RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 9/8 p. 21
  • Kuyeverwa Nekuwanda Kwekushambadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuyeverwa Nekuwanda Kwekushambadza
  • Mukai!—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Unyanzvi Hwekunyengetedza
    Mukai!—1998
  • Simba Rekushambadza
    Mukai!—1998
  • Chikamu 6: Nhamo Dzemari—Dzichaguma Rini?
    Mukai!—1992
  • Makore 100 Ekuzivisa Umambo!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Mukai!—1998
g98 9/8 p. 21

Kuyeverwa Nekuwanda Kwekushambadza

“BABA, mwedzi unofanira kunge uchishambadzei?” Mubvunzo uyu unoshamisa, wakabvunzwa nemwana, wakaoneka munhetembo yakanyorwa naCarl Sandburg anenge makore 50 apfuura. Mune remangwana, mubvunzo wakadaro ungasaratidzika sounoshamisa zvikuru. Maererano nemagazini yeNew Scientist, vatungamiriri vaviri vezvokushambadza muLondon vari kuronga zano rekushandisa chiedza chezuva kuisa zvinhu zvinoshambadza pamwedzi.

Fungidzira kushandisa mwedzi sebhodhi remashoko okushambadza! Fungidzira kushambadza mashoko ekutengesa kuvateereri venyika yose, mashoko asingagoni kudzimwa, kumiswa, kuraswa mubhini remarara, kana kudzimwa neremote control. Ungasanakidzwa nepfungwa yacho, asi kuvamwe zvavaiita zvokurota zvinenge zvave zvinhu chaizvoizvo.

Kunyange zvazvo kushambadza kusati kwasvika pamwedzi, kwafukidza pasi. Mamagazini nemapepanhau mazhinjisa eAmerica anochengetera 60 muzana yemapeji awo mashoko okushambadza. Chinyorwa chemusi weSvondo chete cheThe New York Times chingava nemapeji 350 emashoko okushambadza. Dzimwe nhepfenyuro dzeredhiyo dzinopedzera maminiti 40 eawa imwe neimwe pazvinhu zvekutengeserana.

Poitawo terevhizheni. Maererano nekumwe kufungidzira, vechiduku veAmerica vanoona zvekutengeserana zvepaterevhizheni kwemaawa matatu vhiki imwe neimwe. Pavanozopedza chikoro chepamusoro, vanenge vaona kushambadza kwepaTV kune 360 000. Materevhizheni anoshambadza munhandare dzendege, mumakamuri anogara varwere vachimirira kurapwa, uye muzvikoro.

Mitambo mikuru zvino yava nguva yekushambadza kukuru. Motokari dzemijaho dzinoshanda semabhodhi okunyorera mashoko okushambadza anomhanya zvikurusa. Vamwe vamhanyi vanowana mari yavo zhinjisa kuvashambadzi. Mumwe mutambi mukuru webasketball akawana madhora ane mamiriyoni 66,3 nekutamba basketball. Vashambadzi vakamubhadhara yakapetwa kapfumbamwe kuti vashambadze zvinhu zvavo.

Hapana matiziro. Kushambadza kwezvokutengeserana kunoratidzwa pamadziro, mabhazi, uye marori. Kunoshongedza mukati metekisi nemumigwagwa yepasi pevhu—kunyange magonhi ezvimbudzi zvinoshandiswa nemunhu wese. Mashoko anonzwika zvikuru anodaidzira mumasupermarket, zvitoro, mumalift emuzvivako zvirefu—patinenge takabata foni tichimirira. Mune dzimwe nyika kushambadza kwakawanda kwazvo kunouya netsamba zvokuti vanogamuchira vanobva zvakananga pabhokisi retsamba vachienda kubhini riri pedyosa kuti vanorasa tsamba dzisina basa.

Maererano neInsider’s Report, inobudiswa neMcCann-Erickson, sangano rezvekushambadza renyika yose, mari inofungidzirwa kuti yakapedzerwa pakushambadza munyika yose muna 1990 yaiva madhora ane mabhiriyoni 4 683,5. Kubva panguva iyoyo, nhamba dzacho dzakakwira kusvika kumadhora ane mabhiriyoni 6 997,2 muna 1997 uye mabhiriyoni 7 384,8 muna 1998. Mari yakawandisa!

Mugumisiro wezvose izvi ndeupi? Imwe nyanzvi inozvitaura nenzira iyi: “Kushambadzira ndeimwe yenzira dzekufara nadzo nevamwe vanhu ine simba zvikurusa pavanhu. . . . Kushambadza kunotengesa zvinopfuura zvinhu. Kunotengesa maonere atinoita zvinhu, zvatinokoshesa, zvinangwa zvedu, maonere atinozviita uye zvatinofanira kuva . . . Kunoumba mirangariro yedu uye mirangariro yedu inoumba maitire edu.”

Sezvo usingagoni kutiza kushambadza, wadii kuwana kuti kunoshanda sei uye kuti kungaitei pauri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe