Kudzivirira Vana Vedu Kumagen’a
“Vana vanoda vanhu vanovaitira hanya.”—Not My Kid—Gang Prevention for Parents.
KUBVA paukama hwedu naMwari, vana vedu vari pakati pepfuma yedu inotevera inokosha zvikurusa. Tinofanira kutaura navo, kuvateerera, kuvambundira, uye kuva nechokwadi chokuti vanoziva kuti vanokosha zvikuru kwatiri. Tinofanira kuvadzidzisa zvinhu zvakanaka—kuva vakatendeseka uye vanobatsira, mawanire oupenyu hwakanaka, uye maratidzire avangaita mutsa kuvamwe.
Mukuru wemusha unochengeterwa vayaruki vane misikanzwa akanongedzera chinetso chikuru nhasi, achiti: “Mavara akanaka haasi kudzidziswa mumhuri nhasi.” Chokwadi tinofanira kupa ngwariro pakuita izvi. Tinofanira kurarama nomutoo watinoda kuti vana vedu vararame nawo ndokuita kuti vaone mufaro wazvinowedzera kuupenyu hwedu. Kana tikasavadzidzisa mavara akanaka, tinogona sei kuvakarira kutevera mavara akadaro?
Today, magazini inobudisirwa vadzidzisi veAmerica, yakataura kuti magen’a kazhinji kazhinji anokwezva pwere dzino“zvirangarira sevakundikani” uye dziri “kutsvaka kuchengeteka, pfungwa yokuva mutezo, uye kugamuchirwa nenzanga.” Kana tikapa chaizvoizvo vana vedu zvinhu izvozvo pamusha—kuchengeteka uye kunzwa kwakasimba kwokubudirira mose muri muviri mumhuri uye muupenyu hwavo vamene—kashoma kuti vachakwezviwa nevimbiso dzenhema dzinoitwa negen’a.
Mutungamiriri wemapurisa weboka rinorwisa magen’a reCalifornia anotaura nezvekuvhunduka kwaanoona pazviso zvevabereki apo mapurisa anogogodza pasuo ravo kuti ataure kuti mwana wavo ari muchinetso. Havadaviri kuti wavaifunga kuti vaiziva zvakanaka kwazvo aigona kuita chimwe chinhu chisina kururama. Asi mwana wavo akanga awana shamwari itsva ndokuchinja. Vabereki vakanga vasina zvavo kutombozvicherechedza.
Kutora Matanho Okudzivirira Kunokosha
Vanhu vanogara munzvimbo dzine magen’a vanotaura kuti vose vari vaviri vanhu vaduku nevakuru vanofanira kuva nouchenjeri hwakanaka ndokurega kudenha kana kuti kutyisidzira gen’a. Dzivisa mapoka makuru emitezo yegen’a, uye usatevedzere chitarisiko nemaitire avo, kubatanidza rudzi neruvara rwezvipfeko zvavo. Kuvatevedzera kungagona kukuita chipfuro chegen’a rinovenga.
Uyewo, kana munhu achipfeka kana kuti kuita seari kuda kuva rutivi rwegen’a, mitezo yaro ingamumanikidza kuva mumwe wavo. Makoshere akaita kuziva murangariro yemitezo yegen’a romunzvimbomo akaenzanisirwa nemumwe baba ane vana vatatu muChicago. Akati: ‘Kana ndikapfeka kepisi yangu yakatarisa kurudyi, vanofunga kuti ndiri kuvashora.’ Uye izvozvo zvinogona kutungamirira kumasimba masimba!
Batanidzwa Nevana Vako
Mumwe mai akataura kuti: “Tinofanira kuziva vana vedu—zvavanorangarira uye zvavanoita. Hatimbokwanisi kuvabatsira kana tikasaratidza kuitira hanya upenyu hwavo kwomunhu oga.” Mumwe akataura kuti chinetso chegen’a hachizombomiri kusvikira vabereki vachimisa. Akawedzera kuti: “Ngativapei rudo. Kana vakarasika, nesu tarasikawo.”
Tinoziva shamwari dzevana vedu, kunoenda vana vedu pashure pechikoro, uye kwavanenge vari manheru kwasviba here? Chokwadika, haasi mai ari wose anogona kuva pamusha apo vana vake vanosvika pamusha vachibva kuchikoro. Asi vanamai vasina vakwanyina vanotamburira noushingi kubhadhara rendi nokudyisa vana vavo vangakwanisa kuronga nevamwe vanamai kana kuti nemumwe munhu wavanovimba naye kuti atarisire vana vavo masikati.
Mumwe murume anogara munzvimbo yakakurumbira magen’a akabvunzwa kuti aizodzivirira sei vana vake kumagen’a. Akataura kuti aizofamba nemwana wake munharaunda yacho kuti amuratidze migumisiro yemubato wemagen’a. Aizonongedzera kumashoko avo akataratadzwa nezvivako zvakakoromorwa ndokumuratidza “kuti nzvimbo yacho hairatidziki kuva yakachengeteka uye kuti mitezo yegen’a yakamira-mira zvayo, isina zvairi kuita noupenyu hwayo.” Akawedzera kuti: “Ipapo ndaizotsanangura kuti kurarama mutsinhirano nenheyo dzeBhaibheri kwaizomudzivirira pakuguma adaro.”
Chinhu chakapfava chakadai sokuitira hanya zvepachokwadi basa rechikoro rinoitirwa kumba revana vedu kunogona kuva dziviriro kwavari. Kana chikoro chavo chine usiku hwevabereki kana kuti imwe nguva apo vabereki vanokokwa kushanyira makirasi nekutaura nevadzidzisi, iva nechokwadi kuti waenda. Ziva vadzidzisi vevana vako, uye ita kuti vazive kuti unoitira hanya vana vako uye kuti unoitira hanya dzidzo yavo. Kana chikoro chisina purogiramu yokushanyira yechikoro, edza kuwana mikana yokutaura nevadzidzisi nezvekufambira mberi kwemwana wako muchikoro uye pamusoro pokuti ungakwanisa sei kubatsira.
Kunzvera mune rimwe guta guru reAmerica kwakaratidza kuti pakati pevadzidzi vane mhuri yakavabatsira kana kuti kuvakurudzira nebasa rechikoro rinoitirwa kumba, zvikamu zvipfumbamwe muzana zvakanga zvakumbanira gen’a. Asi mumhuri musina kupiwa ngwariro yakadaro, vadzidzi vakapetwa kaviri—18 muzana—vakanga vakumbanira gen’a. Kana mhuri yedu ine rudo uye yakabatana uye kana tichiita zvinhu zvakanaka pamwe chete, zvichaderedza kubvira kwekukwezvwa kwevana vedu nevimbiso dzenhema dzemagen’a.
Zvinoda Vana Vedu Chaizvoizvo
Vana vedu vanoda zvinhu zvimwe chetezvo zvatinoda—rudo, mutsa, uye chidakadaka. Vana vakawanda havasati vambobatwa nomutoo wechidakadaka, worudo kana kuti kuudzwa kuti vanokosha chaizvoizvo. Ngazvirege kumbova zvakadaro nevana vedu! Ngativambundire, tivaudze kuti tinovada, uye tiedze kuona kuti vanorarama nenzira yakanaka yatakavadzidzisa kuti vararame nayo. Vanokosha zvikurusa kwatiri kuti tivabate neimwe nzira yakasiyana.
Gerald, aimbova mutezo wegen’a, akatsanangura kuti: “Ndakanga ndisina baba vokutarisa kwavari, nokudaro ndakaenda kumagen’a kuti ndizadze nzvimbo iyoyo muupenyu hwangu.” Akatanga kushandisa mirimo pazera remakore 12. Asi apo akanga ava nemakore 17, mai vake vakatanga fundo yeBhaibheri yapamusha yenguva dzose neZvapupu zvaJehovha. Vakashandisa nheyo dzeBhaibheri dzakaisvonaka muupenyu hwavo. Anotaura kuti: “Ndakaona kuchinja mavari, uye ndakafunga kuti, ‘Panofanira kuva nechimwe chinhu chiripo.’” Muenzaniso wavo wakaisvonaka wakamukurudzira kuchinja upenyu hwake.
Vana vedu vanofanira kuona muenzaniso wakanaka matiri—kuti tinorarama nenzira yatinovaudza kuti vararame nayo. Vanofanira kukwanisa kunzwa zvakanaka nemhuri yavo, kwete nokuda kwezvainazvo, asi nokuda kwezvainoita. Uye vana vanofanira kubatsirwa zvokuti vanonzwa zvakanaka pamusoro pemufambiro wavo pachavo wakanaka. Ira Reiner aichimbova gweta reruwa rweLos Angeles County akataura nenzira iyi: “Tinofanira kuitira hanya vana vasati vapinda mumagen’a.”
Kugovera Zvavanoda
Hazvisi zvinhu zvenyama zvatinogovera vana vedu zviri zvinokosha pakutanga. Chinotema chaizvoizvo ndechokuti tivabatsire kukura kuva vakuru vanoda vanoitira hanya uye vane mipimo yetsika yakaisvonaka. Bhaibheri rinotaura kuti Jakobho akarurama akaidza vaduku vake kuti “vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.” (Genesi 33:5) Kana tikaona vana vedu nenzira iyoyo—sezvipo zvatakapiwa naMwari—tichava vakagadzirira zvikuru kuvabata norudo uye kuvadzidzisa kurarama upenyu hwokutendeseka, hwakarurama, uye hwakanaka.
Nokudaro tichaita zvose zvatinogona kurarama upenyu hwedu pachedu nomutoo wokuti tinogadza muenzaniso wakarurama nokuda kwevana vedu. Tichavapa rudado rwakafanira norwakanaka rwemhuri yavo, kwete muzvinhu zvenyama zvemhuri, asi murudzi rwevanhu rwatiri. Nokudaro, kashoma kuti vachatsvaka tsigiro inobva kuavo vari mumigwagwa.
Achitarira shure kuuduku hwake, mumwe sekuru anoti: “Ndaisamboita chinhu chipi nechipi chinonyadzisa mhuri yangu.” Akabvuma kuti ainzwa nenzira iyoyi nemhaka yokuti aiziva nezverudo urwo vabereki vake vaiva narwo nokuda kwake. Chokwadi, kuratidzira rudo vana vavo kungasava nyore nokuda kwevamwe vanamai navanababa vasina kumbogamuchira rudo kuvabereki vavo pachavo. Zvisinei, vabereki vanofanira kuita nhamburiko dzokuratidza vana vavo rudo.
Nei izvi zvichikosha kwazvo? Nemhaka yeizvo “What’s Up,” imwe magazini inobudiswa neUtah Gang Investigators Association, yakati, “apo pwere dzinonzwa dzichidiwa uye dzakachengeteka—kwete kuchengeteka mune zvemari, asi kuchengeteka mundangariro—zvinodikanwa zvinovasundira mumagen’a zvinonyangarika.”
Vamwe varavi vangafunga kuti mhuri dzine rudo dzakadaro hadzitomboriko. Asi dziriko. Unogona kuwana dzakawanda dzadzo pakati peungano dzeZvapupu zvaJehovha kupote nyika. Chokwadi, mhuri idzi hadzina kukwana, asi dzine betsero huru: Dzinofunda chinotaura Bhaibheri pamusoro pokurera vana uye dzinovavarira kushandisa nheyo dzaMwari dzeBhaibheri mupenyu hwadzo pachadzo. Uyezve, dzinodzidzisa nheyo idzi kuvana vadzo.
Zvapupu zvaJehovha zvinobvumirana nemashoko akabudiswa muThe Journal of the American Medical Association: “Munhu haagoni kukarira kuva . . . nevechiduku ‘Vokungoti kwete’ usingavapi chimwe chinhu chokuti ‘Hungu’ kwachiri.” Nemamwe mashoko, kana tichida kuti vana vedu vati hungu kuzvinhu zvakanaka nezvinobatsira, tinofanira kuvatungamirira ikoko.
Hapana kana nomumwe wedu angatomboda kutaura, sezvakaita mumwe baba kuti: ‘Mwanakomana wangu akawana ushamwari noruremekedzo mugen’a rake zvaakanga asati ambonzwa kare.’ Uyewo hatingamboda kunyange kunzwa vana vedu vachitaura, sezvakaita mumwe munhu muduku kuti: “Ndakakumbanira gen’a nemhaka yokuti ndaida mhuri.”
Isu, vabereki vacho, tinofanira kuva mhuri iyoyo. Uye tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tione kuti vaduku vedu vanokosha vanoramba vari rutivi rwayo rune ushamwari nerune rudo.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10]
Ndaza Yekunzveresa Yevabereki Vanoitira Hanya
✔ Pedza nguva pamusha nevana vako, uye itai zvinhu pamwe chete semhuri
✔ Ziva shamwari dzevana vako nemhuri dzavo, uye nzvera kunoenda vana vako nevavanoenda navo
✔ Ita kuti vana vako vazive kuti vanogona kuuya kwauri panguva ipi neipi nechinetso chipi nechipi
✔ Dzidzisa vana kuremekedza vamwe vanhu, kodzero dzavo, uye pfungwa dzavo
✔ Tsigira vana vako kupfurikidza nokurovedzana nevadzidzisi vavo, uye ita kuti vadzidzisi vazive kuti unovakoshesa nokutsigira nhamburiko dzavo
✔ Usapedze zvinetso nokudaidzira kana kuti kushandisa masimba masimba
Vana vako vanoda chidakadaka chako choushamwari
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kuitira hanya basa rechikoro rinoitirwa kumba remwana wako kunogona kuva dziviriro