RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 9/8 pp. 18-20
  • Ndingawana Sei Mari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingawana Sei Mari?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutanga
  • Kunyorera Basa
  • Kuzvishandira
  • Iva Pakati Nepakati!
  • Ndingaita Mari Sei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinofanira Kuwana Basa Rapashure Pechikoro Here?
    Mukai!—1991
  • Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?
    Mukai!—1997
  • Ndinogona Sei Kuwana (Ndokuchengeta!) Basa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 9/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingawana Sei Mari?

“Ndinoda basa rine mari yakanaka.”—Tanya.

PWERE dzakawanda dzinofunga saTanya. “Ndinoda mari yokutenga nayo motokari uye mbatya,” inodaro imwe pwere inonzi Sergio. “Handidi kumirira kuti vabereki vangu vandiitire zvose.” Laurie-Ann muduku ndizvo zvaanoshandirawo. “Ndiri musikana, uye ndinofarira kutenga,” anodaro.

Saka hazvishamisi kuti maererano nemagazini inonzi U.S. News & World Report, “muvasarirwa negore rimwe kuti vapedze chikoro chapamusoro nevari mugore rokupedzisira vatatu muvana ve[U.S.] zvino vanoenda kunoshanda pashure pechikoro uye pakupera kwamavhiki.” Neimwe nzira, izvi zvinoratidza “kuda mari” uko kwakapararira kwazvo munyika ino inodisa pfuma. (1 Timotio 6:10) Zvisinei, hadzisi pwere dzose dzinotsvaga mari dzinokwezvwa nekudisa pfuma.

“Mari . . . chitaviridzo,” rinodaro Bhaibheri. (Muparidzi 7:12) Uye pangava nezvikonzero zvakanaka zvakati o-o nei pwere yechiKristu ingada kuwana mari.a Avian muduku, somuenzaniso, anotsanangura nei achishanda mazuva maviri pavhiki: “Zvinondigonesa kuzvitsigira sapiyona wenguva dzose [muevhangeri wenguva yakazara].”

Pangava nezvikonzero zvakafanana nei ungashuva kuwana basa rausingashandi zuva rose. Zvichida une chinangwa chokupinda kokorodzano yechiKristu. Kana kuti unoda mbatya dzokuwedzera dzakakodzera kupfeka pamisangano yeungano. Chero zvazvingava, zvinhu izvi zvinoda mari. Chokwadi, Jesu akavimbisa kuti Mwari aizogovera avo ‘vanotanga kutsvaka Umambo hwaMwari.’ (Mateo 6:33) Asi izvi hazvirevi kuti wobva warega kuita chinhu panhau iyi. (Enzanisa naMabasa 18:1-3.) Saka, zvino ndeapi mamwe matanho anoshanda aungatora kana uchida kuwana mari?

Kutanga

Ngatitii vabereki vako vanobvuma kuti ushande, chaungatanga kuita kuonana nevavakidzani vako, vadzidzisi, uye hama woita kuti vazive kuti uri kutsvaga basa. Kana uchinyara kuvakumbira zvakananga, ungangovabvunza basa ravakaita pavaiva vaduku. Vangakupa mazano anoshanda. Kana vanhu vanoziva kuti uri kutsvaka basa vakawanda ungawanawo mashoko anobatsira akawanda nekuri kutsvakwa vanhu vebasa kwakawanda.

Tevere, edza kutarira kushambadzirwa kwamabasa kunoitwa mupepanhau uye zvikwangwani zvamashoko zviri muzvitoro, kuchikoro chako, uye dzimwe nzvimbo. “Ndiwo mawanire andakaita basa rangu,” inodaro imwe pwere inonzi Dave. “Ndakatarisa mupepa, ndakavatumira rondedzero yezvikwaniriso zvangu nefax, uye ndakavafonera.” Kunyange zvakadaro, wakacherekedza here, kuti mabasa akawanda haashambadzirwi? Maererano nemagazini yeSeventeen, vamwe vanofungidzira kuti “mabasa anenge matatu pagumi anenge asipo kutozosvikira munhu akakodzera auya kuzobvunza kana pane basa.” Zvichida unogona kupwisa muridzi webasa kuti anofanira kukuwanisa basa!

Asi sei? ‘Handina ruzivo rwebasa,’ ungafunga kudaro. Zvakanaka, funga zvakare. Wakambotarisira mwana muduku apo vabereki vako vakanga vasipo kana kuti kurerera vamwe here? Izvi zvinoratidza kuti wakavimbika. Wakambobetsera baba vako kugadzira motokari here? Zvinoratidza kuti ungava une mano okugadzira zvinhu. Unogona kunyora netapureta kana kuti kushandisa kombiyuta here? Kana kuti wakawana mamakisi akanaka here mune chimwe chinhu chawakatanga wega? Aya mativi akanaka anogutsa kuvaridzi vebasa vanokarirwa.

Usafuratirawo mabasa ako okuzvifadza uye zvaunofarira. Somuenzaniso, kana uchiridza chiridzwa, ona kana pachitoro chemimhanzi pane nzvimbo. Sezviri pachena unofarira zvigadzirwa zvechitoro chacho uye chokwadi ungava uchikwanisa kupindura mibvunzo yomutengi.

Kunyorera Basa

Ngatitii warangana nevaridzi vebasa kuti ugobvunzurudzwa. Ngwarira zvipfeko zvako norutsvindo, sezvo chitarisiko chako chichitaura. Chinogona kutaura kuti “wakavimbika, wakachena, wakarongeka”—kana kuti zvakapesana zvacho. Bhaibheri rinotaura zvinoshanda parinokurudzira vakadzi vechiKristu kuti “vashonge nguvo dzakafanira, vane kunyara nokuzvidzora.” (1 Timotio 2:9) Izvozvo zvinoshandawo kuvarume. Usatombopfeka zvipfeko zvekutandarisa kana kuti zvouchapa pakuenda kunobvunzurudzwa basa, pasinei zvapo nokuti basa racho rinobatanidza kushanda kworudzii.

Mafungiro ako netsika zvinotaura zvakawanda pamusoro pako. Shandisa mutemo uyu: Itira vamwe sezvaunoda kuitirwawo. (Mateo 7:12) Svika nenguva yamakarangana. Ratidza kuti une shungu iva akangwarira. Iva netsika dzakanaka. Pasina kuzvikudza kana kuwedzera, tsanangura nei uchifunga kuti unogona basa racho. Iva akananga.

Vamwe vanamazvikokota vanoti zvakanaka kuunza (kana kuti kutumira pachine nguva mberi) rondedzero yezvikwaniriso yakatsvinda, yakarongeka. Inofanira kubatanidza zita rako, kero, nhamba yefoni, basa rauri kuda, dzidzo (kubatanidza zvidzidzo zvipi nezvipi zvaungave wakaita), ruzivo rwebasa renguva yakapfuura (kubatanidza ose ari maviri basa rinobhadharwa nebasa rokuzvipira), unyanzvi chaihwo, zvaunofarira nemabasa okuzvifadza aunofarira (izvi zvingaratidzira mano ako), uye iva nechokwadi chokuti une mapepa avanokuziva kana akakumbirwa. Unganyorawo pepa rakasiyana rakarongwa mazita, kero, uye nhamba dzenhare dzevanhu vanogona kutaura kuti unogona kuita basa racho. Chokwadika, iva nechokwadi chokuti unofanovakumbira. Ava vangagona kubatanidza vawakamboshandira nguva yakapfuura, mudzidzisi, anopa mazano pachikoro, shamwari yakura—chero munhu anogona kupupurira unyanzvi hwako, mano, kana kuti unhu.

Kuzvishandira

Zvakadini kana usingagoni kuwana basa pasinei zvapo nenhamburiko dzako dzakanakisisa? Izvi zvinowanzoitika munyika dzakawanda. Asi usaora mwoyo. Kutanga basa rako pachako kunogona kuva mhinduro chaiyo. Zvakanakirei? Ungakwanisa kuzvirongera rudungwe rwako ndokushanda nguva yakawanda kana kuti shoma paunodira. Chokwadika, kuzvishandira kunoda kuti uve neshungu, anozviranga, uye anodisa kutanga kuita zvinhu.

Ungagona kutanga rudzii rwebhizimisi? Funga nezvenharaunda yenyu. Pane zvinhu zvinodiwa kana kuti basa risina ari kuriita here? Somuenzaniso, ngatitii unofarira mhuka. Ungagona kugeza kana kuti kugera mhuka dzokutamba nadzo dzomuvakidzani wenyu uchipiwa mari. Kana kuti kuridza chiridzwa. Zvichida ungagona kudzidzisa vamwe kuridza here? Kana kuti zvichida inongova nhau yokuita basa rinowanzozvidzwa navamwe, rakadai sokugeza mawindo kana kuti kuchenesa. MuKristu haanyadziswi nekushanda namaoko ake. (VaEfeso 4:28) Ungatoedza kudzidza unyanzvi hutsva. Tsvaka mumaraibhurari mabhuku anotsanangura maitirwe ezvinhu, kana kuti kumbira shamwari kuti ikudzidzise. Somuenzaniso, Joshua muduku akaita chidzidzo chokunyora zvakanaka namaoko. Ipapo akatanga kabhizimisi kokunyora kokero dzemichato namapati.—Ona bhokisi rinoti “Mabasa Aunogona Kuvamba.”

Shoko renyevero: Usakurumidze kupinda mubhizimisi usati wanzvera kuti zvinoda marii nezvimwe zvinhu zvinobatanidzwa. (Ruka 14:28-30) Chokutanga, kurukura navabereki vako. Uyezve, kurukura navamwe vakaita mabhizimisi akafanana. Uchafanira kubhadhara mutero here? Uchafanira kuwana marezenisi kana kuti mvumo here? Tanga wanzwa mashoko akazara kuzviremera zvomunzvimbomo.—VaRoma 13:1-7.

Iva Pakati Nepakati!

Chokwadika, pane ngozi yokuita mabasa akawanda kupfuura aunogona kuita. Laurie-Ann akataura nezvedzimwe pwere dzinoshanda kuti: “Hadziiti basa rechikoro rinoitirwa kumba rakawanda, uye dzakaneta zvikuru zvokuti hadzigoni kuteerera mukirasi.” Chokwadi, mune dzimwe nzvimbo dzenyika, pwere hadzina chisarudzo kunze kwokushanda kwamaawa akawanda kuti dzibetsere mhuri dzadzo kurarama. Asi kana usiri muchinetso chakadaro, nei uchifanira kupfuuridza mwero munhau iyi? Maererano navanamazvikokota vazhinjisa, kushanda maawa anopfuura 20 pavhiki uchienda kuchikoro kunyanyisa uye hakubatsiri. Vamwe vanoti kushanda asingapfuuri maawa masere kusvikira kugumi pavhiki.

Kana ukashandisa zvakanyanyisa nguva yako, simba, uye kungwarira pabasa rapashure pechikoro, utano hwako, mamakisi, uye zvikurukuru umudzimu hwako zvichatanga kuderera. Hongu, havasi vakuru bedzi vakavhungwa “nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe.” (Marko 4:19) Naizvozvo iva pakati nepakati. Soromoni akanyevera kuti tisanyanyisa kushanda, achiti: “Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.

Hongu, kuita mari kungadiwa. Uye kana zvinangwa zvako zvokuita kudaro zvakanaka uye zvine umwari, zvakaita sezvaAvian muduku, ambotaurwa, unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakomborera nhamburiko dzako. Kunyange zvakadaro, iva nechokwadi kuti hauzonyanya kubatikana zvokuti unokanganwa “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,” ndiko kuti, zvinhu zvomudzimu. (VaFiripi 1:10, NW) Kunyange zvazvo mari ingava “dziviriro,” ukama hwako naMwari ndihwo huchakuita anobudirira zvechokwadi.—Muparidzi 7:12; Pisarema 91:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya dze“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dzakabuda muzvinyorwa zveMukai! Nha. 1, 1991; Nha. 2, 1991; naOctober 8, 1997, dzinoyera zvakanakira nezvakaipira basa rapashure pechikoro.

[Bhokisi riri papeji 20]

Mabasa Aunogona Kuvamba

• Kugeza mawindo

• Kutengesa kana kuti kuendesa mapepanhau

• Kufoshora sinowu

• Kurima bindu kana kuti kuita basa rokutarisira tsangadzi

• Kurera mwana

• Kupa mhuka dzokutamba nadzo zvokudya, kudzifambisa, kana kuti kudzigezesa

• Kupukuta shangu

• Kusona kana kuti kuchisa mbatya

• Kurima zvirimwa nokuzvitengesa

• Kuchengeta huku kana kuti kutengesa mazai

• Kunyora netapureta

• Kutumwa

• Kuendesa zvinhu

• Kudzidzisa nziyo kana kuti zvimwe zvidzidzo

[Mufananidzo uri papeji 19]

Basa rakanyanyisa rinogona kuderedza mamakisi ako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe