Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndisingagoni Kuisa Pfungwa Pachinhu Chimwe?
“Dzimwe nguva zvinongoerekana zvaitika. Ndiri kuteerera pamusangano weungano, uye panguva iyoyo, kamwe kamwe, ndangariro yangu inotanga kumbeya-mbeya. Maminitsi gumi gare gare ndinodzoka.”—Jesse.
“TEERERA!” Unowanzonzwa mashoko iwayo kuvadzidzisi kana kuti vabereki vako here? Kana uchidaro, saka pamwe uri kuva nechinetso chekuchengeta ndangariro yako pazvinhu. Semugumisiro, ungave uri kuwana mamakisi akaderera. Uye ungawana kuti vamwe vanokurangarira nenzira isina kunaka, vachikufuratira sewakadhakwa, kana kuti akangosindimara.
Chinotokosha zvikuru, kusakwanisa kuteerera kunogona kuva nemigumisiro yakaipa paumudzimu hwako. Uyewo, Bhaibheri rinorayira kuti: “Chenjerai mutoo wamunonzwa nawo.” (Ruka 8:18) Kutaura idi, vaKristu vanorayirwa ku“zvichenjerera kupfuura zva[va]nosiita” kuzvinhu zvemudzimu. (VaHebheru 2:1, NW) Uye kana uchiwana zvakaoma kuisa pfungwa pachinhu chimwe, ungawana zvakaoma kuteerera zano iri.
Chii chingava chiri chinetso? Mune zvimwe zviitiko kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe kungava kuchiparirwa nechirwere. Attention Deficit Disorder, semuenzaniso, inodavirwa nevamwe vanzveri kuva nechekuita nekusashanda zvakanaka kwegadziriro yetsinga dzeuropi.a Dzimwe pwere dzine zvirwere zvisati zvaonekwa, zvakadai sekusanzwa kana kusaona zvakanaka. Izviwo zvinogona kuderedza mano emunhu ekupa ngwariro. Vanzveri vakawana kuti pwere kazhinji kazhinji dzinoomerwa zvikuru nokuisa pfungwa pachinhu chimwe kupfuura vakuru. Kusagona kuteerera naizvozvo kwakapararira pakati pepwere, kunyange zvazvo kari kashoma kuti kuparirwe nechirwere.
Mafungire Ako Anochinja
Kana uri kunetseka nokuisa pfungwa pachinhu chimwe, ungangove uri kutambura nemarwadzo okukura bedzi. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.” (1 VaKorinte 13:11) Hongu, sezvaunokura, mafungire ako anochinja. Maererano nebhuku rinonzi Adolescent Development, “mano matsva okunzwisisa mifungo . . . anotanga mumavambo okuyaruka.” Unokudziridza mano okunzwisisa nekunzvera mifungo nemirangariro yezvinhu zvisiri nyore kunzwisisa. Unotanga kuva nenzwisiso yakadzama yetsika, uye dzimwe nhau dzakasiyana-siyana. Unotanga kufunga nezvenguva yako yemberi semukuru.
Chinetso chacho ndechipi? Kuva nemifungo, pfungwa, uye mirangariro mitsva yese iyi zvichitenderera muuropi hwako kunogona kutsausa zvikurusa. Hauchafungi nemafungire akapfava, emwana muduku. Zvino uropi hwako hunokumanikidza kunzvera nekubvunza zvaunoona nekunzwa. Tsinhiro yemudzidzisi inogona kunyandura kutsauka kunonakidza kwendangariro. Asi kutoti ukadzidzira kudzora ndangariro dzako dzinorasika, unogona kurasikirwa nemashoko anokosha. Nenzira inofadza, Bhaibheri rinoti murume akarurama Isaka akapedza nguva akanyarara achifungisisa. (Genesi 24:63) Zvichida kuwana nguva zuva rimwe nerimwe yekuzorora, kufungisisa, uye kugadzirisa zvinhu kungakubatsira kupa ngwariro pane dzimwe nhambo.
Mirangariro Nemahormone
Mirangariro yako ingaparirawo kutsauka. Unoedza kuisa pfungwa pane zvauri kurava kana kuti kuteerera, asi unozviwana uchifunga zvimwe zvinhu. Unochinja chinja pakati pekufinhwa nekunakidzwa, kuora mwoyo nekufara. Zvisinei, usanetseke! Hausi kutanga kupenga. Sezvingabvira zvikuru, inhau yemahormone ako bedzi ari kukuvhiringidza. Kuchinja kwekuyaruka kuri kuitika pauri.
Kathy McCoy naCharles Wibbelsman vanonyora kuti: “Kunzwa kunokura mumakore okuyaruka . . . Kuchinja-chinja uku, kusvika kumwero wakati, rutivi rwekuva muyaruki. Zvimwe zvaizvozvi zvine chekuita nefunganyo yekuchinja kuri kuitika kwauri pari zvino.” Uyewo, uri kusvika paku“yaruka”—nguva iyo zvishuvo zvevatano zvinenge zvakasimba zvikuru. (1 VaKorinte 7:36, NW) Munyori Ruth Bell anoti: “Kuchinja kwemuviri kwekuyaruka kunowanzounza kuda vatano kwakasimba zvikuru. Ungazviwana uchifunga zvakanyanya nezvevatano, uchisundirwa kuda vatano nyore nyore, padzimwe nguva kunyange kunzwa wabatikana nevatano.”b
Jesse, ambodudzwa pamavambo, anova nekumbeya-mbeya kwendangariro kunogaroitika kwazvo pakati pevechiduku: “Dzimwe nguva ndinofunga vasikana kana kuti chimwe chinhu chiri kundinetsa kana kuti zvandichaita gare gare.” Pakupedzisira, dutu racho remirangariro richaderera. Pari zvino, vavarira kuzviranga. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda.” (1 VaKorinte 9:27) Paunoedza zvikuru kudzora mirangariro yako, uchawedzerawo zvikuru kukwanisa kuisa pfungwa pachinhu chimwe.
Miitiro Yako Yekurara
Muviri wako uri kukura unoda kurara kwakakwana kuti zvikubatsire kukura mumuviri uye kuti ubvumire uropi hwako kuongorora mirangariro nemifungo yose mitsva yaunosangana nayo zuva nezuva. Zvisinei, vechiduku vakawanda vane rudungwe rusingavapi nguva yakawanda yekurara. Nyanzvi yezvekushanda kwetsinga dzemuviri inotsinhira kuti: “Muviri haukanganwi maawa okurara ayo munhu ane chikwereti nawo. Mukupesana, ucharamba uchiyeuka uye kamwe kamwe uchada kubhadharwa uko kunogona kuonekwa senhambo dzekutadza kuyeuka, kunetseka kuisa pfungwa pachinhu chimwe, uye kunonoka kufunga.”
Vamwe vanzveri vanodavira kuti kungowedzera awa kana kuti kupfuura yekurara manheru mamwe nemamwe kunogona kuvandudza zvikuru kugona kwomunhu kuisa pfungwa pachinhu chimwe. Chokwadi, Bhaibheri rinoshora unyope nekuda hope. (Zvirevo 20:13) Zvisinei, zvine mufungo kuwana zororo rakakwana kuti ushande sezvaunofanira kuita.—Muparidzi 4:6.
Zvekudya Nekuisa Pfungwa Pachinhu Chimwe
Chimwe chinetso chingava zvekudya. Zvekudya zvine mafuta uye zvine shuga zvinofarirwa nevechiduku. Vanzveri vanotaura kuti nepo zvekudya zvisingabetseri muviri, zvinganaka zvikurusa, zvinoita sezvinoderedza kuchangamuka kwendangariro. Nenzira yakafanana Kunzvera kunoratidza kuti kushanda kwendangariro kunoderera pashure pezvekudya zvine makabhohaidhiretsi, zvakadai sechingwa, bota, mupunga, kana kuti pasta. Izvi zvingadaro nemhaka yekuti makabhohaidhiretsi anowedzera uwandu hwekemikoro inonzi serotonin iri muuropi uye inoita kuti munhu anzwe achida kurara. Nokudaro dzimwe nyanzvi dzezvokudya dzinokarakadza kuti munhu adye zvokudya zvine mapuroteni akawanda asati aita basa ripi neripi rinoda kuchangamuka mundangariro.
Chizvarwa cheTV Nekombiyuta
Kwemakore nyanzvi dzekudzidzisa dzave dzichirangarira kuti TV nemifananidzo yayo inokurumidza kufamba inodukupisa urefu hwenguva iyo pwere dzinokwanisa kupa ngwariro, uye vamwe zvino vari kupomera kombiyuta mhosva yakafanana. Nepo pane kusawirirana kwakawanda pakati penyanzvi pamusoro pekuti zvinhu izvi zvazvino uno zvinombonyatsotapura sei vanhu vaduku, kupedza nguva yakawandisa uchiona TV kana kuti kutamba mitambo yekombiyuta hakuna kana kumbonaka. Imwe pwere inobvuma kuti: “Nezvinhu zvakadai semitambo yevhidhiyo, makombiyuta, uye Internet, isu vaduku tajaira kuwana zvatinoda nekukurumidza.”
Chinetso chacho ndechokuti, zvinhu zvakawanda muupenyu zvinowanwa bedzi nenhamburiko, kutsungirira, uye mwoyo murefu wechinyakare. (Enzanisa naVaHebheru 6:12; Jakobho 5:7.) Naizvozvo usatombofungidzira zvako kuti zvinhu zvinofanira kufamba nokukurumidza nekunakidza kuti zvive zvinokosha. Kunyange zvazvo kuona TV nekutamba mitambo yekombiyuta kuchigona kunakidza, kuregerei kupenda, kudhirowa, kana kuti kudzidzira kuridza chiridzwa chenziyo? Unyanzvi hwakadaro hungasimbisa kugona kwako kuisa pfungwa pachinhu chimwe.
Kune dzimwe nzira here dzokuwedzera nadzo kugona kuisa pfungwa pachinhu chimwe? Zvirokwazvo, dziripo, uye nyaya yemunguva yemberi ichanzvera dzimwe dzadzo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona zvinyorwa zveMukai! zvaDecember 8, 1994, mapeji 20-29; July 8, 1996, mapeji 28-30; uye March 8, 1997, mapeji 27-31.
b Ona nyaya inoti “Young People Ask . . . How Can I Get My Mind off the Opposite Sex?” iri muchinyorwa chedu chechiNgezi chaAugust 8, 1994.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Vanzveri vanotaura kuti zvokudya zvisingabetseri muviri zvinoita sezvinoderedza kuchangamuka kwendangariro
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
“Dzimwe nguva ndinofunga vasikana kana kuti chimwe chinhu chiri kundinetsa”
[Mufananidzo uri papeji 13]
Unowanzowana zvakaoma kuteerera mukirasi here?