RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 8/8 pp. 8-11
  • Utsinye—Mwari Achahupedza Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utsinye—Mwari Achahupedza Sei?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunyengera
  • Zvidzidzo Zvinodzidziswa neBhaibheri
  • Zvinoyeukwa naMwari Nezvaanokanganwa
  • Mutongi Wekupedzisira
  • Nyika Itsva Yava Pedyo!
  • Kukanganwira Ndokukanganwa—Zvinobvira Here?
    Mukai!—1998
  • Tinofanira Kuyeuka Zvakapfuura Here?
    Mukai!—1998
  • Nyika Itsva Isitongorina Kutambura
    Mukai!—1990
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 8/8 pp. 8-11

Utsinye—Mwari Achahupedza Sei?

UTSINYE hunogona kudzivirirwa sei? Hungapedzwa sei? Patinofunda nhau dzakaitika, zvinova pachena kuti vanhu vakundikana kuhupedza. Kutaura idi, pane kupokanidzana kukuru, kana kusiri kunyengera chaiko, mumabatire akaita vatungamiriri vevanhu nhau yacho.

Rangarira, somuenzaniso, gore ra1995. Rakatara gore rechi50 rokuguma kweKuparadza kweNazi kweHondo Yenyika II, uye kuputika kwebhomba reatomu. Gore iroro, mitambo yekuyeuka yakapindwa nevatungamiriri venyika yakaitwa mumativi akawanda enyika. Nei? Kuti vanhu vapiwe pfungwa yekuvenga utsinye uhu kuitira kuti vasazombohudzokororazve. Asi, vamwe vacherechedzi vakaona kupokanidza kwakati kuti, mumitambo yakadaro.

Kunyengera

Mumitambo iyi inobudiswa zvikurusa, vamiriri vemarudzidziso nevehurumende vose vaida kuonekwa saivo vanoda kubatsira kana kuti kungodzivisawo kuonekwa sevaiti vezvakaipa. Asi, marudzi akashora utsinye hwemunguva yakapfuura akagadzira matura ezvombo, vachiisa parutivi zvitsama zvikuru zvemari nekuda kwechinangwa ichocho. Panguva imwe cheteyo, havana kupedza zvinetso zvinokosha zvakadai seurombo, kuputsika kwetsika, nekusvibisa mhepo, vachiwanzotaura kuti havana mari yakakwana.

Marudzidziso enyika anoda kunyora nhau dzakaitika dzinovharidzira kunyarara kwawo kuri kupfuurira pamusoro peutsinye hweudzvinyiriri uye haatauri chinhu pamusoro pekufurirana kwawo nahwo. Marudzidziso aya hapana zvaakaita kuti amise vanhu vorudzidziso rumwe chete kuurayana. Somuenzaniso, muHondo Yenyika II, vaKaturike vakauraya vaKaturike nevaPurotesitendi vakauraya vaPurotesitendi nemhaka yekuti vaiva vemarudzi akasiyana uye vaiva kumativi airwisana. Mativi ose ari maviri aizviti ndeaKristu asi aiita zvaipesana chose chose nedzidziso dzaJesu. (Mateo 26:52; Johane 13:34, 35; 1 Johane 3:10-12; 4:20, 21) Mamwe marudziso akaita zvimwe chetezvo. Nhasi, mumativi akasiyana-siyana enyika, utsinye huchiri kuitwa nemitezo yemarudzidziso aya.

Munguva yaJesu, vatungamiriri vorudzidziso vaiva vanyengeri. Jesu akavafumura, achiti: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, muchiti: Dai taivapo pamazuva amadziteteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuuraya vaporofita. Saka muchazvipupurira kuti muri vanakomana vavakauraya vaporofita.” (Mateo 23:29-31) Vatungamiriri ivavo vorudzidziso vaikambira kuda Mwari vaiva vanyengeri vakatambudza Jesu nevadzidzi vake.

Zvidzidzo Zvinodzidziswa neBhaibheri

Tinogona kudzidza kubva munhau yenyika, asi muBhaibheri ndimo munobva zvidzidzo zvinobatsira zvikurusa. Harironzesi basa rekutsanangura zvinorehwa nezvakaitika munhau kuvanhu kuti vataure maonere avo kana kuti kufungira zvakaipa. Bhaibheri rinotsanangura nhau yakaitika neyemunguva yemberi nemafungire aMwari.—Isaya 55:8, 9.

Magwaro anotaura pamusoro pezviitiko zvakaipa nezvakanaka uyewo vanhu vakanaka nevakaipa. Kazhinji kacho chidzidzo chakarurama, chinowirirana nekuda kwaMwari, chinogona kuwanwa murondedzero idzi. Pashure pekududza zviitiko zvinoverengeka munhau yavaIsraeri vekare, Muapostora Pauro akagumisa kuti: “Zvino, izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu.” (1 VaKorinte 10:11) Jesu pachake akatora chidzidzo kubva munhau apo akati kuvadzidzi vake: “Rangarirai mukadzi waRoti.”—Ruka 17:32.

Zvinoyeukwa naMwari Nezvaanokanganwa

Tinodzidza muBhaibheri kuti Mwari anoyeuka kana kuti anokanganwira vanhu pahwaro hwezvavanoita. Mwari anokanganwira “zvikuru” avo vanoita chivi asi vanoratidza kupfidza. (Isaya 55:7) Kana akaipa akapfidza “akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarayirwa nezvakarurama . . . haana chivi chimwe chake . . . chicharangarirwa.”—Ezekieri 33:14-16.

Pauro akanyora kuti “Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Nokudaro, Jehovha achapa mubayiro avo anoyeuka. Jobho akatendeka akanyengetera kuti: “Haiwa! dai muchindivanza henyu paSheori [guva remunhu wese], muchindichengeta pakavanda, . . . munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.”—Jobho 14:13.

Nenzira yakapesana, Mwari achaitira vakaipa vasingapfidzi zvinotsinhirana nemashoko Aakataura kuna Mosesi kuti: “Ndicha[mu]dzima pabhuku rangu.” (Eksodho 32:33) Hongu, Mwari achakanganwira vakaipa nokusingaperi.

Mutongi Wekupedzisira

Mwari ndiye Mutongi wekupedzisira wezvakaitika. (Genesi 18:25; Isaya 14:24, 27; 46:9-11; 55:11) Maererano nekutonga kwake kwakakwirira, haazokanganwi utsinye hwakawandisa hwakaitirwa vanhu. Pazuva rekutsamwa kwake kwakarurama, achatonga vose vasingapfidzi, vanhu vane chiremera uye masangano.—Zvakazarurwa, maganhuro 18, 19.

Pakati peaya pachava negadziriro yose yerudzidziso rwenhema, yakapiwa chiratidzo che“Bhaibhironi Guru” muMagwaro. Pamusoro pake kwakanyorwa kuti: “Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.”—Zvakazarurwa 18:2, 5.

Marudzidziso aya aifanira kudzidzisa vanhu vawo kuita zvakarurama asi akakundikana. Nokudaro, Shoko raMwari rinotaura nezvemarudzidziso ose enyika kuti: “Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.” (Zvakazarurwa 18:24) Nemhaka yekukundikana kudzidzisa mitezo yao kuda vamwe vanhu nevavanonamata navo, marudzidziso aya anopiwa mhaka yeropa.

Nyika Itsva Yava Pedyo!

Zuva richaparadzwa uipi razoswedera pedyo. (Zefania 2:1-3; Mateo 24:3, 7-14) Pashure pezuva iroro, nguva ichasvika apo ‘kuchema, kurira, uye marwadzo zvichave zvisisipo’ kuvagari vanofara vapasi. (Zvakazarurwa 21:3-5) Utsinye nekuurawa kwemapoka evanhu hazvizoitikizve nekuti kutonga nyika ino kuchatorerwa vanhu ndokupiwa Umambo hwaMwari hwokudenga mumaoko e“Muchinda worugare,” Jesu Kristu.—Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10.

Panguva iyoyo uporofita huri pana Pisarema 46:9 huchazadzika zvakazara: “[Mwari] unogumisa kurwa kusvika pakuguma kwenyika.” Rugare irworwo rwuchagara nokusingaperi nemhaka yokuti, sezvinofanotaura Isaya 2:4, “rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Pisarema 37:11 nokudaro inofanotaura kuti: “Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” Hongu, ipapo zvichataurwa kuti “nyika yose yazorora, yanyarara; vanofara nokuimba.”—Isaya 14:7.

Zvose izvi zvinoreva kuti nyika itsva yakarurama yava pedyo. Uye munyika itsva iyoyo, mukutonga kweUmambo hwaMwari hwokudenga, chimwe chinhu chinoshamisa chichaitika—kumutswa kwavakafa! Shoko raMwari rinosimbisa kuti: “Kuchavako kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15.

Paaiva pasi pano, Jesu akaratidza izvi nekumutsa vakafa. Somuenzaniso, paakamutsa musikana muduku, nhoroondo yacho inoti: “Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; . . . [vaiona] vakashamiswa nokushama kukuru.” (Marko 5:42) Pakumuka vakaurawa muutsinye uyewo vamwe vakafa kare kare vachamutswa uye vachapiwa mukana wokugara nekusingaperi muparadhiso yepasi. (Ruka 23:43) Uye pashure penguva yakati “zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.”—Isaya 65:17.

Uchange waita nokuchenjera kana ukawana zivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri, uye kuita kuda kwake. Ipapo Mwari achakuyeuka paachapedza nokusingaperi chinetso cheutsinye ndokudzorera upenyu kuvanhu vakaurawa. Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—Johane 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Mwari achachinja pasi rino kuva paradhiso ine rugare

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mwari achabvisa zvisaririra zveutsinye hwekare kupfurikidza nekumutsa vakafa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe