Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Zvakadini Kana Asingandidiwo?
“Ndiri kushushikana nokunetseka. Ndinomuda. Asi handizivi mirangariro yake kwandiri. Ndichaiteiko? Ndinofanira kuratidza rudo rwangu kwaari here? Kwete, kwete, handigoni kuita kudaro! Vamwe vangati kudii pamusoro pangu?”—Huda.a
HUDA, mhandara yokuLebanon, akanga achida mumwe munhu akanga asingamudiwo. Hachizi chinetso chisingazivikanwi. Imwe mhandara, inonzi Zeina, yakanga ine chiitiko chakafanana. Inoyeuka kuti: “Ndaigara ndichimuona mazuva ose nokuti akanga ari muvakidzani wedu. Akanga achikwezva zvikuru uye akanaka. Nokudaro ndakamuda.”
Chokwadika, hapana chakaipa nokuva nemirangariro yakasimba nokuda kwomumwe munhu—kufungidzira kuti munhu wacho mumwe munhu uyo muKristu angagona kuroora nomutoo wakakodzera. (Zvirevo 5:15; 1 VaKorinte 7:39) Uyewo hakusi kusina kururama kuti mhandara ide kuroorwa ndokuva nemhuri. Asi zvakadini kana ukada munhu akakodzera uyo asingazivi—kana kuti asingadzoreri—mirangariro yako?
Kurwadza Kwokurwara Norudo
SaHuda, unganzwa kuti uri pakati pokusagadzikana kwemirangariro. Mifaro yemirangariro inofadza ingakurumidza kuteverwa nokuora mwoyo kunokuvadza. “Pane dzimwe nguva ndainzwa somusikana anofara zvikurusa muchisiko chose, uye pane dzimwe nguva ndainzwa seakasuruvara zvikurusa,” akadaro Zeina. Rudo rusingadzorerwi runogona kuva munobva funganyo, usiku hwokusarara, uye kunyange kuora mwoyo.
Bhaibheri rinoti pana Zvirevo 13:12: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” Uye apo kariro dzisingatomboitiki, zvinogona kuva zvinogumbura! Ungazviwana uchifunga nezvomunhu uyu nguva yose, uchidisa kunzwa tumashoko tupi netupi pamusoro pake. Ungaronga nzira dzokukwezva ngwariro yake kana kuti pembedzo dzenhando dzokuva naye. Uye apo unenge unaye, ungazviwana zvakaoma kuzvibata senguva dzose.
Mamiriro ezvinhu anogona kuva chaizvoizvo anovhiringidza apo waunorangarira panhambo nenhambo anopa ngwariro chaiyo kwauri uye ipapo anoita sokunge kuti haatongokufariri pane dzimwe nguva. Uye kana ukamuona achipa zvakanyanyisa ngwariro kune mumwe munhuwo kana kuti kuratidza mutsa muduku nounyoro kune vamwe, zvinogona kumutsa mirangariro yegodo mauri. Bhaibheri rinoti: “Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; asi ndiani ungamira pamberi pegodo?”—Zvirevo 27:4.
Huda akabvuma kuti: “Ndakanzwa godo rakakasharara rakadaro risingatsananguriki zvokuti kudai ndakanga ndisina kugadzirisa zvinhu, ndingadai ndakapenga.” Mirangariro yokuzvisema inogonawo kuitika. Huda akati: “Ndakazvishora nokuda mumwe munhu akanga asingandidi uye nokuda kwokuzvitambudza.”
Nepo munyika dzokuMadokero mhandara inganzwa yakasununguka kungosvika jaya ndokutaura mirangariro yayo, hadzizi mhandara dzose dzinganzwa dzichida kuita kudaro. Uye mune dzimwe tsika, zvingarangarirwa sezvisina kukodzera kana kuti kunyange zvinoshamisa kuti musikana atange kudaro. Chii, ipapoka, chaunogona kuita kana uchida mumwe munhu asingakudiwo?
Kunzvera Mirangariro Yako
Chokutanga, edza kunzvera mirangariro yako zvakadzikama uye pasina kwawakarerekera. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi.” (Zvirevo 28:26) Nei? Nokuti kazhinji kazhinji zvikuru chisarudzo chomwoyo wedu hachina kururama. (Jeremia 17:9) Uye chinoita sorudo kazhinji kazhinji chinopedzisira chava chimwe chinhuwo zvacho. “Ndakanga ndichida ngwariro norudo,” akabvuma kudaro Huda. “Ndaida mumwe munhu anondida naanondiitira hanya. Ndakanga ndisina kumbogamuchira rudo kubva pauduku. Izvozvo zvakanditapura zvikuru.” Kana uchibva mumhoteredzo yemhuri isina rudo kana kuti inotuka, nenzira yakafanana unganzwa une nzara yorudo nezivikanwo. Asi ukama hwenyengano ndihwo chaizvoizvo hahwo mushonga here?
Nenzira isingafadzi, vanhu vanonzwa vasingafari uye vari voga kazhinji kazhinji vanova vakwanyina veroorano vakashata. Vanopinda muroorano vachikarira kuwana zvavanonzwa kuti vanoshayiwa zvikuru. Zvisinei, mufaro wechokwadi unobva mukupa, kwete mukuwana. (Mabasa 20:35) Uye mukadzi akashongedzerwa zviri nane zvikuru kubata neroorano kana achinzwa achigutsikana zvine mufungo pachake uye ‘achingwarira, kwete fariro yomunhu oga pazvinhu zvake chete, asiwo fariro yomunhu oga paizvo zvavamwe.’—VaFiripi 2:4.
Apo unonzwa dzvinyiriro yokuroora, unogona kunyanyisa nyore nyore kungwariro ipi neipi inobva kuane mitezo yakasiyana yokubereka nayo. Pane dzimwe nguva chishuvo chemhandara chenyengano chinotsigirwa neshamwari nemhuri. Dzimwe nzanga dzinosimbisa zvikuru kuroorwa kwomusikana nokukurumidza paanosvika pazera rokuroorwa. Bhuku rinonzi Women in the Middle East rinoti: “Kana mukadzi akava pedyo namakore makumi matatu uye achiri asina kuroorwa, anova anoitirwa hanya zvikuru nemhuri yake.” Nemhaka yokuti rukudzo rwemhuri runobatanidzwa, baba vangaedza kuroodza mwanasikana wavo pazera duku sezvinobvira.
Kunyange zvakadaro, nheyo dzeBhaibheri dzinotora nzvimbo yokutanga kupfuura tsika. Uye Magwaro anokurudzira vanhu vaduku kumirira kutozosvikira apo vanenge va“tokura kwazvo” vasati vapinda muroorano. (1 VaKorinte 7:36) Nokudaro, zvakadini kana uchinzwa kuti shamwari dzako kana kuti vabereki vari kukupa dzvinyiriro isina kufanira yokuroora? Bhaibheri rinotiudza kuti musikana ane umwari wechiShuramaiti akaudza zvakakomba shamwari dzake ‘kusamutsa kana kuti kutanga rudo maari kutozosvikira irwo rwoda.’ (Rwiyo rwaSoromoni 2:7) Zvichida kuzvitaurira munzira yakasimba zvakafanana kungaunza migumisiro, zvikurukuru kana vabereki vako vachitya Mwari.
Kutarisana Nechokwadi
Kunyange zvakadaro, pakupedzisira unofanira kutarisana nechokwadi nezvomunhu waunonzwa kuti unoda. Kuita kudaro kungasava kuri nyore uye kungakuparira marwadzo emirangariro. Asi Magwaro anorayira kuti: “Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve.” (Zvirevo 23:23) Zvibvunze kuti, ‘Ndine hwaro hupi nohupi hune mufungo here hwokuda munhu? Ndinoziva zvakawanda sei chaizvoizvo nezvomunhu uyu? Chii chandinoziva nezvemifungo yake, pfungwa, mirangariro, miitiro, mipimo, mano, unyanzvi, uye mararamiro?’
