RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 9/8 pp. 26-27
  • Simba Rekushambadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Simba Rekushambadza
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsika Yemutengi
  • Simba Rako Pauri
  • Kuyeverwa Nekuwanda Kwekushambadza
    Mukai!—1998
  • Unyanzvi Hwekunyengetedza
    Mukai!—1998
  • Chikamu 6: Nhamo Dzemari—Dzichaguma Rini?
    Mukai!—1992
  • Unovimba Here Nezvinobudiswa Munhau?
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 9/8 pp. 26-27

Simba Rekushambadza

KARE KARE, kumira kwepurogiramu yeterevhizheni kunoitirwa kutengesa kwaivambwa nemashoko anoti, “Iye zvino, mashoko mashomanene anobva kuvatsigiri vechirongwa.” Vatsigiri vechirongwa makambani anobhadhara kuti zvigadzirwa zvawo zvishambadzwe. Nepo “mashoko mashomanene anobva kuvatsigiri vechirongwa” awandisa, vanotsigira nemari vachiri kutsigira nhau nevaraidzo zvinobudiswa—paterevhizheni, magazini, mapepanhau, uye redhiyo. Semugumisiro, vanotsigira zvirongwa vanoedza kudzora nesimba zvinobudiswa nezvisingabudiswi.

Kuenzanisira: Muna 1993 kambani inogadzira motokari yeumbozha yeGermany yakanyorera magazini 30 ichirayira kuti kushambadza kunobudisa motokari yayo kunofanira kubudiswa “mumagazini ane mashoko akafanira.” Tsamba yacho yakatsanangura kuti zvinyorwa zvemagazini zvine kushambadza kwayo hazvifaniri kubudisa mashoko api neapi anotsoropodza motokari yayo, zvigadzirwa zveGermany, kana kuti Germany pachayo. Chokwadika, hazvishamisi kuti kambani iyi, inopedzera madhora ane mamiriyoni 255 pakushambadzira mumagazini, yaizokarira “mashoko akafanira.”

Hazvishamisiwo apo magazini anoshambadza hembe itsva dzemuchato anoramba kushambadza hembe dzemuchato dzakamboshandiswa kana kuti mapepanhau anobudisa masangano anomiririra kutenga nekutengeswa kwezvivako nenzvimbo asingakuudzi kuti unotenga sei imba pasina masangano aya. Nenzira yakafanana, hazvifaniri kutishamisa apo zvinobudisa nhau zvinoshambadza fodya kana kuti rotari zvisingatsoropodzi kusvuta kana kuti kubhejera.

Tsika Yemutengi

Simba rekushambadza, naizvozvo, rinopfuura kutengeswa kwezvinhu. Rinotsigira mararamire emutengi, tsika yenyika yose yakavakirwa pazvinhu zvenyama.

Pane chakaipa here ipapo? Zvinoenderana newaunobvunza. Vashambadzi vanorangarira kuti vanhu vanofarira kutenga nekuva nezvinhu; kushambadza kunovabatsira. Uyewo, vanotaura kuti, kushambadza kunoita kuti kuwanike mabasa, kunotsigira nemari mitambo neunyanzvi, kunobatsira kugovera zvinofambisa mashoko zvinotengeka, kunokurudzira makwikwi, kunovandudza zvigadzirwa, kunochengeta mitengo yakaderera, uye kunoita kuti vanhu vakwanise kutenga zvavanosarudza vachivakira pazvavanoziva.

Vamwe vanotaura kuti kushambadza kunoita kuti vanhu vave vasina kugadzikana uye vasagutsikane nezvavanazvo, vachirera nekuva nezvishuvo zvisingaperi. Munzveri Alan Durning anonyora kuti: “Kushambadza, kungofanana nechizvarwa chedu, kunochinja chinja, kunokurudzira mafaro, kwakazara nezvinhu zvekufungidzira, kunosundwa nefashoni; kunorumbidza munhu, kunoita kuti vafungidzire kuti kushandiswa kwakazara kwezvinhu ndiyo nzira yekuwana nayo mufaro, uye kunosimbisa kuti kufambira mberi isimba rinotema kubudirira kwemunhu.”

Simba Rako Pauri

Kushambadza kwezvokutengeserana kunobatsira kuumba unhu hwedu nezvatinoda here? Zvichida. Zvisinei, kuti pesvedzero iyoyo ihuru kana kuti iduku zvinotsamira padzimwe pesvedzero.

Kana tichitungamirirwa nenheyo nezvinokosheswa neBhaibheri, tichanzwisisa kuti hapana chakaipa nekuva nezvinhu zvenyama. Inga wani, Mwari akakomborera Abrahama, Jobho, Soromoni, uye vamwe nepfuma yakawandisa.

Kune rumwe rutivi, kana tikashandisa nheyo dzeMagwaro, tichadzivisa kusagutsikana kweavo vanotsvaka kugutsikana nemufaro mukutsvaka zvinhu zvenyama kusingaperi. Bhaibheri haritauri kuti “Tenga kusvika waneta.” Panzvimbo pezvo, rinotiudza kuti:

Vimba naMwari. “Raira vapfumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo.”—1 Timotio 6:17.

Gutsikana. “Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.”—1 Timotio 6:7, 8.

Iva ane mwero. “Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vane kunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji; asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.”—1 Timotio 2:9, 10.

Ziva kuti uchenjeri hwaMwari hwakakwirira kupfuura pfuma. “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivheri; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kune vanohunamatira; mumwe nomumwe unohubata une mufaro.”— Zvirevo 3:13-18.

Iva nemuitiro wekupa. “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Mumwe munhu angataura kuti nhevedzano yenyaya dzino pachayo rudzi rwekushambadza, runo“tsigira” pfungwa yekuti zvinokosha zvemudzimu hazvifaniri kusendekwa nekuda kwezvinokosha zvenyama. Pasina mubvunzo waizobvumirana nazvo.

[Bhokisi riri papeji 27]

Kuzivisa Umambo hwaMwari

Ndeipi imwe yenzira dzakanakisisa yekusvika kune vanhu neshoko rinonyengetedza? Bhuku rinonzi Advertising: Principles and Practice rinotaura kuti: “Munyika yakanakisisa yekufungidzira mugadziri wese anenge achikwanisa kutaurirana nemuromo nemutengi wese pamusoro pechigadzirwa kana kuti basa riri kutengeswa.” VaKristu vechokwadi nokuzvidira vave vachizivisa Umambo hwaMwari munzira iyoyi kwemakore anenge 2 000. (Mateo 24:14; Mabasa 20:20) Nei mabhizimisi akawanda asingashandisi mutoo uyu wokuonana nevanhu? Bhuku racho rinotsanangura kuti: “Unodhura zvikuru. Kushanya kunoitwa nevatengesi kunogona kuita inopfuura $2 550 pashanyo.” VaKristu, chokwadika, “vanozivisa” Umambo hwaMwari nokuzvidira. Rutivi rwekunamata kwavo.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bhaibheri haritauri kuti “Tenga kusvika waneta”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe