Kuguma Kweurombo Kuri Kuswedera Pedyo
JESU airevei paakati: “Nokuti varombo munavo nguva dzose”? (Mateo 26:11) Aireva kuti urombo hwaizovapo nokusingaperi, pasina mhinduro ipi neipi here?
Jesu aiziva kuti chero bedzi gadziriro iripo yekutonga kwemunhu ichipfuurira, kwaizova neurombo. Aiziva kuti hahwaizogona kupedzwa zvechigarire nerudzi rupi nerupi rwehurumende yemunhu kana kuti gadziriro ipi neipi yezveupfumi kana kuti yenzanga. Uye chinyorwa chenhau chinopupurira izvozvi.
Mukati mezviuru zvose zvemakore enhau yemunhu, rudzi rwose rwehurumende uye rudzi rwose rwegadziriro yezveupfumi nenzanga rwakaedzwa, asi urombo tichinahwo. Zvirokwazvo, pasinei zvapo nekufambira mberi munharaunda dzakadai sesayenzi, indasitiri, uye kurapa, idi risingaitiranwi nharo nderokuti munyika yose nhamba dzevanhu vakaiswa parumananzombe neurombo inoramba ichiwedzera.
Jesu ainyatsoziva nezvezvinhu zvakawanda zvinoparira urombo, zvakadai senzara, kusanaya kwemvura yakakwana, kuvhozhokera kwemauto emuvengi, hurumende yakaipa, kutadza kushandiswa zvakanaka kweupfumi, kudzvinyirirwa kwevarombo nevasina simba kunoitwa nevapfumi uye vane simba, tsaona nekurwara, uye kufa kwevarume vanosiya shure nherera neshirikadzi dzine urombo. Kupfuurezvo, aiziva kuti vanhu vaigona kuzviunzira urombo pavari nemhuri dzavo kupfurikidza nemiitiro yakaipa yakadai seunyope, udhakwa, kubhejera, uye kupindwa muropa nemirimo.
Naizvozvo apo Jesu akataura kuti “nokuti varombo munavo nguva dzose,” aireva kuti kupedzwa kweurombo kwaisagonekwa nemasangano api neapi enyika ino. Aireva kuti chero bedzi gadziriro yekutonga kwemunhu iripo, kwaizova nevanhu varombo.
Kunyange zvazvo chinetso cheurombo chiri chekare kare, hatifaniri kugumisa kuti zvimwe Jesu kana kuti Baba vake vokudenga vaisava nehanya nevarombo. Uyewo hatifaniri kugumisa mumashoko aJesu kuti urombo hahuzombofa hwakapera. Izvi zvakajeka kubva muzvinotaurwa neBhaibheri pamusoro penhau yacho.
Urombo Nemutemo waMosesi
Somuenzaniso, rangarira Mutemo uyo Mwari akapa rudzi rwekare rwaIsraeri kupfurikidza naMosesi. Chimwe chinodikanwa cheMutemo chaiva chekuti mhuri yose yechiIsraeri ipiwe nhaka yemunda muKanani. (Dheuteronomio 11:8-15; 19:14) Vaisara bedzi vaiva vaRevhi, vasina kugamuchira mugove. Panzvimbo pezvo, kuchirangarirwa basa ravo chairo patemberi, vaitarisirwa nekugamuchira chegumi chemukohwe weminda.—Numeri 18:20, 21, 24.
Kupfuurezvo, mitemo yenhaka muMutemo waMosesi yaiita kuti kuve nechokwadi kuti munda waizoramba uri wemhuri kana kuti rudzi rwawakapiwa kwauri. (Numeri 27:8-11) Kunyange kana munhu aitengesa munda wake, waigona kuva wemuridzi mutsva kwechinguvana bedzi. Pashure penguva yakati munda waizodzorerwa kumhuri yemunhu akautengesa.
Nokuda kwevaiva varombo nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana, zvakadai sekutadza kushandisa munda wavo zvakanaka kana kuti kupambadza pfuma yavo, Mutemo waivimbisa kodzero yekuunganidza zvekudya zvinosara muminda, minda yemichero, uye minda yemizambiringa yevamwe. (Revhitiko 23:22) Kupfuurezvo, muIsraeri anoshaya aigona kukwereta mari pasina kufanira kubhadhara mubereko. Zvirokwazvo, mudzimu werupo waifanira kuratidzwa kuvarombo.—Eksodho 22:25.
Jesu Aiitira Hanya Varombo
Mazana emakore gare gare apo Jesu akauya pasi pano, akapfuurira kuratidza mudzimu werupo uyo akanga adzidza kuna Baba vake, Jehovha. Jesu aifarira semunhu woga avo vaiva varombo mune zvekunyama. Iye nevadzidzi vake vaiunganidza mari pamwe chete pavaitora yekupa vaIsraeri vanoshaya.—Johane 12:5-8.
Pashure pokunge Jesu aurawa, kuitira hanya varombo kumwe cheteko kwakaratidzwa nevaKristu pavakagovera betsero yekunyama zvikurukuru kuhama nehanzvadzi dzavo dzemudzimu dzakanga dziri varombo. (VaRoma 15:26) VaKristu vechokwadi nhasi vanoratidza kuitirana hanya kwerudo kwakafanana.
Chokwadika, Bhaibheri, nepo richiratidza tsitsi nekuda kwevanyajambwa vemamiriro ezvinhu anodzvinyirira, rinotsiura avo, chaizvoizvo, ‘vanodya nyama yavo’ nemhaka yeunyope. (Muparidzi 4:1, 5) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana munhu achiramba kubate basa, ngaarege kudyawo.” (2 VaTesaronika 3:10) Nenzira yakafanana, avo vanopambadzira mari pamiitiro yakadai sekupindwa muropa nemirimo, fodya, kana kuti zvinodhaka vanogona kuzviwana vari varombo. Uyu mugumisiro wezviito zvakaipa zvavo vamene; chaizvoizvo vari ‘kukohwa zvavakadyara.’—VaGaratia 6:7.
Kuchengeteka Zvino
Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anofarira zvikuru mamiriro ezvinhu eavo vanoedza kuita kuda kwake. Somuenzaniso, pana Pisarema 37:25, Dhavhidhi anotaura kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” Avo vane mwoyo yakatendeseka havavimbiswi upfumi, asi chinoratidzwa pano ndechokuti Mwari aizova nechokwadi kuti vane zvinodikanwa zvekunyama zvakakwana kuti vararame. Uye ndima 28 yepisarema rimwe chetero inotaura kuti: “Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene vake.”
Jesu akaita zvinopfuura kuitira hanya varombo kupfurikidza nokuvabatsira nezvekunyama mukati moupenyu hwake pasi pano. Akavavimbisa kuti chero bedzi vaiedza kuita kuda kwaMwari, Mwari aizova nechokwadi chekuti zvinodikanwa zvavo zvishomanene zvagoverwa, zvose zviri zviviri zvemunguvayo uye yemberi. Jesu akataura zvinotevera:
“Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzicheki, hadziunganidziri mumatura; asi baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? . . . Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? Naizvozvo musafunganya muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukeiko? . . . nokuti baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose.”—Mateo 6:26-32.
Jesu akagumisa kupfurikidza nokukurudzira vateveri vake kuti: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33) Iyi ikurudziro yakaisvonaka zvakadini nekuda kwevarombo asi vari kuedza kuita kuda kwaMwari! Cherechedzawo, kuti Jesu akaratidza kuti Umambo hwaMwari hwaifanira kuva chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwevateveri vake. Jesu aiziva kuti apo Umambo hwaMwari hwekudenga hwaizodzora zvakakwana pasi rose, ipapo—uye ipapo bedzi—ndipo paizopedzwa urombo.
Hatisisina Nokusingaperi
Nokudaro, Jesu akapa tariro inoshamisa yenguva yemberi. Naizvozvo paakataura kuti “varombo munavo nguva dzose,” akanga achinongedzera kuupenyu mugadziriro iripo yekutonga kwemunhu. Akanga asiri kunongedzera kuupenyu munguva yemberi mukutonga kweUmambo hwaMwari hwekudenga. Bhaibheri rinofanotaura kuti: “Nokuti unoshayiwa haangakanganikwi nokusingaperi, nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.” (Pisarema 9:18) Uye saMambo weUmambo hwaMwari, Kristu Jesu haazoshiviriri vapi nevapi vanoedza kushandisa nekudzvinyirira vamwe.
Jesu akaita kutonga kweUmambo hwaMwari hwekudenga musoro mukuru wekudzidzisa kwake. (Mateo 4:17) Mukutonga kweUmambo, mamiriro ezvinhu pasi pano achaonesa, kana kuti acharatidza, mamiriro ezvinhu mudenga. Ndosaka akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari kuti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:10.
Izvozvo zvichaitika sei? Idonzo raMwari kubvisa gadziriro yose iripo yekutonga kwemunhu pasi pano uye kuitsiva nekutonga kweUmambo hwake hwokudenga. Uporofita huri pana Dhanieri 2:44 hunotaura kuti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo [aripo zvino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu [hapasisina kutonga kwemunhu]; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo], ihwo huchamira nokusingaperi.”
Ipapo, munyika itsva mukutonga kweUmambo hwaMwari, pasi rose richashandurwa kuva paradhiso yezvakawanda, pasina chisaririra cheurombo. Cherechedza humwe uporofita hweBhaibheri pamusoro pemamirire ezvinhu achavapo panguvayo:
“Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo . . . mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nemwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.” (Isaya 25:6) “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) “Ndichapfunhisa mvura nenguva yayo, mishoko inoropafadza ichavapo. Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo.” (Ezekieri 34:26, 27) “Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, uchatiropafadza.” (Pisarema 67:6) “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.”—Isaya 35:1.
Zvakare, Mika 4:4 inopikira kuti “Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” Vose vachava nemisha yavo pachavo: “Vachavaka dzimba nokugaramo; . . . Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo.” (Isaya 65:21, 22) Hazvishamisi kuti Jesu aigona kupikira avo vaidavira dzidziso dzake kuti: “Uchava neni muParadhiso”!—Ruka 23:43.
Hongu, Shoko raMwari pachake rakafuridzirwa rinodzidzisa zvakajeka kuti kuchava nemugumo wakakwana kuurombo. Uye nguva iyoyo iri kuswedera pedyo, nokuti uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti nyika ino zvino yava mu“mazuva [ayo] okupedzisira,” ichiva ne“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5, 13) Nokukurumidza gadziriro yezvinhu iripo ichaparadzwa nokusingaperi uye urombo huchabviswa zvechigarire—kwete nenhamburiko dzemunhu asi kupfurikidza nekupindira kwaMwari. Mambo wacho Jesu Kristu “ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usino mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.”—Pisarema 72:12, 13.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Munyika yaMwari itsva, muchava nedzimba dzakanaka uye zvokudya zvakawanda zvavose
[Mufananidzo uri papeji 10]
Munyika itsva, hamuchazovizve nevana vane nzara