RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 6/8 pp. 12-14
  • Ndiani Anofanira Kuva Muenzaniso Wangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anofanira Kuva Muenzaniso Wangu?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso—Yakanaka Neyakashata
  • Kukubetsera Kunogona Kuita Muenzaniso Wakanaka
  • Vabereki Semienzaniso
  • Muenzaniso Wakanakisisa
  • Ndivanaani Vanoita Zvakanaka Vandinoda Kutevedzera?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Chitendero—Ndakazvisarudzira Kana Kuti Ndakasarudzirwa Nevabereki?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Pwere—Muri Kurondei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 6/8 pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndiani Anofanira Kuva Muenzaniso Wangu?

“Chipo chake somutambi webasketball chaishamisa. Shamwari dzangu dzose dzaimuda. Akanga ari muenzaniso wangu, uye ndaida kuva saiye uye kuva neizvo aiva nazvo.”—Ping, muduku wokuAsia.

VANHU vanoyemurwa uye vanotevedzerwa vanowanzodanwa kuti mienzaniso. Munyori Linda Nielsen akatsinhira kuti: “Vechiduku vanotevedzera vanhu vavanogona kunzwisisa mirangariro yavo nemifungo ndokugoverana uye avo vari kugamuchira ngwariro nemibayiro zvavanochiva.” Pwere, naizvozvo, dzinoyemura vaenzani vakakurumbira uye vanokwezva. Asi pwere dzakawanda zvikurukuru dzinokwezverwa kunyanzvi dzamabhaisikopo, vaimbi, uye vamhanyi semienzaniso.

Chokwadika, mukurumbira wavakakurumbira vazhinjisa unowanzongova zvawo nhema yakaitwa nounyanzvi, zano rakarongwa nokungwarira rakagadzirirwa kuvanza zvikanganiso, kukurudzira rumbidzo uye, kupfuura zvose, kutengesa! Ping, anokorwa mashoko pakuvamba, anobvuma kuti: “Ndakatenga mavhidhiyo ose enyanzvi yangu yebasketball ndokupfeka marudzi embatya neshangu dzake.” Dzimwe pwere dzinopfeka sezvidhori zvadzo zvomuTV kana kuti zvemitambo, dzinogadzira bvudzi radzo sezvidhori zvadzo, uye kunyange kufamba kana kuti kutaura sezvidhori zvadzo.

Mienzaniso—Yakanaka Neyakashata

‘Asi chii chakashata mukuyemura mumwe munhu?’ unobvunza kudaro. Zvinotsamira pakuti ndiani waunoyemura. Bhaibheri rinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Bhaibheri haritikurudziri kuva vatevedzeri vavanhu. (Mateo 23:10) Asi rinotiudza kuva [“vatevedzeri, NW] vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.” (VaHebheru 6:12) Munyori wamashoko iwayo, muapostora Pauro, akagadzira muenzaniso wakaisvonaka vaKristu vapakuvamba. Nokudaro, aigona kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.”—1 VaKorinte 11:1, NW.

Rimwe jaya rainzi Timotio rakaita izvozvo chaizvo. Akatanga ushamwari hwapedyo naPauro panzendo dzavo dzoufundisi pamwe chete. (Mabasa 16:1-4) Pauro akasvika pakurangarira Timotio se“mwana [wake] unodikanwa, wakatendeka munaShe.” (1 VaKorinte 4:17) Nebetsero yaPauro, Timotio akava murume wechiKristu akatanhamara.—VaFiripi 2:19-23.

Chii chinogona kuitika, kunyange zvakadaro, kana ukasarudza muenzaniso usina kururama? Rimwe jaya rinonzi Richard rinorondedzera kuti: “Apo ndakanga ndine makore 15 okukura, mumwe wandaifunda naye kuchikoro anonzi Mario akava shamwari yangu yapamwoyo. Vabereki vangu vaive vaKristu, uye vakaedza kundibetsera mumudzimu. Asi Mario akanga ane varaidzo yose—madisco, mapati, midhudhudhu, uye zvinhu zvakadaro. Aigona kuita zvaaida, paaidira. Kwete ini. Nokudaro apo ndakanga ndava namakore 16, ndakaudza vabereki vangu kuti ndaida kurega kuva muKristu, uye ndakadaro.”

Kune ngozi dzakafanana here mukurangarira vakakurumbira nenyanzvi dzemitambo semienzaniso? Hungu, dziriko. Panguva ino, hapana chakaipa nokuyemura unyanzi hwomumhanyi, mutambi, kana kuti muimbi. Asi zvibvunze kuti, ‘Rudzii rwomuenzaniso rwunogadzwa navanhu ava muupenyu hwavo hwomunhu oga?’ Ko nyanzvi zhinji dzemitambo, vaimbi, uye vamwe vatambi havazivikanwi nokupinda kwavo muutere, kushandisa mirimo, uye zvinwiwa zvinodhaka here? Ko hakusiwo kwechokwadi kuti vakawanda vanorarama upenyu husingafadzi, husingagutsi, pasinei hapo nemari yavo nomukurumbira here? Paunotarira zvinhu nomurangariro uyu, chii chakanaka sezvingabvira chinogona kubva mukutevedzera vakadaro?

Chokwadi, kukopa magadzirirwe ebvudzi omukurumbiri, mbatya, kana kuti mutauro kungaratidzika sechinhu chiduku. Asi kunogona kuva danho rokutanga mukubvumira nyika ku“kumanikidzira muforoma yayo pachayo.” (VaRoma 12:2, Phillips) Foroma iyoyo ingaratidzika seinofadza pakutanga. Asi ukatera zvizere kupesvedzero yayo, inogona kukuumba munzira dzine chokwadi chokukurwisanisa naMwari. “Ushamwari hwenyika hunovengana naMwari,” rinodaro Bhaibheri pana Jakobho 4:4.

Kukubetsera Kunogona Kuita Muenzaniso Wakanaka

Kutevedzera mumwe munhu anogadza muenzaniso wakanaka, zvisinei, kunogona kuva netapuro yakanaka paupenyu hwako! Pakati pavaKristu biyako, unogona kuwana vakawanda vari “[muenzaniso, NW] . . . pashoko, napamufambire, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo.” (1 Timotio 4:12) Chokwadi, unofanira kushandisa ngwariro mukusarudza vasonganiri, kunyange muungano yechiKristu. (2 Timotio 2:20, 21) Asi kazhinji kazhinji hakuna kuoma kuziva kuti ndivanaani muungano vari ku“famba muzvokwadi” zvirokwazvo. (2 Johane 4) Nheyo iri pana VaHebheru 13:7 inoti: “Cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.” Nokuda kwavakawanda zvikurusa vavaenzani vako, kuti mufambiro wavo uchaguma sei kuchazooneka. Asi kune vakura vari muungano vakabvumikisa kutendeka kwavo, uye kuchenjera kusvika pakuvaziva.

‘Svika pakuziva vakura?’ ungabvunza kudaro. Chokwadi, izvi zvingasanzwika sezvinofadza zvikuru pakutanga. Asi yeuka ukama hwakanga huna Timotio neshamwari yake yakakura muapostora Pauro. Pauro akaona kushandisika kwaTimotio ndokumukurudzira ku“kuchidzir[a] chipiwa chaMwari” chakanga chiri maari. (2 Timotio 1:6) Hakungavi kunobetsera here kuva nomumwe munhu anokubetsera nokukukurudzira, mumwe munhu anokukurudzira kuchengeta zvipo zvako zvakapiwa naMwari?

Imwe pwere inonzi Bryan yakawana ikoku kuva kwakadaro. Akanga achirwisana nemirangariro yokunzwa akaderera apo akarovedzana nomubatiri anoshumira akura, asina kuroora muungano. Bryan anoti: “Ndinoyemura kuitira hanya kwake kworudo vamwe, kubatanidza ini; kushingairira kwake ushumiri; uye hurukuro dzake dzakaisvonaka.” Bryan ave kutobetserekana nengwariro yomunhu oga yaakagamuchira kune uyu muKristu akakura. Anobvuma nenzira yakajeka kuti: “Kwakandibetsera kuchinja kubva pane zvandakanga ndiri kare—unhu hwokunyara nohwokusachangamuka.”

Vabereki Semienzaniso

Bhuku rinonzi Adolescence—Generation Under Pressure rinotaura kuti vabereki ndivo “pesvedzero imwe inokosha zvikurusa yokunze mukubetsera kana kuti kupinganidza muyaruki wapaavhareji mukusvika pazivikanwo inogutsa.” Pasina mufungo iwowo wakajeka wenhungamiro nezivikanwo, bhuku racho rinowedzera kudaro, vanhu vaduku “vachava sengarava isina chidzoreso, inochinja nzira nefungu rimwe nerimwe rinopfuura.”

Iri zano rinoratidzira izvo mudzidzi Jakobho akanyora anopfuura makore 1 900 apfuura, sezvakanyorwa pana Jakobho 1:6 kuti: “Ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa mutswa.” Zvimwe unoziva dzimwe pwere dzezera rako dzakaita saizvozvo chaizvo. Dzinoda kuraramira zvinofadza zvanhasi, dzisina mufungo wemangwana.

Wakakomborerwa nokuva navabereki vanotya Mwari vanogadza muenzaniso wakanaka muungano here? Kana zvakadaro, uri kubvuma pesvedzero yavo here? Kana kuti uri kuvarwisa nguva dzose here? Chokwadi, vabereki vako havana kukwana. Asi usafuratire mavara avo akanaka—mavara auchaita zvakanaka kutevedzera. “Ndinoyemura zvikuru vabereki vangu,” anonyora kudaro mumwe muKristu muduku anonzi Jarrod. “Shingairo yavo yokutsungirira muushumiri, nzira yavakatarisana nayo nenhamo dzemari, uye kurudziro yavakandipa kuti ndigoverane muushumiri hwenguva yakazara, zvose zvakava nemugumisiro wakanaka pandiri. Vabereki vangu nguva dzose vakava mienzaniso yangu.”

Muenzaniso Wakanakisisa

Apo sangano rezvokunzvera reGallup rakabvunza dzimwe pwere muUnited States uyo dzaifunga kuti akanga ari munhu mukurusa munhau, dzakawanda dzakasarudza vanhu vezvamatongerwe enyika veAmerica. Vatanhatu muzana bedzi vakasarudza Jesu Kristu. Zvisinei, Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu Kristu akatisiyira “[muenzaniso, NW] kuti [ti]tevere makwara ake.” (1 Petro 2:21; VaHebheru 12:3) Anokurudzira vadzidzi vake kudzidza kwaari. (Mateo 11:28, 29) Asi chaizvo unogona sei kuita izvozvo?

Iva akarovedzana zvikuru noupenyu hwaJesu. Edza kurava nhauro dzeEvhangeri dzose, pamwe chete nebhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama.a Cherekedza nzira iyo Jesu akadzidzisa nayo, nzira yetsitsi yaakabata nayo navanhu, uye kushinga kwaakaratidza mudzvinyiriro. Uchacherekedza kuti Jesu ndiye muenzaniso wakanakisisa chaiwo waunogona kutevera sezvinobvira.

Kana ukarovedzana zvikuru nomuenzaniso wakakwana, uchakweverwa zvishoma kuvaenzani vasina kunaka kana kuti vakakurumbira. Unoyeuka Ping nokuyemura kwake nyanzvi yemitambo here? Ping achiri kufarikanya mutambo webasketball panguva nenguva, asi akasvika pakuona kuti upenzi kuzvienzanisa navakakurumbira.

Uye zvakadiniko naRichard? Chisarudzo chake chomuenzaniso chakatungamirira kukurega kwake kutenda kwechiKristu. Zvisinei, Richard akasvika pakuziva rimwe jaya raiva mumakore aro ama20, rinonzi Simon, rakanga riri mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Simon akashamwaridzana neni,” anodaro Richard, “uye akandibetsera kuti ndione kuti munhu anogona kufarikanya upenyu pasina kubvumiranisa nheyo dzeBhaibheri pane zvisina kufanira. Ndakatanga nokukurumidza kuremekedza Simon, uye muenzaniso wake wakaita basa guru mukudzoka kwangu kuungano ndokutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Ndave kufara zvikuru zvino, uye upenyu hwangu hune revo chaiyoiyo.”

Hungu, chisarudzo chako chemienzaniso chinokosha chaizvoizvo!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kusonganira navakura vakakurumbira kunogona kukubetsera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe