RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 5/8 pp. 3-5
  • Denda Racho Rinopararira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Denda Racho Rinopararira
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Denda Rinorwadza Mwoyo
  • Zvatinofanira Kuziva Pamusoro Pemagen’a
    Mukai!—1998
  • Kudzivirira Vana Vedu Kumagen’a
    Mukai!—1998
  • “Ndaizvicherera Guva”
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Kuparwa Kwemhosva Hakuderedzeki Here?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 5/8 pp. 3-5

Denda Racho Rinopararira

Robert muduku akanga ane makore 11 bedzi, asi akawanwa akarara nechiso pasi pebhiriji risingashandiswi. Paiva nemaburi maviri emabara mugotsi rake. Akanga aurawa, zvakadavirwa kuti, nemitezo yegen’a rake pachake repwere.

Alex ane makore gumi nemashanu akatungamirirwa pakuva mutezo wegen’a uye zvichida pakukurumidza kufa. Asi akaona shamwari ichifa, uye akafunga ari oga kuti: ‘Handidi kuguma ndadaro.’

MAGEN’A emumigwagwa ane masimba masimba, akanga akambobatana nemagen’a aizivikanwa zvakapararira zvikuru eLos Angeles ainzi Bloods neCrips, apararira mupasi rose. Asi kupi kana kupi kwaari, magen’a akafanana zvinokatyamadza.

Ma“Teddy Boys” eEngland akavhundutsa nyika muma1950. The Times yeLondon yakataura kuti aishandisa matemo, mapanga, cheni dzebhasikoro, uye zvimwe zvombo “kukuvadza zvakakomba” vanhu vasina mhaka. ‘Kurwa nemapanga kwakatanga, nzvimbo dzokudyira dzakaparadzwa, uye nzvimbo dzokunwira kofi dzakaparadzwa.’ Vanhu vakatambudzwa, vakabirwa, vakarohwa, uye dzimwe nguva vakaurawa.

Die Welt yeHamburg, Germany, yakashuma kuti nguva pfupi zvikuru yapfuura vanhu vaduku “vari munzira kuenda kudhisiko kana kuti vari munzira kuenda kumba” vakarwiswa nemagen’a aishandisa “tsvimbo dzebaseball, mapanga, uye pfuti.” Süddeutsche Zeitung yeMunich yakataura kuti vanosvuura misoro vekuBerlin vanorwisa munhu wese wese “anoratidzika kuva asina simba—vasina misha, vakaremara, vakadzi vakarega basa.”

Munyori weMukai! muSpain akashuma kuti chinetso chemagen’a evechiduku ndechenguva pfupi yapfuura ikoko asi chiri kukura. ABC, pepanhau remuMadrid, raiva nomusoro mukuru waiti “Vanosvuura Misoro—Chiroto chinotyisa Chitsva Chomumigwagwa.” Aichimbosvuura musoro wekuSpain akataura kuti vaitsvaka “mabvakure, pfambi, uye ngochani.” Akawedzera kuti: “Usiku husina masimba masimba [hwakanga] husina maturo.”

MuSouth Africa Cape Times yakataura kuti uzhinji hweutsotsi hwemasimba masimba ikoko “mugumisiro wemuitiro wekurura wemagen’a.” Bhuku rakabudiswa muCape Town rinotaura kuti magen’a omuSouth Africa akava “zvisvetasimba” mumataundishipi ane urombo zvikuru uye kuti aka“bira nokubata chibharo mitezo yawo yenzanga nokubatanidzwa mukurwira nzvimbo, misika, uye vakadzi kwemagen’a.”

O Estado de S. Paulo, pepanhau reBrazil, rakataura kuti magen’a ikoko akanga achi“wanda pamwero unotyisa.” Rakataura kuti airwisa mamwe magen’a evavengi, pwere dzakapfuma, vanhu vorumwe rudzi, uye vashandi vekumwe varombo. Rakataurawo kuti rimwe zuva magen’a anoverengeka akabatana pamwe chete, “akabira vanhu vaiva pamahombekombe egungwa . . . , akarwa pachawo,” ndokuchinja mugwagwa mukuru muRio de Janeiro kuva “nzvimbo yehondo.” Mumwe mushumo wakabva kuBrazil wakataura kuti nhamba yemagen’a iri kuwedzera mose muri muviri mumaguta makuru akadai seSão Paulo neRio de Janeiro nomumataundi maduku.

Magazini yeCanada inonzi Maclean’s yakataura muna 1995 kuti maererano nefungidziro dzemapurisa, kwaiva nemagen’a emumigwagwa anoshanda anenge masere muWinnipeg, Canada. Uye mapepanhau muUnited States akabudisa mifananidzo yemitezo yemagen’a yakaendesa zvipfeko zvemagen’a nemashoko akataratadzwa kunzvimbo dzakatsaurwa dzemaIndia dzokuMaodzanyemba kwakadziva kuMabvazuva kweAmerica.

MuNew York City, masimba masimba emagen’a akawanda akavapo gore rapfuura. Mitezo yeBloods neCrips, magen’a aizivikanwa zvikurukuru pakutanga muLos Angeles, inotaurwa kunzi yakanga yabatanidzwa. Maererano nameya weNew York, pakati paJuly naSeptember, mapurisa akasunga vane 702 muzvinoitika zvakabatanidzwa zvakananga nemagen’a emumigwagwa.

Chinetso chacho hachisisiri chakaganhurirwa kumaguta makuru. QuadCity Times, inobudiswa murutivi rwepakati peUnited States, yakataura nezve“masimba masimba akawedzerwa pakati pevechiduku, kushandiswa kwakapararira kwemirimo nokukura kwepfungwa yokusava netariro.”

Denda Rinorwadza Mwoyo

Rimwe gen’a rinonzi rakatanga seboka reshamwari. Asi sezvo mukurumbira wemutungamiriri waro wakakura, ndozvakaitawo masimba masimba acho. Mutungamiriri wegen’a racho aigara pamba pambuya vake, iyo yakapfurwa yapfurwazve, kunyange apo vakanga varimo. Pepanhau rakashuma kuti mumba macho maiva nemaburi epfuti anopfuura 50. Sezviri pachena kupfura kwakanga kwaitwa mukudzorera zviito zvaipomerwa gen’a romuzukuru wacho. Mukuwedzera, mukoma wemutungamiriri wegen’a akanga ari mujeri nemhaka yechiito chine chekuita negen’a, uye mwana wemukoma wamai vake, uyo akanga atama kuti adzivise masimba masimba uye akanga adzoka pamusha kuzoshanya, akanga apfurwa nomumwe munhu aiva mumotokari yaipfuura.

MuLos Angeles, mitezo yegen’a yakapfura motokari ndokuuraya mwana asina mhaka aiva nemakore matatu ana mai nechikomba vakanga vapinda nemhosho mumugwagwa usiriwo. Bara rakapinda muchikoro ndokupfura mudzidzisi uyo akanga achiedza kubatsira vadzidzi kuti vadzidze kuvandudza upenyu hwavo. Vamwe vakawanda vakaurawawo vakanga vasina chekuita nemagen’a asi vakava vanyajambwa vawo. Vamwe mai vekuBrooklyn, New York, vakazivikanwa munharaunda yavo nokuda kwechinoitika chinosiririsa zvikurusa—kurasikirwa nevatatu vose vevanakomana vavo vaduku nemhaka yemasimba masimba emagen’a.

Chii chakaparira iri denda ramasimba masimba epwere romunyika yose, uye tinogona sei kudzivirira vana vedu vanodiwa kwariri? Magen’a akambotanga sei, uye nei pwere dzakawanda kwazvo dziri kuakumbanira? Mibvunzo iyi inokurukurwa munyaya dzinotevera.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Scott Olson/Sipa Press

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe