RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 6/8 pp. 15-17
  • Nzara Dzako—Unodzitarisira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzara Dzako—Unodzitarisira Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Magadzirirwe Akaoma Kunzwisisa
  • Kubatsira Kwadzo
  • Kutarisira Zvakanaka Kunoita Kuti Dzisimbe
  • Kutarisira Kukura Kwadzo Nerunako
  • “Kuitira Kuti Pagorega Kuva Nechinhu Chinopambadzwa”
    Mukai!—1992
  • Chinhu Chitsva Pamusangano Wepakati Pevhiki
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 6/8 pp. 15-17

Nzara Dzako—Unodzitarisira Here?

Yakanyorwa nomunyori weMukai! muSweden

KANA mumwe munhu akakumbira kuti, “Ndingaonawo nzara dzako here?” waizoita sei? Waizoratidza nzara dzako dzinochengetwa zvakanaka uchifara, kana kuti waizokurumidza kuviga zvanza zvako seri kwako here? Ungava nechikonzero chakanaka chekuviga nzara dzako. Pamwe hadzingotarisiki zvakanaka, kana kuti zvichida unoruma nzara. Kuziva zvakawanda pamusoro pemagadzirirwe anoshamisa enzara dzedu kuchatibatsira kudzikoshesa zviri nani uye kunogona kutisunda kudzitarisira zvakanaka.

Nzara dzako dzakagadzirwa zvikurukuru nemasero akaomarara akafa ane puroteni yefibre yekeratin. Mwero wekukura kwenzara unosiyana pachigunwe nechigunwe uye pamunhu nemunhu. Nzara dzinokura paavhereji yemwero wemamirimita matatu pamwedzi. Nzara dzinoregwa dzisingachekwi dzingasvika urefu hwakati kuti. Maererano neThe Guinness Book of World Records 1998, mumwe murume weIndia akarega nzara shanu dzechanza chake cheruboshwe dzichikura kusvika kuurefu hwakabatanidzwa hwemasendimita 574. Nzara yechigunwe chake chikuru yaiva nemasendimita 132.

Magadzirirwe Akaoma Kunzwisisa

Pakutarisa kekutanga ungafunga nezvenzara sechidimbu chimwe chete, nzara. Naizvozvo ungashamisika kuziva kuti nzara dzingarangarirwa kuva nemativi makuru anooneka anoverengeka pamwe chete nemamwe ausingagoni kuona. Ngatinyatsotarisai magadzirirwe enzara.

1. Nzara. Ichi ndicho chinhu chakaomarara chatinowanzonongedzera kwachiri senzara. Nzara ine makoko maviri, repamusoro nerepasi. Masero emativi maviri aya akarongwa zvakasiyana uye anokura nokukurumidza zvakasiyana. Pamusoro panotsvedzerera, nepo pasi pane tumitsetse tunowirirana netumihomba turi pakanamira nzara. Tumihomba utwu twakasiyana pamunhu mumwe nemumwe tungashanda semutoo wekuzivikanwa nawo.

2. Lunule. Urwu rutivi runenge hafu yemwedzi rwakaita sekucheneruka rwuri panotangira nzara. Hadzisi nzara dzose dzine lunule inooneka. Nzara inokura ichibva panzvimbo duku ine nyama mhenyu iri panotangira nzara, inonzi matrix. Urwu ndirwo rutivi runokosha zvikurusa rwenzara. Lunule ndipo panoperera matrix yenzara uye, nokudaro, rutivi runooneka rwenzara mhenyu. Nzara yose yasara yakaitwa nemasero akafa.

3. Manail fold, epanotangira nzara neekumativi. Aya anonongedzera kuganda rakatenderedza nzara. Ganda iri rinonzi nail fold nokuti harigumiri panzara asi rinofonyokera pasi ndokuvhara nzara iri kubuda. Mafold eganda aya anodzivirira nekutsigira nzvimbo dzakapoteredza dzenzara.

4. Eponychium. Aka kakanda katete kanoita sekanoguma panotangira nzara. Pane dzimwe nguva, kanonongedzerwa kwakari secuticle.

5. Cuticle. Cuticle chaiyoiyo kanhu kadukuduku kari pasi peeponychium. Igoko risina ruvara rweganda rakafunuka rinonamatira kumashure kwenzara.

6. Chinochekeka chenzara. Rutivi rwenzara runokura kupfuura chigunwe.

7. Hyponychium. Ichiwanika pasi pepanochekeka penzara, nyama iyi inoita chinovhara chisingapindi mvura chinodzivirira pakanamira nzara kuti pasaite hosha.

Kubatsira Kwadzo

Nzara dzedu dzinobatsira munzira dzakawanda, dzakadai sekukwenya. Dzinobatsira pakumenya ranjisi, kusunungura pfundo, kana kuti kushanda netunhu tuduku. Zvakare, nzara dzinotsigira nekudzivirira miromo yezvigunwe inotapurika neisingatani kukuvara.

Chisingafaniri kufuratirwa ndiko kutsvindisa kunoita nzara. Nzara dzedu dzingaratidza tsika dzakanaka—kana kuti dzakaipa—dzerucheno. Dzine rutivi runokosha mumajangariko enguva dzose, uye kana dzikachengetwa zvakanaka, dzinganakisa zvanza zvedu. Tisinadzo, taizoganhurirwa muupenyu hwedu hwezuva nezuva, uye zvanza zvedu zvaizotarisika sezvisina kukwana.

Kutarisira Zvakanaka Kunoita Kuti Dzisimbe

Serutivi rwemuviri wedu unoshamisa, nzara dzedu dzinofanira kutarisirwa zvakanaka. Kana une chirwere chakakomba chenzara, unofanira kuona chiremba wako. Kutaura idi, pamuromo wezvigunwe zvako, ungava nezviratidzo zvehosha yemuviri. Hongu, kunonzi dzimwe hosha dzemuviri dzinogona kuzivikanwa nekutarisa nzara dzako.

Kudya calcium kana kuti mavhitamini emuraudzo kunogona kuita kuti nzara dzako dzisimbe here? Mukupindura mubvunzo uyu, Purofesa Bo Forslind, munzveri panhau yenzara paKarolinska Institute muStockholm, Sweden, akaudza Mukai! kuti: “Hapana ufakazi hunowanika kuti hutsigire murangariro iwoyo. Kuongororwa kweuwandu hwecalcium munzara kunoratidza tushomanene bedzi twayo.”

Chinobatsira zvisina mubvunzo kuchengetedza nzara dzako dzakasimba uye dzakapfava, kunyange zvakadaro, imvura. Sezvambodudzwa, nzara dzine keratin. Tambo idzi dzekeratin dzinoda mvura kuti dzipfave. Purofesa Forslind vanopa muenzaniso: “Kunyange zvazvo chidumbu chenzara yako chingava chakapfava apo unotanga kuchicheka, chidimbu chimwe chetecho chichava chisingatani kutyoka apo chinenge chaoma usiku hwose.” Mwando uchachengeta nzara dzako dzakapfava uye dzakasimba. Asi mwando uyu unobva kupi? Nzara inoratidzika seyakaoma, asi inonwa mvura. Mwando unobva pakanamira nzara unofamba uchikwira nemunzara kuenda pamusoro payo, apo unonopwa. Chii chinogona kuitwa kudzivirira kuoma kwenzara uye kuchengeta nzara dzako dzakasimba? Purofesa Forslind vanoti: “Kuzora mafuta zuva nezuva kuchabatsira.”

Kutarisira Kukura Kwadzo Nerunako

Sezvo nzara ichikura kubva pamatrix, kutarisirwa kwakanaka kwerutivi urwu rwenzara kunokosha. Kunyandura matrix kupfurikidza nekuzora kirimu kana kuti mafuta nguva dzose kunogona kubatsira nzara. Kuwedzera, kuisa donwe remafuta pasi pechinochekeka chenzara kunogonawo kubatsira, sezvo kuchiita kuti nzara irege kuoma.

Marodzere kana kuti machekere aunoita nzara dzako anogona kudziita kuti dzisimbe kana kuti dzisasimbe. Zvinorumbidzwa kuti urodze nzara dzako kubva kurutivi uchienda pakati. Yeuka kuti kurodza makona kusvika apera kuchaita kuti nzara isasimbe. Izvi zvichaita nzara yakatesva, chiri chimiro chisina kusimba pane zvose, sezvo isina kutsigirwa mativi. Nokuda kwenzara dzakasimba pfupi, zvinorumbidzwa kuti urege nzara dzako dzichikura dzakatwasuka kusvika kumirimita imwe nehafu kumativi worodza uchitenderera kutevedzera chimiro chemuromo wechigunwe.

Vamwe vakadzi vangada kuti nzara dzavo dziti rebei zvishoma. Asi herino shoko renyevero. Nzara dzakarebesa dzingakweva ngwariro isiri madikanwa pamwe chete nekukutadzisa kuita basa renguva dzose. Naizvozvo chengeta murangariro wakadzikama weurefu hwenzara dzako. Kana ukadaro, nzara dzako dzichava chinhu chinokosha ndokuita chimiro chakanaka kune vamwe.

Nyanzvi dzinoti, usatombofa wakatobora nzara dzako nechinhu chakatesva. Izvi zvinogona kukuvadza hyponychium, nyama iri pasi pechinochekeka chenzara. Nyama iyi inoita chivharo chakasimba chinodzivirira nzara iri pasi. Kana nzvimbo iyi ikakuvadzwa, nzara ingatobva payakanamira ndokuva nehosha. Kuchenesa pasi penzara, shandisa bhurasho rakapfava zvikurusa.

Nzara dzakasimba uye dzine utano hwakanaka unenge mugumisiro wemavara anogarwa nhaka. Ndosaka vamwe vanhu vane nzara dzakasimba uye dzakapfava, nepo vamwe vane dzakaoma kana kuti dzisingatani kutyoka. Api kana api angava mamiriro enzara dzako, unogona kuvandudza chitarisiko chadzo nekutarisira kune mwero uye kwenguva dzose. Hongu, kunzwisisa magadzirirwe, basa, uye kutarisirwa kwakanaka kwenzara kunokupa zivo. Kushandisa mashoko akadaro nekuchenjera kuchaparira migumisiro yakanaka.

Nzara dzezvigunwe zvirokwazvo rutivi runoshamisa rwemuviri wemunhu. Magadzirirwe nebasa radzo zvinopupurira ndangariro yakachenjera iri seri kwadzo. Mambo Dhavhidhi wenguva dzekare nekuzvininipisa akataura kuyemura kwake Musiki wake, sezvakanyorwa pana Pisarema 139:14 kuti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.”

[Mufananidzo uri papeji 17]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

1. Nzara;

2. “lunule”;

3. Ma“nail fold”, yepakatangira nzara neyekumativi;

4. “eponychium”;

5. “cuticle”;

6. chinochekeka chenzara;

7. “hyponychium”;

8. “matrix”;

9. pakanamira nzara

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe