Apo Kufa Kunoreva Kufa
“Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi.”—Muparidzi 9:4, 5.
VANHU vakawanda vane chitendero chisina kujeka pamusoro pemweya unorarama pashure perufu kana kuti unopinda mukutenderera kwekuberekwazve. Vamwe vanotodavira kuti munhu anogona kudzoka pashure pekufa. Thomas Lynch, anogadzira nekuviga zvitunha, munguva pfupi yapfuura akabvunzwa pamusoro pemafungire ake pamusoro pemubvunzo weupenyu pashure perufu. Akati: “vanhu vaya vanoona mikoto yechiedza nezvimwe zvakadaro havana kudzoka kubva kuvakafa—vakanga vangosvika bedzi patisingakwanisi kuyera zviratidzo zveupenyu hwavo. Nemhaka yekuti ‘kufa’ ndozvaunenge waita pausingadzoki.”—The New York Times Magazine.
Bhaibheri rakataura chokwadi kwemamireniyumu. “Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi.” (Muparidzi 9:4, 5) Kushanya kupfupi kumakuva ekare kuchasimbisa chokwadi ichocho.
Izvi zvinoreva kuti hapana tariro chose chose nokuda kwevakafa here? Bhaibheri chokwadi harigoveri hwaro hwokudavira mumweya usingafi unopukunyuka rufu. (Genesi 2:7; Ezekieri 18:4, 20) Zvisinei, Jesu Kristu akaparidzira nezvekumutsirwa kuupenyu muparadhiso yapasi ichadzorerwa. Muteveri wake wechiJudha Marita, ane hanzvadzi yainzi Razaro, yakanga ichangofa, aidavira rumuko, nekuti akataura nezvaRazaro kuti: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” (Johane 11:24) Pamusoro pezvi, Jesu akapindura kuti: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama. Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi, Unotenda izvozvo here?” (Johane 11:25, 26) Pamavambo akanga ati: “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.” Asi cherechedza, Jesu haana kududza nezvemweya usingafi!—Johane 5:28, 29; Ruka 23:43.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]
“‘Kufa’ ndozvaunenge waita pausingadzoki.”—Thomas Lynch, anogadzira nokuviga zvitunha