Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndaigona Kunge Ndiri Kuita Zviri Nani Muchikoro Here?
“Magiredhi anokosha kwazvo kuvabereki vangu. ‘Wawanei mubvunzo yako yenhamba? Wawanei mupepa rako rechiNgezi?’ Ndinozvivenga!”—Sam ane makore 13.
SAM haasi oga ari muchinetso chake. Zvirokwazvo, vanyori vebhuku rinonzi “Could Do Better” vanonyora kuti: “Hatisati taona mubereki anofunga kuti mwana wake ari kuita zvakanakisisa zvaanokwanisa kuita kuchikoro.” Asi pwere dzakawanda, kufanana naSam, dzinorangarira kuti vabereki vadzo vari kuisa dzvinyiriro yakanyanyisa pavari kuti vavandudze basa ravo rechikoro—zvichida kunyange kutokunda. Vangatarisana nedzvinyiriro yokuwedzera mukirasi. “Vadzidzisi havashiviriri zvakakwana,” anonyunyuta kudaro mumwe wechiduku. “Vanoda kuti uyeuke zvinhu ipapo nokukurumidza uye kana ukasadaro, vanokuita fuza. Naizvozvo handitombobvira ndaedza.”
Vanhu vaduku vanokundikana kuita zvinokarirwa nevabereki nevadzidzisi vanowanzonzi madofo. Uye vanenge vadzidzi vose zvavo vanombova madofo muchikoro pane imwe nguva. Nei? Nenzira inofadza, unyope kana kuti kusakwanisa kudzidza handicho chikonzero nguva dzose.a
Chikonzero Nei Vamwe Vari Madofo
Sezvinobvumwa, pamusoro pebasa rechikoro, pane dzimwe pwere dzinoratidzika sedzinogutsikana nekungoita zvishomanene bedzi. “Kana ndichigona kuita zvishomanene kuti ndipfuurire,” anodaro Herman ane makore 15.” “Ndinoita izvozvo chaizvo.” Zvisinei, kunyange zvakadaro, hadzisi dzose pwere dzisingakendengi pamusoro pokudzidza. Kungava kuti dzinowana chimwe chidzidzo chisinganakidzi bedzi. Ipapo kune vamwe vane chinetso chokusaona kushanda kwezvinhu zvavari kudzidza. Reuben, ane makore 17, akataura nenzira iyi: “Pane zvidzidzo zvandine chokwadi chokuti handimbofa ndakazvishandisa zvakare pashure pokubva pachikoro.” Kusafarira kana kuti kushaya shungu kunogona nyore nyore kutungamirira kuudofo.
Pane zvimwe zvinosakisa. Somuenzaniso, kana mudzidzisi achinyanyokukurumidzira, uchavhiringidzika. Kana achinyanyononoka, uchafinhwa. Dzvinyiriro yevaenzani inogona kutapura magonere ako muchikoro. Bhuku rinonzi Kids Who Underachieve rinotsanangura kuti: “Kana mwana anogona, zvemabhuku achida kugamuchirwa neboka revasingadi zvemabhuku, anganzwa amanikidzwa kuva dofo.” Nokudaro, mumwe wechiduku akanyunyuta kuti apo aishanda nesimba mumakore ake apakuvamba kuchikoro, vamwe vaiita godo uye vaimuseka. Hongu, pwere ingasangana nechokwadi chenheyo iri pana Zvirevo 14:17, NW, inoti: “Munhu ane mano okufunga anovengwa.”
Pane dzimwe nguva, mavambo oudofo akati omei. Nenzira inosuruvarisa, dzimwe pwere dzinokura dzine murangariro wakaipa pamusoro padzo dzimene. Izvi zvinogona kuparirwa nokupiwa kwemwana nguva dzose mazita okunemera, akadai samananaire, fuza, kana kuti zinyope. Nenzira inonzwisa urombo, mazita akadaro anogona kuita kuti pwere ive yakadaro chaizvoizvo. Seizvo mumwe chiremba akataura, “kana ukaudzwa kuti wakapusa ukazvidavira, uchaita saizvozvo.”
Kazhinji kazhinji zvikurusa, kuita kwevabereki nevadzidzisi kune vavariro yakanaka. Kunyange zvakadaro, zvisinei, pwere dzingarangarira kuti zvakawandisa zviri kudikanwa kwadziri. Kana izvozvo zvichiratidzika kuva zvechokwadi kwauri, ziva kuti vabereki nevadzidzisi vako havasi kuedza kuita kuti upenge. Zvichida vari kungoedza kuti uite zvakanakisisa zvaunogona. Kunyange zvakadaro, funganyo yokuedza kuita zviri kukarirwa ingaita kuti unzwe uchida kurega. Asi usarega: Unogona kuita zviri nani muchikoro.
Kuva Neshungu
Danho rokutanga nderokuva neshungu! Kuti uite kudaro, unofanira kuona chinangwa chezvauri kudzidza. Bhaibheri rinoti: “Unorima unofanira kurima netariro; nounopura, achitarira kuti uchagoverwawo.” (1 VaKorinte 9:10) Kuona ukoshi hwo“kurima” mune zvimwe zvidzidzo hakusi nyore nguva dzose. Somuenzaniso, ungati, ‘Ndinoda kuva computer programmer. Naizvozvo nei ndichifanira kudzidza history?’
Sezvinobvumwa, zvaunofanira kudzidza zvingaratidzika kuva zvisingakoshi—pari zvino. Asi edza kuona zvinhu zvomunguva yemberi. Dzidzo yezvakawanda muzvidzidzo zvakasiyana-siyana ichapfumisa nzwisiso yako yenyika yakakupoteredza. Pwere dzakawanda dziri pakati peZvapupu zvaJehovha dzakawana kuti dzidzo yezvinhu zvakawanda yakadzibatsira kuva “zvose kuvanhu vose,” ichidziita kuti dzikwanise kuchinjika mukupa shoko roUmambo kuvanhu vemamiriro ezvinhu oupenyu akasiyana-siyana. (1 VaKorinte 9:22) Kunyange kana chidzidzo chichiratidzika kuva chine ukoshi hunoshanda hushomanene, unobatsirwa nokuchigona. Zvikurukuru, uchawedzera “mano [ako] okufunga,” chimwe chinhu chichakubatsira pakupedzisira.—Zvirevo 1:1-4.
Chikoro chinogona kuburitsa mano akavanzika. Muapostora Pauro akanyorera Timotio kuti: “Ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri.” (2 Timotio 1:6) Timotio sezviri pachena akanga agadzwa kuti aite basa chairo muungano yechiKristu. Asi mano ake aakapiwa naMwari—“chipo” chake—chaifanira kusakurirwa, kutyira kuti zvimwe chaizongogara chakadaro ndokupambadzwa. Chokwadika, mano ako okugona muchikoro haana kubva zvakananga kuna Mwari, sezvakanga zvakaita chipo chaTimotio. Zvisinei, mano aunawo—mungava mukudhirowa, nziyo, nhamba, sayenzi, kana kuti dzimwe nharaunda—anokosha kwauri, uye chikoro chinogona kukubatsira kuziva nokukudziridza mano akadaro.
Miitiro Yakanaka Yokudzidza
Kuti ubatsirwe zvikurusa nechikoro, kunyange zvakadaro, uchada muitiro wokudzidza wakanaka. (Enzanisa naVaFiripi 3:16.) Ronga nguva yakakwana yokufukidza chitsama chakati kuti chezvinhu, asi zvibvumire kumira panhambo nenhambo kuitira kuti ugogona kuzvizorodza. Kana kudzidza kwako kuchibatanidza kurava, tanga kunzvera zvinhu zvacho kuitira kuti ugogona kuwana chiono chakakwana chazvo. Tevere, ita mibvunzo yakavakirwa pamisoro yemaganhuro kana kuti misoro mikuru. Ipapo rava, uchitsvaka mhinduro dzemibvunzo yako sezvaunopfuurira. Pakupedzisira, ona kana uchigona kuziva nemusoro zvawadzidza.
Batanidza zvaunodzidza nezvaunotoziva. Somuenzaniso, kosi yesayenzi inogona kuva hwindo iro “mavara asingaoneki [aMwari] anooneka zvakajeka.” (VaRoma 1:20) History inogona kukubatsira kuzvibvumikisa chokwadi chemashoko okuti: “Ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Sezvaunodzidza, uchaona kuti sezvingabvira kudzidza kunova nyore zvikuru—kunyange kutonakidza zvikuru! Soromoni akati: “Zivo haitani kuwanikwa nevane njere.”—Zvirevo 14:6.
Chengeta Murangariro Wakanaka
Pane dzimwe nguva, kunyange zvakadaro, udofo hunoparirwa neshamwari idzo mumwe anosarudza. Shamwari dzako dzinokurudzira kubudirira, kana kuti idzo pachadzo madofo here? Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Naizvozvo sarudza vasonganiri vako nokuchenjera. Shamwaridzana neavo vane murangariro wakanaka wechikoro. Usazengurire kutaura woga nomudzidzisi wako pamusoro pevavariro yako yokuvandudza magiredhi ako. Pasina mubvunzo mudzidzisi wako achaita nhamburiko yokuwedzera kukubatsira kuita kudaro.
Apo unova nemirangariro yakaipa pamusoro pemano ako, rangarira muenzaniso womuapostora Pauro. Apo vanhu vakatsoropodza mano ake okutaura, akapindura kuti: “Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva.” (2 VaKorinte 10:10; 11:6) Hongu, Pauro akaisa ngwariro pane zvaaigona panzvimbo pezvaaitadza. Ndezvipi zvaunogona? Kana usingagoni kuzviwana, wadii kutaura nemunhu mukuru anotsigira? Shamwari yakadaro inogona kukubatsira kuziva zvaunogona nokuzvishandisa zvakazara.
Kufambira Mberi Pasinei Zvapo Nezvinetso
“Ipa ngwariro yako yose, simba rako rose, kuzvinhu izvi, kuitira kuti kufambira mberi kwako kujeke kuti vose vaone.” (1 Timotio 4:15, Phillips) Sababa vanotaura nomwanakomana wavo, Pauro akakurudzira Timotio uyo akanga achitobudirira kare kuti aite kumwe kufambira mberi muushumiri hwake. Munguva dzeBhaibheri shoko rechiito rechiGiriki rokuti “kufambira mberi” chaizvoizvo raireva “kuvhura nzira uchienda pamberi,” zvichiyeuchidza nezvemunhu ari kuvhura nzira muzvikwenzi. Pane dzimwe nguva kudzidza kuchikoro kungaratidzika sekwakadaro. Asi kudzidza kuchava nyore zvikuru kana ukafunga kuti mubayiro wacho pakupedzisira wakafanira.
Nhamburiko, shungu, uye kudzidza zvinoenderana. Kuenzanisira: Funga nezvemumwe munhu anoridza chiridzwa. Kana achizvifarikanya, anoridza kakawanda. Paanonyanya kuridza, ndipo paanoridza zviri nani, izvo zvinowedzerawo mufaro wake. Kana tikadzidza zvikuru, zvinovawo nyore zvikuru kudzidza zvakatowanda. Naizvozvo usaodzwe mwoyo nebasa rako rechikoro. Isa nhamburiko inodikanwa, songanirana naavo vachakubatsira kubudirira, uye yeuka nokushandisa mashoko aAzaria kuna Mambo Asa wekare: “Maoko enyu ngaarege kushayiwa simba; nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.”—2 Makoronike 15:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Pwere dzisingakwanisi kudzidza dzingatarisana nedenho chaidzo munhau iyi. Nokuda kwemamwe mashoko ona Mukai!, yaJuly 8, 1996, mapeji 28-30.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Usazengurire kutaura nomudzidzisi wako pamusoro pevavariro yako yokuvandudza magiredhi ako
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kunyange kana chidzidzo chichiratidzika kuva chine ukoshi hushomanene hunoshanda, unobatsirwa nekuchigona