Zvatinofanira Kuziva Pamusoro Pemagen’a
Wade, aichimbova mutezo wegen’a reCalifornia, akati: “Taingova hedu vakomana vaigara munharaunda imwe cheteyo. Takatanga chikoro chemagiredhi pamwe chete. Hatina kutongoita zvisarudzo zvakarurama.”
MAGEN’A kazhinji kazhinji aingotangawo zvawo semapoka omunharaunda. Vanhu vari mumakore avo ekutanga euduku kana kuti vaduku kuvapfuura vaiungana pakona remugwagwa. Vaiita zvinhu pamwe chete uye ipapo vaibatana kuti vazvidzivirire kuboka rakasimba zvikuru raiva pedyo. Asi nokukurumidza boka ravo rakatanga kunyura kusvika pamwero wemitezo yaro ine masimba masimba zvikurusa, uye rakabatanidzwa mumibato youtsotsi ine ngozi.
Gen’a rinovenga romumwe mugwagwa ringave rakarangarira boka idzva somuvengi waro. Ipapo kushatirwa kwakatungamirira kumasimba masimba. Vanotenga nokutengesa mirimo vaishandisa gen’a racho kutengesa mirimo isingatenderwi. Mimwe mibato youtsotsi yakatevera.
Luis akanga ane makore 11 okukura apo shamwari dzakaumba gen’a. Pamakore 12 akatanga kushandisa mirimo. Pamakore 13 akasungwa kekutanga. Akatora rutivi mukuba motokari, kupaza, uye kuba nezvombo. Uye akapinda nokubuda mumajeri nemhaka yokurwa kwegen’a nekuita zvimurenga.
Tingashamiswa dzimwe nguva neavo vari mumagen’a. Martha, mudzidzi anoyevedza, shasha muchikoro chepamusoro, aiwana magiredhi akanaka uye aizvibata zvakanaka muchikoro. Zvisinei, aiva mutungamiriri wegen’a raitenga nokutengesa marijuana, heroin, uye cocaine. Paisava pashure pokunge mumwe weshamwari dzake apfurwa kanoverengeka ndokuurawa apo akatyiswa zvokuchinja upenyu hwake.
Chikonzero Nei Vachikumbanira Magen’a
Nenzira inoshamisa, mimwe mitezo yegen’a inotaura kuti yakakumbanira kudiwa. Vaitsvaka ushamwari, kuva pedyo kwavasina kuwana pamusha. Pepanhau rinonzi Die Zeit reHamburg, Germany, rakataura kuti mumagen’a emumigwagwa vanhu vaduku vanoedza kutsvaka kuchengeteka kwavasingagoni kuwana kune imwe nzvimbo. Eric, aichimbova mutezo wegen’a, akataura kuti kana ukasawana rudo pamusha, “unoenda kunze uchitsvaka chimwe chinhu chiri nani.”
Mumwe baba, aichimbova mutezo wegen’a, akanyora pamusoro pezvinoitika zveupenyu hwake hwapakuvamba kuti: “Ndakapinda nokubuda mumajeri nokuda kwemufambiro wakaipa, kurwa kwemagen’a, kuita zvimurenga uye pakupedzisira kuedza kuuraya kwokupfura ndiri mumotokari.” Gare gare, apo akava nemwanakomana wake Ramiro, aiva nenguva shomanene yekuva nemukomana wacho. Apo Ramiro akakura, akakumbanirawo gen’a, uye akasungwa nemapurisa pashure pokurwa kwemagen’a. Apo baba vake vakaomerera kuti abude mugen’a racho, akadaidzira kuti: “Ndivo vava mhuri yangu zvino.”
Mumwe mukoti muchipatara cheTexas, uyo akanga ataura nevanyajambwa vokupfura vaduku vane 114 murinoti pfuurei gore zvishoma, akati: “Zvinoshamisa. Handifungi kuti ndati ndambonzwa mumwe wavo achibvunza mai vavo kana kuti mutezo wemhuri upi noupi.”
Sezvinooneka, havasi vana vanobva munzvimbo dzine urombo dzetaundi bedzi vanokumbanira magen’a. Makore anoverengeka apfuura magazini yeCanada Maclean’s yakanokora mashoko mapurisa seaitaura kuti akanga awana vaduku vaibva munharaunda dzose dziri mbiri dzakabudirira zvikurusa nedzine urombo zvikurusa vari mugen’a rimwe chetero. Vaduku ava vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vanobatana pamwe chete nokuda kwechikonzero chakafanana—vanotsvaka pfungwa yokubatana kwemhuri kwavasingawani kumusha.
Mune dzimwe nzvimbo vanhu vaduku vanokura vachirangarira kuva mutezo wegen’a semararamire omuzvarirwo. Fernando ane makore gumi nematanhatu okukura akatsanangura kuti: “Vanofunga kuti kukumbanira gen’a kuchavabatsira kupedza zvinetso zvavo. Vanofunga kuti: ‘Ndichaita shamwari. Vakuru uye vanotakura pfuti. Vachandidzivirira, uye hapana achandikuvadza.’” Asi mitezo mitsva yegen’a inokurumidza kuziva kuti kuva mugen’a kunovaita chipfuro chevavengi vegen’a.
Kazhinji kazhinji magen’a anowanikwa munharaunda mune mari shomanene nepfuti dzakawandisa. Mishumo yenhau inotaura nezvemakirasi emumaguta makuru umo vadzidzi vaviri pavatatu vanogara mumisha ine mubereki asina mukwanyina. Dzimwe nguva, mubereki womudzidzi akapindwa muropa nemirimo uye angasauya kumba usiku, uye mudzidzi anofanira kuendesa mwana wake amene asina baba kunzvimbo inochengetwa vana zuva rose asati aenda kuchikoro mangwanani.
Gavhuna weCalifornia, Pete Wilson, akati: “Tine chinetso chinotyisa nemhaka yokuti vana vakawanda vari kukura vasina baba, vasina muenzaniso womunhurume anovapa rudo, nhungamiro, chirango uye mavara anokosha—pasina kuziva chikonzero nei vachifanira kuzviremekedza kana kuti kuremekedza vamwe.” Akataura kuti kusakwanisa kunzwira vamwe ngoni uku kwevamwe vanhu vaduku ndiko chikonzero nei “vachigona sezviri pachena kudhuura mumwe munhu [kuvapfura nepfuti] vasingamboteti.”
Kunyange zvazvo kushayikwa kwokubatana kwemhuri, kurovedza kwomunhu oga, uye muenzaniso wetsika wakasimba zviri zvikonzero zvikurusa mukukura kwemagen’a, zvimwe zvikonzero zvinobatanidzwawo. Izvi zvinobatanidza zvirongwa zveTV nemabhaisikopo zvinoratidza masimba masimba semhinduro iri nyore yezvinetso, nzanga inowanzoratidza varombo sevakundikani uye inoramba ichivayeuchidza kuti havagoni kuita zvinhu izvo vamwe vanoita, uye nhamba inokura yemhuri dzisina vakwanyina umo mai muduku anoshanda zvakapfuuridza mwero anofanira kutamburira kutsigira mwana mumwe chete kana kuti vanopfuura vasina anotarisira. Mubatanidzwa wezvizhinjisa kana kuti zvose zvezvikonzero izvi, uye zvichida nezvimwewo, watungamirira kukukura kwedenda remagen’a emumigwagwa.
Zvakaoma Kubuda
Chokwadi, pashure penguva yakati mimwe mitezo yegen’a inobva mugen’a rayo, ichizvibatikanisa nemimwe mibato. Mimwe inganogara nehama mune imwe nzvimbo uye nokudaro ichinzvenga upenyu mugen’a. Asi kazhinji kazhinji, kubuda mugen’a hakusi nyore zvakadaro.
Kazhinji kazhinji, mitezo yegen’a inofanira kurohwa zvikuru nemitezo inoverengeka isati yabvumidzwa kusiya gen’a iri mipenyu. Kutaura idi, vanhu vaida kubuda mune mamwe magen’a vaifanira kutambura kupfurwa chaikoiko. Kana vaipukunyuka, vaibvumidzwa kubuda! Zvakafanira kubatwa zvisakafanira zvakadaro kuti ubude mugen’a here?
Mumwe aichimbova mutezo wegen’a akatsanangura chikonzero nei aida kubuda: “Vashanu veshamwari dzangu vakatofa.” Zvirokwazvo, upenyu semutezo wegen’a hunogona kuva hune ngozi zvisingadaviriki. Magazini yeTime yakashuma pamusoro pemumwe aichimbova mutezo wegen’a reChicago kuti: “Mubasa rake remakore manomwe, akapfurwa mudumbu, akarohwa mumusoro nesimbi yeraruwe, akatyorwa ruoko mukurwa uye akapfigirwa mujeri kaviri nekuba motokari . . . Asi zvino nemhaka yokuti haachaiti mabasa outsotsi, kunyange dzaichimbova shamwari dzake dzinoda kumukuvadza.”
Upenyu Huri Nani Hunobvira
Eleno, wekuBrazil, aimbova mutezo weHeadbangers, gen’a rairwa nemapanga uye dzimwe nguva pfuti. Achinzwa seakashayiswa mukana wokuita zvinomubetsera, akawana gutsikano mukupaza zvinhu nokurwisa vanhu. Waaishanda naye akataura naye pamusoro peBhaibheri. Gare gare Eleno akapinda gungano reZvapupu zvaJehovha, uko akasangana nedzaichimbova shamwari dzakanga dzabudawo mugen’a rake pamwe chete newaichimbova mutezo wegen’a raivenga. Vakakwazisana sehama—zvakasiyana kwazvo nezvingadai zvakaitika kare.
Izvi zvinoitika chaizvoizvo here? Zvirokwazvo zvinoitika! Nguva pfupi yapfuura mumiririri weMukai! akagara pasi neyaichimbova mitezo yemagen’a makuru muLos Angeles iyo zvino inobatira neungano dzeZvapupu zvaJehovha. Pashure pemaawa anoverengeka okutaura, mumwe wavo akatura befu, akazendemira shure, ndokuti: “Tarisa! Vaichimbova vaBloods neCrisps vakagara pano vachidanana sehama!” Vakabvuma kuti kuchinja kwavo kubva kumitezo ine utsinye yegen’a kuva varume vemutsa nerudo kwakaparirwa neidi rokuti vakanga vadzidza nheyo dzaMwari kupfurikidza nefundo yokungwarira yeBhaibheri.
Izvi zvingagona kuitika chaizvoizvo muma1990 here? Mitezo yemagen’a inogona chaizvoizvo kuita kuchinja kwakadaro zvino here? Inogona kana ichidisa kunzvera kurudziro ine simba inogoverwa muShoko raMwari ndokuwiriranisa upenyu hwayo nenheyo dzeBhaibheri. Kana kuri kuti uri mutezo wegen’a, wadii kurangarira nezvekuchinja kwakadaro?
Bhaibheri rinotikurudzira kuti ti“bvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kwokunyengera” uye ti“fuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” (VaEfeso 4:22-24) Unhu hutsva ihwohwo hunotangwa sei? “Pakuziva,” Bhaibheri rinodaro, unhu hwomunhu hunogona “kufanana nowakamusika [Mwari].”—VaKorose 3:9-11.
Kuedza kuita kuchinja kwakafanirwa here? Hongu, kwakafanirwa! Kana uri mutezo wegen’a, zvichida uchada kubatsirwa kuti uite kuchinja kwakadaro. Kune vanhu munharaunda yako vachafara kukubatsira. Nepo, vabereki kazhinji kazhinji vanokwanisa kuva netapuro yakanaka zvikurusa pavana vavo. Naizvozvo zvino ticharangarira izvo vabereki vanogona kuita kudzivirira vana vavo kumagen’a.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Yaichimbova mitezo yemagen’a aivengana zvino yakabatanidzwa nechokwadi cheBhaibheri