Chimwe chinhu chokurangarira ndechokuti munhu wacho aratidzira fariro yechokwadi ipi neipi chaiyoiyo mauri here kana kuti kwete. Kazhinji kazhinji, mutsawo zvawo kana kuti ushamwari hunowanzodudzirwa nenzira isiriyo. “Akanga achiedza kuva ane mutsa,” akadaro Huda, “asi ndakadudzira mashoko ake nezviito sefariro yomunhu oga nokuti ndaida izvozvo. Pashure pokuziva kuti akanga asingandifariri, ndakanzwa ndanyadziswa. Ndakanzwa kuti ndakanga ndisina kufanirwa nefariro yake uye kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama neni.”
Zvichida wakanzwa nenzira yakafanana somugumisiro wechiitiko chakafanana. Cherekedza, zvisinei, kuti nemhaka yokuti wanga usina kururama chaizvo mumaziso omunhu uyu hazvirevi kuti uchava usina kururama chaizvo mumaziso omumwe munhuwo. Pashure pezvose, irori handiro roga jaya riri munyika!
Kukurira Kuvadziko Yacho
Kunyange zvakadaro, zvingatora nguva kukurira mirangariro yako yokukuvadzika. Chii chinogona kubatsira? Chimwe chinhu kutaura ndokuvimba ne“shamwari yechokwadi”—muKristu akakura mumudzimu uyo achakuteerera. (Zvirevo 17:17, NW) Zvichida mune mukadzi ati kurei muungano uyo unogona kutaura naye. Vabereki vechiKristu vanogonawo kuita basa rinokosha mukugovera betsero netsigiro. Zeina anoyeuka kuti: “Mumwe mukadzi wechiKristu muungano yedu akacherekedza kurwadziwa kwangu uye akanga akakura mumudzimu zvakakwana zvokugona kundibetsera. Ndakanzwa ndakasununguka ndinaye uye ndakamuudza zvose. Akandikurudzira kutaura kuvabereki vangu. Nokudaro ndakataura kwavari, uye vakandinzwisisa ndokundibetsera.”
Yeukawo, simba romunyengetero. (Pisarema 55:22) Huda anoti: “Minyengetero yangu kuna Jehovha yakandibetsera kubvisa marwadzo angu. Ndakaravawo nyaya dzinobetsera dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai!.” Mukuwedzera, kunokosha kuti usazviparadzanise. (Zvirevo 18:1) Batanidzwa navamwe vanhu. “Chimwe chinhu chakandibetsera,” anoyeuka kudaro Zeina, “ndechokuti ndakaramba ndakabatikana ndokuva piyona [muevhangeri wenguva yakazara]. Ndakawedzerawo songaniro yangu navamwe vakadzi vari muungano. Izvi zvakandibetsera kufambira mberi mumudzimu.”
Bhaibheri rinotaura nezve“nguva yokuda,” uye kungava kuti pashure penguva yakati uchasangana nomumwe munhu anokuratidzirawo zvidakadaka. (Muparidzi 3:8) Jehovha Mwari akasika vanhu vane chishuvo chokufarikanya mifarwa yorudo rweroorano, uye pakupedzisira ungava anokwanisawo kuwana iyi gadziriro yakaisvonaka yoMuiti wedu Mukurusa. Panguva ino, kuregererei kuwana betsero yakanakisisa yamakore ako okusaroora kana kuroorwa, ayo a“sina funganyo,” sezvinotaura muapostora Pauro? (1 VaKorinte 7:32-34) Muchiitiko chipi nechipi, unogona kuva nechokwadi chokuzadzikwa kwevimbiso yeBhaibheri inoti: “Munotadzanura [Jehovha] ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa kudzivirira kuvanzika kwevanobatanidzwa.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Pane dzimwe nguva, mutsa unodudzirwa nenzira isina kururama