Kuzvirapa Betsero Nengozi
Yakanyorwa Nemunyori weMukai! muBrazil
“MUNYIKA yose kutengeswa kwemishonga yekuzvirapa nayo kuri kuwanda,” anodaro purezidhendi wekambani huru yemishonga. “Vanhu vanoda kudzora utano hwavo vamene.” Kunyange izvi zvingave zvakadaro, kune ngozi dzipi nedzipi dzaunofanira kuziva here?
Chokwadika, kana ukashandiswa zvakanaka, mushonga unogona kunyaradza. Somuenzaniso, insulin nemaantibiotic uyewo musanganiswa usingadhuri wemvura yekunwa ine munyu neshuga zvinoponesa upenyu husingaverengeki. Denho dzekuzvirapa dziri pakutema apo betsero dzinopfuura ngozi.
Sezvinobvumwa, mudzimwe nyika zvipatara pamwe zvingava zviri kure zvikuru kana kuti zvichidhura zvikuru. Naizvozvo, vanhu vakawanda vanotsamira pamazivire eshamwari nehama kana kuti mabhuku emirayiridzo nokuda kwemashoko pamusoro pekurapa. Uyewo, “nhimbe dzepachena dzinopa pfungwa yekuti kupfurikidza nekutenga piritsiwo zvaro, zvinobvira kuva neutano neugwinyi hwakanaka,” anodaro Fernando Lefèvre, purofesa wepaSão Paulo University, Brazil.a Semugumisiro, kupedza migumisiro yekushanda zvakapfuuridza, zvokudya zvisina kutsarukana, uye kunyange zvinetso zvenhando zvemirangariro, vakawanda vanotendeukira kumirimo. Lefèvre anowedzera kuti: “Panzvimbo pekunatsiridza unaku hweupenyu hwavo, vanhu vanoedza kupedza zvinetso zvavo nemishonga yekutenga.” Uye ndiani anoziva kana varwere vakawana zvakarurama chirwere chacho?
Kunze kwekushandisa mishonga kurapa zvirwere zvakadai semusoro, hypertension, uye mudumbu, vakawanda vanotendeukira kumishonga kuti vabate nefunganyo, kutya, uye kusurikirwa. “Vanhu vanotsvaka betsero yachiremba nemhaka yekuti vanofunga kuti piritsi richapedza chinetso chacho,” anodaro Dr. André Feingold. “Kunyange nyanzvi dzezveutano dzinonyora mishonga nekukurudzira kunzverwa kwakawanda. Hapana nhamburiko yekuedza kuziva nhau yemunguva yakapfuura yemurwere, uyo muzvizhinjisa zvezvinoitika ane mararamire asina kurongeka, akazara nefunganyo, uye asina kunaka.” Anobvuma kudaro Romildo Bueno, weWorld Council for Prevention of the Abuse of Psychotropics (mirimo inochinja mafungire kana kuti maitire): “Pane nguva yakaganhurirwa yekuona varwere, uye chiremba anokurumidza kupedzerana nemunhu, achirapa zviratidzo bedzi.” Kushandisa mirimo “inzira yeku[pedza] nayo zvinetso zvenzanga nemishonga.” Zvisinei, mumwe chiremba anonyevera kuti varwere vakawanda vanoda mirimo yendangariro yakanyorwa nekungwarira.
Pashure pekukurukura “Kumhanyirwa kweProzac,” pepa remazuva ose reBrazil rinonzi O Estado de S. Paulo rinoti: “Mushonga unomhanyirwa, sezvinongoita magadzirirwe matsva ebvudzi, kutaura zvishomanene bedzi, ndewechienzi.” Rinonokora mashoko achiremba wendangariro Arthur Kaufman anoti: “Kutadza kuona zvinhu sezvazviri nedonzo muupenyu kunoparira kudavira kuti mushonga unoshanda itariro yezvirwere zvose.” Kaufman anowedzera kuti: “Munhu ari kuramba achiva nehanya nemishonga yepakarepo, uye naizvozvo, achiva asisafariri kuwana zvakaparira zvinetso zvake, anosarudza kunwa piritsi pane kuzvipedza.” Asi kuzvirapa hakuna ngozi here?
Kuzvirapa—Ingozi Here?
“Chimwe chezvinhu zvinoshamisa munhau dzekurapa muzana remakore rechi20 kugadzirwa kwemirimo mitsva,” inodaro The New Encyclopædia Britannica. Asi inotiwo: “Zvichida kupindwa nechepfu kwakawanda imhaka yemishonga kupfuura chimwe chikonzero chipi nechipi.” Zvirokwazvo, sekurapa kunogona kuita mushonga, unogonawo kukuvadza. Mapiritsi eanorexia anoondesa “anoshanda patsinga uye nokudaro anogona kuparira zviratidzo zvakaipa zvakadai sekusarara, kuchinja maitire, uye pane dzimwe nguva kunyange kuona zvinhu zvisipo,” anotsanangura kudaro munyori Cilene de Castro. Anowedzera kuti: “Asi munhu upi neupi anofunga kuti mapiritsi eanorexia anoshanda bedzi sezvinopedza chishuvo chekudya ari kuzvinyengera. Piritsi rimwe ringava mavambo enhevedzano yakaoma yekurapwa kwakaoma, rimwe richishayisa basa kushanda kwerimwe.”
Mirimo inowanzoshandiswa yakawanda inogona kuitisa mudumbu uye kunyange kunzwa kuda kurutsa, kurutsa, uye kubuda ropa. Mimwe mirimo inogona kuparira mamwe maitiro kana kuti kuparira kukuvadzwa kweitsvo nechiropa.
Kunyange mishonga yeutano yakakurumbira ingafungirwa. “Kumhanyirwa uku kwezvinowedzera mavhitamini kune ngozi zvikurusa,” anonyevera kudaro Dr. Efraim Olszewer, purezidhendi wesangano rezveutano reBrazil. “Vanhu havasi kungozvirapa voga chete asi vamwe vanachiremba vasingazivi vari kunyora mirimo inomutsa mibvunzo, vachifuratira ngozi dzinobatanidzwa.” Mumwe chiremba, zvisinei, anotaura kuti zvinowedzera mavhitamini mumwero zvingagona kuva madikanwa kana kuti kubatsira mukurapa zvimwe zvirwere nekushomeka kwezvimwe zvinhu.
Kuwana Hosha Pachako Kwakachengeteka—Sei?
Sezvo tisingagoni kuwana chirwere nguva dzose patinenge tisinganzwi zvakanaka, kudzidza zveutano nekuzvirapa kune mufungo kunogona kubatsira mhuri dzedu. Zvisinei, mushonga upi neupi usati wanwiwa, kuwana chirwere kwakarurama nekunoshanda kunokosha. Kana pasina chiremba pedyopo kana kuti usina mari yokumuona, kuverenga bhuku rakakwana rezveutano kungagona kukubatsira kuwana chirwere zvakarurama. Somuenzaniso, American Medical Association inobudisa bhuku remhuri remirayiridzo yezveutano rinobatanidza chikamu chine mapeji 183 chemachati ezviratidzo zvehosha. Aya anopindurisa murwere nhevedzano yemibvunzo inogona kupindurwa nahongu kana kuti kwete. Kupfurikidza nemutoo uyu wekunzvera zviratidzo kupfurikidza nekufuratira zvisingashandi, chinetso kazhinji kazhinji chinogona kuwanwa.
Zvakadini nebasa ravanachiremba? Ndirini patinofanira kutsvaka betsero yeunyanzvi? Tinogona sei kudzivisa kunyanyisa kunetseka pamusoro peutano hwedu kana kuti kusaitira hanya? Chaizvoizvo, munyika umo chirwere nehosha dzendangariro zvakapararira, tinogona sei kufarikanya utano hwakanaka hwakati?
[Mashoko Omuzasi]
a Munyika dzakawanda, kushambadzirwa “zvakananga kuvatengi” kwemirimo inowanika bedzi kupfurikidza nachiremba munguva pfupi yapfuura kwakawedzera zvikuru pasinei zvapo nekutsoropodzwa kwemuitiro uyu kwaiitwa navanachiremba vakawanda nemasangano ezvokurapa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
“Hapana nhamburiko yekuedza kuziva nhau yakapfuura yemurwere, uyo muzvizhinjisa zvezvinoitika ane mararamire asina kurongeka, akazara nefunganyo, uye asina kunaka.”—Dr. André Feingold
[Bhokisi riri papeji 4]
Kurapira Kumba Nemakwenzi
Kwezviuru zvemakore, vanhu mumarudzi akawanda vakarapa hosha dzavo nemakwenzi, vachishandisa zvinomera zvinowanika muminda nemasango. Kunyange mirimo yazvino uno yakawanda inogadzirwa kubva muzvinomera, yakadai sedigitalis, inoshandiswa kurapa zvinetso zvemwoyo. Nokudaro, Penelope Ody, mutezo weNational Institute of Medical Herbalists muUnited Kingdom, anotaura mubhuku rake kuti “kune kurapa kusina ngozi kunopfuura 250 kunobatsira kunyevenutsa zvinetso zvenguva dzose—kubva kukukosora kwenguva dzose, dzihwa, uye kutemwa nemusoro kusvika kukurapwa kweganda, mudumbu, uye zvirwere zvevana.”
Anonyora kuti: “Kushandiswa kwemakwenzi kwagara kuchirangarirwa se‘mushonga wevanhu’—mishonga yakapfava inogona kushandiswa kumba nokuda kwezvirwere zviduku kana kuti kuwedzera mimwe mishonga ine simba yakanyorwa nenyanzvi nokuda kwehosha dzokurarama nadzo dzakakomba.” Anopfuurira kuti: “Kunyange zvazvo makwenzi mazhinjisa pachawo asingakuvadzi, anofanirwa kubatwa nekungwarira. Usapfuudze uwandu hwakarayirwa kana kuti kupfuurira nemishonga yekumba kana hosha dzacho dzikapfuurira, dzikanyanyoshata, kana kuti kuzivikanwa kwehosha yacho kusina chokwadi.”—The Complete Medicinal Herbal.