumba ungano dzomutauro wamasaini, uko Matsi dzinokwanisa kufadzwa noushamwari hunodziya nohune rudo nomumwe nomumwe. MuSpain, mapoka omutauro wamasaini eMatsi ave aripo kwamakore anopfuura 20. MuUnited States, zvino mune ungano dziri kushanda dzeMatsi 19 namapoka maduku 47.
Matsi dzinogona kubatira savashumiri venguva yakazara (mapiyona), vabatiri vanoshumira, uye vakuru kunyange kupa hurukuro pamakokorodzano, kudzidzisa Zvikoro Zvebasa Zvamapiyona, uye kutungamirira munzira dzakasiyana-siyana. Munharaunda iyi hamuna ganhuriro, munongova nemikana yokurumbidza Jehovha nemano omunhu bedzi.
Kuda kwedu ushamwari nekurukurirano kwatakaberekwa tinako kunoratidzwa kupfurikidza netsika nemitauro yakawanda munyika yose. Panzvimbo pokuona Matsi sedzisingakwanisi kana kuti dzinoperevedza, zviri nani zvakadini patinoona kubudirira, mano, namavara anoita kuti tose zvedu tive vanhu! Kupfurikidza nokuremekedza kwedu vamwe nokudisa kuchinja, tose tinobetsera mhuri yavanhu yakasiyana-siyana asi yakabatana.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Paunokurukura nomutauro wamasaini, ramba wakatarisa
[Mufananidzo uri papeji 16]
Matsi dzinobatira savashumiri venguva yakazara nomufaro
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kuitirana masaini enziyo dzoUmambo muSpain
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kupa hurukuro pakokorodzano neMutauro Wamasaini wekuKorea
[Mufananidzo uri papeji 17]
Zvinyorwa zvakavakirwa muBhaibheri zvinoratidzwa mumutauro wamasaini pavhidhiyo