Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kuita Sei Nomusikana Anoratidza Kundifarira?
“Susan ndiye akatanga kundifarira, uye ini ndakanga ndisina basa nazvo. Ndakazvifarira.”—James.a
“Kana murume asina kutendeseka mukufambidzana kwake nevakadzi, izvozvo zvingava nengozi.”—Roberto.
NGATIMBOTII munguva ichangobva kupfuura imwe mhandara yakati inoda kukubvunza chimwe chinhu. Unowanzoiona iine shamwari, uye inonakidza kutaura uye kuita mamwe mabasa nayo. Zvisinei, zvayakataura zvakakukanga mate mukanwa. Iri kuda kudanana newe uye inoda kuziva kana iwe uchiidawo.
Izvi zvinogona kukushamisa kana uine pfungwa yokuti varume ndivo vanofanira kupfimba. Kunyange zvazvo zviri izvo zvinowanzoitika, yeuka kuti haina kutyora mutemo weBhaibheri nokutora danho rokutanga kwayaita.b Izvozvo zvinogona kukubatsira kuita zvinhu kwazvo.
Pashure pokufunga nezvenyaya yacho, unogona kugumisa kuti uchiri muduku kuti udanane nomumwe munhu kana kuti iye zvino musikana wacho haumudi. Unogonawo kunzwa uchishushikana, uchinetseka kuti pamwe wakamupa pfungwa isiri iyo. Unofanira kuita sei? Chokutanga, ungada kufunga nezvemanzwiro ake.
Funga Manzwiro Ake
Funga kuti musikana wacho ari kunzwa sei mumamiriro ezvinhu aya. Sezvo achida kuti akwezve mwoyo wako angave akadzokorora mashoko ake kwemazuva akawanda. Pashure pokunge asarudza mashoko akanaka nokunyemwerera kunonyatsoita, akazofungawo nezvokuti unogona kuramba. Pakupedzisira, awana ushingi hwakakwana, akakurira kutya kwake ndokubva akuudza zvakanga zviri pamwoyo wake.
Nei akazviisa mumamiriro ezvinhu akaoma iwayo? Zvichida ari kukuda. Uyewo, anogona kunge akayemura unhu hwako hwakanaka nenzira isingawanzoitwi nevanhu vakawanda. Saka zvichida mashoko ake airatidza kuti aive nezvaaiyemura pauri zvaasina kutaura zvausingaudzwi mazuva ose.
Pfungwa idzi hadzina kuiswa pano kuitira kuti uchinje zvaunosarudza, asi kukuyeuchidza kuti uve nomutsa. Imwe mhandara inonzi Julie inoti: “Kunyange zvazvo asingamudi, mukomana anofanira kufara kuti mumwe munhu akamuona. Saka, panzvimbo pokungoti handikudi, anofanira kumuitira zvakanaka omuramba zvinyoronyoro.” Ngatimbotii ndizvo zvauri kuda kuita chaizvo—“kumuramba zvinyoronyoro,” kana kuti kuwana nzira iri nani yokumuudza kuti haumudi.
Zvakadini kana wakambomuramba? Unganzwa uchida kungomuudza pakarepo zvisina ushamwari. Rwisa kuti usadaro. Zvirevo 12:18 inoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” Unotaura sei no“rurimi rwowakachenjera”?
Unogona kungomutenda nokutaura kwaaita manzwiro ake, kukuremekedza uye kukuda kwaanoita. Ungatokumbira ruregerero nokumupa pfungwa isiri iyo usingazivi. Muudze zvakajeka asi nomutsa kuti haunzwi semanzwiro aanoita. Kana akasanzwisisa zvawataura uye uchifanira kutaura zvakasimba, haumbofaniri kutaura mashoko ehasha uye anobaya. Uri kubata nemanzwiro ake ari nyore kukuvadzwa, saka shivirira. Dai zvaichinjanwa, waizofara kana iye akakuramba zvinyoronyoro, handizvo here?
Zvisinei, anogona kuramba achiti wakamunyengedza uchiziva hako. Angatotaura zvimwe zvawakaita zvakaita kuti afunge kuti unomuda. ‘Uchiri kuyeuka here pawakandipa ruva riya?’ angadaro, kana kuti ‘Ko zvawakandiudza paya pataifamba tose mwedzi wapera?’ Zvadaro unotofanira kuzviongorora zvakasimba.
Bvuma Chokwadi
Kare vanhu vaifamba vachiongorora nzvimbo dzisingazivikanwi vaiwanzoona nzvimbo dzavaiwana sedzokungopamba uye vowana zvavanoda, nhasi ndiwo maonero anoita vamwe varume vakadzi. Vanonakidzwa nokudanana asi havadi mutoro wokuroora. Vasina chavanovimbisa, vanoedza kunyengedza vakadzi nokutamba nemanzwiro avo. Murume akadaro anonyengedza mukadzi kuti amude. Mumwe mukuru wechiKristu anoti: “Mamwe majaya anoita seanochinja chinja vasikana. Hazvina kunaka kutamba uchidaro nemanzwiro omusikana.” Kuda kuzvifadza kwakadaro kunotungamirira kupi?
“Somupengo unokanda zvitsika, nemiseve, nezvinouraya, ndizvo zvinoita munhu unonyengedzera wokwake, achiti: Ndinongoita zvangu jee!” (Zvirevo 26:18, 19) Kana mukomana achida kudanana nomusikana kuti amunyengedze, pakupedzisira musikana anozoona zviri kuvavarirwa chaizvo. Zvikadaro unyengeri hwake hunogona kukuvadza zvikuru manzwiro omusikana, sezvinoratidzwa nezvinotevera.
Rimwe jaya rakadanana nomusikana asi rakanga risingadi kumuroora. Raienda naye kumaresitorendi akanaka, uye vaienda kumapati vose. Jaya iri rainakidzwa nokuva naye, uye musikana wacho aifarira zvaaiitirwa, achifunga kuti rakanga richida kumuroora. Musikana wacho paakazoona kuti kuwirirana kwavo kwakanga kuri kwokungonakidzwa bedzi, akarwadziwa zvakanyanya.
Kunyange kana wakapa musikana ataura newe pfungwa isiri iyo usingadi kudaro, unofanira kuitei? Kuedza kuzvidzivirira uye kuzviruramisa kunongowedzera kumurwadzisa. Funga nezvenheyo yeBhaibheri iyi: “Unofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; asi unozvireurura, achizvirasha, uchawana nyasha.” (Zvirevo 28:13) Saka taura chokwadi. Bvuma kukanganisa kwako pane zvose zvamusina kunzwisisana. Uye kana wakatamba nemanzwiro ake uchiziva, bvuma kuti wakakanganisa chaizvo. Kumbira ruregerero zvechokwadi.
Zvisinei, usatarisire kuti zvawakumbira ruregerero nyaya yacho yatopera. Mhandara yacho inogona kuramba yakakutsamwira kwenguva yakati rebei. Ungatofanira kutsanangurira vabereki vayo zvawakaita. Uye unogona kupindazve munyatwa. VaGaratiya 6:7 inoti: “Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” Asi nokukumbira ruregerero uye kuita zvaunogona kuti ugadzirise zvawakakanganisa, uchamubatsira kuti aenderere mberi noupenyu hwake. Uye chiitiko ichi chichakubatsira ‘kudzora miromo yako pakutaura zvinonyengera’ muzvinhu zvose zvoupenyu, kusanganisira zviya zvine chokuita nevanhukadzi.—Pisarema 34:13.
Fungisisa Usati Wapindura
Asi zvakadini kana uchida chaizvo kuziva zvakawanda nezvomusikana wacho? Kana zvakadaro, unofanira kuziva kuti kudanana uye kuratidza kuti unomuda hazvisi zvinhuwo zvazvo zvokungonakidzwa nazvo. Manzwiro akasimba ayo vaviri vari kudanana vanova nawo zviratidzo zvakasimba zvokuti vachazoroorana. Pashure pokunge varoorana, manzwiro iwayo anovabatsira kuti vanyatsobatana somurume nomukadzi. Kuziva izvi kungakuita kuti unzwe sei?
Pashure pokufunga nezvomusikana uyu, ungaona kuti anokwezva munzira dzinoverengeka. Akuvhurira suo, usarivhare. Pane kumhanyira kudanana, tora matanho iye zvino okuti muzvichengetedze muri vaviri pane zvinorwadza zvingangozoitika.
Nokufamba kwenguva ungada kubvunza vamwe vanhu vashoma vava noruzivo vanomuziva. Mukumbire kuti aitewo izvozvo kune vamwe vanokuziva. Mose munofanira kubvunza vava noruzivo ivavo zvavangati unhu hwakanaka kana kuti zvinetso kune mumwe nomumwe wenyu. Unogonawo kubvunza vakuru vechiKristu maonero avo. Zvakanaka kuziva kana munhu wauri kuda achirumbidzwa muungano yechiKristu.
Asi unogona kuti, ‘Nei vamwe vanhu vachifanira kubatanidzwa zvakadaro muzvinhu zvoupenyu hwangu?’ Chokwadi ndechokuti, kunyange munyaya yako woga yakadai sokudanana nomumwe munhu, kuchenjera kuziva zvinofungwa nevamwe vanhu. Kutaura zvazviri, zviri muMagwaro, nokuti Zvirevo 15:22 inoti: “Pasingaranganwi mano anokona.” Vakura vaunotaura navo havazokusarudziri zvokuita. Asi “kuyanana kwemweya” kwavanopa kunogona kuratidza zvakaita mumwe wako, uye zvauri, zvausingaoni.—Zvirevo 27:9.
James, ane mashoko ambotaurwa patangira nyaya ino, akaitawo izvozvo. Kunyange akanga achigara kwake oga, akataura nevabereki vake nezvaSusan. Zvadaro iye naSusan vakapanana mazita evamwe vava noruzivo vaigona kuzotaura zvavanofunga kana vaviri ava vaigona kuzomisa imba. Pashure pokunge vanzwa mishumo yakanaka pamusoro pomumwe nomumwe wavo, James naSusan vakatanga kudanana kuti vaone kana vaigona kuzoroorana. Kana ukaitawo zvakafanana usati wanyanya kutorwa mwoyo, uchanzwa uine chivimbo pane zvaunozopedzisira wasarudza.
Kupfuura zvose, nyengetera kuna Jehovha. Sezvo kudanana riri danho rinotungamirira kumuchato, kumbira Mwari kuti akubatsire kuona kana kudanana nomusikana uyu kungatungamirira kuchinangwa ichocho. Zvinotokosha zvikuru, kumbira Mwari kuti akubatsirei mose kusarudza zvichakuswededzai pedyo naye. Ndipo pane mufaro wechokwadi wenyu mose ipapo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.
b Nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” iri muMukai! yaNovember 8, 2004, uye inoti “Young People Ask” iri muAwake! yaDecember 22, 2004, dzakataura kuti musikana anogona sei kuudza mukomana kuti anomuda.
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kana usinganyatsomudi, ngwarira kupa zviratidzo zvisiri izvo