RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 7/8 pp. 5-8
  • Unogona Sei Kufarikanya Utano Hwakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Sei Kufarikanya Utano Hwakanaka?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nguva Yekuenda Kuchipatara
  • Utano Hwakanaka—Chii Icho Iwe Unogona Kuita?
  • Kuzvirapa Betsero Nengozi
    Mukai!—1998
  • Shandisa Mishonga Nokuchenjera
    Mukai!—1996
  • Shandisa Mishonga Yokurapa Noungwaru
    Mukai!—2001
  • Kudzivirira Kwaungaita Utano Hwako
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 7/8 pp. 5-8

Unogona Sei Kufarikanya Utano Hwakanaka?

MITOO yekurapa nayo misoro yakakurumbira yekurukurirano. Zvinoratidzika sekuti inenge shamwari kana kuti muvakidzani wese zvake ane mhinduro yaanodisisa kumamirire ezvinhu eutano mamwe nemamwe. Nenzira inonzwisisika, kurudziro yekuzvirapa inogona kuva yakasimba zvikurusa. Zvisinei, kune vanhu vano“tsvaka chiremba bedzi apo mamirire ezvinhu anenge akomba,” anodaro mumwe chiremba wekuBrazil. “Vangava nemaronda asingapori paganda pasinei zvapo nemwedzi yekuzvirapa. Apo vanotsvaka chiremba, zvinowanwa kuti vane rudzi rwekenza yaifanira kurapwa pamavambo.”

Sezvo kukurumidza kuwana hosha kuchiwanzoponesa upenyu, kunonoka kunogona kuparira kutambura kukuru. “Mumwe mukadzi ane makore 30 okukura akanonoka kuenda kumwedzi nokunzwa marwadzo epakati nepakati mudumbu. Akazvirapa zvakasimba nemaanalgesic uye maanti-inflammatory, uye marwadzo acho akaderera,” anorondedzera kudaro mumwe chiremba. “Asi mazuva matatu gare gare, akabatwa neshock inoparirwa nekurasikirwa neropa uye akakurumidza kuendeswa kuchipatara. Ndakamuvhiya nokukurumidza, ndokuwana kuti aiva nepamuviri pemuchubhu. Akaponeswa nepaburi retsono!”

Mumwe mudzimai muduku muSão Paulo akafunga kuti aiva neanemia, asi chinetso chake chaiva kusashanda zvakanaka kwakakomba kweitsvo. Nemhaka yekuti akanonoka kurapwa, kuiswazve matsva ndiko bedzi kwakava mhinduro inobvira. Chiremba wake anogumisa kuti: “Murwere anowanzozengurira kurapwa kweunyanzvi, anozvirapa kana kuti kutsvaka dzimwe nzira dzaanoudzwa nevanhuwo zvavo, uye anoguma nezvinetso zvakakomba zveutano.”

Zvirokwazvo, hatidi kudukupisa zviratidzo zvinopiwa nemiviri yedu. Asi tinogona sei kudzivisa kunyanyisa mumitoo yekurapa nayo kana kuti kuzvirapa? Utano hunorondedzerwa se“mamiriro ekuva akagwinya mumuviri, mundangariro, kana kuti mumudzimu” kana kuti se“kuva asina hosha mumuviri kana kuti marwadzo.” Nenzira inofadza, zvinobvumwa kuti kumwero wakakwirira kana kuti wakaderera zvikuru, nhasi hosha zhinjisa dzinodziviririka. Maererano naDr. Lewis Thomas, “panzvimbo pekungoumbwa zvisina mufungo, tiri zvisikwa zvakasimba zvinoshamisa, zvinogara, zvakagwinya zvikuru.” Naizvozvo, panzvimbo pekuva ‘zvisikwa zvinorwara-rwara nekuzvinetsa zvakapfuuridza mwero,’ tinofanira kubatira pamwe nemuviri nekukwanisa kwawo kuzvirapa. Chiremba ane unyanzvi kana kuti nyanzvi yezvekurapa angagonawo kutibatsira.

Nguva Yekuenda Kuchipatara

Mumwe chiremba wekuBrazil anokarakadza kubatsirwa nenyanzvi “kana zviratidzo zvakadai sefivha, musoro, kurutsa, kana kuti marwadzo mudumbu, chipfuva, kana kuti hudyu zvisingapedzwi nemishonga yenguva dzose uye zvichiramba zvichidzoka zvadzokazve pasina chikonzero chinooneka kana kuti kana marwadzo akanyanyisa kana kuti akakomba zvikuru.” Mumwe chiremba anorumbidza kutarisirwa utano kweunyanzvi pose patinenge tisina chokwadi pamusoro pekubata nezviratidzo zvedu kana kuti patinonzwa kuti chimwe chinhu chasiyana nedzimwe nguva. Anowedzera kuti: “Apo mwana anorwara, panzvimbo pekurapa mwana pachavo, vabereki vanowanzosarudza kutsvaka betsero yenyanzvi.”

Asi mirimo iri madikanwa nguva dzose here? Kushandiswa kwemirimo kunogona kuparira zvakapesana here? Kune zvirwere zvinoparirwa here, zvakadai sekurwadziwa nemudumbu kana uti kukuvadzwa kwechiropa kana kuti itsvo here? Zvakadini nekusanganiswa nemimwe mirimo? “Varwere vashomanene vanorangarira zvinetso zvavo vakadzikama kana kuti kunyange sezvazviri,” inodaro The New Encyclopædia Britannica. Asi, chiremba anoziva anogona kutibatsira kuona kuti mirimo yose inokwanisa kukuvadza uye kuti kune mirimo mishomanene inoshandiswa nhasi isingapariri zvimwe zvirwere. Ingorava uone nyevero pamusoro pezvimwe zvirwere zvinobvira papepa rakaputira murimo waunotenga nguva inotevera! Kunyange mishonga inotengeswa zviri pamutemo inogona kukuvadza kana kuti kuuraya kana ikashandiswa zvisina kufanira kana kuti kunyanyoshandiswa.

Kudikanwa kwekungwarira kunosimbiswa nemushumo waRichard A. Knox muThe Boston Globe: “Mamiriyoni evanotambura nearthritis vanonwa zvinonyaradza marwadzo mazuva ose vari pangozi yekubuda ropa kunobvira kwekamwe kamwe kunouraya, vanoshuma kudaro vanzveri veStanford University.” Anowedzera kuti: “Uyezve, vanzveri vanonyevera kuti, kubatanidza zvinonyaradza marwadzo nezvinoderedza asidhi kana kuti mapiritsi anozivikanwa zvikuru anoderedza asidhi hazvidziviriri zvinetso zvakakomba zvemudumbu uye zvingatowedzera ngozi yacho.”

Zvakadini nekuzvirapawo zvako kwenguva dzose? Mumwe chiremba muRibeirão Prêto, Brazil anoti: “Ndinofunga kuti zvaizovabatsira zvikuru kudai vose vangagona kuva nemishonga mishomanene mumusha . . . Zvisinei, mishonga iyi inofanira kushandiswa nekungwarira kwakanaka neuchenjeri.” (Ona bhokisi, peji 7.) Uyewo, dzidzo yezveutano yehwaro inoita unaku hweupenyu huri nani. Sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana pamunhu mumwe nemumwe, Mukai! hairumbidzi mirimo chaiyo, mitoo yekurapa nayo, kana kuti mishonga yemusikirwo.

Utano Hwakanaka—Chii Icho Iwe Unogona Kuita?

“Vanachiremba vakanakisisa munyika ndiChiremba Zvokudya, Chiremba Kuzorora uye Chiremba Munhuanofara,” akanyora kudaro Jonathan Swift, munyori wezana remakore rechi18. Zvirokwazvo, zvokudya zvinovaka muviri, kuzorora kwakafanira, uye kugutsikana zvinhu zvinokosha muutano hwakanaka. Mukupesana, pasinei zvapo nekutaura kwevanoshambadza neuchenjeri, hatigoni kutenga utano hwakanaka nekungonwa mirimo chete. “Kushandisa mishonga kusiri madikanwa uye kunyange kune ngozi” kungagona kunetesa simba remuviri rekuzvidzivirira.—Dicionário Terapêutico Guanabara.

Zvisinei, kupfurikidza nekuziva mutoro unobatanidzwa nemararamire edu uye kudzivisa kushandisa mirimo zvisina kufanira, kusvuta, kudhakwa zvikuru, uye kunyanyofunganya, tinogona kuita zvakawanda kunatsiridza ugwinyi hwedu. Marian, ari mumakore emuma60 uye mufundisi wenguva refu muBrazil anotaura kuti: “Ndakafarikanya zvine mwero utano hwakanaka kupfurikidza nekurarama zvine mwero nekudya zvekudya zvakasiyana-siyana zvinovaka muviri.” Anotsanangurawo kuti: “Ndinowanzofarira kukurumidza kumuka, naizvozvo kukurumidza kurara kunokosha.” Kushandisa uchenjeri uye miitiro yakanaka hazvifaniri kudukupiswa, kunyange nguva dzekunzverwa kweutano dzepanhambo nenhambo uye kurukurirano yakanaka nachiremba wemhuri akakwaniriswa.

Kunyange zvazvo achida kuramba ane utano hwakanaka, Marian anongwarira kusaregeredza utano hwake kunyange kunyanyohuitira hanya. Anotaura kuti: “Ndinonyengetererawo nhungamiro yaJehovha muzvisarudzo zvose zveutano zvandinofanira kuita, kuitira kuti ndigogona kuita zvakanakisisa nokuda kwenguva yemberi ndokurega kupedza nguva nemari yakawandisa mukuedza kunatsiridza utano hwangu.” Anowedzera kuti: “Sezvo kuramba ndichishanda kuchikosha, ndinonyengeterera kuti Mwari andibatsire kuva ane mufungo pamashandisire andinoita nguva yangu nesimba rangu, kuitira kuti ndirege kuzvitunhidza zvisiri madikanwa uye, panguva imwe cheteyo, ndisaedza kuita zvandisingagoni.”

Kuti tifare zvechokwadi, hatigoni kufuratira nguva yemberi. Kunyange zvazvo tingakomborerwa neutano hwakati nakei zvino, hosha, marwadzo, kutambura, uye pakupedzisira rufu zvicharamba zviripo. Pane tariro ipi neipi yekuti tichazombofarikanya utano hwakakwana here?

[Bhokisi riri papeji 6]

Betsero Dzekuzvitarisira Kwakadzikama

Utano hwako kumwero mukuru hunotsamira pazvaunodya nekunwa. Kana ukaedza kufambisa motokari nemafuta akadirwa mvura kana kuti kuisa shuga mumafuta acho, nekukurumidza uchakuvadza injini yacho. Nenzira yakafanana, kana ukaedza kurarama nemarara ezvekudya nemarara ezvekunwa, pakupedzisira ucharipa neutano hwakakuvadzwa. Mune zvemakombiyuta, inonzi GIGO, izvo zvinoreva kuti “kupinza marara, kunobudisa marara.”

Dr. Melanie Mintzer, purofesa wekurapwa kwemhuri, anotsanangura kuti: “Pane marudzi matatu evarwere akasiyana: avo vanoenda kuna vanachiremba nezvinhu zvavaigona kungopedza nyore nyore vega kumba, avo vanoshandisa tarisiro yeutano yeunyanzvi zvakafanira, uye avo vasingaendi kuna vanachiremba kunyange pavanofanira. Avo vari muboka rekutanga vanowanzopedza nguva yavanachiremba nenguva nemari yavo pachavo. Avo vari muboka rechitatu vangaisa upenyu hwavo mungozi nekunonoka kutsvaka kutarisira kweunyanzvi kwakafanira. Vanachiremba vanoshuva kuti kudai vanhu vakawanda zvikuru vari muboka repakati.”

“Zvinhu zvinomwe zvinotungamirira kuutano hwakanaka ndeizvi: idya nekunwa zvinhu zvakanaka, rovedza muviri nguva dzose, usasvuta, rara zvakakwana, dzora mutoro wako wefunganyo, chengetedza ukama hwepedyo, uye tora matanho ekuderedza ngozi yekurwara netsaona.”—Before You Call the Doctor—Safe, Effective Self-Care for Over 300 Medical Problems, rakanyorwa naAnne Simons, M.D., Bobbie Hasselbring, uye Michael Castleman.

[Bhokisi riri papeji 7]

Bhokisi Remishonga Repamusha

“Zvave zvichifungidzirwa kuti inenge 90 muzana yezviratidzo—kubandwa, marwadzo, kukuzvurwa, uye zvimwe zviratidzo zvekusanzwa zvakanaka kana kuti hosha—zvinonzwiwa nevakuru avo zvimwe vane utano hwakanaka zvinongofuratirwa uye hazvishumwi kumunhu upi neupi. . . . Kazhinji kazhinji mushonga wekukurumidza unoshandiswa, wakadai semaaspirin maviri nekuda kwemusoro.”

“Chinowanzoita kuti izvi zvose zvibvire ibhokisi remishonga repamusha. Rinochengetedza kushanya kusiri madikanwa kunodhura kuna chiremba kana kuti kukiriniki.”—Complete Home Medical Guide, The Columbia University College of Physicians and Surgeons.

Bhuku rimwe chetero rinorumbidza bhokisi remishonga rinobatanidza zvekusungisa, zvekunamisa, sterile gauze, mabhora edonje, mabhandeji, zvekuzora zvakasiyana-siyana uye mafuta, alcohol yepukutisa inorwisa utachiona, zvigero, thermometer yemukanwa, uye zvimwe zvinhu zvinoshanda.

Nokuda kwekurapa, rinokurudzira mapiritsi okuderedza nawo fivha nemarwadzo, maantacid, mushonga wechikosoro, antihistamine/decongestant, mushonga wekuvhara manyoka.

[Bhokisi riri papeji 8]

Shoko Renyevero

“Kunyange zvazvo isingadi tsamba, mishonga yeOTC [yekutenga pakaunda] mirimo chaiyoiyo. Semishonga yekunyorerwa, mimwe haifaniri kusanganiswa nemimwe kana kuti zvimwe zvekudya kana kuti zvinodhakisa. Kungofanana nemimwe mirimo, mimwe ingavhariridza zvinetso zvakakomba zvikuru kana kuti kuparira kupindwa muropa. Uye dzimwe nguva murimo weOTC haufaniri kutsiva kushanyira chiremba.

“Zvisinei, mizhinjisa haina ngozi uye inoshanda . . . Inoita basa uye uye inoriita zvakanaka.”—Using Medicines Wisely.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Yeuka kuti hapana gwenzi kana kuti murimo usingakuvadzi zvachose chose

1. Bhokisi remishonga remutengesi wemumugwagwa

2. Mutengesi wemishonga wepachena

3. Mabhegi emishonga yemakwenzi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe